RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 January pp. 6-7
  • Mwari Ane Hanya Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ane Hanya Here?
  • Mukai!—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvii Zvatinoziva Pamusoro paMwari?
  • Nyaradzo Kune Vaya Vanotambura
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Nei Panyika Pakazara Nhamo Nematambudziko?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 January pp. 6-7

Mwari Ane Hanya Here?

MUSI wa1 November, 1755, ari mangwanani, kwakaitika kudengenyeka muguta rokuPortugal rinonzi Lisbon. Madzvotsvotsvo emvura yomugungwa uye moto wakanganduma zvakaparadza zvinhu zvakawanda muguta iri zviuru zvevanhu zvikafa.

Kudengenyeka pakwakaitika kunyika yokuHaiti muna 2010, mupepeti wepepanhau rokuCanada rinonzi National Post akati: “Sezvakangoitika kuLisbon kudengenyeka kuri kuitika mazuva ano sekwakaitika kuHaiti kunoedza kutenda kwevanhu kudarika mamwe matambudziko.” Nyaya yacho yakapedzisa ichiti: “Kunenge kuti Mwari abva muHaiti.”

Jehovha Mwari zvaari iye “Wemasimbaose,” ane simba risina parinogumira uye anogona kugumisa kutambura. (Pisarema 91:1) Uyezve tinogona kuva nechokwadi chokuti ane hanya. Nei tichidaro?

Zvii Zvatinoziva Pamusoro paMwari?

Mwari anonzwira tsitsi vanhu vanotambura. VaIsraeri pavakanga vari nhapwa kuIjipiti uye pavaiitirwa utsinye nevanhu vakanga vavatapa, Mwari akaudza Mosesi kuti: “Chokwadi ndaona kutambudzika kwevanhu vangu vari muIjipiti, uye ndanzwa kuchema kwavo nokuda kwevaya vanovamanikidza kuti vashande; nokuti ndinonyatsoziva kurwadziwa kwavo.” (Eksodho 3:7) Izvi zvinoratidzei? Zvinoratidza kuti Mwari ane hanya nevanhu vanotambura. Papera mazana emakore muprofita Isaya akanyora nezvevaIsraeri achiti: “Pakutambudzika kwavo kwose naiyewo akanga achitambudzika.”—Isaya 63:9.

“Nzira dzake dzose ndedzokururamisira.” (Dheuteronomio 32:4) Mwari haasaruri pazvose zvaanoita. “Acharinda nzira yevanhu vake vakavimbika” asi ‘achatambudza vaya vanotambudza’ vakarurama. (Zvirevo 2:8; 2 VaTesaronika 1:6, 7) Nemhaka yokuti haasaruri “haaitiri zvakanaka vatungamiriri nokuti vatungamiriri uye haaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti akasika munhu wose.” (Jobho 34:19, Today’s English Version) Mwari anozivawo nzira yakanakisisa yokupedza nayo matambudziko evanhu. Asi zvinoitwa nevanhu pakupedza matambudziko zvinogona kufananidzwa nokusunga bhandeji paronda romunhu apfurwa nepfuti. Kunyange zvazvo bhandeji ringavhara ronda, izvozvo hazvizoiti kuti ronda ripore uye kuti kurwadza kupere.

Chiremba angasunga here kabhandeji paronda riri kujuja ropa romunhu apfurwa nepfuti?

“Mwari ane ngoni nenyasha, . . . uye azere nomutsa worudo.” (Eksodho 34:6) MuBhaibheri, shoko rokuti “ngoni” rinoreva kunzwira mumwe munhu tsitsi uye urombo zvokuti unopedzisira wamubatsira. Shoko rinoshandurwa kuti “nyasha” muchiHebheru rinonzi rinoreva kuti “zvinhu zvinoitwa nemumwe munhu kuti abatsire nemhaka yokuti zvamubata moyo.” Maererano neduramazwi reBhaibheri rinonzi Theological Dictionary of the Old Testament, shoko rinoshandurwa kuti “mutsa worudo” rinosanganisira “kubatsira munhu anenge ane dambudziko ramuwira.” Jehovha Mwari haangogumiri pakurwadziwa paanoona matambudziko anosangana nevanhu, asi anotoita chimwe chinhu kuti abatsire nemhaka yengoni, nyasha uye mutsa wake worudo. Saka tinogona kuva nechokwadi chokuti achapedza kutambura kwose.

Nyaya yapfuura yataura zvinhu zvitatu zvinokonzera matambudziko mazuva ano uye pazvitatu izvozvo hapana kana chimwe chete chinganzi ndiMwari. Ngatichikurukurai kuti zvinhu zvitatu izvi zvinokonzerwa nei.

Zvisarudzo Zvatinoita

Pakutanga Adhamu aitongwa naMwari. Asi paakawana mukana wokuratidza kuti waanoda kuteerera ndiani, akasarudza kuzvitonga pasina Mwari mukati. Haana kumbofunga nezvenyevero yaJehovha yakanyorwa pana Genesisi 2:17 yokuti: “Chokwadi uchafa.” Kuramba kwaakaita kuzviisa pasi poutongi hwaMwari hwakarurama kwakaita kuti aite chivi. Bhaibheri rinoti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Asi Mwari achabvisa matambudziko anokonzerwa nechivi.

Zvinongoerekana Zvaitika

Sezvaratidzwa pamusoro apa, murume wokutanga Adhamu akaramba kutungamirira kwaMwari. Mwari ndiye anogona kutitungamirira zvakanaka muupenyu kuti tisasangana nematambudziko kunyange njodzi dzinongoerekana dzaitika dzoga. Zvakaitwa naAdhamu zvinogona kufananidzwa nemurwere anoramba kurapwa nemurapi anoziva agara nebasa. Chiremba anoziva matambudziko anogona kuvapo kana murwere akasarapwa, saka kana murwere wacho akaramba, mangwana ndiye anozochema. Ndizvowo zviri kuitika pamatambudziko ari kusangana nevanhu mazuva ano. Kusatarisira pasi zvakanaka, kuvaka zvivako zvisina kusimba uye kusateerera nyevero dzinopiwa nezvenjodzi ndiko kunowanzowedzera matambudziko anokonzerwa nenjodzi dzinongoerekana dzaitika. Asi Mwari haasi kuzongosiya zvinhu izvi zvichiramba zvichiitika.

“Mutongi Wenyika Ino”

Nei Mwari akarega Satani achitonga nyika kwenguva refu pashure pokunge apanduka? Maererano neimwe ongororo, zvinonzi “kana pakapinda hurumende pakutonga inombotora mazuva ichinakurira matambudziko kuhurumende yanga iri kutonga.” Kudai Jehovha akakurumidza kubvisa “mutongi wenyika ino,” Satani aigona kudai akapomera utongi hwaMwari achiti ndihwo husina kunaka. (Johani 12:31) Asi nguva yakapiwa Satani kuti aratidzewo utongi hwake panyika inonyatsoratidza pachena kuti haagoni kutonga. Asi mubvunzo unoramba uripo ndewokuti, Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti matambudziko achapera?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe