Muparidzi
5 Chenjerera tsoka dzako+ pose paunoenda kuimba yaMwari wechokwadi; swedera pedyo kuti unzwe,+ panzvimbo pokupa chibayiro sezvinoita mapenzi,+ nokuti haazivi kuti ari kuita zvakaipa.+
2 Usakurumidza kutaura nomuromo wako; uye mwoyo wako+ ngaurege kuchimbidza kubudisa shoko pamberi paMwari wechokwadi.+ Nokuti Mwari wechokwadi ari kumatenga+ asi iwe uri panyika. Ndokusaka mashoko ako achifanira kuva mashoma.+ 3 Nokuti kurota kunovapo nokuda kwemabasa mazhinji,+ uye kutaura kwebenzi kunovapo nokuda kwemashoko mazhinji.+ 4 Pose paunopika mhiko kuna Mwari, usanonoka kuiripa,+ nokuti haafariri mapenzi.+ Ripa zvaunopika.+ 5 Zviri nani kuti urege kupika+ pane kuti upike asi usingaripi.+ 6 Usabvumira muromo wako kuti utadzise nyama yako,+ uyewo usati pamberi pengirozi+ kwaiva kukanganisa.+ Nei Mwari wechokwadi achifanira kutsamwira inzwi rako oparadza basa remaoko ako?+ 7 Nokuti mabasa mazhinji anoita kuti pave nokurota,+ uye zvinhu zvisina zvazvinobatsira nemashoko mazhinji. Asi itya Mwari wechokwadi.+
8 Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa uye kururamisira+ nokururama zvichibviswa mudunhu nechisimba, usashamiswa nazvo,+ nokuti uya ari pamusorosoro pouya ari pamusoro pevamwe+ akatarira,+ uye pane vaya vari pamusoro pavo.
9 Uyewo, vose vanobatsirwa nezvinowanikwa panyika;+ namambo anotoshandirwawo mumunda.+
10 Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.+
11 Zvinhu zvakanaka pazvinova zvizhinji, vanozvidya vanovawo vazhinji.+ Muridzi wazvo achabatsirwa nei, kunze kwokungozvitarira nemaziso ake?+
12 Hope+ dzomunhu anoshanda dzakanaka, pasinei nokuti anodya zvishoma here kana kuti zvizhinji; asi zvinhu zvizhinji zvomupfumi hazvimubvumiri kurara.
13 Pane dambudziko guru randakaona pasi pezuva: pfuma inochengeterwa muridzi wayo, ichimuunzira dambudziko.+ 14 Pfuma iyoyo yakaparara+ nokuda kwebasa rinotambudza, uye akabereka mwanakomana muruoko rwake musina kana chinhu.+
15 Sokubuda kwakaita munhu mudumbu raamai vake, munhu achaendazve asina kupfeka,+ sokubuda kwaakaita; uye hapana kana chaanogona kutakura+ nokuda kwebasa rake rakaoma, chaangaenda nacho chiri muruoko rwake.
16 Izviwo idambudziko guru: sokungouya kwakaita munhu, ndiwo maendero aachaita; uye zvinobatsirei munhu anoramba achishandira mhepo zvakaoma?+ 17 Uyewo, mazuva ake ose anodyira murima, achitambudzika kwazvo,+ achirwara uye achitsamwa.
18 Tarirai! Chinhu chakanakisisa chandakaona, chakanaka, ndechokuti munhu adye uye anwe, afadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma+ raanoshanda nesimba pasi pezuva, kwemazuva ose oupenyu hwake aakapiwa naMwari wechokwadi, nokuti iwoyo ndiwo mugove wake. 19 Uyewo munhu wose akapiwa pfuma nezvinhu zvenyama naMwari,+ akamupawo simba rokuzvidya+ nokutora mugove wake nokufarira basa rake rakaoma.+ Ichi chipo chaMwari.+ 20 Nokuti haazoyeuki mazuva oupenyu hwake kazhinji, nokuti Mwari wechokwadi ari kumubatikanisa nokufara kwomwoyo wake.+