Bato reNazi Rakatadza Kundichinja
Yakataurwa naHermine Liska
PANDAIVA muduku zvinhu zvakanga zvichifamba zvakanaka chaizvo, asi zvinhu zvakazongoerekana zvachinja muna 1938 apo Adolf Hitler nebato rake reNazi vakatanga kutonga nyika yataigara yeAustria. Vana vechikoro takanga tava kunzi tiite saruti yokuti “Heil Hitler,” kuimba nziyo dzechiNazi, uye kujoina boka revechiduku rainzi Hitler Youth movement. Asi kana ndiri ini ndakazviudza kuti handisi kuzofa ndakaita zvinhu izvi. Regai nditsanangure kuti zvaifamba sei.
Mumhuri medu taiva vana vashanu ini ndoga ndini ndaiva musikana uye ndiri gotwe. Taigara papurazi riri munzvimbo inonzi St. Walburgen kuCarinthia, kuAustria. Vabereki vangu vainzi Johann naElisabeth Obweger. Muna 1925, baba vakava mumwe weZvapupu zvaJehovha izvo zvaidanwa kuti maBibelforscher, kana kuti Vadzidzi veBhaibheri mazuva iwayo. Amai vakabhabhatidzwa muna 1937. Vabereki vangu vakandidzidzisa mitemo yeBhaibheri kubvira ndichiri muduku uye vakandibatsira kudzamisa kuda kwandinoita Mwari uye zvaakasika. Somuenzaniso vakandiratidza kuti hazvina kunaka kuti tikudze mumwe munhu sokuti tava kutomunamata. Jesu Kristu akati: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.”—Ruka 4:8.
Vabereki vangu vaizivikanwa nokugamuchira vaenzi. Pamba paiuya vaenzi vakawanda, uye taiva nevamwe vashandi vataigara navo papurazi redu. Taiimba chaizvo uye nanhasi vanhu vokuCarinthia ndomugariro wavo uye tainakidzwa nokukurukura zvinhu zvine chokuita neBhaibheri. Nanhasi ndichiri kuyeuka kuungana kwataiita semhuri tiri muimba yokutandarira musi weSvondo woga-woga mangwanani tichidzidza Bhaibheri.
Kusununguka Kuya Kwakapera
Germany yakatanga kutonga Austria pandakanga ndava kuda kusvitsa makore 8. Kubvira ipapo bato reNazi rakanga rava kuwedzera kumanikidza vanhu kuti vaite zvaraida, zvokuti pakupedzisira vanhu vose vakanga vava kunzi vakwazisane vachiita saruti yokuti “Heil Hitler.” Ini ndakaramba nokuti shoko rokuti “heil” muchiJerimani rinoreva kuti ‘ruponeso,’ uye ndakanga ndisiri kuzoti Hitler ndiye angaunza ruponeso! Ndaiziva kuti Jesu Kristu chete ndiye muponesi wangu. (Mabasa 4:12) Nemhaka yeizvi ndaigara ndakasekwa nevadzidzisi vangu uye vandinodzidza navo. Pandakanga ndava nemakore 11, mukuru wechikoro kupuraimari kwandaidzidza akanditi: “Hermine, ndiri kukudzosera kugiredhi 1. Handidi vana vasingateereri mukirasi mangu!”
Baba vangu vakatumirwa masamanisi okuti vauye kudare nokuti ini nehanzvadzi dzangu takaramba kuti heil Hitler. Vakaudzwa kuti vasaine gwaro rokuti havasisiri mumwe weVadzidzi veBhaibheri. Gwaro racho raiti vaizorera vana vavo vachishandisa mafungiro echiNazi. Nemhaka yokuramba kwavakaita kusaina, ivo pamwe chete naamai vakatorerwa vana vose uye ndakaendeswa kune chimwe chikoro chaiva kure nemakiromita 40 kubva kumba.
Ndichangosvika ndakatanga kusuwa kumba uye ndaigara ndichichema chaizvo. Panguva iyoyo mumwe mukadzi aititarisira akandimanikidza kuti ndibatane neboka rainzi Hitler Youth, asi ndakaramba. Vamwe vasikana vakaedza kusimudza ruoko rwangu rwerudyi kuti ndisarute mureza weNazi asi zvakashaya basa. Nechomumwoyo ndakanzwa sezvakaita vashumiri vaMwari vakararama kare vakati: “Hatingambofungi zvakadaro, kusiya Jehovha kuti tishumire vamwe vanamwari.”—Joshua 24:16.
Vabereki vangu vakanga vasingabvumidzwi kundishanyira. Saka vaitoita zvokubira kuti vandione kuchikoro kana kuti pandaienda kuchikoro. Kuonana kupfupi uku kwataiita kwakandibatsira kuti ndirambe ndakavimbika kuna Jehovha. Rimwe zuva baba vakandipa Bhaibheri duku uye ndakanoriviga pasi pomubhedha wangu. Ndainakidzwa chaizvo nokuriverenga kunyange zvazvo ndakanga ndichifanira kuzviita ndakahwanda! Rimwe zuva ndakapotsa ndabatwa, asi ndakazokurumidza kuviga Bhaibheri mugumbeze rangu.
Ndakaendeswa Kuchikoro cheRoma
Zvose zvaiedza kuitwa kuti ndisiye chitendero changu zvakashaya basa, saka vakuru vakuru vakafunga kuti vabereki vangu vakanga vachiri kundidzidzisa. Muna September 1942, ndakabva ndaendeswa nechitima kuMunich, kuGermany, kwandakanopinzwa chikoro cheRoma chainzi Adelgunden, chaidzidzisa vasikana vanenge vakapikira. Pandakasvikako mamwe masister akaona Bhaibheri rangu achibva aritora.
Asi ndakanga ndakatsunga kuramba ndakavimbika kune zvandaitenda uye ndakaramba kupinda minamato yeRoma. Pandakaudza mumwe sister kuti vabereki vangu vaigara vachindiverengera Bhaibheri Svondo yoga-yoga, akabva andidzorera Bhaibheri rangu. Zvinoratidza kuti zvandakataura zvakamubaya mwoyo. Akatondikumbira kuti ndimuverengere Bhaibheri.
Rimwe zuva mudzidzisi wangu akandiudza kuti: “Hermine, ende une bvudzi rakazonaka uye maziso ako hakuzi kunaka ikoko. Uri muJerimani kwete muJudha. Jehovha ndiMwari wemaJudha.”
Ndakamupindura kuti: “Asika Jehovha ndiye akasika zvinhu zvose. Ndiye Musiki wedu tose!”
Mukuru wechikoro akaedzawo kundimanikidza kuti ndisiye chitendero changu. Rimwe zuva akati: “Hermine, imwe hanzvadzi yako yajoina chiuto. Haufungiwo here kuti newewo unofanira kujoina!” Ndaizviziva kuti imwe hanzvadzi yangu yakanga yajoina chiuto asi ndakanga ndisiri kuzomutevedzera.
Ndakapindura kuti: “Ini ndiri muteveri waJesu Kristu kwete wehanzvadzi yangu.” Mukuru wechikoro uyu akabva andityisidzira achiti aizondiendesa kuchipatara chevanorwara nepfungwa. Asi haana hake kumbozviita.
Muzhizha regore ra1943, guta reMunich rakabhombwa uye vana vekuAdelgunden vakaendeswa kumaruwa. Panguva iyoyo ndakatanga kufunga zvaiwanzotaurwa naamai vangu zvokuti: “Kana zvikaitika kuti taparadzaniswa uye kuti hatikwanisi kunyorerana tsamba, yeuka kuti Jehovha naJesu vanewe. Havazombokusiyi. Saka ramba uchinyengetera.”
Kubvumirwa Kuenda Kumba
Muna March 1944, ndakadzoserwa kuAdelgunden, uko kwatakapedza nguva yakawanda tichigara. Siku nesikati taihwanda mudzimba dzaitidzivirira pamabhomba aidonhedzwa nendege nokuti kubhomba kwakambotsviriridza muguta reMunich. Panguva iyoyo vabereki vangu vaigara vachikumbira kuti vanditore. Pakupedzisira chikumbiro ichi chakazobvumwa uye ndakasvika kumba mwedzi waApril 1944 wava kuda kupera.
Nguva yokuti ndichionekana nemukuru wechikoro payakasvika akandiudza kuti: “Hermine, kana wasvika kumba utinyorerewo tsamba. Urambe wakadaro.” Akanga achinja pane zvaaiva! Ndakazonzwa kuti ndichangobva vasikana 9 uye masister 3 vakafa pakabhombwa nzvimbo iyi. Chinhu chinonzi hondo hachina kunaka kani!
Asiwo ndaifara kuti ndakanga ndavazve nevanhu vokumba kwedu. Muna May 1944, hondo payaipisa, ndakabhabhatidzwa mubhavhu rokugezera, ndichiratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha. Hondo payakapera muna 1945, ndakabva ndatanga kuparidza shoko raMwari ndichitaura nezvokuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchaunza runyararo uye kugarika.—Mateu 6:9, 10.
Muna 1950, ndakaonana nemumwe mukomana ainzi Erich Liska, aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha uye aibva kuVienna, Austria, achiita basa rokushanyira ungano. Takaroorana muna 1952, uye kwenguva pfupi ndakafamba naErich paaishanyira ungano achidzisimbisa pakunamata.
Dangwe redu nderegore ra1953, uye takazova nevamwe vana vaviri. Takazosiya basa rokushanyira ungano tichiitira kuti tishande uye tirere vana vedu. Ndakaona kuti kana ukaramba uchivimba naMwari, chokwadi haazombokusiyi asi kuti achakupa simba. Ini ndakazvionera neangu aya. Kubvira pakashayika murume wangu muna 2002, Jehovha ari kundinyaradza uye kundisimbisa.
Pandinofunga nezveupenyu hwangu, ndinotenda zvikuru vabereki vangu vakandidzidzisa kubvira ndichiri muduku kuda Mwari uye Shoko rake rine mazano ouchenjeri. (2 Timoti 3:16, 17) Asi wandinonyanya kutenda ndiJehovha uyo anoramba achindipa simba rokuti nditsungirire nhamo dzoupenyu.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 11]
“Ini ndiri muteveri waJesu Kristu . . . kwete wehanzvadzi yangu”
[Mufananidzo uri papeji 11]
Ndiine mhuri yekwedu papurazi redu kuSt. Walburgen
[Mifananidzo iri papeji 11]
Vabereki vangu, Elisabeth naJohann Obweger
[Kwazvakatorwa]
Both photos: Foto Hammerschlag
[Mufananidzo uri papeji 12]
Ndiine murume wangu, Erich