RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wcg chits. 45 pp. 204-207
  • “Ndiri Munhu Anotadza”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndiri Munhu Anotadza”
  • Famba naMwari Neushingi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Wedzera Kuongorora
  • Zvidzidzo Zvatinowana
  • Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
  • Dzidza Zvimwe
  • Akava Dombo
    Famba naMwari Neushingi
  • Tevedzera Mafungiro aJehovha naJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi Wake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Famba naMwari Neushingi
wcg chits. 45 pp. 204-207

45 PETRO

“Ndiri Munhu Anotadza”

Rakaprindwa
Rakaprindwa

PETRO aiva murume anoshanda nesimba. Aiita basa rekubata hove uye aishanda pamwe chete nevamwe vemumhuri make. Aiva munhu akashinga uye aiwanzokurumidza kutaura nekuita zvinhu zvaaifunga. Rimwe zuva, munin’ina wake Andreya akauya kwaari achifara akamuudza kuti: “Tawana Mesiya.” Petro akabva aenda kunoona Jesu uye akazova muteveri wake.

Papera mwedzi mishoma, Jesu akaenda kuKapenaume kwaigara Petro. Petro akanga aita usiku hwese achiedza kubata hove asi haana kana chaakanga abata. Jesu akamuudza kuti aende pakadzika, onodzikisa mambure ake zvakare. Asi kuna Petro, zvaiita sezvakanga zvisina musoro nekuti masikati akanga asiri nguva yekubata hove. Akabva ati, “Tashanda zvakaoma usiku hwese uye hapana chatabata.” Kunyange zvakadaro, Petro akateerera akabvuma kuita zvakanga zvataurwa naJesu. Pasina kana nguva, zvikepe zviviri zvakanga zvatozara nehove zvekuti zvakanga zvava kutanga kunyura! Petro akatanga kutya. Akabva apfugama pamberi paJesu akati: “Ibvai kwandiri Ishe, nekuti ndiri munhu anotadza.” Petro aizviona semunhu anotadza zvakanyanya, asina kana kutombokodzera kushamwaridzana neMwanakomana waMwari aiita zvishamiso. Jesu akabva amuudza kuti: “Rega kutya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.”

Petro akapfugama pamberi paJesu akagara nechekumberi kwechikepe. Vabati vehove varikutatarika kudhonza mambure sezvo chikepe chakazara nehove.

Jesu akaona unhu hwakanaka hwaiva naPetro, uye akazomusarudza kuti ave muapostora wake. Petro akaratidza ushingi pazvinhu zvakasiyana-siyana. Semuenzaniso, Jesu paaitaura mashoko akanga asiri nyore kunzwisisa, vamwe vadzidzi vaizeza kumubvunza kuti airevei, asi Petro akanga asingatyi kubvunza kuti anyatsonzwisisa. Paakaona Jesu achifamba pamusoro pemvura, Petro akava neushingi hwekukumbira Jesu kuti naiyewo afambe pamusoro pemvura.

Petro aiwanzotaura asina kufunga saka zvaida ushingi kuti abvume kutsiurwa

Petro akaratidzawo ushingi paaitsiurwa naJesu. Kana munhu akatsiurwa, zvinotoda ushingi kuti anyatsozviongorora achizvininipisa oona paanenge akanganisa, obva agadzirisa. Panyaya iyi, Petro akaratidza ushingi kakawanda. Jesu paakataura nezvekufa kwaaizoita, Petro akabva ati kwaari: “Musabva mazvidaro Ishe.” Jesu akabva amutsiura zvakasimba nekuti akanga ataura sezvinoitwa naSatani, achipesana nekuda kwaMwari. Petro akazvininipisa akabvuma kutsiurwa.

Usiku hwekupedzisira asati aurayiwa, Jesu aida kudzidzisa vadzidzi vake kuti vazvininipise. Saka akatanga kugeza tsoka dzevadzidzi vake, achiita basa raiwanzoitwa nemuranda akaderera. Asi paakasvika pana Petro, Petro akabva ati: “Hazvitomboiti kuti mugeze tsoka dzangu.” Asi Jesu akamutsiura zvakasimba. Pane kuti abate zvairehwa naJesu, Petro akabva atowedzera kurasika, achibva atokumbira Jesu kuti asangomugeza tsoka chete, asi kuti atobva amugezawo maoko nemusoro. Jesu akabva amutsiura zvakare. Jesu akazoudza vaapostora vake kuti vese vaizomusiya. Petro akati aisazombosiya Jesu kunyange vamwe vadzidzi vese vakamusiya. Asi Jesu akamuudza kuti aizomuramba katatu usiku ihwohwo.

Papera maawa mashomanana, Jesu akabva asungwa. Paaiendwa naye, Petro akashinga kutevera ari nechekure. Jesu paaitongwa zvisiri pamutemo, achiitirwa utsinye uye achinyadziswa, Petro ainge akamira muchivanze cheimba yemupristi mukuru. Paakanga ari imomo, pane vanhu vakamuziva kuti akanga ari muteveri waJesu. Katatu kese, Petro akaramba Jesu achitotaura kuti akanga asingatombomuzivi, uye izvi ndizvo chaizvo zvakanga zvataurwa naJesu.

Panguva iyoyo Jesu akabva abuda mumba macho achibva atarisa Petro. Petro akarwadziwa, achibva ‘abuda panze akachema zvinosiririsa.’ Mangwana acho, Jesu paakazourayiwa zveutsinye, Petro anofanira kunge akarwadziwa zvakanyanyisa. Asi haana kurega zvinhu zvese izvi zvichimupedza simba. Akaramba achitsungirira. Chii chakazoitika? Akaenda kunoonana nevamwe vaapostora. Papera mazuva mashoma, akanga ava nemashoko anofadza aaida kuudza vamwe vake ekuti Jesu akanga azviratidza kwaari! Bhaibheri haritiudzi haro kuti Jesu paakazviratidza kuna Petro akamuudza kuti chii. Asi Petro anofanira kunge akasimbiswa uye akanyaradzwa chaizvo.

Papera mavhiki akati kuti, Jesu paakaonana nevaapostora vake pagungwa reGarireya, akaita seapa Petro chipo chakakura chaizvo. Petro ainge aramba Jesu katatu, saka Jesu akamupa mikana mitatu yekuti ataure kuti aida Tenzi wake. Jesu akabva apa Petro basa rinokosha chaizvo. Akamuudza kuti: “Ipa makwai angu madiki zvekudya.” Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitwa naPetro sezvatichaona muChitsauko 49, uye akazviita achiratidza ushingi hunopfuura hwaaimbova nahwo.

Verenga nyaya yacho muBhaibheri:

  • Mateu 14:​23-29; 15:15; 16:​21-23; 18:21; 19:​27-29; 26:​69-75

  • Mako 14:​27-31, 53, 54; 16:7

  • Ruka 5:​1-11; 12:41; 22:​61, 62; 24:​33, 34

  • Johani 1:​40-42; 13:​3-9, 36-38; 21:​15-17

Mubvunzo wekukurukura:

Petro akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?

Wedzera Kuongorora

  1. 1. Basa raiitwa naPetro rekubata hove raisanganisirei? (it “Kuvhima Nekuraura” ¶6-7-wcgr) Ona mufananidzo A

    Mubati wehove wepanguva yakatanga chiKristu ari kuruka mambure ekubatisa hove.

    Mufananidzo A

  2. 2. Nei Jesu akapa Simoni zita rekuti Kefasi (Petro)? (nwtsty “Ndiwe Simoni” Joh. 1:​42-wcgr)

  3. 3. Mashoko akataurwa naJesu kuna Petro naAndreya ekuti “ndichakuitai vabati vevanhu” anoratidzei? (Mat. 4:​18-20; w16.05 9 ¶3-4-wcgr) Ona mufananidzo B

    Vabati vehove 4 vepanguva yakatanga chiKristu vari kutatarika kudhonza mambure akazara nehove vari muchikepe.

    Mufananidzo B

  4. 4. Nguva pfupi Jesu asati aenda kudenga akabvunza Petro kuti: “Unondida here kupfuura idzi?” Mubvunzo waJesu unogona kunge wairevei? (nwtsty “unondida here kupfuura idzi?” Joh. 21:​15-wcgr)

Zvidzidzo Zvatinowana

  • Tinodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Petro panyaya yekuramba tichishumira Jehovha pasinei nezvikanganiso zvedu? Ona mufananidzo C

    Mifananidzo: Hama yechidiki iri kutambudzika nechikanganiso chayo. Mifananidzo mitatu inotevera iri kuratidza zvakaitika kuhama yacho. Hama yechidiki iri kuzvitarisa pagirazi yakasuruvara ichifungisisa nezvechikanganiso chayakaita. Hama iya inokurudzirwa nehama mbiri dzechikuru dziri kukurukura naye dzichishandisa Bhaibheri. Hama iya yechidiki yava kuverenga Bhaibheri pamusangano weungano.

    Mufananidzo C

  • Kufungisisa nezvekuregererwa kwakaitwa Petro naJehovha naJesu kunotibatsira sei?

  • Ungatevedzera sei ushingi hwakaratidzwa naPetro panyaya iyi?

Mibvunzo Yekufunga Nezvayo

  • Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?

  • Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?

  • Zvii zvawadzidza nezvaPetro munyaya iyi zvinoita kuti ufare kuziva kuti akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?

Dzidza Zvimwe

Vabereki vangashandisa sei nyaya yaPetro kudzidzisa vana vavo nezvetsitsi dzaJehovha?

Jehovha Anoregerera (9:40)

Ona kuti zvii zvakaitwa naPetro zvinoratidza kuti akaramba akavimbika vamwe pavakasiya Jesu.

“Akanga Akavimbika Pasinei Nemiedzo” (ia 188-195-wcgr)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe