RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 August pp. 14-19
  • Nyatsobvuma Kuti Jehovha Akakuregerera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyatsobvuma Kuti Jehovha Akakuregerera
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI ZVICHIKOSHA KUTI TINYATSOBVUMA KUTI JEHOVHA AKATIREGERERA?
  • ZVII ZVICHATIBATSIRA KUTI TINYATSOVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA AKATIREGERERA?
  • USAKANGANWA ZVINOYEUKWA NAJEHOVHA
  • RAMBA UINE CHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ANOKUDA UYE ANOKUREGERERA
  • Unobatsirwa Sei Nekuregererwa Kwatinoitwa naJehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Jehovha, Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Jehovha Anokanganwira Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 August pp. 14-19

NYAYA YEKUDZIDZA 34

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

Nyatsobvuma Kuti Jehovha Akakuregerera

“Makaregerera kukanganisa kwangu uye zvivi zvangu.”—PIS. 32:5.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza kuti nei tichifanira kunyatsobvuma kuti Jehovha akatiregerera uye tichakurukurawo mavhesi eBhaibheri anotibatsira kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotiregerera kana tikapfidza zvivi zvedu.

1-2. Jehovha anoita sei kana tikapfidza zvivi zvedu, uye izvozvo zvinoita kuti tinzwe sei? (Onawo mufananidzo.)

MAMBO Dhavhidhi ainetseka chaizvo nemhaka yezvinhu zvakaipa zvaakanga aita. (Pis. 40:12; 51:3; mashoko ekusuma) Asi paakapfidza zvivi zvake, Jehovha akamuregerera. (2 Sam. 12:13) Paakangoziva kuti Jehovha akanga amuregerera, Dhavhidhi akatangazve kufara muupenyu hwake.—Pis. 32:1.

2 Isuwo kana tikaziva kuti Jehovha atinzwira tsitsi, uye atiregerera zvivi zvedu, tinova nemufaro. Kunyange tikaita chivi chakakura, Jehovha anotiregerera kana tikanyatsopfidza zvivi zvedu, tikanyengetera kwaari tichikumbira ruregerero, totaura nevakuru, uye toita zvese zvatinogona kuti tisadzokorora chivi ichocho. Kuziva izvi kunonyaradza chaizvo! (Zvir. 28:13; Mab. 26:20; 1 Joh. 1:9) Uyewo kana Jehovha akatiregerera zvivi zvedu, haazombodzosi zvakare nyaya yacho mudariro. Nyaya iyoyo inenge yatopera. Izvozvo zvinoita kuti tifare chaizvo.—Ezek. 33:16.

Mambo Dhavhidhi akagara pavharanda repadenga reimba yake, achiridza rudimbwa uye achiimba.

Mambo Dhavhidhi akanyora mapisarema akawanda anotaura nezvekuregerera kunoita Jehovha (Ona ndima 1-⁠2)


3-4. Imwe hanzvadzi yakaramba ichinzwa sei kunyange yabhabhatidzwa, uye tichakurukurei munyaya ino?

3 Asi dzimwe nguva, vamwe vanoomerwa nekunyatsobvuma kuti Jehovha akavaregerera. Izvi ndizvo zvakaitika kuna Jennifer. Paaiva mudiki, vabereki vake vakamudzidzisa nezvaJehovha. Asi paakanga ava kuyaruka, akatanga kuita zvinhu zvakaipa vabereki vake vasingazivi. Papera makore, Jennifer akazochinja mararamiro ake, akazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa. Jennifer anoti: “Kare ndaiita upombwe, ndaidhakwa, ndaiva nehasha uye ndaingofunga kutsvaga mari. Ndaizviziva hangu kuti Bhaibheri rinoti kana ndikapfidza zvivi zvangu, Jehovha anondiregerera achishandisa chibayiro chaKristu. Saka ndakazopfidza zvivi zvangu ndikakumbira Jehovha ruregerero. Asi ndakaramba ndichingonetseka kuti akanga andiregerera zvechokwadi here.”

4 Pamwe newewo unomboomerwa nekubvuma kuti Jehovha akakuregerera zvivi zvawakaita kare. Asi yeuka kuti Jehovha ane tsitsi. Kuziva izvozvo kwakaita kuti Dhavhidhi anyatsova nechokwadi chekuti Jehovha akanga amuregerera, uye akatangazve kufara. Jehovha anodawo kuti uve nechokwadi chekuti akakuregerera, wovawo nemufaro. Munyaya ino tichakurukura kuti nei zvichikosha kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha akatiregerera uye kuti zvii zvingatibatsira kuti tidaro.

NEI ZVICHIKOSHA KUTI TINYATSOBVUMA KUTI JEHOVHA AKATIREGERERA?

5. Satani anoda kuti tifungei? Taura muenzaniso.

5 Kana tikanyatsobvuma kuti Jehovha anotida uye akatiregerera, hatizobvumi nhema dzaSatani. Yeuka kuti Satani achaita chero chii zvacho kuti atitadzise kushumira Jehovha. Kuti atitadzise kushumira Jehovha anoda kuti tifunge kuti zvivi zvedu zvakanyanya kukura zvekuti Jehovha haazombofi akatiregerera. Funga zvakaitika kune mumwe murume wekuKorinde akabviswa muungano nenyaya yekuti akanga aita upombwe. (1 VaK. 5:​1, 5, 13) Murume uyu akazopfidza zvivi zvake, asi Satani aida kuti vanhu vaiva muungano vasamuregerera uye vasamugamuchira zvakare muungano. Kudai ungano yakaramba kumuregerera, murume uyu aigona kufunga kuti, ‘Kana ungano yaramba kundiregerera, Jehovha angandiregerera here?’ Izvi zvaizoita kuti murume uyu ‘akurirwe nekunyanya kusuruvara,’ opedzisira arega kushumira Jehovha. Satani ndizvo zvaachiri kungoita. Anoda kuti tifunge kuti Jehovha haazombotiregereri zvivi zvedu achiitira kuti tipedzisire tarega kushumira Jehovha. Asi “mazano ake tinoaziva.”—2 VaK. 2:​5-11.

6. Tingaitei kuti tisaramba tichizvipa mhosva nemhaka yezvivi zvatakaita kare?

6 Kana tikanyatsobvuma kuti Jehovha akatiregerera, hatizorambi tichizvipa mhosva nemhaka yezvivi zvatakaita kare. Patinotadza, tinowanzozvipa mhosva. (Pis. 51:17) Izvozvo hazvina kuipa, nekuti kuzvipa mhosva kunogona kutibatsira kuti titore matanho ekuti tigadzirise zvatinenge takakanganisa. (2 VaK. 7:​10, 11) Asi kana tikaramba tichingozvipa mhosva pashure pekunge tapfidza zvivi zvedu, tinogona kuora mwoyo topedzisira tarega kushumira Jehovha. Kunyatsobvuma kuti Jehovha akatiregerera kunotibatsira kuti tisaramba tichizvipa mhosva nemhaka yezvivi zvatakaita kare, tokwanisa kushumira Jehovha tiine hana yakachena uye tiine mufaro. Izvozvo ndizvo zvinotodiwa naJehovha kuti tiite. (VaK. 1:​10, 11; 2 Tim. 1:3) Asi tingaitei kuti tinyatsobvuma kuti Mwari akatiregerera?

ZVII ZVICHATIBATSIRA KUTI TINYATSOVA NECHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA AKATIREGERERA?

7-8. Jehovha akaudza Mozisi kuti ndiMwari akaita sei, uye izvozvo zvinotidzidzisei? (Eksodho 34:​6, 7)

7 Yeuka kuti Jehovha akataura kuti ndiMwari akaita sei. Chimboona zvaakaudza Mozisi muGomo reSinaia zviri pana Eksodho 34:​6, 7. (Verenga.) Jehovha ane zvakawanda zvaaigona kutaura pamusoro pekuti ndiMwari akaita sei. Asi akasarudza kutanga nekutaura kuti ‘ndiMwari ane ngoni netsitsi.’ Unofunga kuti Mwari akadaro angaramba kuregerera munhu anomunamata anenge apfidza zvivi zvake here? Haangamboiti zvakadaro! Kana akadaro, zvinenge zvava kureva kuti haana tsitsi uye ane mwoyo wakaoma. Asi Jehovha haamboiti utsinye hwakadaro.

8 Jehovha paanotaura kuti ane tsitsi, anenge achitaura chokwadi. NdiMwari asingarevi nhema, saka tinogona kunyatsovimba nezvaanotaura. (Pis. 31:5) Kana uchizvipa mhosva nemhaka yezvivi zvawakaita kare, unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsozvibvuma here kuti Jehovha ndiMwari ane ngoni netsitsi uye kuti anoregerera munhu wese anenge apfidza zvivi zvake?’ Kana uchizvibvuma izvozvo, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha akakuregerera zvivi zvako.

9. Kana zvichinzi zvivi zvedu zvakaregererwa, zvinenge zvichirevei? (Pisarema 32:5)

9 Fungisisa mavhesi eBhaibheri anotaura nezvekuregerera kunoita Jehovha. Ona zvakataurwa nemunyori wepisarema Dhavhidhi nezvekuregerera kunoita Jehovha. (Verenga Pisarema 32:5.) Dhavhidhi akati: “Makaregerera kukanganisa kwangu uye zvivi zvangu.” Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kuregerera” rinogona kureva “kusimudza” kana kuti “kutakura.” Saka Jehovha paakaregerera Dhavhidhi, zvaiita sekuti akanga asimudza zvivi zvaDhavhidhi achibva azvitakura achienda nazvo kure naye. Izvozvo zvakaita kuti Dhavhidhi asare arerukirwa nekuti aiziva kuti Jehovha akanga anyatsomuregerera. (Pis. 32:​2-4) Izvozvo zvinogona kuitikawo kwatiri. Kana tanyatsopfidza zvivi zvedu, hatifaniri kuramba tichinetseka nezvezvivi izvozvo zvakatosimudzwa naJehovha akazvitakura achienda nazvo kure nesu.

10-11. Mashoko ekuti “makagadzirira kukanganwira” anotidzidzisei nezvaJehovha? (Pisarema 86:5)

10 Verenga Pisarema 86:5. Dhavhidhi anotaura kuti Jehovha ‘akagadzirira kukanganwira.’ Izvi zvinoreva kuti Jehovha haakurumidzi kutsamwa patinomutadzira uye nguva dzese anoda kuregerera vanhu vanenge vapfidza zvivi zvavo. Nei achidaro? Vhesi racho rinoenderera mberi richiti: “Rudo rwenyu rusingachinji kune vese vanodana kwamuri rwakakura.” Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, rudo rusingachinji runoita kuti Jehovha arambe achida vanhu vanomunamata uye asambovasiya. Rudo irworwo rusingachinji ndirwo runoita kuti ‘aregerere zvizere’ munhu wese anopfidza zvivi zvake. (Isa. 55:​7, mashoko emuzasi) Saka kana uchiomerwa nekubvuma kuti Mwari akakuregerera, unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsozvibvuma here kuti Jehovha anoregerera, kureva kuti akagadzirira kukanganwira munhu wese anopfidza zvivi zvake uye anonyengetera kwaari achikumbira kunzwirwa tsitsi?’ Kana uchizvibvuma izvozvo, iva nechokwadi chekuti pawakanyengetera kwaari uchikumbira kuti akunzwire tsitsi, Jehovha akakuregerera.

11 Jehovha anoziva masikirwo atakaitwa uye anonyatsonzwisisa kuti tiri vanhu vanokanganisa. Izvozvo zvinotinyaradza chaizvo. (Pis. 139:​1, 2) Ngationei zvakataurwa naDhavhidhi mune rimwe pisarema uye kuti izvozvo zvingatibatsira sei kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha anoda kutiregerera.

USAKANGANWA ZVINOYEUKWA NAJEHOVHA

12-13. Jehovha anoyeukei nezvedu, uye izvozvo zvinoita kuti aite sei? (Pisarema 103:14)

12 Verenga Pisarema 103:14. Dhavhidhi anotaura chimwe chikonzero nei Jehovha achigara akagadzirira kuregerera vaya vanopfidza zvivi zvavo. Anotaura kuti Jehovha ‘anoyeuka kuti tiri guruva,’ izvo zvinoreva kuti anogara achiziva kuti tiri vanhu vanokanganisa. Ngatikurukurei kuti mashoko iwayo akataurwa naDhavhidhi anomborevei.

13 Dhavhidhi anotaura kuti Jehovha “anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa.” Jehovha akasika Adhamu “neguruva revhu” saka anonyatsoziva masikirwo akaitwa vanhu uye zvavanoda kuti vakwanise kuramba vachirarama. Semuenzaniso, vanofanira kudya, kurara uye kufema. Kunyange vanhu vasina chivi vanofanira kuita zvinhu izvi kuti vakwanise kuramba vachirarama. (Gen. 2:7) Asi Adhamu naEvha pavakatadza, mashoko ekuti tiri guruva akanga ava kurevawo kuti vanhu vanoberekwa vari vanhu vanokanganisa uye vanotofanira kurwisa kuti vasaita zvakaipa. Jehovha anozviziva izvozvo. Asi Dhavhidhi paakataura kuti Jehovha anoyeuka kuti tiri guruva, airevawo kuti Jehovha anoziva kuti tiri vanhu vanokanganisa uye izvozvo zvinoita kuti nguva dzese atinzwire tsitsi. Saka muchidimbu, mashoko aDhavhidhi anoratidza kuti Jehovha anonzwisisa kuti dzimwe nguva tichatokanganisa. Uyewo patinokanganisa, oona kuti tapfidza zvivi zvedu, anotinzwira tsitsi otiregerera.—Pis. 78:​38, 39.

14. (a) Ndezvipi zvimwe zvakataurwa naDhavhidhi nezvekuregerera kunoita Jehovha? (Pisarema 103:12) (b) Kuregererwa kwakaitwa Dhavhidhi naJehovha kunotidzidzisei? (Ona bhokisi rakanzi “Zvinorevei Kuti Jehovha Haazoyeuki Chivi Chaanenge Akanganwira?”)

14 Chii chimwe chinogona kutibatsira kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha akatiregerera? (Verenga Pisarema 103:12.) Dhavhidhi anotaura kuti Jehovha paanotiregerera, anoisa zvivi zvedu kure nesu “sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira.” Kumabvazuva ndiyo nzvimbo iri kure zvikuru nekumavirira; nzvimbo mbiri idzi hadzifi dzakasangana. Izvi zvinotidzidzisei nezvekuregerera kunoita Jehovha zvivi zvedu? Zvinotidzidzisa kuti Jehovha paanotiregerera, zvinoita sekuti atora zvivi zvedu akazviendesa kure kure nesu. Anozviendesa kure nesu zvekuti hapana kana chimwe chinhu chinozomboita kuti afunge nezvezvivi izvozvo zvakare kana kuti ade kutiyeuchidza nezvazvo, obva atiranga.—Ezek. 18:​21, 22; Mab. 3:19.

Mifananidzo: 1. Mambo Dhavhidhi ari padenga reimba yake akatarisa Bhati-shebha achigeza. 2. Achiteterera kuna Jehovha. 3. Ambomira kunyora achifunga zvakaitika.

Zvinorevei Kuti Jehovha Haazoyeuki Chivi Chaanenge Akanganwira?

Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha paanoregerera chivi haazochiyeuki. Izvi zvinoreva kuti haazotipi mhosva kana kutirangira zvivi izvozvo zvakare. (Isa. 43:25) Chimbofunga nezvaMambo Dhavhidhi. Zvakaitika kwaari zvinoratidza kuti kunyange taita zvivi zvakakura, tinokwanisa kuva neushamwari hwakasimba naJehovha zvakare.

Dhavhidhi akaita zvivi zvakakura kusanganisira upombwe nekuuraya munhu. Asi nemhaka yekuti akapfidza zvivi zvake, Jehovha akamuregerera. Dhavhidhi akabvuma kutsiurwa, akagadzirisa zvaakanga akanganisa, uye kweupenyu hwake hwese akaramba achishumira Jehovha akavimbika.—2 Sam. 11:​1-27; 12:13.

Pava paya, Jehovha akazoudza Soromoni kuti: “Famba pamberi pangu, sekufamba kwakaita baba vako Dhavhidhi, nemwoyo wakaperera kwandiri, nekururama.” (1 Madz. 9:​4, 5) Jehovha haana kutombotaura nezvezvivi zvaDhavhidhi. Asi akatotaura kuti Dhavhidhi aiva munhu akatendeka uye aiita zvakanaka. Uye nemhaka yekuti akanga akatendeka, Jehovha akamupa mubayiro.—Pis. 13:6.

Tinodzidzei? Jehovha paanotiregerera zvivi zvedu, anobva atosiyana nenyaya yacho otanga kutarisa zvinhu zvakanaka zvatinenge tiri kutoita achiitira kuti atipe mubayiro. (VaH. 11:6) Saka hatifaniri hedu kuramba tichinetseka nezvezvivi zvatakaita kare zvakatokanganwirwa naJehovha.

15. Ungaitei kana uchiramba uchizvipa mhosva nezvezvivi zvawakaita kare?

15 Mashoko akataurwa naDhavhidhi ari muPisarema 103 anokubatsira sei kuti unyatsobvuma kuti Jehovha akakuregerera? Kana uri kuramba uchizvipa mhosva nezvezvivi zvawakaita kare, usakanganwa kuti Jehovha anoyeuka kuti uri munhu anotadza uye anoregerera munhu wese anopfidza zvivi zvake. Wakatopfidza zvivi zvako, saka Jehovha akakuregerera. Yeukawo kuti Jehovha paakakuregerera, nyaya yacho yakabva yatopera. Saka haazokurangiri zvakare nyaya iyoyo kana kuramba achingokuyeuchidza nezvayo. Jehovha haarambi achingofunga nezvezvivi zvawakaita kare uye newewo haufaniri kudaro. (Pis. 130:3) Kana ukanyatsobvuma kuti Jehovha akakuregerera, hauzorambi uchizvipa mhosva nezvezvivi zvawakaita kare uye unokwanisa kuramba uchinamata Jehovha uchifara.

16. Taura muenzaniso unoratidza kuti zvakaipirei kuti tirambe tichingozvipa mhosva nezvezvivi zvatakaita kare. (Onawo mufananidzo.)

16 Chimbofunga nezvemuenzaniso uyu. Kuramba tichizvipa mhosva nezvezvivi zvatakaita kare kwakafanana nekuedza kutyaira mota takatarisa kumashure. Hapana chakaipa nekuti munhu anenge achityaira mota ambopota achitarisa kumashure nekuti izvozvo zvinogona kumubatsira kuona zvinenge zvichiitika. Asi kuti asapinda mutsaona, anofanira kuramba akatarisa kumberi kwaari kuenda. Isuwo hapana chakaipa nekuti timbopota tichifunga nezvezvivi zvatakaita kare nekuti izvozvo zvinotibatsira kuti tidzidze pane zvatakakanganisa, torega kuzvidzokorora zvakare. Asi kana tikaramba tichingofunga nezvezvivi izvozvo, tinogona kupedzisira tava kuzvipa mhosva zvekuti zvinotiodza mwoyo, zvotipedza simba rekuti tishumire Jehovha zvakanaka. Saka pane kuti tirambe tichingofunga nezvezvivi zvatakaita kare, ngatirambei takaisa pfungwa pane zvinhu zviri mberi. Tiri munzira inoenda kunyika itsva yakavimbiswa naMwari uye munyika iyoyo, “zvinhu zvekare hazvizouyi mupfungwa.”—Isa. 65:17; Zvir. 4:25.

Murume ari kutyaira mota achipota achitarisa kumashure.

Munhu anenge achityaira mota anofanira kutarisa kumberi kwaari kuenda. Isuwo tinofanira kuramba tichifunga nezvemubayiro watichapiwa naJehovha kana tikaramba tichimunamata (Ona ndima 16)


RAMBA UINE CHOKWADI CHEKUTI JEHOVHA ANOKUDA UYE ANOKUREGERERA

17. Nei zvichikosha kuti tinonyatsobvuma kuti Jehovha anotida uye anotiregerera?

17 Zvinokosha kuti tinyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anotida uye akagadzirira kutiregerera. (1 Joh. 3:19) Nei tichidaro? Nekuti Satani achangoramba achiedza kuita kuti tifunge kuti Jehovha haafi akatida uye kuti haafi akatiregerera. Chinangwa chake ndechekuti tirege kushumira Jehovha. Patiri kuramba tichiswedera pedyo nemugumo, Satani achatowedzera kutirwisa achishandisa nzira idzi nekuti anoziva kuti asara nenguva pfupi. (Zvak. 12:12) Hatifaniri kutombomurega achiita zvaanoda nesu!

18. Zvii zvichakubatsira kuti unyatsobvuma kuti Jehovha anokuda uye kuti akakuregerera?

18 Kuti unyatsova nechokwadi chekuti Jehovha anokuda, shandisa mazano akataurwa munyaya yakapfuura. Uyewo, kuti unyatsobvuma kuti Jehovha akakuregerera, yeuka kuti akataura kuti ndiMwari akaita sei. Fungisisawo mavhesi eBhaibheri anotaura nezvekuregerera kwaanoita. Usakanganwa kuti anonyatsoziva kuti uri munhu anokanganisa uye kuti achakunzwira tsitsi. Uye yeukawo kuti Jehovha paanoregerera, nyaya yacho inenge yatopera. Kana ukaita izvi, uchafara sezvakaita Dhavhidhi nekuti unenge uchinyatsoziva kuti Jehovha akakunzwira tsitsi uye uchakwanisa kutaura kuti, “Makaita henyu Jehovha nekuregerera ‘kukanganisa kwangu uye zvivi zvangu’!”—Pis. 32:5.

UNGAPINDURA SEI?

  • Nei zvichikosha kuti tinyatsobvuma kuti Jehovha akatiregerera?

  • Zvii zvichakubatsira kuti unyatsova nechokwadi chekuti Jehovha akakuregerera?

  • Nei tichifanira kuramba tiine chokwadi chekuti Jehovha akatiregerera?

RWIYO 1 Unhu hwaJehovha

a Ona nyaya yakanzi “Swedera Pedyo naMwari—Jehovha Paakatsanangura Zvaari” iri muNharireyomurindi yaMay 1, 2009.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe