‘Rambai Muri Mushoko Rangu’
“Kana mukaramba muri mushoko rangu, chokwadi muri vadzidzi vangu, muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.”—JOHANI 8:31, 32.
Zvazvinoreva: “Shoko” raJesu rinoreva dzidziso dzake idzo dzakabva kuna Baba vake. Jesu akati: “Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura.” (Johani 12:49) Paainyengetera kuna Baba vake vokudenga, Jehovha Mwari, Jesu akati: “Shoko renyu ichokwadi.” Aigara achitaura pfungwa dzaiva muShoko raMwari kuti atsigire zvaaidzidzisa. (Johani 17:17; Mateu 4:4, 7, 10) Saka vaKristu vechokwadi ‘vanoramba vari mushoko rake,’ kureva kuti vanobvuma kuti Shoko raMwari Bhaibheri i“chokwadi” uye kuti zvavanoita nezvavanodzidzisa zvinofanira kunge zvichibva mariri.
Zvaiitwa nevaKristu Vokutanga: Muapostora Pauro uyo akanyora mabhuku eBhaibheri akawanda, airemekedzawo Shoko raMwari sezvaiitwa naJesu. Akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira.” (2 Timoti 3:16) Varume vakagadzwa kuti vadzidzise vaKristu vavainamata navo vaifanira “kubatisisa Shoko raMwari rechokwadi uye rakatendeka.” (Tito 1:7, 9, The Amplified Bible) VaKristu vokutanga vakarayirwa kuti varambe “uzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.”—VaKorose 2:8.
Ndivanaani Vari Kutevedzera Muenzaniso Wacho?: Gwaro reChechi yeRoma rinonzi Dogmatic Constitution on Divine Revelation, rakabudiswa muna 1965 uye rine mashoko akadzokororwa nekabhuku kanonzi Catechism of the Catholic Church rinoti: ‘Chechi yeRoma inotora zvakaratidzwa muMagwaro Matsvene uyewo mune mamwe magwaro echechi. Naizvozvo mutemo wechechi unofanira kungoremekedzwawo sezvinoitwa Magwaro Matsvene.’ Nyaya iri mumagazini inonzi Maclean’s yakadzokorora mashoko akataurwa nerimwe gurukota rokuToronto, kuCanada, iro rakabvunza kuti: “Tingadirei kutungamirirwa neshoko rakanyorwa makore 2 000 akapfuura, iro rinotidzorera kumashure nokungoramba richitaura nezvaJesu neMagwaro, isu tichikwanisa kuzvifungira zvinhu zvine musoro?”
Bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia rakataura nezveZvapupu zvaJehovha richiti: “Zvapupu zvinoti zvinofanira kungoteerera uye kutenda mitemo yomuBhaibheri chete.” Munguva pfupi yapfuura, mumwe murume wokuCanada akadimbudzira mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achida kumuudza kuti aiva ani. Akanongedzera Bhaibheri rake achibva ati, “Ndakuzivai nebhuku ramakabata iro.”