RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbq nyaya 91
  • Nei Kuine Machechi Akawanda?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Kuine Machechi Akawanda?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mhinduro yeBhaibheri
  • Nguva Yemberi Yechikristu Ichange Yakaita Sei?
    Mukai!—2007
  • ChiKristu Chakundikana Here?
    Mukai!—2007
  • VaKristu Vechokwadi Ndivanaani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Unofanira Kuongorora Zvimwe Zvitendero Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
ijwbq nyaya 91
Machechi akasiyana-siyana

Nei Kuine Machechi Akawanda?

Mhinduro yeBhaibheri

Vanhu vari kushandisa zvakadzidziswa naJesu Kristu kuti vatange machechi akasiyana-siyana. Asi Bhaibheri rinoratidza kuti kunongova nokunamata kumwe chete kwechokwadi. Pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti tidaro, asi ingonzwa 3 zvacho.

  1. Jesu akataura kuti aidzidzisa “chokwadi,” uye vaKristu vepakutanga vaiti chitendero chavo ndicho “chokwadi.” (Johani 8:32; 2 Petro 2:2; 2 Johani 4; 3 Johani 3) Izvi zvinoratidza kuti vanhu vanotsigira dzidziso dzisingapindirani nezvakadzidziswa naJesu vanenge vasiri vaKristu vechokwadi.

  2. Bhaibheri rinodzidzisa kuti vaKristu ‘vose vanofanira kutaura vachibvumirana.’ (1 VaKorinde 1:10) Asi machechi akawanda haabvumirani pazvinhu zvidiki zvakadai sokuti chii chinonzi muKristu. Saka hazvingaiti kuti titi machechi ose ndeechokwadi.​—1 Petro 2:21.

  3. Jesu akataura kuti vanhu vakawanda vaizozviti vaKristu asi vachikundikana kuteerera mitemo yake saka aizovaramba. (Mateu 7:21-23; Ruka 6:46) Vamwe vaizotsauswa nevatungamiriri vezvitendero vanokanganisa kunamata kwechokwadi nechinangwa chokuti zvinhu zvivanakire ivo. (Mateu 7:15) Asi vamwe vanhu vanoenda kuchechi dzavanoziva kuti hadzisi dzechokwadi nokuti vanenge vachingoda kunzwa zvinhu zvinofadza nzeve dzavo panzvimbo pokunzwa chokwadi chiri muBhaibheri.​—2 Timoti 4:3, 4.

Jesu akashandisa mufananidzo wegorosi nemasora kuti aratidze kuti paizova nevanhu vakawanda vaizotsauka pachiKristu chechokwadi. (Mateu 13:24-30, 36-43) Zvakatora nguva yakareba kuti musiyano waiva pakati pevaKristu vechokwadi nevenhema unyatsooneka. Saka pakafa vaapostora, vanhu vakawanda vakatsauka pakutenda sezvakanga zvataurwa naJesu. (Mabasa 20:29, 30) Kunyange zvazvo vanhu vakatsauka pakutenda vachidzidzisa zvakasiyana-siyana, vose “vakatsauka pachokwadi.”​—2 Timoti 2:18.

Jesu akagara ataurawo kuti musiyano wevaKristu vechokwadi nevenhema waizonyatsooneka. Tiri kuuona munguva ino yatiri kurarama, ‘yekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.’​—Mateu 13:30, 39.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe