RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 148
  • Jesu Akaputirwa Nejira Riri kuTurin Here Paakavigwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Akaputirwa Nejira Riri kuTurin Here Paakavigwa?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Jira iri rinofanira kuremekedzwa here?
  • Zvatingaita Takamirira Rumuko
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2022
  • Kuzvipira Kuzvisaririra Kunofadza Mwari Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Nei Tichichembera Uye Tichifa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Muvengi Wokupedzisira, Rufu, Achaparadzwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 148
Kugadzirira kuputira mutumbi waJesu

Jesu Akaputirwa Nejira Riri kuTurin Here Paakavigwa?

Mhinduro yeBhaibheri

Jira rekuTurin haritaurwi nezvaro muBhaibheri. Ijira rinofungidzirwa nevakawanda kuti ndiro rakamonererwa Jesu Kristu paakavigwa. Izvi ndizvo zvinoita kuti vanhu vemumachechi anozviti ndeechiKristu varikoshese chaizvo. Jira iri riri mune imwe chechi iri kuTurin, Italy uye rakachengetedzwa zvakasimba kuti risabiwa.

Nhoroondo yeBhaibheri inotsigira here kuti kwaiva nejira iri? Aiwa.

Inzwa zvinhu zvitatu zvinoita kuti jira iri risiyane nezvinotaurwa neBhaibheri.

  1. Jira rekuTurin rakareba 442 cm uye rakafara 113 cm uye rine musono wakaiswa kumupendero wakareba 8 cm.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: Mutumbi waJesu hauna kuputirwa mujira rimwe chete, asi mumachira akawanda. Musoro wake wakaputirwa nerimwewo jira. Jesu paakamutswa, mumwe wevaapostora akauya muguva makanga musisina munhu “akaona machira aakanga akamonerwa nawo ari pasi.” Bhaibheri rinowedzera kuti: ‘Jira duku rakanga riri mumusoro make risiri pamwe chete nemachira aakanga akamonerwa asi rakapetwa riri roga panzvimbo imwe.’ ​—Johani 20:6, 7.

  2. Jira rekuTurin rine mavara mavara anofungidzirwa kuva ropa remutumbi wakanga usina kugezwa.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: Jesu paakafa, vadzidzi vake vakagadzira mutumbi wake “setsika yevaJudha yokugadzirira kuviga.” (Johani 19:39-42) Tsika iyi yaisanganisira kugeza chitunha uye kuchizora mafuta nezvinonhuwira chisati chavigwa. (Mateu 26:12; Mabasa 9:37) Saka vadzidzi vaJesu vanofanira kunge vakageza mutumbi wake vasati vauputira nemachira.

  3. Jira rekuTurin rine mufananidzo wemunhu “akadhirowewa pahafu yejira racho uye imwe hafu yakapetwa kuti ivhare kumberi kwemuviri wacho wese,” inodaro Encyclopædia Britannica.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: Vadzidzi vaJesu vakataura nezvekufa kwake, guva rake rakawanikwa risina munhu uye zvakataurwa nemadzimai maviri akaona ‘kuratidzwa kwengirozi kunoshamisa kwazvo, idzo dzakati mupenyu.’ (Ruka 24:15-24) Dai jira iri raiva muguva raJesu, vadzidzi vake vangadai vakataura nezvaro uye nezvemifananidzo yaraiva naro. Bhaibheri haritauri izvozvo.

Jira iri rinofanira kuremekedzwa here?

Kwete. Kunyange kudai rakaputirwa mutumbi waJesu zvechokwadi, kuriremekedza hakuna kururama. Funga nezvezvikonzero zvemuBhaibheri zvinoratidza kuti nei risingafaniri kuremekedzwa.

  1. Hazvikoshi. Jesu akatsanangura kuti: “Mwari [Mweya], uye vanomunamata vanofanira kunamata [nemweya] nechokwadi.” (Johani 4:24) Kunamata kwechokwadi hakusanganisiri kushandiswa kwezvidhori kana zvimwe zvinhu.

  2. Zvinorambidzwa. Mitemo ine gumi inorambidza kunamata zvidhori. (Dheuteronomio 5:6-10) Saka Bhaibheri rinoti kuvaKristu: “Zvichenjererei pazvidhori.” (1 Johani 5:21) Vamwe vanogona kuita nharo vachiti jira iri hachisi chidhori asi kuti ringoriwo chiratidzo chechitendero chavo. Chinhu chinonzi chava chidhori kana munhu ava kuchiremekedza kana kuchinamata. a Saka munhu anoda kufadza Mwari haaremekedzi kana kunamata chimwe chinhu, kusanganisira jira iri rekuTurin.

VeSainzi vanoongorora Jira rekuTurin

Kubvira pakupera kwemakore ekuma1800, vesainzi vanga vari kutsvakurudza kuti vaone kuti zvinotaurwa nevanhu nezvejira iri ndezvechokwadi here. Zvimwe zvavakawana hazvina zvazvakanyatsobudisa. Asi muna 1998, Vatican yakaendesa zvidimbu zvakabva pajira iri kuvaongorori vanogara munyika nhatu. Pavakaongorora jira racho vachishandisa radiocarbon dating inoratidza kuti chinhu ndechegore ripi, jira rekuTurin rakaonekwa kuti nderemakore ekuma1200 kana kuti 1300.

a Chidhori mufananidzo kana chiratidzo chinoremekedzwa kana kunamatwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe