RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 147
  • Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Mafungiro Asiri Iwo Panyaya Yekurarama Nekusingaperi
  • Tinogona Kurarama Nekusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Zvingaita Here Kuti Urarame Nokusingaperi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nyika Itsva yaMwari Ine Rugare—Unogona Kurarama Mairi
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Upenyu Husingaperi Hunobvira Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 147
Munhu anotanga ari mudiki kusvikira akura

Ungaitei Kuti Urarame Nekusingaperi?

Mhinduro yeBhaibheri

Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nekusingaperi.” (1 Johani 2:17, Bhaibheri Dzvene MuchiShona Chanhasi) Mwari anoda kuti uite sei?

  • Dzidza nezvaMwari neMwanakomana wake, Jesu. Jesu akanyengetera kuna Mwari achiti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) “Kuwana zivo” pamusoro paMwari naJesu kunosanganisirei? Tinogona kuvaziva kana tikadzidza Bhaibheri uye tikashandisa zvarinotaura muupenyu hwedu.a Bhaibheri rine pfungwa dzeMusiki wedu, Jehovha Mwari, uyo anopa upenyu. (Mabasa 17:24, 25) Bhaibheri rinotiudzawo nezveMwanakomana wake, Jesu, uyo akadzidzisa “mashoko oupenyu husingaperi.”—Johani 6:67-69.

  • Iva nekutenda muchibayiro chakapiwa naJesu. Jesu akauya panyika “kuzoshumira nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mateu 20:28) Kufirwa kwatakaitwa naJesu kwakaita kuti vanhu vave nemukana wekurarama nekusingaperi panyika.b (Pisarema 37:29) Jesu akati: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Saka pane zvimwe zvatinofanira kuita kunze kwekungotenda muna Jesu. Tinofanira kuratidza kuti ‘tinotenda maari,’ tosarudza kurarama zvinoenderana nedzidziso dzake uye nekuda kwaBaba vake.—Mateu 7:21; Jakobho 2:17.

  • Vaka ushamwari hwakasimba naMwari. Mwari anoda kuti tiswedere pedyo naye tova shamwari dzake. (Jakobho 2:23; 4:8) Mwari haafi, uye anoda kuti shamwari dzake dziraramewo nekusingaperi. MuShoko rake, Mwari anovimbisa vese vanomutsvaka kuti: ‘Raramai nekusingaperi.’—Pisarema 22:26.

Mafungiro Asiri Iwo Panyaya Yekurarama Nekusingaperi

Mafungiro asiri iwo: Zviri kuitwa nevanhu ndizvo zvichaita kuti vanhu vararame nekusingaperi.

Chokwadi: Kunyange zvazvo vanoita zvekurapa vachivimbisa kuti vachaita kuti vanhu vararame kwenguva yakati rebei, izvozvo hazvizoiti kuti vanhu vararame nekusingaperi. Mwari chete ndiye ega anogona kutipa upenyu husingaperi, nekuti ndiye chete “tsime reupenyu.” (Pisarema 36:9) Anovimbisa kuti “achaparadza rufu nokusingaperi” opa vanhu vese vakatendeka upenyu husingaperi.—Isaya 25:8; 1 Johani 2:25.

Mafungiro asiri iwo: Haasi marudzi ese evanhu achararama nekusingaperi.

Chokwadi: Mwari haasaruri. Bhaibheri rinoti “murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Vanhu vemarudzi ese uye vetsika dzese vanoteerera Mwari vanogona kurarama nekusingaperi.

Mafungiro asiri iwo: Kurarama nekusingaperi hakunakidze.

Chokwadi: Upenyu husingaperi chipo chinobva kuna Mwari anotida uye anoda kuti tifare. (Jakobho 1:17; 1 Johani 4:8) Anoziva kuti tinofanira kuita basa rinogutsa kuti tifare. (Muparidzi 3:12) Mwari anovimbisa kuti vaya vachararama nekusingaperi panyika vachaita basa rinogutsa richabatsira ivo nehama dzavo.—Isaya 65:22, 23.

Vaya vachararama nekusingaperi vacharamba vachidzidza zvinhu zvitsva nezveMusiki uye zvinhu zvakawanda zvaakasika. Akasika vanhu vaine chido chekurarama nekusingaperi kunyange zvazvo vasingazokwanisi kunzwisisa “basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.” (Muparidzi 3:10, 11) Saka vanhu vachararama nekusingaperi vacharamba vaine zvinhu zvitsva zvekudzidza uye zvekuita.

a Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa vanhu Bhaibheri zvisingabhadharisi. Kana uchida kunzwa zvimwe, ona vhidhiyo inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei?

b Ona nyaya inoti “Jesu Anoponesa Sei?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe