RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • uw chits. 3 pp. 20-28
  • Sanobatisisa Shoko raMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sanobatisisa Shoko raMwari
  • Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chichabetsera Vamwe Kurinzwisisa?
  • Kurava Kwedu Timene Bhaibheri
  • Ramba Wakabatisisa Shoko raMwari
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Farira Shoko raMwari
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kuverenga Bhaibheri—Kunobatsira uye Kunonakidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
uw chits. 3 pp. 20-28

Ganhuro 3

Sanobatisisa Shoko raMwari

1. (a) Ko Israeri akawana sei uzvokwadi hweShoko raMwari? (b) Neiko ikoko kuri kwefariro kwatiri?

“IMI munosanoziva nemwoyo yenyu yose uye nemweya yenyu yose kuti hapana shoko rimwe pamashoko ose akanaka amakataurirwa naJehovha Mwari wenyu rakakona. Iwo ose akazadzika nokuda kwenyu.” Ichi chakanga chiri chiyeuchidzo icho Joshua akapa varume vakuru vaIsraeri pashure pokunge vagarisika havo muNyika Yechipikirwa. Asika makore akatevera ivo havana kupfuurira kufungisisa Shoko raMwari ndokurishandisa. Chii chakava muuyo? Bhaibheri rinojekesa kuti sezvo zvipikirwa zvechikomborero zvaJehovha zvakanga zvabvumikisa kuva zvakavimbika, saizvozvowo, iye akaita zvaakataura pamsoro pemiuyo yokusateerera. (Jos. 23:14-16) Chinyorwa ichecho, uyewo chimwe chose cheBhaibheri, chakachengeterwa murairidzo wedu—kuti “isu tigova netariro” uye kuti isu hataizoita chimwe chinhu chaizoparira kurasha tariro iyeyo.—VaRoma 15:4.

2. (a) Ko Bhaibheri raka“furidzirwa naMwari” munzirai? (b) Tichiziva ikoku, mutoroi watinawo?

2 Kunyange zvazvo “vanyori” vohunhu vane 40 vakashandiswa kunyora Bhaibheri, Jehovha iye amene ndiye Muvambi waro. Ko ikoku kunoreva kuti iye akatungamirira nomutoo wokushingaira kunyorwa kwechinhu chiri chose chiri mariri here? Hongu. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro mukuwirirana nezvokwadi, “Rugwaro Rwose rwakafuridzirwa naMwari.” Zvatinopwiswa nezvaizvezvo, tinokuchidzira vanhu kunzvimbo iri yose kutetekera kwariri uye kuumbira upenyu hwavo pane zvarinazvo, sezvo isu tinotamburira kuita.—2 Tim. 3:16; 1 VaT. 2:13.

Chii Chichabetsera Vamwe Kurinzwisisa?

3. Ndeipi iri nzira yakanakisisa yokubetsera vazhinji vaavo vasati vachipwiswa kuti Bhaibheri iShoko raMwari?

3 Chokwadika, vazhinji vatinotaura kwavari havana kupwiswa kwedu kwokuti Bhaibheri zvomenemene iShoko raMwari. Tingagona sei kuvabetsera? Kazhinji kazhinji, nzira yakanakisisa zvikuru ndeyokuzarura Bhaibheri ndokuvaratidzira zvarinazvo. “Shoko raMwari ibenyu uye rinoshandisa simba, rakapinza zvikuru kukunda munondo upi noupi unocheka kuviri . . . uye rinokwanisa kucherekedza mifungo nemirangariro yomwoyo.” (VaH. 4:12) “Shoko raMwari” ishoko rake rechipikirwa, rakanyorwa muBhaibheri. Harisati riri nhau yakafa asi ibenyu uye rinoenda nomutoo usingadzivisiki kukuzadzika. Zvarinoita kudaro, sundo dzomwoyo dzechowadi dzavanhu vanosvitswa pakuriwana dzinooneka pamsoro pokusvitsa migariro. Pesvedzero yaro ine simba zvikuru kupfuura icho isu pachedu tingataura.

4. Kutsanangurwai kwakapfava kwezvokwadi dzeBhaibheri kwakachinja chimiro chendangariro chavamwe vanhu kuBhaibheri? Neiko?

4 Kungoona bedzi zita raMwari muBhaibheri kwave kuri chitemeso nokuda kwavanhu vazhinji. Vamwe vakasarudza kufunda Bhaibheri pavakaratidzirwa zvarinoreva pamsoro pedonzo noupenyu, chikonzero nei Mwari achibvumidza uipi, chinorehwa nezvinoitika zvazvino uno kana kuti tariro chaiyoiyo yakanangidzirwa paUmambo hwaMwari. Munyika umo miitiro yorudzidziso yakaisa vanhu kukunetswa zvikuru nemidzimu yakaipa, kutsanangura kweBhaibheri chisakiso chaikoku namawanirwe okusunungurwa zvakamutsa fariro. Neiko mapfundo aya achiorora zvikuru kwavari? Nemhaka yokuti Bhaibheri ndiro bedzi manyuko anovimbika amashoko panhau idzi dzinokosha.—Pis. 119:130.

5. Apo munhu anotaura kuti iye haazati achidavira Bhaibheri, chii chingava chikonzero? Tingamubetsera seiko?

5 Zvisinei, zvakadiniko kana mumwe munhu akatiudza nomutoo wakananga kuti iye haazati achidavira Bhaibheri? Ikoko kunofanira kugumisa kurukurirano here? Nyangwe kana iye achidisisa kurangarira. Tinofanira kunzwa mutoro wokutaura zvakajeka nokupwiswa nokuda kweShoko raMwari. Kungava kuti iye anorangarira Bhaibheri sebhuku rechiKristudhomu. Chinyorwa chacho chenhema nokupindira munezvamatongerwe enyika, uyewo nokukumbira kwacho kunopfuurira mari, kungaparira davidzo yake isino kutsarukana kuBhaibheri. Huregererei kubvunza kana ikoku kuriko? Kushurikidza kweBhaibheri nzira dzenyika dzechiKristudhomu, pamwe chete namapfundo anosiana pakati pechiKristudhomu nechiKristu chechokwadi, zvingamutsa kufarira kwake.—Enzanisa Mateo 15:7-9; Jakobho 4:4; Mika 3:11, 12.

6. (a) Chii chinokupwisa iwe umene kuti Bhaibheri iShoko raMwari? (b) Ndeipi mimwe mitoo yokurangarira ingashandiswa kubetsera vanhu kunzwisisa kuti Bhaibheri zvomenemene rinobva kuna Mwari?

6 Kuna vamwe kurukurirano yakananga youfakazi hwefuridziro inobetsera. Chii chinosanobvumikisa kwauri kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari? Ndeicho Bhaibheri iro rimene rinoreva pamsoro pemviromviro yaro here? (2 Tim. 3:16, 17; Zvak. 1:1) Kana kuti iidi rokuti Bhaibheri rinezviporofita zvizhinji zvinoratidzira kuziva kuno udzame hwose nguva yemberi, zviri zviporofita zvinofanira nokuda kwechikonzero ichecho kuve hwakabva mumanyuko anopfuura ohunhu here? (2 Pet. 1:20, 21; Isa. 42:9) Ko zvimwe itsinhirano yomukati yeBhaibheri here, kunyange zvazvo rakanyorwa navanhu vazhinji kweinopfuura nhambo yamakore 1 610? Kana kuti kururama kwaro kwokuziva kupfurikidza nokunzvera maidi mukusiana namamwe manyoro anobvira munguva idzedzo here? Kana kuti kutendeseka kwavanyori varo here? Kana kuti kuchengetwa kwaro mukunangana nenhamburiko dzokurura dzokuriparadza here? Chipi kana chipi chawakawana kuva chinoorora chinogonawo kushandiswa kubetsera vamwe vanhu.

Kurava Kwedu Timene Bhaibheri

7, 8. (a) Ko isu somunhu mumwe nomumwe tinofanira kuve tichiitei neBhaibheri? (b) Chii chatinoda kuwedzera kukurava Bhaibheri kwedu timene, ko Bhaibheri iro rimene rinoratidzira sei ikoku? (c) Ko iwe umene wakawana sei kunzwisiswa kwamadonzo aJehovha?

7 Mukuwedzera kukubetsera vamwe kudavira Bhaibheri, isu timene tinodikanirwa kushandisa nguva yokurirava nguva dzose. Uri kuita saizvozvo here? Panamabhuku ose akabudiswa, irori rinoisvokosha zvikuru. Chokwadi, ikoku hakuzati kuchireva kuti kana tikarirava hatizati tichizodazve chimwe chinhu. Magwaro anonyevera pamsoro pokuzviparadzanisa isu timene, tichifunga hedu kuti tinogona kuwana chinhu chiri chose kupfurikidza nokunzvera kwokuzvimirira. Zvose zviri zviviri kufunda kwedu timene nokugaropinda misangano zvinodikanwa kana tichizova maKristu akadzikama.—Zvir. 18:1; VaH. 10:24, 25.

8 Nokuda kwokubetserwa kwedu Bhaibheri rinotizivisa pamsoro pomukuru mukuru weEtiopia uyo ngirozi yakatungamirira muparidzi weevhangeri wechiKristu Firipo apo mukuru mukuruyo akanga achirava muchiporofita chaIsaya. Firipo akabvunza murumeyo, kuti: “Unonzwisisa zvomenemene zvauri kurava here?” Nokuzvininipisa muEtiopia akapindura, kuti: “Zvomenemene, ndingagodaro seiko, kutoti dai mumwe munhu ainditungamirira?” Akakuchidzira Firipo kutsanangura shokoro raMagwaro. Zvino, Firipo akanga asati ari muravi weBhaibheri anozvimirira bedzi uyo ipapo akapa mufungo wake pamsoro paMagwaro. Nyangwe; chinyorwa chinoratidzira kuti iye aisanonyorerana navaapostora muungano yapaJerusarema nokudaro akanga ari mutezo wesangano rinooneka raJehovha. Naizvozvo aigona kubetsera muEtiopia kubetserekana nomuraidzo uyo Jehovha akanga achiita kuti uwanikwe kupfurikidza nesangano irero. (Mabasa 6:5, 6; 8:5, 14, 15, 26-35) Nenzira yakafanana nhasi, ndianiko wedu akasvika pakunzwisisa zvakajeka uye zvakarurama madonzo aJehovha ari oga zvake pachake? Mukupesana, taida, uye tinopfuurira kuda, betsero iyo Jehovha norudo anogovera kupfurikidza nesangano rake rinooneka.

9. Iprogiramui dzokurava Bhaibheri dzinogona kubetsera isu tose?

9 Kutibetsera kushandisa ndokunzwisisa Bhaibheri, sangano raJehovha rinogovera mashoko akaisvonaka anotsanangura Magwaro muNharireyomurindi nezvinyorwa zvinowirirana. Mukuwedzera, rudungwe rwenguva dzose rwokurava Bhaibheri rwunotirongerwa pamsoro peChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari muungano dzeZvapupu zvaJehovha. Vamwe veZvapupu zvaJehovha vanoita kurava Bhaibheri kunotevedzana kukuwedzera kuna irworwo. Betsero huru inogona kubva munguva inopedzerwa mukunzvera Magwaro Matsvene. (Pis. 1:1-3; 19:7, 8) Ko iwe umene wati warava Bhaibheri rose here? Kana usati, ita nhamburiko chaidzo dzokudaro. Kunyange zvazvo usinganzwisisi zvizere chinhu chiri chose, kuva kwako nomurangariro waro wose kuchava kwebetsero huru. Kudai waizorava mapeji mana bedzi kana kuti mashanu pazuva, ungapedza Bhaibheri murinenge gore rimwe.

10. (a) Ndiriini paunoita kurava Bhaibheri kwako? (b) Neiko kuva wenguva dzose kuchikosha?

10 Ndiriini apo iwe umene ungarongedzera kuita uku kurava Bhaibheri? Kana uchikwanisa kutsaura kunyange maminiti 10 kana kuti 15 pazuva, haiwa kuchava kunobetsera sei! Kana usati zvimwe ungaronga nguva dzenguva dzose nokuda kwakwo vhiki rimwe nerimwe, dzokonokei kwava kuomerera kurudungwe irworwo. Kurava Bhaibheri kunofanira kuva muitiro wenduramo, sokudya zvokudya. Sezvaunoziva, kana miitiro yokudya yomunhu ikava isino kutsarukana, utano hwake hunotambura. Naizvozvowo, ndizvo zvinoitawo umudzimu hwedu. Upenyu hwedu hunotsamira pakuva kwedu tinogarosimbiswa ne“shoko riri rose rinobuda nomumuromo maJehovha.”—Mat. 4:4.

11. Chii chinofanira kuva nharidzano yedu mukurava Bhaibheri?

11 Chii chinofanira kuva vavariro yedu mukurava Bhaibheri? Kwaizova kuposha kudai nharidzano yedu yaingova bedzi yokufukidza chiverengero chakati kuti chamapeji kana kuti kunyange kuwana bedzi bedzi upenyu husingagumi. Kuti tigobetserekana nokusingaperi, tinofanira kuva nevavariro dzakakwirira zvikuru—kuda Mwari, chishuvo chokumuziva zviri nani zvikuru, chokunzwisisa kuda kwake uye kumunamata nomutoo unogamuchirwa. (Johane 5:39-42) Chimiro chedu chendangariro chinofanira kuva chakafanana nechiya chomunyori weBhaibheri uyo akati: “Ndizivisei nzira dzenyu mumene, O Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu mumene.”—Pis. 25:4.

12. (a) Neiko kuwana “zivo yakarurama” kuri madikanwa, uye inhamburikoi pakurava ingadikanwa kuiwana? (b) Sezvinoratidzirwa papeji 27, ko tinganzvera nomutoo wokubetserekana zvatinorava muBhaibheri mumirangariroi? (c) Enzanisira aya mapfundo mashanu, rimwe panguva imwe, nokupindura mibvunzo inogoverwa pakupera kwendima iyi. Simbisira kushandisa Bhaibheri rako.

12 Zvatinogamuchira kudzidzisa ikoko, kunofanira kuva chishuvo chedu kuwana “zivo yakarurama.” Tisinayo, tingashandisa sei Shoko raMwari nomutoo wakafanira muupenyu hwedu timene kana kuti kuritsanangura zvakarurama kuna vamwe? (VaK. 3:10; 2 Tim. 2:15) Kuwana zivo yakarurama kunoda kuti tisanokurava, uye kana chikamu chakadzama tingada kuchirava kanopfuura kamwe chete kuti tigonzwisisa mufungo wacho. Tingabetserekanawo kana tikashandisa nguva yokufungisisa pamsoro pamashoko, kufunga pamsoro pawo mumirangariro yakasiana-siana. Nzira shanu dzinokosha dzokunzvera dzinosimbiswa papeji 27 yebhuku rino. Zvikamu zvizhinji zvaMagwaro zvinogona kunzverwa nomutoo unobetsera kupfurikidza nokushandisa imwe kana kuti dzinopfuura dzaidzodzi. Zvaunopindura mibvunzo iri pamapeji anotevera uchaona kuti ikoku kwakadaro sei.

(1) Kazhinji kazhinji chikamu choRugwaro chauri kurava chinopa ratidziro yakati kuti pamsoro porudzi rwomunhu rwuri Jehovha.

Apo tinofungisisa nomutoo wokunzwisisa pamsoro peicho Bhaibheri rinotizivisa pamsoro pamabasa okusika aJehovha, ko ikoko kunotapura sei chimiro chedu chendangariro kwaari? (Pis. 139:13, 14; kubvira pana Jobho ganhuro 38 kusvikira ku 42 cherekedza zvikurukuru Job 38:1, 2 ne Job 40:2, 8, tevere Job 42:1-6.)

Nokuda kwezvakataurwa naJesu pana Johane 14:9, 10, tingagona kutaurei pamsoro paJehovha kubva mune zvinoitika zvakadai sechimwe chakanyorwa pana Ruka 5:12, 13?

(2) Rangarira kuti nhauro inopira sei kukudziridzika kwomusoro weBhaibheri, ndiko kuti, kurevererwa kwezita raJehovha kunoitwa noUmambo hunodzorwa naJesu Kristu Mbeu Yakapikirwa.

Ko madambudziko paEgipita anowirirana sei nomusoro uyu? (Ona Eksodho 5:2; 9:16; 12:12.)

Zvakadiniko nenhauro inofadza inoreva nezvaRute muMoabhi? (Rute 4:13-17; Mat. 1:1, 5)

Ko chiziviso chaGabhurieri kuna Maria chokuberekwa kunouya kwaJesu chinokodzera sei? (Ruka 1:26-33)

Neiko kuzodzwa kwavadzidzi nomudzimu mutsvene paPentekosita kuchikosha? (Mabasa 2:1-4; 1 Pet. 2:4, 5, 9; 2 Pet. 1:10, 11)

(3) Mashoko akapoteredza ane chokuita nerevo yendima chaidzoidzo.

Ko kutaura kuri pana VaRoma 5:1 na 8:6 kunotaurirwa kuna vanaani? (Ona VaR. 1:7.)

Ko mashoko akapoteredza anoratidzira kuti 1 VaKorinte 2:9 iri kutsinhira pamsoro poupenyu pasi pano muNhevedzo Itsva yaMwari here? Sezvinoratidzirwa mundima duku 6-8, meso nenzeve dzavanaaniko dzakanga dzisinganzwisisi zvinhu izvo Pauro akanga achinyora pamsoro pazvo?

(4) Zvibvunze umene kuti ungagona sei kushandisa iwe umene zvauri kudzidza.

Ko chinyorwa chinoreva nezvokuuraya kwaKaini Abheri chinongova hacho chefariro yenhau kana kuti pane zano riri mairi nokuda kwedu here? (Gen. 4:3-12; 1 Johane 3:10-15; VaH. 11:4)

Patinorava (muna Eksodho kusvikira kuna Dheuteronomio) pamsoro pezvinoitika zvaIsraeri murenje, kushandisai kwedu timene kwatinofanira kuita? (1 VaK. 10:6-11)

Ko zano pamsoro pomufambiro rakanyorerwa maKristu akazodzwa rinoshanda kuvanhu vane tariro youpenyu husingagumi pasi pano here? (Enzanisa Numeri 15:16; Johane 10:16.)

Kunyange zvazvo tiri muchimiro chakanaka neungano yechiKristu, pane kudikanwa kwokurangarira nzira dzatingagona kushandisa nadzo zvizere zvikuru zano reBhaibheri ratinotoziva here? (2 VaK. 13:5; 1 VaT. 4:1)

(5) Fungisisa mashandisire aungaita zvauri kurava kuyamura vamwe.

Ndianiko angabetserwa nenhauro yokumuka kwomwanasikana waJairosi? (Ruka 8:41, 42, 49-56)

13. Ko tinogona kukarira miuyoi muprogiramu inopfuurira yokurava nokufunda Bhaibheri nesangano raJehovha?

13 Haiwa kurava Bhaibheri kunova kunotusa zvikuru sei pakunoitwa nomutoo uyu! Kuti tigosimbisira, kurava Bhaibheri chinetso—irongedzero yatinogona kushandira pairi nomutoo wokubetserekana kwenduramo. Asi sezvatinokuita tichasimba zvikuru mumudzimu. Kuchatiswededza pedyo zvikuru naBaba vedu vanorudo, Jehovha, nokuhama dzedu dzechiKristu. Kuchatibetsera kutetekera zano ro“kubatisisa pashoko roupenyu.”—VaF. 2:16.

Kurukurirano Yehwirudzuro

● Neiko Bhaibheri rakanyorwa ndokuchengetwa kusvikira kuzuva redu?

● Tingagona sei kubetsera vamwe kurinzwisisa?

● Ko nei kurava Bhaibheri kwako umene nguva dzose kuchibetsera? Ko tingagona kunzvera nomutoo unobetsera zvatinorava mumirangariroi mishanu?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 27]

Paunorava Bhaibheri Rangarira—

Izvo chikamu chimwe nechimwe chinokuzivisa pamsoro paJehovha somunhu

Kuwirirana kwarinoita nomusoro wose weBhaibheri

Matapurire anoita mashoko akapoteredza revo

Matapurire arinofanira kuita upenyu hwako umene

Mashandisire aungariita kubetsera vamwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe