RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 6/8 pp. 24-25
  • Mwari Anochinja Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anochinja Here?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anoita Maererano Nezvinenge Zvichidiwa
  • Haachinji Unhu
  • “Onai! Uyu Ndiye Mwari Wedu!”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • “Shoko raMwari Ibenyu Uye Rinoshandisa Simba”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mwari Wechokwadi Ndiani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • “Shoko raMwari Ibenyu”
    Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 6/8 pp. 24-25

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Mwari Anochinja Here?

ANODZIDZA nezvevanhu George Dorsey akarondedzera Mwari we“Testamende Yekare” sa“Mwari ane utsinye.” Akawedzera kuti: “Yahweh . . . haana rudo zvachose. NdiMwari wavapambi, wavatambudzi, wavarwi, wokukunda.” Vamwe vakasvika pamigumisiro yakafanana nezvaMwari we“Testamende Yekare”—Yahweh, kana kuti Jehovha. Saka, vamwe nhasi vanoshamisika kana Jehovha ari chaizvoizvo Mwari akanga ane utsinye akachinja unhu hwake nokufamba kwenguva kuti ave Mwari ane rudo neane tsitsi we“Testamende Itsva.”

Pfungwa yakadaro nezvaMwari weBhaibheri haisi itsva. Yakatanga kuunzwa naMarcion, aiva nezviratidzo zvechiGnostic wezana remakore rechipiri C.E. Marcion akaramba kugamuchira Mwari we“Testamende Yekare.” Akaona Mwari iyeyo kuva ane chisimba uye anotsiva, mudzvinyiriri aipa mubayiro wepfuma kune vaimunamata. Kune rumwe rutivi, Marcion akatsanangura Mwari we“Testamende Itsva”—seakaratidzwa naJesu Kristu—saMwari akakwana, Mwari worudo chairwo nengoni, ane nyasha neanokanganwira.

Jehovha Anoita Maererano Nezvinenge Zvichidiwa

Zita raMwari pacharo, Jehovha, rinoreva kuti “Anokonzera Kuva.” Izvi zvinoreva kuti Jehovha anoita kuti iye pachake ave muzadziki wezvipikirwa zvake zvose. Mosesi paakabvunza Mwari zita rake, Jehovha akarondedzera zvarinoreva munzira iyi: “Ndichava iye wandichava.” (Eksodho 3:14) Shanduro yaRotherham inozvitaura nenzira iyi: “Ndichava chero zvandinoda kuva.”

Saka Jehovha anosarudza kuva, kana kuti anova, chero chipi zvacho chinodiwa kuzadzika zvinangwa zvake zvakarurama nezvipikirwa. Chinoratidza izvozvi ndechokuti ane mazita okuremekedza uye mashoko okutsanangura akawanda: Jehovha wehondo, Mutongi, Changamire, Ane godo, Changamire Ishe, Musiki, Baba, Murayiridzi Mukuru, Mufudzi, Munzwi womunyengetero, Mudzikinuri, Mwari anofara, nemamwe akawanda. Akasarudza kuva zvose izvi—uye kutopfuura—kuti aite zvinangwa zvake zvorudo.—Eksodho 34:14; Vatongi 11:27; Pisarema 23:1; 65:2; 73:28; 89:26; Isaya 8:13; 30:20; 40:28; 41:14; 1 Timoti 1:11.

Saka zvino, izvi zvinoreva here kuti unhu hwaMwari kana kuti zvaanoda zvinochinja? Kwete. Pachitaura nezvaMwari pana Jakobho 1:17 panoti: “Kwavari hakuna kushanduka kwokuchinja kwomumvuri.” Mwari angaita sei maererano namamiriro ezvinhu anochinja asi achiramba asingazvichinji?

Muenzaniso wavabereki vane rudo vanochinja mabasa nokuda kwevana vavo unoratidza kuti izvozvi zvinogona kuitika sei. Muzuva rimwe, mubereki angava mubiki, muchenesi womumba, mugadziri wamagetsi, mukoti, shamwari, mupi wemazano, mudzidzisi, murangi, uye zvimwe zvakawanda. Mubereki haachinji unhu paanenge achiita mabasa aya; iye anongochinjira kuzvinodiwa sokumuka kwazvinoita. Izvozvo ndozvinoita Jehovha asi pamwero mukuru. Hapana panogumira zvaanogona kuzviita kuti ave, kuitira kuti azadzike zvinangwa zvake uye kuti abatsire zvisikwa zvake.—VaRoma 11:33.

Somuenzaniso, Jehovha anoratidzwa saMwari worudo nengoni muMagwaro ose echiHebheru neechiGiriki. Muprofita Mika wezana remakore rechisere B.C.E. akabvunza nezvaJehovha kuti: “Ndianiko Mwari akafanana nemi, unokanganwira zvakaipa, unopfuura kudarika kwavakasara venhaka yake? Haangagari akatsamwa nokusingaperi, nokuti unofarira kuva nenyasha.” (Mika 7:18) Muapostora Johani akanyora mashoko akakurumbira akafanana naiwayo okuti: “Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.

Kunorumwe rutivi, muzvikamu zvose zveBhaibheri, Jehovha anoratidzwa soMutongi akarurama weavo vanotyora mitemo yake kakawanda uye zvakakomba, uye vasingapfidzi navanokuvadza vamwe. “Vakaipa [Jehovha] uchavaparadza vose,” akadaro munyori wepisarema. (Pisarema 145:20) Nenzira yakafanana, Johani 3:36 inoti: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.”

Haachinji Unhu

Zvakaita Jehovha uye unhu hunokosha—rudo, uchenjeri, ruramisiro, uye simba—hazvina kuchinja. Akaudza vanhu veIsraeri kuti: “Ini Jehovha handishanduki.” (Maraki 3:6) Apa akanga ave makore 3 500 Jehovha atosika vanhu. Maererano nemashoko aMwari iwayo, kunyatsoongorora Bhaibheri rose kunoratidza Mwari asingachinji mune zvaanoda nounhu. Hapana kumbova nokuchinja kwounhu hwaMwari mumazana emakore, sezvo pakanga pasina kuchinja kwakadaro kwaidiwa.

Kuomerera kwaMwari pakururama, sezvinoratidzwa muBhaibheri rose, hakuna kudzikira uyewo rudo rwake haruna kuwedzera kupfuura zvarwaiva pakutanga kwake kubata navanhu muEdheni. Kusiyana kuri muunhu hwake kunoita sokunoratidzirwa muzvikamu zvinoverengeka zveBhaibheri chaizvoizvo mativi akasiyana-siyana ounhu humwe ihwohwo husingachinji. Izvi zvinovapo nemhaka yemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye vanhu vaibatwa navo, zvaida maitiro akasiyana kana kuti ukama.

Nokudaro, Magwaro anoratidza zvakajeka kuti unhu hwaMwari hahuna kuchinja kwemazana emakore uye hahuzochinji munguva yemberi. Jehovha ndiye musimboti mukuru wokusachinja uye wetsinhirano. Nguva dzose akatendeka. Tinogona kuvimba naye nguva dzose.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mwari akaparadza Sodhoma neGomora . . .

[Mufananidzo uri papeji 25]

. . . ndiye achaunza nyika itsva yakarurama

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe