RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 4/1 pp. 4-7
  • Jesu Kristu—Mibvunzo Yedu Nezvake Inopindurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Kristu—Mibvunzo Yedu Nezvake Inopindurwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Jesu Kristu Ndiani?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jesu Kristu—Kiyi Yokuziva Mwari
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Jesu Ndiani?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 4/1 pp. 4-7

Jesu Kristu—Mibvunzo Yedu Nezvake Inopindurwa

“Mapoka evanhu ari kuti ndini ani?”—RUKA 9:18.

JESU akabvunza vadzidzi vake mubvunzo uyu nokuti aiziva kuti vanhu vaifunga zvakasiyana-siyana nezvake. Asi pakanga pasina chikonzero chine musoro chokuti vadaro. Jesu akanga asiri zindoga uye akanga asingaiti basa rake pachivande. Aitowadzana nevanhu mumaguta nemumisha yavo. Aiparidza uye aidzidzisira vanhu pachena nokuti aida kuti vazive chokwadi nezvake.—Ruka 8:1.

Zvaitaurwa naJesu nezvaaiita izvo zvakanyorwa muEvhangeri ina dzemuBhaibheri dzinoti Mateu, Mako, Ruka uye Johani, zvinotibatsira kuziva chokwadi pamusoro pake. Nhoroondo idzodzo dzakafuridzirwa ndidzo dzine mashoko anopindura mibvunzo yedu nezvaJesu.a—Johani 17:17.

MUBVUNZO:

Ichokwadi here kuti Jesu akamborarama pasi pano?

MHINDURO: Hongu. Vanyori venhoroondo dzekare vaisanganisira Josephus naTacitus vakataura kuti Jesu akamborarama pasi pano. Chinotonyanya kukosha ndechokuti Evhangeri dzemuBhaibheri dzinoratidza pachena kuti Jesu haasi munhu womungano asi munhu chaiye akatomborarama. Nhoroondo yacho inonyatsodonongodza nguva yakaitika zvinhu uye kwazvakaitikira. Somuenzaniso, munyori weEvhangeri Ruka paaitaura nezvegore rakatanga Jesu ushumiri hwake, akanyora nezvevatongi vanomwe avo vanotaurwawo nevanyori venhoroondo dzekare.—Ruka 3:1, 2, 23.

Uchapupu hwokuti Jesu akamborarama pasi pano haurambike. Bhuku rinonzi Evidence for the Historical Jesus rinoti: “Nyanzvi dzakawanda dzinobvuma kuti munhu anonzi Jesu weNazareta akamborarama muzana remakore rokutanga.”

MUBVUNZO:

Jesu ndiMwari Here?

MHINDURO: Kwete. Jesu haana kumbobvira azviona seakaenzana naMwari. Pane kudaro, akaratidza kakawanda kuti iye mudiki kuna Jehovha.b Akambotaura naJehovha achiti: “Mwari wangu” uye “imi Mwari wechokwadi chete.” (Mateu 27:46; Johani 17:3) Izvi zvinogona kungotaurwa nemunhu ane chinzvimbo chakaderera kune mumwe. Somuenzaniso, kana mushandi achidana waanoshandira kuti “shefu wangu” kana kuti “foromani” anenge achitoratidza kuti iye ane chinzvimbo chepasi.

Jesu akaratidzawo kuti akanga akasiyana naMwari. Akambotaura nevanhu vaimupikisa achiti: “MuMutemo wenyu makanyorwa kuti, ‘Uchapupu hwevanhu vaviri ndohwechokwadi.’ Ndini ndinozvipupurira, uye Baba vakandituma vanondipupurira.” (Johani 8:17, 18) Saka zvakajeka kuti Jehovha naJesu vakasiyana. Dai Jesu ari iye Jehovha, zvaizoita here kuti vanzi zvapupu zviviri?c

MUBVUNZO:

Jesu aingova munhu akanaka chete here?

MHINDURO: Kwete. Aitopfuura ipapo. Jesu aiziva kuti ane zvakati wandei zvaaifanira kuita kuti chinangwa chaMwari chibudirire. Zvimwe zvacho ndeizvi:

● “Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.” (Johani 3:18) Jesu aiziva kuti akabva kupi. Akararama kudenga kwemakore akawanda asati aberekwa pasi pano. Akataura kuti ‘akaburuka achibva kudenga.’ (Johani 6:38) Ndiye akatanga kusikwa naMwari, ndokuzobatsira pakusika zvimwe zvinhu zvose. Sezvo ari iye chete akasikwa naMwari pachake, zvakanga zvakakodzera kuti anzi “Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga.”—Johani 1:3, 14; VaKorose 1:15, 16.

