RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 149
  • Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waibatsirei?
  • Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” unoshanda kuvaKristu here?
  • Zvinhu zvisiri zvechokwadi zvinotaurwa nevanhu nezvemutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso”
  • Mashandiro Anoita Ziso
    Mukai!—2012
  • Chengeta Ziso Rako Rakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokutarisana Navo Zvine Ushamwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kudzokorora Zuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 149
Maziso emunhu

Zvinomborevei Kuti “Ziso Rinotsiviwa Neziso”?

Mhinduro yeBhaibheri

Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waiva pakati pemimwe mitemo yaMwari yakapiwa vaIsraeri naMosesi uye Jesu akatombotaurawo nezvawo muMharidzo Yepagomo. (Mateu 5:38; Eksodho 21:24, 25; Dheuteronomio 19:21) Waireva kuti chirango chaipiwa munhu anenge akanganisa chaifanira kuenderana nemhosva yaakanga apara.a

Mutemo uyu waishanda pazvikanganiso zvaiitirwa mumwe munhu nemaune. Mutemo waMosesi waiti: “Kutyoka kuchatsiviwa nokutyoka, ziso neziso, zino nezino; chero kuremadza kwaangaita munhu, ndiko kwaanofanira kuitirwawo.”​—Revhitiko 24:20.

  • Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waibatsirei?

  • Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” unoshanda kuvaKristu here?

  • Zvinhu zvisiri zvechokwadi zvinotaurwa nevanhu nezvemutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso”

  • Jesu anogadziridza mafungiro asiri iwo

Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waibatsirei?

Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” wakanga usingapi munhu mvumo yekuti atsive ega. Asi, waibatsira vatongi vakanga vagadzwa kuti varange zvakakodzera, vasinganyanyisi uye vasingaregeredzi.

Mutemo wacho waiita kuti munhu asade kukuvadza kana kuronga kukuvadza vamwe nemaune. Mutemo wacho wakatsanangura kuti, “Vaya vanosara [kureva vanhu vaiona Jehovha achiranga vanenge vatadza] vachazvinzwa votya, uye havazomboitizve chero chinhu chipi zvacho chakadai pakati pako.”​—Dheuteronomio 19:20.

Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” unoshanda kuvaKristu here?

Kwete, mutemo uyu haushandi kuvaKristu. Waiva pakati pemitemo yakapiwa naMosesi, yakaguma kushanda nekufa kwakaita Jesu.​—VaRoma 10:4.

Kunyange zvakadaro, mutemo uyu unoita kuti tinzwisise mafungiro aMwari. Semuenzaniso, unoratidza kuti Mwari anoda zvakarurama. (Mapisarema 89:14) Unoratidzawo kuti kutonga kwaMwari kwakarurama pakuti vatadzi vanofanira kurangwa “zvakafanira.”​—Jeremiya 30:11.

Zvinhu zvisiri zvechokwadi zvinotaurwa nevanhu nezvemutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso”

Zvavanofunga: Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waiva neutsinye hwakanyanyisa.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Mutemo waisapa vanhu mvumo yekuti vadzvinyirire anenge atadza. Asi pawaishandiswa zvakanaka, waiita kuti vatongi vainge vakagadzwa vape mutongo nekuda kwemhosva yainge yaparwa, asi vasati vaupa vaitanga vaongorora nyaya yacho uye kuti munhu wacho ainge apara mhosva iyi nemaune here. (Eksodho 21:28-30; Numeri 35:22-25) Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waibatsira kuti vatongi vasaregeredza kana kunyanyisa pakuranga munhu ane mhosva.

Zvavanofunga: Mutemo wekuti “ziso rinotsiviwa neziso” waiita kuti vanhu varambe vachidzorerana chakaipa nechakaipa.

Chokwadi nezvenyaya iyi: Mutemo waMosesi pachawo waiti: “Usatsiva kana kuchengetera vanakomana vevanhu vokwako mafi.” (Revhitiko 19:18) Mutemo uyu waisakurudzira vanhu kudzorera chakaipa nechakaipa asi waivakurudzira kuvimba naMwari uye kuvimba neurongwa hwake hwekuranga vanenge vatadza.​—Dheuteronomio 32:35.

Jesu anogadziridza mafungiro asiri iwo

Jesu aiziva kuti vamwe vaitsanangura zvisiri izvo mutemo ‘wekutsiva ziso neziso.’ Akavaruramisa paakati: “Makanzwa kuti zvakanzi, ‘Ziso rinotsiviwa neziso uye zino nezino.’ Zvisinei, ini ndinoti kwamuri: Musadzivisa munhu akaipa; asi munhu wose anokurova nembama padama rako rokurudyi, umupewo rimwe racho.”​—Mateu 5:38, 39.

Jesu akati, “Makanzwa kuti zvakanzi.” Akanga ari kutaura nezvevamwe vatungamiriri vechitendero vechiJudha vaidzidzisa kuti munhu anofanira kutsiva kana atadzirwa. Nyanzvi yeBhaibheri inonzi Adam Clarke yakati: “Zvinoita sekuti vaJudha vakanga vaita kuti mutemo uyu [wekuti ziso rinofanira kutsiviwa neziso] ushandiswe pakubvumira kuti vanhu vachengeterane chigumbu, asi zvisingazivikanwi nevamwe, uye kuti munhu anenge atadzirwa atsive zvakapfurikidza zvaanenge atadzirwa.” Saka vatungamiriri ava vechitendero vaishandisa zvisiri izvo Mutemo waMwari pakuti vaikurudzira vanhu kuti vaitire utsinye vanenge vavatadzira.​—Mako 7:13.

Asi Jesu akasimbisa kuti rudo ndicho chinhu chikuru paMutemo waMwari. Akati: “‘Ida Jehovha Mwari wako . . .’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Mutemo wose, uye Zvakanyorwa nevaprofita zvakavakirwa pamirayiro iyi miviri.” (Mateu 22:37-40) Jesu akadzidzisa kuti rudo ndirwo rwaizoratidza kuti vateveri vake vechokwadi ndevapi, kwete kutsiva.​—Johani 13:34, 35.

a Mamwe marudzi airarama kare ikako aigadza mimwe mitemo kubva pamutemo uyu, uyo unonzi lex talionis muchiLatin.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe