RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • br78 pp. 25-26
  • Sangano Nebasa Razvo Renyika Yose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sangano Nebasa Razvo Renyika Yose
  • Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri
  • Mashoko Akafanana
  • Vatariri Vakapiwa Basa Rekufudza Makwai
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Pahofisi Yebazi Panoitwei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Nzira Iyo Zvapupu zvaJehovha Zvakarongwa Nayo
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Vatariri Vanofambira—Vashandi Biyamwe Muzvokwadi
    Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose
Ona Zvimwe
Zvapupu zvaJehovha Muzana Ramakore Rechimakumi Maviri
br78 pp. 25-26

Sangano Nebasa Razvo Renyika Yose

Pane batano dzinoverengeka dzinoshandiswa mukutungamirira basa rokupupurira munyika dzinopfuura 200 uko riri kuitwa. Nhungamiro yose inobva kuMutumbi Unodzora uri padzimbahwe renyika muBrooklyn, New York. Mutumbi Unodzora unotumira vamiriri gore rimwe nerimwe ku“nyika” 15 kana kuti dzinopfuura munyika yose kundokurukura navamiriri vebazu vari munyika imwe neimwe. Mumahofisi amabazu, mune Matare amaBazu emitezo inovambira pamitatu kusvikira kuminomwe yokutarisira basa munyika dziri mutarisiro yadzo. Mabazu mazhinji ane zvivako zvokutsikiririra, zvimwe zvinoshandisa michina yokutsikiririra inomhanya zvikuru yerotari. Nyika kana kuti nharaunda inobatirwa nebazu rimwe nerimwe inokamuraniswa kuva maruwa, uye maruwa, anokamuraniswawo kuva matunhu. Dunhu rimwe nerimwe mariri rine ungano dzinenge 20. Mutariri woruwa anoshanyira matunhu ari muruwa rwake mukutenderera. Magungano maviri anoitwa gore negore nokuda kwedunhu rimwe nerimwe. Kunewo mutariri wedunhu, uye iye anoshanyira ungano imwe neimwe iri mudunhu rake zvikurukuru kaviri pagore, achibetsera Zvapupu mukuronga nomukuita basa rokuparidzira mundima yakagoverwa kuungano iyeyo.

Ungano yomunzvimbomo ine Horo yayo yoUmambo ndiyo musimboti wokuzivisa mashoko akanaka munzanga menyu. Nharaunda iri pasi peungano imwe inokamuranywa kuva ndima duku. Idzodzi dzinogoverwa kuZvapupu zvimwe nezvimwe zvinotamburira kushanya ndokutaura navanhu mumusha mumwe nomumwe varimo. Ungano imwe neimwe, inoumbwa navanobvira paZvapupu zvishomanene kusvikira ku 200, ina vakuru vanogoverwa kutarisira mitoro yakasiana-siana. Muparidzi mumwe nomumwe wamashoko akanaka ndiye anokosha muungano yeZvapupu zvaJehovha. Mumwe nomumwe weZvapupu, kunyange achibatira padzimbahwe renyika, mumabazu, kana kuti muungano, anoita iri basa romumunda pachake amene kuzivisa vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari.

Mishumo yeiri basa pakupedzisira inosvika dzimbahwe renyika, uye Yearbook yegore negore inobatanidzwa ndokubudiswa. Uyewo, ndaza inobudiswa gore rimwe nerimwe muchinyorwa chaJanuary 1 cheNharireyomurindi. Izvi zvinyorwa zviviri zvinogovera mishumo youdzame yezvakaitwa zvegore rimwe nerimwe mukupupurira Jehovha noUmambo hwake hunodzorwa naKristu Jesu. Ya 1989 Yearbook yakashuma kuti muna 1988 Zvapupu zvine 9 201 071 navanhu vanofarira vakapinda Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu. Mugore rebasa ra 1988 Zvapupu zvaJehovha zvakapedzera anopfuura maawa 785 000 000 mukuzivisa mashoko akanaka uye vatsva vane 239 268 vakabhapatidzwa. Zvinogoverwa zvamabhuku zvakava nehwerengedzo inosvika mumazana amamirioni amakopi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe