RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 4/1 p. 8
  • Mhinduro Dzacho Dzine Basa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhinduro Dzacho Dzine Basa Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • “Chokwadi Chichakusunungurai”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Chokwadi Chichiri Kukosha Here?
    Dzimwe Nyaya
  • VaKristu Vanonamata Nomudzimu Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 4/1 p. 8

Mhinduro Dzacho Dzine Basa Here?

“Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—JOHANI 8:32.

BHAIBHERI rine chokwadi chinogona kutisunungura padzidziso dzinovhiringidza kana kuti dzenhema pamusoro paJesu. Asi zvatinotenda nezvake zvine basa here? Hongu. Zvine basa kuna Jehovha naJesu. Uye zvinofanirawo kuva nebasa kwatiri.

● Nei Jehovha aine basa nazvo? Nokuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Jehovha anoda kuti tirarame tichifara nokusingaperi. Jesu akati: “Mwari akada nyika [vanhu] kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari . . . ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Mwari akatuma Mwanakomana wake kuti azotidzikinura uye kuti tizowana mukana wokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano, chinova ndicho chakagara chiri chinangwa chake. (Genesisi 1:28) Mwari anoda kupa chipo choupenyu husingaperi kuvanhu vanodzidza chokwadi nezveMwanakomana wake uye vanoita zvavanenge vadzidza.—VaRoma 6:23.

● Nei Jesu aine basa nazvo? Jesu anodawo vanhu. Akaratidza rudo rwokuzvipira paakabvuma kutifira. (Johani 15:13) Aiziva kuti iyoyo ndiyo chete yaiva nzira yokuponesa vanhu. (Johani 14:6) Saka zvingatishamisa here kuti Jesu anoda kuti chibayiro chake chorudzikinuro chiponese vanhu vakawanda? Ndokusaka akapa vateveri vake vechokwadi basa rokudzidzisa vanhu munyika yose nezvezvinodiwa naMwari uye chinangwa chake.—Mateu 24:14; 28:19, 20.

● Nei isuwo tichifanira kuva nebasa nazvo? Chimbofunga kwekanguva nezvezvinhu zvaunokoshesa zvakadai seutano hwako uye vomumhuri mako. Unoshuva kuti iwe nevomumhuri mako muve neutano uye upenyu hwakanaka here? Jehovha achishandisa Jesu ari kupa iwe nevomumhuri mako tarisiro yokuva neutano hwakanaka uye upenyu husingaperi munyika itsva inenge isina kurwara uye kutambura. (Pisarema 37:11, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Unoda here kuzorarama munyika yakadaro? Pane zvaunofanira kuita kana uchida.

Tarisa zvekare rugwaro rwaiswa pasi pemusoro wenyaya ino. Rwati: “Muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” Kuziva chokwadi nezvaJesu uye basa rake pakuzadzisa chinangwa chaMwari kunogona kutisunungura pauranda hwakaipisisa hwechivi norufu. Asi kuti uzosunungurwa unofanira kutanga wa“ziva chokwadi.” Wadii kudzidza zvakawanda nezvechokwadi ichi uye kuti iwe nevomumhuri mako munofanira kuitei kuti mubatsirwe nokuziva chokwadi? Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kukubatsira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe