RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • br78 pp. 26-31
  • Mibvunzo Inowanzobvunzwa Navanhu Vanofarira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inowanzobvunzwa Navanhu Vanofarira
  • Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu zvaJehovha
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
    Ko Zvapupu zvaJehovha Zvinodavirei?
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri
br78 pp. 26-31

Mibvunzo Inowanzobvunzwa Navanhu Vanofarira

Mimwe mibvunzo inowanzomuka kupfuura mimwe. Mishomanene yeyakadaro inorangarirwa pano.

Kana Mwari ari rudo, neiko achibvumidza uipi?

Mwari haazati achibvumidza uipi, uye mamirioni ari pasi pano noune anohuita. Somuenzaniso, anozivisa hondo, anodonhedzera mabhomba pavana, anopisa pasi, anoparira nzara. Mamirioni anosvuta uye anowana gomarara ramapapu, anoita upombwe ndokuwana hosha yechihure, anoshandisa zvinwiwa zvinodhakisa mukunyanyisa ndokuva nehosha yechiropa, zvichingunodaro. Vanhu vakadaro havasati vachida zvapachokwadi kuti uipi hwose hupere. Vanongoda bedzi kuti zvirango zvahwo zvibviswe. Apo ivo vanocheka chavakadyara, vanodanidzira kuti, “Neiko ini?” Uye vanopomera Mwari, sokureva kunoita Zvirevo 19:3 kuti: “Upenzi hwomunhu amene hunoshatsa upenyu hwake, uye ipapo iye anotsamwira ISHE.” (The New English Bible) Uye kana Mwari akagumisa kuita kwavo zvakashata, ivo vangatsutsumwira kurashikirwa kwavo norusununguko rwokuhuita!

Chikonzero chikuru chaJehovha chokubvumidza uipi ndechokupindura kupanikira zvokwadi kwaSatani. Satani Dhiabhorosi akati Mwari haati aigona kuisa vanhu pasi pano vaizova vechokwadi kwaAri pakuedzwa. (Jobho 1:6-12; 2:1-10) Jehovha anobvumira kuramba aripo kuti ave nebanza rokubvumikisa kupanikira kwake. (Enzanisira naEksodho 9:16.) Satani anopfuurira kuvigira nhamo zvino, kupandutsa vanhu kuna Mwari, sezvaanoedza kubvumikisa kupanikira kwake. (Zvakazarurwa 12:12) Zvisinei, Jobho akachengeta perero. Ndozvakaitawo Jesu. MaKristu echokwadi anoitawo zvino.—Jobho 27:5; 31:6; Mateo 4:1-11; 1 Petro 1:6, 7.

Ndingada kudavira paradhiso yapasi apo vanhu vachagara nokusingaperi, asika haizati yakanyanyonakisisa zvokusagona kuvapo here?

Kwete mukuwirirana neBhaibheri. Inoratidzika kuva yakanyanyonakisisa zvokusagona kuvapo nemhaka bedzi yokuti vanhu vaziva ushati hwamazana mazhinji zvikuru amakore. Jehovha akasika pasi ndokuudza vanhu kurizadza navarume navakadzi vakarurama vaizotarisira zvirimwa zvaro nemhuka ndokuchengeta rucheno rwaro panzvimbo pokuriparadza. (Ona mapeji 12 ne 17.) Panzvimbo pokuti Paradhiso iyeyo yakapikirwa ive yakanyanyonakisisa zvokusagona kuvapo, mugariro uripowo unosuruvarisa wanyanyoshata zvokusagona kupfuurira. Paradhiso ichautsiva.

Kutenda izvi zvipikirwa hakuzati kuri nhau yenhendedzero. “Kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.” Kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari, uchenjeri hwaro hunova hunooneka uye kutenda kunowedzera.—VaRoma 10:17; VaHebheru 11:1.

Ndingagona sei kupindura vanhu vanotuka vachitaura kuti Bhaibheri ingano uye harizi resayenzi?

Ruzivo rwezvokucherwa kwamatongo rweBhaibheri runosimbisa zvakawanda zvoururami hwenhau hweBhaibheri. Sayenzi yechokwadi inotsinhirana neBhaibheri. Maidi anotevera akanga ari muBhaibheri kare kare iwo asati awanwa navadzidzi venyika: nhevedzano yenhano umo pasi rakapfuura nomadziri mukuumbika kwaro, kuti pasi rakatenderera, kuti iro rakarembera muchadenga pasina chinhu, uye kuti shiri dzinotama.—Genesi, ganhuro 1; Isaya 40:22; Jobho 26:7; Jeremia 8:7.

Kufuridzirwa kweBhaibheri kunoratidzirwa nouporofita hwakazadzika. Dhanieri akadeya kuzivisa pachine nguva mberi kumuka nokuwa kwoubati ushe hwenyika, uyewo nguva apo Mesia aizosvika ndokuurawa. (Dhanieri, maganhuro 2, 8;Dhanieri 9:24-27) Nhasi, humwezve huporofita huri kuzadzika, huchiratidzira ano sa“mazuva okupedzisira.” (2 Timotio 3:1-5; Mateo, ganhuro 24) Kudeya kuziva kwakadaro hakuzati kuri musimba romunhu. (Isaya 41:23) Nokuda kweimwezve simbiso, ona mabhuku eWatch Tower anonzi The Bible—God’s Word or Man’s? uye Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?

Ndingagona sei kuva anokwanisa kupindura mibvunzo pamusoro peBhaibheri?

Unofanira kufunda Bhaibheri ndokufungisisa pamusoro paro, panguva imwe cheteyo uchikumbira mudzimu waMwari kukutungamirira. (Zvirevo 15:28; Ruka 11:9-13) “Kana upi noupi wenyu achishaiwa uchenjeri,” Bhaibheri rinodaro, “ngaarambe achikumbira Mwari, nokuti iye anopa norupo kuna vose uye asingazvidzi; uye huchapiwa kwaari.” (Jakobho 1:5) Uyewo, kune yamuro dzefundo dzeBhaibheri dzinofanirwa nokunzverwa. Kazhinji kazhinji betsero inobva kuna vamwe inodikanwa, saapo Firipo akafunda nomuEtopia. (Mabasa 8:26-35) Zvapupu zvaJehovha zvinoitisa fundo pachena kuna vanhu vanofarira mumisha yavo. Inzwa wakasununguka kukumbira iyi fundo.

Neiko vazhinji vachishora Zvapupu zvaJehovha uye vachindiudza kuti ndirege kufunda navo?

Pakanga pane chishoro pakuparidzira kwaJesu, uye iye akataura kuti vateveri vake vaizoshorwawo. Apo vamwe vaiororwa nedzidziso yaJesu, vashori vorudzidziso vaipindura, kuti: “Imi hamuna kutsauswawo, hamuna here? Hapana nomumwe wavabati ushe kana kuti wavaFarise akamutenda, akadaro here?” (Johane 7:46-48; 15:20) Vazhinji vanokupangira kusafunda neZvapupu zvaJehovha havazivi kana kuti zvimwe vanofungira mano akaipa. Funda neZvapupu ndokuzvionera iwe umene kana kunzwisisa kwako Bhaibheri kuchiwedzera kana kuti kwete.—Mateo 7:17-20.

Neiko Zvapupu zvichishanyira pavanhu vanorudzidziso rwavo vamene?

Mukuita ikoku izvo zvinotevera muenzaniso waJesu. Iye akaenda kuvaJudha. VaJudha vakanga vane rudzidziso rwavo vamene, asi munzira zhinji rwakanga rwatsauka paShoko raMwari. (Mateo 15:1-9) Marudzi ose ana marudzidziso awo orudzi rwakati, rungava runonzi rwechiKristu kana kuti rusati ruri rwechiKristu. Kunokosha zvikuru kuti vanhu vave nezvitendero zvinowirirana neShoko raMwari amene, uye nhamburiko dzeZvapupu dzokuvabetsera mukuita ikoku dzinoumba kuratidzirwa kworudo rwomuvakidzani.

Ko Zvapupu zvinodavira kuti rudzidziso rwazvo ndirwo bedzi rwakarurama here?

Munhu upi noupi unorangarira zvakakomba pamusoro porudzidziso rwake anofanira kufunga kuti irwo ndorwuye rwakarurama. Kana zvisina kudaro, iye aizobatanidzirwei marwuri? MaKristu anopangirwa, kuti: “Simbisirai zvinhu zvose; batisisai kune zvinhu zvakaisvonaka.” (1 VaTesaronika 5:21) Munhu anofanira kusimbisira kuti zvitendero zvake zvinogona kutsigirwa naMagwaro, nokuti kunongova bedzi nokutenda kumwe kwechokwadi. VaEfeso 4:5 inosimbisa ikoku, ichidudza “Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhapatidzo rumwe.” Jesu haana kubvumirana nomurangariro wazvino uno, wakasununguka wokuti kune migwagwa mizhinji, marudzidziso mazhinji, ose achitungamirira kuruponeso. Panzvimbo pakwo, iye akati: “Suo rakamanikana nenzira nhete zvinoenda kuupenyu, uye vashomanene ndivo vanoiwana.” Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti zvakaiwana. Nezvisizvo, zvaizotsvaka rumwe rudzidziso.—Mateo 7:14.

Ko izvo zvinodavira kuti ndizvo bedzi zvichaponeswa here?

Aiwa. Mamirioni mazhinji akararama mumazana amakore akapfuura uye awo akanga asati ari Zvapupu zvaJehovha achamuka murumuko ndokuva nebanza nokuda kwoupenyu. Vazhinji zvino vanorarama sezvingabvira vangaita kumira nokuda kwezvokwadi nokururama pamberi pe“dambudziko guru,” uye ivo vachawana ruponeso. Zvakare, Jesu akataura kuti tinofanira kusava vanotongana. Tinoona chitarisiko chokunze; Mwari anoona pamwoyo. Iye anosanoona uye anotonga mungoni. Iye akaisa rutongeso musimba raJesu, kwete redu.—Mateo 7:1-5; 24:21.

Mipiroi yezvemari inokarirwa avo vanopinda misangano yeZvapupu zvaJehovha?

Pamusoro pemipiro yemari, muapostora Pauro akati: “Munhu mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza mumwoyo make, kwete nokugurukuta kana kuti nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.” (2 VaKorinte 9:7) PaHoro dzoUmambo napanhandare dzekokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha hapana mipiro inombotorwa. Mabhokisi anoiswa kuti kuve kwakakodzera nokuda kwoupi noupi anoshuva kupira kuita kudaro. Hapano mumwe munhu anoziva icho vamwe vanopa. Vamwe vanokwanisa kupa kupfuura vamwe; vamwe vangava vasingakwanisi kupa chinhu chipi nechipi. Jesu akaratidzira murangariro wakarurama apo iye akarumbidza pamusoro pebhokisi remari patembere muJerusarema naavo vaipira, achiti: Ndiwo mano omunhu okupa nomudzimu wokupa zviri zvinokosha, kwete chitsama chemari.—Ruka 21:1-4.

Kana ndikava mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndinokarirwa kuparidza sezvazvinoita here?

Apo mumwe anozadzwa nezivo yeParadhiso yakapikirwa yapasi mukudzora kwoUmambo hwaKristu, munhu anoda kugoverana navamwe. Uchadarowo. Mashoko akanaka!—Mabasa 5:41, 42.

Kuita ikoku inzira inokosha yokuratidzira kuti iwe uri mudzidzi waJesu Kristu. MuBhaibheri, Jesu anonzi “chapupu chakatendeka nechechokwadi.” Paaiveri pasi pano iye akaparidza, achiti: “Umambo hwamatenga hwaswedera pedyo,” uye iye akatuma vadzidzi vake kundoita zvimwe chetezvo. (Zvakazarurwa 3:14; Mateo 4:17; 10:7) Gare gare, Jesu akaraira vateveri vake, kuti: “Naizvozvo endai mundoita vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, . . . muchivadzidzisa.” Iyewo akadeya kutaura kuti, mugumo usati wasvika, “aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.”—Mateo 28:19, 20; 24:14.

Kune nzira zhinji dzokuzivisa nadzo aya mashoko akanaka. Kurukurirano neshamwari navazivikanwi inowanzozarura nzira yokuita kudaro. Vamwe vanokuita kupfurikidza nokunyora matsamba kana kuti kushandisa runhare. Vamwe vanotumira mabhuku ana mashoko avanofunga kuti muzivikanwi achava anoafarira zvikurukuru. Nokuda kwechishuvo chokusapotsa munhu, Zvapupu zvinoenda paimba neimba neshoko.

Bhaibheri rine iyi kokero youshamwari, inoti: “Mudzimu nomwenga vanoramba vachiti: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi anonzwa ngaati: ‘Uya!’ Uye munhu upi noupi anonzwa nyota; munhu upi noupi anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.” (Zvakazarurwa 22:17) Kuzivisa vamwe pamusoro peParadhiso yapasi nezvikomborero zvayo kunofanira kuitwa nokudisisa, nokuda kwomwoyo uzerwe nechishuvo chokugovera aya mashoko.

Tine chokwadi chokuti une mimwe mibvunzo pamusoro peZvapupu zvaJehovha nezvitendero zvazvo. Zvimwe mimwe yayo ndeyekakavadzano muchimiro. Tingada kuipindura. Nzvimbo yakaganhurirwa mubhurocha rino; naizvozvo tinokukoka kuibvunza Zvapupu zvomunzvimbomo, zvimwe pamisangano yazvo yapaHoro yoUmambo kana kuti pazvinokushanyira mumusha mako. Kana kuti ungatumira mibvunzo yako kuWatch Tower Society, pahofisi yebazu iri pedyo zvikurusa newe; ona ndaza pasi apa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe