Vagari Vomumapako Vamazuva Ano
NOMUNYORI WEMUKAI! MULESOTHO
VAGARI VOMUMAPAKO munguva yedu? Takawana vamwe muLesotho, umambo huri mumakomo okumaodzanyemba kweAfrica. Musha wavo, unonzi Ha Kome, uri makiromita anenge 60 kubva kuMaseru, guta guru reLesotho, riri mumakomo maduku ari mujinga meMakomo makuru eMaluti. Mumwedzi yomuzhizha, materu emakomo aya anowanzofukidzwa namaruva akati piriviri kutsvuka. Anozivikanwa nevazhinji semared hot poker [Kniphofia caulenses], maruva aya akanaka anoita kuti pave nokusiyana kunokwezva nezvinomera zvakasvibirira zvomunharaunda yacho.
Kuno mhuri dzinoverengeka dzinotevedza mararamiro aiitwa mazana emakore akapfuura. Dzinotoita zvokuvaka misha yadzo mumapako ari pamateru egomo racho. Mapango nezvimwe zvinhu zvokuvakisa, zvakaita setsanga, zvinogadziriswa madziro apamberi akasimba. Madziro acho anonamwa neivhu rakasanganiswa nendove yemombe. Kunama uku kunodzivirira kutonhora kwomuchando kunoitika muLesotho, apo tembiricha inogona kuderera zvokuomesa mvura kuva chando. Mukati, mune nzvimbo yakacherwa pauriri inonzi ifo, kureva kuti “choto,” iyo inoshandiswawo kuita kuti mudziye kana kuchitonhora.
Denga, chidziro chokumashure, uye kakawanda madziro omumativi zvose zvinenge zviri dombo rebako racho. Ivhu rakasanganiswa nendove yemombe rinoshandiswa kudzura madziro, uye anoramba achidzurwa gore roga roga. Izvi zvinowedzera ruvara nokuita kuti dombo racho ritsvedzerere. Matehwe emombe anoshongedza mukati uye anoshandiswawo sohuvato.
Mushanyi wokuMadokero achawana mararamiro ekare acho akasiyana zvinozorodza. Rudzi rwezvipfeko zvakakurumbira runosanganisira magumbeze ane mavara akasiyana-siyana nengowani dzakatetepa kumusoro dzakagadzirwa nouswa. Vakomana vanofudza zvipfuwo vasina chavainacho mutsoka vanowanzoonwa vachitarisira zvipfuwo zvavo. Varume vomumusha vangaonekwa zvimwe vachishanda muminda yavo yechibage kana kuti vachidya zvavo nyaya navamwe varume.
Panguva nenguva zvinhu zvamazuva ano zvinosvikawo neko. Vaduku navakuru vomumusha wacho vanoshamiswa nendege duku dzinobhururuka dzichipfuura napamusoro nemotokari dzinodhonza namavhiri mana dzinounza vashanyi kumapako acho apo neapo. Kazhinji vanobikira panze mumabhodho pamoto. Nokuda kwokushayikwa kwehuni, ndove yemombe yakaoma, tsanga, namapazi emiti mashoma zvinoshandiswa sehuni. Midziyo yomumba inowanzowanika mumapako anogarwa aya inosanganisira guyo rekare rokukuya chibage nomugoti wokukurunga bota roupfu.
Lesotho inonyanyozivikanwa nemifananidzo yakaitwa navanaMandionerepi, inowanikwa mumapako napamatombo akawanda munyika yacho. VanaMandionerepi ndivo vanhu vokutanga kugara mumapako eHa Kome. Mifananidzo yavo inoratidza mabasa akasiyana-siyana akawanda, kubvira pane okuraura nemagwa namambure kusvika pakutamba kwavo kwaiva kwakanyatsorongwa apo vatambi vacho zvichida vaipfeka matehwe emhuka. Mifananidzo yacho inoratidzawo mhuka, dzakaita samakudo, shumba, mvuu, uye nhuka, huru kwazvo parudzi rwedzoma. Mifananidzo yakawanda iri mumapako eHa Kome haichaoneki. Kwangosara zvimwe zvisarira zvinoyeuchidza unyanzvi hwavanaMandionerepi hwokudhirowa mifananidzo.
Boka reZvapupu zvaJehovha rinoita basa raro rokuparidza munharaunda isiri kure zvakanyanya neHa Kome. Panguva nenguva, rinoshanyira vanogara mumapako acho, vanozivikanwa nomutsa wavo wavanoratidza vashanyi. Zvapupu zvinowanzotambirwa nendiro yebota ravo rinonzi motoho. Vakawanda vari muHa Kome vanoda kugamuchira mabhuku eBhaibheri. Vanowanzoonga mabhuku acho nokupa mirivo, mazai, kana kuti zvimwe zvinhu semipiro yebasa rokudzidzisa reZvapupu.
Vagari vomumapako vamazuva ano ava vanonyatsoremekedza Bhaibheri uye vanobvunza mibvunzo yakawanda pamusoro poupenyu, rufu, nezvavanotenda mutsika dzavo. Basa reZvapupu zvinoshingaira munharaunda iyoyo rave richiguma nefundo dzeBhaibheri dzinoverengeka. Nokuita izvi, mbeu dzechokwadi dziri kuwana ivhu rakaorera mumwoyo yaava vanhu vanozvininipisa.—Mateu 13:8.
[Mepu iri papeji 26]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
HA KOME