Vose Vanozviti vaKristu, vaKristu Chaivo Here?
MUNYIKA yose mune vaKristu vangani? Maererano nebhuku rinonzi Atlas of Global Christianity, mugore ra2010 munyika yose maiva nevaKristu vanenge mabhiriyoni maviri nechidimbu. Asiwo bhuku iri rinoratidza kuti vaKristu ivavo vanopinda machechi anopfuura 41- 000, imwe neimwe iine dzidziso dzayo nemitemo yayo. Zvinonzwisisika kuti vamwe vanoguma vavhiringidzwa kana kutoodzwa mwoyo nemhaka yokuwanda kwemachechi aya anozviti ndeechiKristu. Vanozvibvunza kuti, ‘Vose vanozviti vaKristu, vaKristu zvechokwadi here?’
Ngatimboongororai nyaya yacho. Kazhinji munhu anenge achienda kune imwe nyika paanosvika pabhodha anofanira kuratidza kuti ndewekunyika ipi. Anofanirawo kubudisa gwaro rakadai sepasipoti kuratidza kuti zvaari kutaura ichokwadi. Saizvozvowo, muKristu wechokwadi haangofaniri kugumira pakutaura kuti anotenda muna Kristu. Ane zvimwe zvaanofanira kuita. Zvii izvozvo?
Shoko rokuti “muKristu” rakazotanga kushandiswa gore ra44 C.E. rapfuura. Mumwe munyori wenhoroondo dzomuBhaibheri anonzi Ruka akati: “Maiva muAndiyoki umo vadzidzi vakatanga kutumidzwa kuti vaKristu nokutungamirira kwaMwari.” (Mabasa 11:26) Ava vari kunzi vaKristu vaiva vadzidzi vaKristu. Chii chinoita kuti munhu azonzi mudzidzi waJesu Kristu? Duramazwi rinonzi The New International Dictionary of New Testament Theology rinotsanangura kuti: “Kutevera Jesu somudzidzi wake zvinoreva kuzvipira zvakazara kwenguva yose yauchange uri mupenyu, nyange zvikaipa kana kunaka.” Naizvozvo muKristu wechokwadi ndouya anotevera zvizere dzidziso nemirayiridzo zvaJesu, anova ndiye Muvambi wechiKristu.
Nemawandiro aita vanozviti vaKristu nhasi, vanhu vakadaro vangawanikwa here? Jesu pachake akati chii chaizoratidza kuti ava ndivo vateveri vake vechokwadi? Tinokukumbira kuti uongorore mapindurirwo anoitwa mibvunzo iyi muBhaibheri. Munyaya dzinotevera, tichaongorora zvinhu zvishanu zvakataurwa naJesu izvo zvaizobatsira kuti munhu azive vateveri vaJesu vechokwadi. Tichakurukura zvaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga kuratidza kuti vaiva vateveri vake. Uye tichazoedza kuona kuti pavanhu vakawanda vanozviti vaKristu nhasi, ndevapi vanozvitevedzera.