RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w26 July pp. 8-13
  • Nyaradzwa Nemashoko Ari Mubhuku raIsaya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyaradzwa Nemashoko Ari Mubhuku raIsaya
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVINHU PAZVINONGOEREKANA ZVATICHINJIRA
  • PATINORAMBA TICHIZVIPA MHOSVA
  • PATINOFIRWA
  • Jehovha “Anoporesa Vakaora Mwoyo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Hatisi Tega
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Nyatsobvuma Kuti Jehovha Akakuregerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
w26 July pp. 8-13

SEPTEMBER 14-20, 2026

RWIYO 41 Inzwaiwo Munyengetero Wangu

Nyaradzwa Nemashoko Ari Mubhuku raIsaya

“Zvanzi naJehovha: . . . ‘Saamai vanonyaradza mwanakomana wavo, ndicharambawo ndichikunyaradzai.’”—ISA. 66:​12, 13.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti kufungisisa mashoko ari mubhuku raIsaya kunotibatsira sei patinenge takasuwa kana kuti takaora mwoyo.

1-2. Jehovha anotibatsira sei patinenge takasuwa?

CHIMBOFUNGIDZIRA mwana ari kuchema zvisingaiti. Pamwe ari kuchema nekuti vava kutama. Saka ari kurwadziwa nekuti ava kusiya shamwari dzake. Pamwe anogona kunge ari kurwadziwa nekuti ane chimwe chinhu chaakanganisa. Panoitika zvinhu zvakadaro, amai vanoda mwana wavo vanoita sei? Vanogona kumumbundira, vonyatsoteerera zvaanenge achitaura uye vomunyaradza vachimuudza kuti vanomuda.

2 MuBhaibheri, Jehovha anozvifananidza naamai vane rudo vanonyaradza mwana wavo. Anoti: “Saamai vanonyaradza mwanakomana wavo, ndicharambawo ndichikunyaradzai.” (Isa. 66:13) Jehovha anotida zvisingaiti, kutopfuura zvingaitwa nemubereki kumwana wake. (Isa. 49:15) Anoshandisa Shoko rake Bhaibheri kutinyaradza uye kutisimbisa patinenge takaora mwoyo kana kuti tiri mumatambudziko.—VaR. 15:4.

3. Tichakurukurei munyaya ino?

3 Bhuku raIsaya rine zvinhu zvakawanda zvakataurwa naJehovha zvinogona kutinyaradza. (Isa. 40:1) Baba vedu vane rudo vakaita kuti bhuku iri rinyorwe kuti vanyaradze vaJudha zvinhu pazvakanga zvakavaomera. Isuwo tiri ‘munguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri’ saka tinotodawo kunyaradzwa. (2 Tim. 3:1) Ngatichimbokurukurai mamwe mavhesi ari mubhuku raIsaya anogona kutinyaradza uye kutisimbisa kana (1) tikangoerekana tachinjirwa nezvinhu muupenyu, (2) tiri kuramba tichizvipa mhosva nemhaka yekukanganisa kwatakaita kana kuti (3) patinenge tafirwa.

ZVINHU PAZVINONGOEREKANA ZVATICHINJIRA

4. Tinogona kutanga kunzwa sei kana zvinhu zvikangoerekana zvatichinjira muupenyu?

4 Zvinhu zvinogona kungoerekana zvatichinjira muupenyu. (Mup. 9:11; 1 VaK. 7:31) Tinogona kungoerekana tatanga kurwara, taomerwa nezvinhu muupenyu, zvinhu zvisisina kugadzikana panyaya dzezvematongerwo enyika, kana kuti tinogona kuchinjwa basa ratinoita musangano raJehovha. Zvinhu zvakadaro pazvinoitika, tinogona kunetseka kana kutovhiringika. Tinogona kutanga kufunga kuti: ‘Zvino ndotangira papi?’ Imwe hama inonzi Joseph yakanga yava kutoda kusvitsa makore 17 ichishanda paBheteri, ichibva yazonzi inoshandira kundima. Joseph anoti: “Ndakanga ndava nemakore akawanda ndichirarama upenyu hwepaBheteri. Saka zvakanga zvakandiomera chaizvo kunotanga humwe upenyu. Ndakanga ndisingazivi kuti ndotangira papi.” Jehovha anogona kutinyaradza sei achishandisa bhuku raIsaya zvinhu pazvinongoerekana zvatichinjira muupenyu?

5. Pana Isaya 42:​16, Jehovha anotivimbisei? (Onawo mufananidzo.)

5 Verenga Isaya 42:16. Pavhesi iyi, Jehovha anovimbisa kuti aizotungamirira vaya vakaita semapofu pavaizofamba munzira dzavasingazivi uye kuti aizochinja rima kuti rive chiedza. Kana zvinhu zvikaerekana zvatichinjira muupenyu, tinogona kuona sekuti ramangwana redu harisisina kujeka. Tinogona kunzwa sekunge kuti tava “mapofu,” tiri kufamba ‘mumakwara atisingazivi,’ ‘murima’ kana kuti ‘panzvimbo isina kuenzana.’ Tinogona kunzwa sekuti tiri kufamba musango rekuti tinenge tisingaoni kuti nzira yacho yakananga nekupi. Asi Jehovha anotivimbisa kuti pasinei nemamiriro anenge akaita zvinhu muupenyu hwedu, achatitungamirira uye haazombotisiyi. Achatibata ruoko rwedu pakunenge kuine rima, otivhenekera nzira yedu uye oita kuti iti sandara zvekuti inova nyore kufamba. Anozviita sei izvozvo? Anotipa mazano achishandisa Shoko rake uye sangano rake. (Pis. 119:105; Isa. 30:21) Anoshandisawo hama dzedu dzatinonamata nadzo kuti dzitibatsire nezvatinenge tichida. Kunyange kana tisingazivi kuti zvinhu zvichatifambira sei, tinonyatsoziva kuti Jehovha achagara achitibatsira nekuti anotida uye anonyatsonzwisisa manzwiro atinenge tichiita.—Isa. 41:10; 1 Pet. 5:​6, 7.

Mifananidzo: Murume nemudzimai vari kubatsirwa nevimbiso yaMwari iri pana Isaya 42:​16 yekuti: ‘Mumakwara ausingazivi handizokusiyi.’ 1. Vachirongedza zvinhu zvavo kuti vatame. 2. Vachigamuchirwa zvakanaka neungano yavava kupinda nayo.

Kunyange kana zvinhu zvikangoerekana zvakuchinjira muupenyu, Jehovha haazombokusiyi (Ona ndima 5)b


6. Kana zvinhu zvikaerekana zvatichinjira muupenyu, tinofanira kuyeukei?

6 Joseph, ambotaurwa nezvake akataura kuti iye nemudzimai wake vakabatsirwa sei naJehovha pavakabva paBheteri. Akati: “Takanyatsoona Jehovha achitibatsira zvinhu pazvakachinja muupenyu hwedu. Akatibatsira achishandisa hama nehanzvadzi dzedu. Akaita kuti tive nezvese zvataida pakurarama uyewo aitinyaradza panguva chaiyo yataida kunyaradzwa. Nanhasi ndizvo zvaachiri kungoita.” Kana zvinhu zvikaerekana zvakuchinjira muupenyu, ziva kuti Jehovha achakupa simba raunoda kuti utsungirire uye achakutungamirira pasinei nekuti zvinhu zvakakuomera sei. (Isa. 54:10; 58:11) Joseph anoenderera mberi achiti: “Ndinofarira mashoko ari mune rumwe rwiyo rwedu ekuti, ‘Mangwana kunei, handizivi, asi Mwari haambondisiyi.’a Saka kunyange zvinhu zvikasafamba sezvatinenge takaronga, chatinongoziva ndechekuti: Jehovha haazombofa akatisiya.”

PATINORAMBA TICHIZVIPA MHOSVA

7. Vamwe vanhu vakaita zvivi zvakakura vanoomerwa nei?

7 Kana tikareurura chivi chakakura chatinenge takaita, vakuru vanotibatsira nekuti vanotida uye tinobva taita zvese zvatinogona kuti tisadzokorora chivi ichocho. (Zvir. 28:13; Jak. 5:​14-16; 1 Joh. 1:9) Asi kunyange kana tanzwirwa ngoni, tinogona kuramba tichingozvipa mhosva nezvechivi chatakaita. Tinogona kufunga kuti, ‘Jehovha haangambofi akandiregerera nemhaka yezvandakaita.’ (2 VaK. 2:7) Izvozvo zvinonzwisisika nekuti hazvisi nyore kuti tikanganwe zvivi zvatakaita kare uyewo tinogona kutoita nguva yakareba tichingonetseka. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Mumapfupa angu hamuna rugare nemhaka yechivi changu.” Akazotiwo: “Handichazivi zvekuita uye ndapwanyika zvachose.” (Pis. 38:​3, 8) Kana dzimwe nguva uchimbonzwa saizvozvo nemhaka yezvivi zvawakaita kare, bhuku raIsaya rinogona kukunyaradza.

8-9. Maererano naIsaya 1:​18, Jehovha anoti anotiregerera zvakadini?

8 Verenga Isaya 1:18. Jehovha anoshandisa mufananidzo unotibatsira kunzwisisa kuti kana aregerera munhu, anenge anyatsomuregerera zvachose. Anotaura kuti kunyange kana zvivi zvedu “zvakatsvuka kuti piriviri,” achaita kuti ‘zvichene sechando.’ Kana mucheka uine ruvara rwakatsvuka kuti piriviri haucheneruki nyore nyore. Asi Jehovha anotivimbisa kuti kunyange kana zvivi zvedu zvakaita semucheka wakatsvuka kuti piriviri, kana akatiregerera zvinoita sekuti mucheka wacho wacheneswa sechando. Izvi zvinongoratidza kuti kana Jehovha atiregerera zvivi zvedu, anenge atotiregerera zvachose.

9 Chimbofunga nezvaMambo Dhavhidhi. Kunyange zvazvo akaita upombwe uye akauraya munhu, Jehovha akamuregerera uye akatozotaura nezvaDhavhidhi achiti aiva murume akanga akaperera kwaari. (2 Sam. 11:​3, 4, 14, 15; 12:13; 1 Madz. 9:​4, 5) Jehovha paaifunga nezvaDhavhidhi, aiyeuka kuvimbika kwaakanga akaita kwete zvivi zvaakaita. Isuwo kana tikapfidza zvivi zvedu, Jehovha anotiregerera otibatsira kuti tienderere mberi neupenyu tisingazvipi mhosva. Ndezvipi zvimwe zvinotaurwa mubhuku raIsaya zvinogona kutibatsira kana tikaramba tichizvipa mhosva nenyaya yezvivi zvatakaita?

10. Mashoko api anonyaradza atinoudzwa naJehovha pana Isaya 38:17?

10 Verenga Isaya 38:17 uye mashoko emuzasi. Mashoko ekuti “makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu” anogonawo kushandurwa achinzi “makabvisa zvivi zvangu zvese pamberi penyu.” Pavhesi iyi, zvinoita sekuti Jehovha anotora zvivi zvemutadzi anenge apfidza ozvikandira kumashure kwake kwaasingazombozvioni kana kufunga nezvazvo. Rimwe bhuku rinotaura pfungwa iyi richiti: “Makaita kuti [zvivi zvangu] zviite sekuti hazvina kumbobvira zvaitika.” Saka kana Jehovha aregerera zvivi zvedu, kwaari zvinoita sekuti hatina kutombobvira tatadza. Haazombotirangiri zvakare zvivi izvozvo nekuti anenge asisazviyeuki. Anotovimbisa kuti: “Handizoyeuki zvivi zvako.” (Isa. 43:25) Izvozvo zvinotinyaradza chaizvo. Kana Jehovha, Mutongi wedu Mukuru, achiregerera zvivi zvedu zvekuti haazombotirangiri zvivi izvozvo, hatifaniri hedu kuramba tichizvipa mhosva nemhaka yezvivi zvatakaita kare.

Usarega zvinhu zvawakakanganisa kare zvichikutadzisa kufara iye zvino

11. Pasinei nezvatakaita kare, Jehovha anoisa pfungwa pachii? (Onawo mufananidzo.)

11 Pese patinotanga kuzvipa mhosva nemhaka yezvivi zvatakaita kare, tinofanira kuyeuka zvinhu zvatinovimbiswa naJehovha. Kana Jehovha atiregerera, anotiregerera zvachose. Haanyari nesu nemhaka yezvinhu zvatakakanganisa kare. Akasiyana nesu vanhu vanochengeta chigumbu. (Isa. 57:16) Jehovha haaisi pfungwa pazvinhu zvatakakanganisa kare asi anodziisa pane zvatiri kuita iye zvino uye zvatiri kuvavarira kuzoita mune ramangwana. (Isa. 55:7) Mwari wedu Jehovha anotida chaizvo uye anoda kutiregerera patinokanganisa. Saka ngatisamborega zvinhu zvatakakanganisa kare zvichititadzisa kufara iye zvino kana kutitadzisa kushumira Jehovha, totadza kuwana makomborero ari kumberi.

Mifananidzo: Hama iri kubatsirwa nevimbiso yaMwari iri pana Isaya 38:​17 yekuti: “Makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu.” 1. Ichinetseka pairi kufunga zvayakambokanganisa. 2. Papera nguva uye ichifara pairi kutopindurawo paChikoro Chebasa Reupiyona.

Jehovha haarambi akangoisa pfungwa pane zvinhu zvatakakanganisa kare (Ona ndima 11)c


PATINOFIRWA

12. Tinogona kunzwa sei kana tikafirwa?

12 Patinofirwa, tinorwadziwa zvisingaiti uye marwadzo acho anogona kuita nguva refu aripo. Panguva dzakadaro, tinogona kunetseka kuti nei Jehovha akarega hama kana shamwari yedu ichifa. Vabereki veimwe hama inonzi Michael vakatsvira mumba vachibva vafa. Michael anoti: “Zvakandirwadza zvisingaiti uye ndakagumbukira Jehovha nekuti akavarega vachifa. Ndinoziva hangu kuti haasiriye akakonzera rufu irworwo, asi haanawo kuvadzivirira kuti vasafa.” Pamwe iwewe wakambonzwawo saizvozvo. Paunenge uchirwadziwa, itariro ipi yaunopiwa naJehovha inogona kukunyaradza?

13. Pana Isaya 25:​8, Jehovha anotivimbisei?

13 Verenga Isaya 25:8. Jehovha anovimbisa kuti “achaparadza rufu zvachose.” Chimbofungidzira kuti upenyu hunenge hwakaita sei kana kusisina rufu. Hauzombofi wakava nemarwadzo anokonzerwa nekufirwa. (Isa. 35:10) Hauzombofi wakava nemarwadzo anokonzerwa nekuona pakavigwa hama yako. Asi uchange wava nemukana wekurarama nekusingaperi nehama neshamwari dzako muine utano hwakanaka. Vimbiso iyi haisi yekungobatana kumeso. Ichatozadziswa nekuti Mwari pachake ndiye ari kuivimbisa uye ndiye ega anokwanisa kuizadzisa.—Zvak. 21:​4, 5.

14. Unonzwa sei paunofunga nezvevimbiso yekuti vakafa vachamutswa? (Isaya 26:19) (Onawo mufananidzo.)

14 Verenga Isaya 26:19. Jehovha haasi kuzongogumira pakubvisa rufu chete, asi achatomutsawo hama neshamwari dzedu dzakafa. Achitaura nezvevanhu ivavo vakafa, Jehovha anoti: “Zvitunha zvangu zvichamuka.” Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anovaona sevanhu vake uye achiri kuvayeuka. Panguva yake yakakodzera, achavamutsa. Kungofanana nedova remangwanani iro rinoita kuti zvinhu zvinomera zvinenge zvasvava zvimuke, Jehovha, Mwari anopa upenyu, achamutsa hama neshamwari dzedu dzakarara murufu. Tichafara zvisingaiti patichaonana nadzo.—Enzanisa naMako 5:42.

Mifananidzo: Hanzvadzi iri kubatsirwa nevimbiso yaMwari iri pana Isaya 26:​19 yekuti: “Vakafa venyu vachararama.” 1. Amai vakagara vari vega mumba mairara mwanasikana wavo akashaya. Vari kushungurudzika vakabata pikicha yemwana wacho. 2. Vachifara pavari kumbundirana nemwanasikana wavo amutswa.

Vimbiso yekuti tichaonana zvakare nehama neshamwari dzedu dzakafa ichatozadziswa (Ona ndima 14)


15. Vimbiso yekuti vakafa vachamutswa inotibatsira sei patinofirwa?

15 Kunyange zvazvo tichiziva kuti Mwari anovimbisa kuti achamutsa vakafa, patinofirwa tinongorwadziwa. Asi tinoziva kuti Jehovha haana kukanganwa hama neshamwari dzedu dzakafa. Saka izvozvo zvinotinyaradza chaizvo. Izvozvo ndizvo zvakanyaradza Michael, watambotaura nezvake. Akati: “Isaya 26:19 yakandibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anoda chaizvo vabereki vangu. Achiri kuvayeuka uye acharamba achivayeuka kusvikira paachavamutsa panguva yake yakakodzera. Izvozvo zvinondinyaradza uye zvinondisimbisa.” Dai isuwo tikanyaradzwa nevimbiso yekuti tichaonana nehama neshamwari dzedu dzakafa. Izvozvo zvinogona kutinyaradza paya patinenge tichirwadziwa.

16. Ndeipi vhesi inonyanya kukunyaradza paunenge wakaomerwa?

16 Takurukura mavhesi mashoma ari mubhuku raIsaya anogona kutinyaradza patinongoerekana tachinjirwa nezvinhu muupenyu, patinenge tichizvipa mhosva nemhaka yekukanganisa kwatakamboita kare uyewo patinofirwa. Tinotenda chaizvo kuti Jehovha anotinyaradza achishandisa Shoko rake. (Pis. 94:19) Pane here vhesi inokunyaradza chaizvo paunenge uchinetseka? Edza kuibata nemusoro, inyore pasi, kana kuiisa pekuti unogara uchiiona. Dai ukanyaradzwa nemashoko anobva kuna Jehovha, Baba vedu vekudenga vane rudo.

MAVHESI ANOTEVERA ANOKUNYARADZA SEI?

  • Isaya 42:16.

  • Isaya 1:18; 38:17.

  • Isaya 25:8; 26:19.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

a Mashoko aya ari murwiyo runonzi “Jehovha Aneni.”

b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Murume nemudzimai vakabva paBheteri vari kugamuchirwa zvakanaka muungano yavava kupinda nayo.

c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pane kuti irambe ichingofunga zvayakakanganisa kare, hama iri kuisa pfungwa pane zvairi kuita iye zvino uye iri kutonakidzwa nekupinda Chikoro Chebasa Reupiyona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe