49 PETRO
Akava Dombo
JESU paakatanga kuonana naSimoni akamupa zita idzva. Akati: “Ndiwe Simoni, mwanakomana waJohani; iwe uchanzi Kefasi.” Zita rekuti Kefasi rinoreva zvakafanana nerekuti Petro, iro rinoreva kuti “Dombo.” Nei Jesu akamupa zita iroro? Dombo chinhu chakasimba chisingatsuduguki nyore nyore uye rinogona kushandiswa pakuvaka. Zvinoita sekuti Jesu akanga ari kuudza shamwari yake kuti aizova munhu akashinga uye kuti aizosimbisa ungano.
Asi Petro akanga akasimba sedombo here? Chitsauko 45 chinoratidza kuti hapasi pese paaiita sedombo. Dzimwe nguva Petro airatidza kuti aisava nekutenda kwakasimba, ongoita zvinhu nekuti anenge achitya. Asi Jesu haana kurasa tariro. Aiziva kuti nekufamba kwenguva Petro aizowedzera kuva neushingi. Ndizvo zvakazoitika here?
Pashure pekunge Jesu afa akamutswa, akapa vadzidzi vake basa rinokosha rekuparidza mashoko akanaka eUmambo. Petro akashinga kuita basa iroro uye ushingi hwake hwakaramba huchitowedzera. Pamutambo mukuru wakaitwa kuJerusarema, akamira pamberi pezviuru zvevaJudha vainge vakazvipira kuchitendero chavo akavaudza pachena kuti vakanga vauraya Mesiya. Vanhu vakawanda vaivepo “vakabayiwa mwoyo” nemashoko aiparidzwa naPetro neushingi, uye vakapfidza. Vanhu vanenge 3 000 vakabva vabhabhatidzwa vakava vadzidzi vaJesu.
Chii chaizobatsira Petro kuti ave munhu ane kutenda kwakasimba uye ushingi sezvakanga zvataurwa naJesu?
Basa rekuparidza ndiro rakazova basa rainyanya kukosha muupenyu hwaPetro. Jesu akanga apa Petro “makiyi eUmambo.” Izvi zvinoreva kuti akanga amupa basa rekubatsira mapoka matatu evanhu kuti awane mukana wekupinda muUmambo hwaMwari. Saka Petro akatanga kuparidzira vaJudha, akazoparidzira vaSamariya uyewo vanhu vemamwe marudzi. Akaita basa iri neushingi uye asingasaruri. Petro aifamba nzvimbo dzakawanda achiparidza mashoko akanaka nekukurudzira hama nehanzvadzi uye dzimwe nguva aifamba pamwe chete nemudzimai wake. Petro akatosvikawo kunzvimbo dzaiva kure chaizvo dzakadai sekuBhabhironi uye akatozogarako.
Mumakore ese aaiita basa rake, Petro akaramba akashinga paaisangana nematambudziko uye akatsungirira paaipikiswa. Petro nevamwe vaapostora vakamboiswa mujeri kanodarika kamwe chete. Pane imwe nguva vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakavaudza kuti vasaparidze. Asi Petro akavapindura achiti: “Tinofanira kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.” Kunyange zvazvo vakazorohwa, vakaramba vachizivisa vanhu nezveUmambo hwaMwari uye nezvaJesu Kristu, Mambo akagadzwa naJehovha.
Kutambudzwa kwaiitwa vaKristu kwakatozowedzera. Stefani akaurayirwa kutenda kwake sezvinotaurwa muChitsauko 48. Papera makore anenge 10, Mambo Herodhi akauraya muapostora Jakobho, uyo aiva shamwari yaPetro. Herodhi akaona kuti vaJudha vaipikisa vaKristu vakafara chaizvo nekuuraya kwaakanga aita Jakobho, saka akaitawo kuti Petro asungwe. Akabva avharirwa muchitokisi akasungwa necheni uye paiva nevarindi vaigara vakamuchengetedza. Jesu asati aenda kudenga akanga ambotaura kuti Petro aizosungwa oendeswa kunourayiwa. Petro angangodaro akafunga kuti mashoko iwayo akanga ava kutozadzika here?
Rimwe zuva huri usiku, tichiti mangwana acho Petro ndipo paaifanira kuzourayiwa, ngirozi yakabva yangoerekana yazviratidza kwaari. Yakamumutsa, ikamusunungura, ichibva yamubuditsa muchitokisi, ndokubva vafamba nepamberi pevarindi, vakabuda nepamagedhi esimbi, vachibva vanopinda mumugwagwa. Petro akabva aita sei? Haana kubva angotiza achityira kuti masoja aizomubata, asi akangonanga kwainge kwakaungana hama nehanzvadzi dzake dzichinamata Jehovha nekunyengetera. Hama idzi dzinofanira kunge dzakakurudzirwa chaizvo padzakaona Petro uye iye anofanira kunge akafara chaizvo paakaonana navo!
Petro haana kuzombofa akakanganwa mashoko akataurwa naJesu paakati kwaari: “Simbisa hama dzako” uyewo paakati, “ipa makwai angu madiki zvekudya.” (Ruka 22:32; Joh. 21:17) Petro aiparidza neushingi uye aisimbisa vanhu vaMwari kwese kwaaienda. Aingovawo munhu wenyama aiva nechivi, saka aimbokanganisawo. Pane imwe nguva Petro akaita chikanganiso nekuti aida kufadza vanhu, zvikaita kuti azotsiurwa nemumwe muapostora. Asi Petro akazvininipisa akabvuma kutsiurwa. Akaramba achikurudzira hama nehanzvadzi dzake. Akanyorawo tsamba mbiri dzakafemerwa dzakatozovawo mabhuku eBhaibheri. Petro akaramba achishumira Jehovha kwemakore akawanda akatendeka, ndokubva azosungwa kekupedzisira achibva aurayiwa. Asi akaramba aine kutenda uye akaramba akashinga. Saka Petro akanyatsoratidza kuti aiva “dombo” sezvakanga zvataurwa naJesu!
Verenga nyaya yacho muBhaibheri:
Mubvunzo wekukurukura:
Petro akaratidza sei ushingi pane zvakaitika muupenyu hwake panguva iyi?
Wedzera Kuongorora
1. Jesu akapa Petro “makiyi eUmambo.” Petro akashandisa sei makiyi iwayo? (Mat. 16:18, 19; ijwbq nyaya yechi124 ¶1-5-wcgr) Ona mufananidzo A
Mufananidzo A: Petro akaparidza mashoko akanaka eUmambo kuvaJudha vaiva muJerusarema, kuvaSamariya vaiva kuSamariya, uye kuvanhu vemamwe marudzi vaiva muKesariya
2. Chii chinoratidza kuti Petro anogona kunge akanga agara asinganyanyi kusarura vanhu vemamwe marudzi kunyange paakanga asati aenda kumba kwemurume wemamwe marudzi ainzi Koniriyasi? (Mab. 10:5-7, 23; bt 69 ¶1, mashoko emuzasi) Ona mufananidzo B
Mufananidzo B: Paimbova neguta rekare rainzi Jopa
3. Chii chinoratidza kuti Petro akabvuma kutsiurwa naPauro? (w17.04 26-27 ¶15-17-wcgr)
4. Nei Petro akaenda kunogara kuBhabhironi? (it “Kutapwa” ¶24-wcgr)
Zvidzidzo Zvatinowana
Petro akataura nevanhu vainge vakaungana muJerusarema neushingi asi achingwarira matauriro aaiita. Ndepapi patingafanirawo kuratidza ushingi asi tichingwarira matauriro edu?
Kunyange zvazvo Petro airemekedzwa chaizvo muungano, akabvuma kutsiurwa naPauro. Tingamutevedzera sei? Ona mufananidzo C
Mufananidzo C
Ndepapi pamwe paungatevedzera ushingi hwakaratidzwa naPetro munyaya iyi?
Mibvunzo Yekufunga Nezvayo
Nyaya iyi inondidzidzisei nezvaJehovha?
Nyaya iyi inobatana papi nechinangwa chaJehovha chaakasikira nyika nevanhu?
Zvii zvawadzidza nezvaPetro munyaya iyi zvinoita kuti ufare kuziva kuti akasarudzwa kuti anotongawo naKristu kudenga?
Dzidza Zvimwe
Zvakaitwa naPetro zvinotibatsira sei kuti tivimbe naJehovha uye kuti tikunde kutya?
Shandisa nyaya iyi kuti uwane zvimwe zvidzidzo zviri munyaya inotaurwa pana Mabasa chitsauko 10.
“Mwari Haasaruri” (Nyaya dziri pajw.org pakanzi “Nyaya dzemuBhaibheri Dzekudzidza”-wcgr)