● “Mwanakomana womunhu.” (Mateu 8:20) Jesu akazviti “Mwanakomana womunhu” kakawanda, uye mashoko aya anowanika ka80 muEvhangeri. Izvi zvinoratidza kuti aiva munhu chaiye, kwete Mwari ane muviri wenyama. Zvakafamba sei kuti Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga aberekwe semunhu pasi pano? Jehovha akashandisa mudzimu wake mutsvene kutamisira upenyu hweMwanakomana wake mudumbu remhandara yechiJudha Mariya, ndokuita kuti ibate pamuviri. Izvi zvakaita kuti Jesu aberekwe asina chivi.—Mateu 1:18; Ruka 1:35; Johani 8:46.

● “Mudzidzisi.” (Johani 13:13) Jesu akaratidza pachena kuti basa raakapiwa naMwari raiva ‘rokudzidzisa nokuparidza mashoko akanaka’ oUmambo hwaMwari. (Mateu 4:23; Ruka 4:43) Akatsanangura zviri nyore uye zvakajeka kuti Umambo hwaMwari chii uye zvahuchaita kuti kuda kwaJehovha kuitwe.—Mateu 6:9, 10.

● “Shoko.” (Johani 1:1) Jesu aiva Mutauriri waMwari, kureva kuti ndiye aishandiswa naMwari kusvitsa vanhu mashoko nemirayiridzo. Jehovha akatuma Jesu kuti ataure shoko rake kuvanhu panyika.—Johani 7:16, 17.

MUBVUNZO:

Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa here?

MHINDURO: Hongu. Uprofita hweBhaibheri hwakafanotaura nezvokuuya kwaMesiya kana kuti Kristu, izvo zvinoreva kuti “Muzodziwa.” Uyu munhu Akapikirwa aizoita basa rinokosha pakuzadzisa chinangwa chaMwari. Rimwe zuva, mumwe mukadzi muSamariya akaudza Jesu kuti: “Ndinoziva kuti Mesiya ari kuuya, iye anonzi Kristu.” Jesu akabva amuudza pachena kuti: “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”—Johani 4:25, 26.

Pane uchapupu hwokuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa here? Sezvinongoita mafingapurindi asingambofi akafanana neomumwe munhu, pane zvinhu zvitatu zvinoratidza pasina mubvunzo kuti Jesu ndiye Mesiya. Funga nezve:

● Dzinza rake. Bhaibheri rakagara rataura kuti Mesiya aizobva mudzinza raAbrahamu asi achizoberekwa mumhuri yaDhavhidhi. (Genesisi 22:18; Pisarema 132:11, 12) Izvi ndizvo zvakazoitika.—Mateu 1:1-16; Ruka 3:23-38.

● Uprofita hwakazadzika. Magwaro echiHebheru ane uprofita hwakawanda hunotaura nezvekurarama kwaMesiya pasi pano, hunosanganisira kuberekwa kwake nerufu rwake. Jesu akazadzika uprofita hwacho hwose. Humwe hwacho ndehunoti: Akaberekerwa muBhetrehema (Mika 5:2; Ruka 2:4-11), akashevedzwa kuti abude muIjipiti (Hosiya 11:1; Mateu 2:15), akaurayiwa pasina kana bvupa rake rakatyorwa (Pisarema 34:20; Johani 19:33, 36). Hazvingaiti kuti titi Jesu ndiye akaita zvokuronga kuti upenyu hwake hunyatsoenderana nouprofita hwose hune chokuita naMesiya.d

● Uchapupu hwakapiwa naMwari. Pakaberekwa Jesu, Jehovha akatuma ngirozi kuti dziudze vamwe vafudzi kuti Mesiya akanga aberekwa. (Ruka 2:10-14) Jesu paaiita ushumiri, Jehovha akataura kanoverengeka ari kudenga kuti aifarira Jesu. (Mateu 3:16, 17; 17:1-5) Jehovha akaita kuti Jesu akwanise kuita zvishamiso zvine simba izvo zvakaratidzawo kuti ndiye aiva Mesiya.—Mabasa 10:38.

MUBVUNZO:

Nei Jesu aifanira kutambura uye kufa?

MHINDURO: Semunhu akanga asina chivi, zvakanga zvisina kukodzera kuti Jesu atambure. Uyewo zvakanga zvisina kukodzera kuti arovererwe padanda sezvaiitwa matsotsi, obva asiyiwa kuti afe zvinonyadzisa. Kunyange zvakadaro, Jesu aizviziva kuti achatambudzwa uye akabvuma kutambudzwa saizvozvo.—Mateu 20:17-19; 1 Petro 2:21-23.

Uprofita hune chokuita naMesiya hwakafanozivisa kuti aizotambura uye aizofa kuti abvise zvivi zvevamwe vanhu. (Isaya 53:5; Dhanieri 9:24, 26) Jesu pachake akataura kuti akauya kuzopa “mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mateu 20:28) Vaya vanotenda kuti chibayiro chaJesu chorudzikinuro chinokosha, vanotarisira kubvisirwa chivi nerufu uye kurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.e—Johani 3:16; 1 Johani 4:9, 10.

MUBVUNZO:

Tine chokwadi here kuti Jesu akamutswa kuvakafa?

MHINDURO: Hongu. Jesu aitarisira kuti achamutswa. (Mateu 16:21) Zvisinei, zvinokosha kuziva kuti Jesu nevanyori veBhaibheri havana kumbobvira vataura kuti Jesu aizongomuka pasina simba raMwari, nokuti vaiziva kuti vanhu vaisazombotenda pfungwa yakadaro. Asi Bhaibheri rinototi: “Mwari akamumutsa nokusunungura kurwadza kworufu.” (Mabasa 2:24) Kana tichibvuma kuti Mwari ariko uye kuti ndiye akasika zvinhu zvose, tine chikonzero chakasimba chokubvuma kuti aikwanisa kumutsa Mwanakomana wake.—VaHebheru 3:4.

Pane uchapupu hunoita kuti tibvume kuti Jesu akamutswa here? Funga zvinotevera.

● Kupupurira kwevakaona. Papera makore anenge 22 Jesu afa, muapostora Pauro akanyora kuti paiva nezvapupu zvinopfuura 500 zvakaona Jesu amutswa uye kuti vakawanda vacho vakanga vachiri vapenyu panguva yaakanyora mashoko aya. (1 VaKorinde 15:6) Dai ari munhu mumwe chete kana vaviri vakamuona, taigona kuti vainyepa. Asi ndiani angaramba chinhu chakapupurirwa nevanhu 500?

● Zvapupu zvatinogona kuvimba nazvo. Vadzidzi vaJesu avo vainyatsoziva zvose zvakaitika vakazivisa noushingi kuti Jesu akanga amutswa. (Mabasa 2:29-32; 3:13-15) Kwavari, munhu aisakwanisa kutaura kuti muKristu iye achiramba kuti Jesu akamutswa. (1 VaKorinde 15:12-19) Vadzidzi ava vaitozosva vaurayiwa zvavo pane kurega kutenda muna Jesu. (Mabasa 7:51-60; 12:1, 2) Unofunga kuti vaizozvikanda mumuromo meshumba ivo vachiziva kuti inhema here?

Taona mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo mitanhatu inowanzobvunzwa nezvaJesu. Mhinduro dzacho dzatiratidza zvakajeka kuti Jesu ndiani. Asi mhinduro dzacho dzinokosha here? Zvine basa here kuti unotenda chii nezvaJesu?

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti unzwe zvakawanda nezvokuti Evhangeri dzomuBhaibheri dzakasiyana sei nezvinyorwa zvinotaura zvisizvo nezvaJesu, ona nyaya inoti “Evhangeri dzeApokirifa—Ichokwadi Chakavanzika nezvaJesu Here?” iri pamapeji 18 ne19.

b Zita raMwari muBhaibheri ndiJehovha.

c Kuti unzwe zvakawanda, ona nyaya inoti, “Kukurukura Nemuvakidzani—Jesu ndiMwari Here?” iri pamapeji 20 kusvika ku22.

d Kuti uone humwe uprofita hwakazadzika pana Jesu, ona peji 200 yebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

e Kuti unzwe zvakawanda nezvokukosha kwechibayiro chorufu rwaJesu, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe