Upenyu Husina Matambudziko Ivimbiso Yechokwadi
“[Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4.
VIMBISO iyi inofadza ndeyechokwadi here? Chimbofunga nezvenyevero yokutanga-tanga yakapiwa vanhu. Mwari akaudza Adhamu kuti kana aisazoteerera ‘chokwadi aizofa.’ (Genesisi 2:17) Adhamu haana kuteerera uye zvaakanga audzwa naMwari ndizvo zvakaitika. Zvakaitika kuna Adhamu, kutambura kwatakagara nhaka uye rufu chiratidzo chokuti zvinotaurwa naMwari zvinoitika. Pane chingaita kuti tifunge kuti Mwari haazozadzikisi vimbiso yaakaita yokuti zvinhu zvidzokere pakuva zvakanaka sezvazvaimbova pakutanga here?
Usakanganwa unhu hwaMwari hwambotaurwa munyaya yapfuura. Chido chedu chokuti matambudziko apere chiratidzo chetsitsi, rudo uye kururamisa zvina Mwari. Uyezve zvinhu zviri kuitika pasi rose uye mafungiro evanhu zviri kuratidza kuti nguva yaMwari yokuti agadzirise zvinhu yava pedyo.—Ona bhokisi rakanzi “Zvinhu Izvi Zvichaitika Rini?”
Nei Jehovha Mwari ari iye oga anogona matambudziko ose? Chimbofunga zvaanogona kuita achishandisa Mwanakomana wake Jesu, uye zvaakaronga kuita kuti abvise zvacho zvinokonzera matambudziko.
Zvisarudzo Zvatinoita.
Sekuru vedu Adhamu vakaita chisarudzo chakakanda vana vavo vose mumadhaka. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.” (VaRoma 8:22) Nzira ichashandiswa naMwari kugadzirisa izvi icharatidza ngoni dzisina kana ani zvake, uye ichange iri nyore zvokuti unoshamisika nazvo uye hapana anosara nemubvunzo. VaRoma 6:23 inoti: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.”
Jesu haana kumboita chivi. Kufa kwaakaita padanda rokutambudzikira kwakaita kuti zviite kuti vanhu vanoteerera vasunungurwe pachivi uye rufu. Iye zvino tava netariro yokuzorarama nokusingaperi munyika iyo tinenge tisisina chivi chinokonzera kuti tiite zvisarudzo zvisina kuchenjera. Vanhu vanoita nemaune kuti vamwe vatambure vanenge vasisipo nokuti “vanoita zvakaipa vachaparadzwa.”—Pisarema 37:9.
Zvinongoerekana zvaitika uye kutadza.
Jesu Kristu Mambo akagadzwa naMwari ane simba rokudzora njodzi dzinongoitika dzoga. Rimwe zuva Jesu nevaapostora vake pavaiva muchikepe “dutu rine simba kwazvo rakamuka, uye mafungu akaramba achipinda muchikepe, zvokuti chikepe chakanga chava kuda kuzara nemvura.” Vaapostora vakakumbira kubatsirwa, Jesu achibva “atuka mhepo yacho, akati kugungwa: ‘Shii! Nyarara!’ Zvino mhepo yacho yakadzikama, kudzikama kukuru kukavapo.” Vaapostora vake vakashamisika. Vakati: “Kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?”—Mako 4:37-41.
Jesu paanenge ava kutonga, vanhu vanoteerera ‘vachagara vakachengeteka, vasinganetseki nokutya dambudziko.’ (Zvirevo 1:33) Izvi zvinosanganisira dambudziko renjodzi dzinongoitika dzoga. Uyewo kutadza kutarisira pasi, kuvaka zvivako zvisina kusimba uye kusateerera nyevero dzinopiwa nezvenjodzi pamwe chete nokukanganisawo kunoita vanhu, zvose zvinenge zvapera. Hapana achangoerekana awirwa nedambudziko.
Jesu paakanga achiri pasi pano, akaratidza zvimwe zvaachaita paanenge ava kutonga kuratidza kuti achabvisa matambudziko anokonzerwa nezvinhu zvinongoerekana zvaitika. “Ndini kumuka noupenyu,” akataura kudaro. (Johani 11:25) Zvechokwadi Jesu ane simba uye chido chokumutsa vanhu vakawanda vakafira mutsaona dzinorwadza dzakakonzerwa nenjodzi dzinongoerekana dzaitika. Ivimbiso yokuda kungotibata kumeso here? Jesu akaita kuti tiwedzere kuva nechokwadi chokuti izvi zvichaitika, nokumutsa kwaakaita vamwe vakanga vafa. Vamwe vanhu vatatu vaakamutsa vakanyorwa muBhaibheri.—Mako 5:38-43; Ruka 7:11-15; Johani 11:38-44.
“Mutongi wenyika ino.”
Kristu Jesu akagadzwa naMwari kuti “aparadze uyo ane simba rokukonzera rufu, iye Dhiyabhorosi.” (VaHebheru 2:14) Jesu akazivisa kuti: “Pane kutongwa kwenyika ino; zvino mutongi wenyika ino achadzingwa.” (Johani 12:31) ‘Achaputsa mabasa aDhiyabhorosi’ nokuparadza iye Dhiyabhorosi wacho. (1 Johani 3:8) Imbofungidzira kuti ichange iri nyika yakaita sei inenge isisina vanhu vane unhu hwaDhiyabhorosi hwoudyire, uori uye kukara!