Kubatanidzwazve Kwakaita Mhuri Yedu
Yakataurwa NaLars naJudith Westergaard
IMBA yavo inoratidzika sezvakangoita yemhuri ipi neipi inofara muDenmark. Imba yakanaka kwazvo ine bindu rinofadza, iri mumusha une runyararo. Mukati macho, mune mufananidzo mukuru uri kumadziro unoratidza vana vane utano uye vari kunyemwerera vemhuri yacho.
Baba vacho, Lars, mukuru muungano yeZvapupu zvaJehovha. Mudzimai wake, Judith, ndipiyona (mushumiri wenguva yakazara). Kunyange zvazvo vaviri ava vachifara, hazvina kunge zvakadaro kwenguva yose. Lars naJudith vakapfuura nomunguva yakaoma nokupopotedzana izvo zvakaguma nokurambana uye kuparadzana kwemhuri yavo. Zvisinei, iye zvino mhuri yavo yakabatanidzwazve. Nei? Ivo voga vanotsanangura zvakaitika.
Lars naJudith havanyare kutaura zvakanyatsokanganisika mumba mavo uye kubatanidzwazve kwavakazoitwa. Vanofunga kuti zvakaitika kwavari zvingabatsira vamwe.
Yakatanga Zvakanaka Kwazvo
Lars: Imba yedu yaifadza kwazvo payakatanga, muna April 1973. Zvairatidzika sokuti zvinhu zvose zvichafamba zvakanaka. Taisamboziva Bhaibheri kunyange Zvapupu zvaJehovha, asi taiva nechokwadi chokuti tingaita kuti nyika ive nzvimbo iri nani yokugara kana vanhu vose vakashanda nesimba zvakakwana. Saka takazvipinza mune zvamatongerwe enyika. Mufaro wedu wakakura sezvo mhuri yedu yakawedzera navakomana vatatu vakasimba uye vane utano—Martin, Thomas naJonas.
Judith: Ndaiva nechinzvimbo chinoremekedzwa mune rimwe bazi rehurumende. Panguva iyoyo, ndaivawo mumabasa ezvamatongerwe enyika neesangano ravashandi. Zvishoma nezvishoma ndakapiwa zvinzvimbo zvokutungamirira.
Lars: Kana ndiri ini, basa rangu raiva musangano guru ravashandi, uye ndakasimukira kusvika pachinzvimbo chinokosha. Mabasa edu airamba achisimukira, uye hapana chakanga chiri kuzotivhiringidza.
Kuparadzana Zvishoma Nezvishoma
Lars: Asi takanga takanyanyobatikana mumabasa edu akaparadzana zvokuti takanga tongopedza nguva shomanana tiri tose. Takanga tichishandira bato rezvamatongerwe enyika rimwe chete asi mumadhipatimendi aro akasiyana. Vakomana vedu vatatu vaitarisirwa navamwe, navashandi kana kuti kukireshi. Sezvo tose taifunga nezvedu pachedu, upenyu hwemhuri yedu hwakava husina kurongeka. Kana zvaiitika kuti tose tive pamba, kupopotedzana kukuru kwaiwanzotanga. Saka ndakatanga kunwa doro somushonga wokunyevenutsa.
Judith: Chokwadi, takanga tichiri kudanana uye kuda vana vedu, asi rudo rwedu haruna kumbofa rwakakuchidzirwa sezvarwaifanira kuitwa; rwakaita sorwava kutonhora. Ukama hwedu hwakava husingafadzi, uye zvakaita kuti vana vatambure.
Lars: Mukuedza kwokupererwa nezano rose kuti ukama hwakare hwemhuri yedu hudzoke, ndakasarudza kurega basa rangu. Muna 1985 takatama kubva muguta tichienda kumusha kwatiri kugara zvino. Zvakamboita nani kwekanguva kaduku, asi ini nomudzimai wangu takaramba tichingofunga zvinhu zvakasiyana. Pakupedzisira, muna February 1989, makore edu 16 takaroorana akaguma nokurambana. Mhuri yedu yakaparara.
Judith: Zvairwadza kuona mhuri yedu pachedu ichiparara uye kuona kutambura kwakaita vana. Takanga takatsamwa kwazvo zvokuti hatina kunyange kubvumirana kuchengeta vakomana vacho tose, saka ndakavapiwa nematare kuti ndichengete vose vari vatatu.
Lars: Ini naJudith takanga taita zvishoma zvataigona kuita zvisina gwara chairo kuti mhuri yedu yakanga yaparara irambe iri pamwe chete. Takatonyengetera kuna Mwari kuti atibatsire. Asi taingoziva zvishomanana nezvaMwari.
Judith: Minyengetero yedu yakaita kuti tifunge kuti Mwari haana kuteerera. Tinoonga kuti kubvira ipapo takaona kuti Mwari anoteerera minyengetero.
Lars: Hatina kuziva kuti taifanira kuita zvose zvatinogona ndokuchinja pachedu. Saka zvakaguma nokurambana kunosuruvarisa.
Kuchinja Kusingatarisirwi Kwakaita Lars
Lars: Pandakanga ndichigara ndoga, zvinhu zvakanyatsondichinjira zvandakanga ndisingatarisiri. Rimwe zuva ndakagamuchira magazini maviri kubva kuZvapupu zvaJehovha. Izvozvo zvisati zvaitika ndaidzinga Zvapupu pandaingozviona. Asi sezvandaitarira magazini iwayo, ndakaona kuti Zvapupu zvinotenda Mwari naJesu Kristu zvechokwadi. Zvakandishamisa kwazvo. Ndaisaziva kuti zvaiva vaKristu.
Panenge panguva iyoyo, ndakatama ndichinogara nomukadzi wandakanga ndaonana naye. Ndakazoziva kuti aimbove mumwe weZvapupu zvaJehovha. Pandakatanga kubvunza mibvunzo, akandiratidza muBhaibheri kuti Jehovha ndiro zita raMwari. Saka “Zvapupu zvaJehovha” zvinoreva kuti “Zvapupu zvaMwari”!
Mukadzi wacho akaronga kuti ndinoteerera hurukuro yavose paHoro yeGungano yeZvapupu zvaJehovha. Zvandakaona ikoko zvakanyatsoita kuti ndifarire. Ndakashanyira Horo yoUmambo yomunharaunda kuti ndinodzidza zvakawanda, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Hazvina kunditorera nguva refu kuti ndizive kuti mararamiro andakanga ndichiita akanga akaipa, saka ndakatama ndichisiya mukadzi wandaigara naye ndokuenda kunogara ndoga kuguta rokumusha kwangu. Pashure pokumbozeza ndakaonana neZvapupu zvaJehovha ikoko ndokupfuurira nefundo yangu yeBhaibheri.
Asi, pane zvimwe zvandakanga ndisati ndava nechokwadi nazvo. Zvapupu zvaJehovha zvaiva vanhu vaMwari zvechokwadi here? Zvakadii nezvinhu zvose zvandakanga ndadzidza ndichiri mwana? Sezvo ndakanga ndarerwa somuSeventh-Day Adventist, zvino ndakaonana nomushumiri weAdventist. Akabvuma kufunda neni Chitatu choga choga, nepo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichifunda neni Muvhuro woga woga. Chandaida imhinduro yakajeka inobva kumapoka acho ose panhau chaidzo ina dzinoti: kudzoka kwaKristu, rumuko, dzidziso yoUtatu, uye marongerwo anofanira kuitwa ungano. Zvakanditorera mwedzi mishomanana kuti ndibvise kusava nechokwadi kwose. Mune imwe neimwe yenharaunda ina—uye mune zvimwe zvose—zvaitendwa neZvapupu zvaJehovha zvoga ndizvo zvakanga zvichinyatsobva muBhaibheri. Somugumisiro, ndakatanga kuitawo mabasa ose eungano ndichifara uye munguva pfupi yakatevera ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha. Muna May 1990, ndakabhabhatidzwa.
Zvakadii naJudith?
Judith: Zvainetsa mumba medu pazvakazosvika pakuti tirambane, ndakanga ndatanga kuenda kuchechi zvakare. Pandakanzwa kuti Lars akanga oda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, hazvina kumbondifadza zvachose. Mwanakomana wedu muduku pane vose, Jonas ane makore gumi, aishanyira baba vake pane dzimwe nguva, asi ndakarambidza Lars kuenda naJonas kumisangano ipi neipi yeZvapupu zvaJehovha. Lars akanomhan’ara kuzviremera, asi zvakanditsigira.
Ndakanga ndava kugara nomumwe murume. Uyewo, ndakanga ndanyanyopinda mune zvamatongerwe enyika namarudzi ose ebasa romunharaunda. Saka kudai munhu upi noupi akataura nezvokuti zvaibvira kubatanidzazve mhuri yedu panguva iyoyo, zvaizoita sezvisingabviri.
Mukutsvaka zvokurwisa nazvo Zvapupu zvaJehovha, ndakaenda kumushumiri womuchechi yomunharaunda, uyo akabva angobvuma pakarepo kuti hapana zvaaiziva nezveZvapupu uye kuti aisava namabhuku azvo. Zvaaingokwanisa kutaura ndezvokuti zviri nani kuti ndisiyane nazvo. Zvechokwadi, izvozvo hazvina kumbochinja pfungwa yangu yakashata pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Asi zvadaro ndakamanikidzwa kusangana nazvo neimwe nzira yandakanga ndisina kumbotarisira.
Hanzvadzi yangu inogara kuSweden yakanga yava mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndakakokwa kumuchato wayo paHoro yoUmambo! Chiitiko ichocho chakanyatsochinja pfungwa yangu pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Ndakashamisika kuti vakanga vari vanhu vanofadza kusiyana namaonero andaivaita nguva dzose. Vaiva nomutsa uye vachifara, kunyange kutaura nyn’ambo nokuseka.
Panguva iyoyo, aimbova murume wangu Lars, akanga anyatsochinja. Akanga ava munhu anoziva zvaanoita, achipedza nguva navana, akanga ava nomutsa uye achidzora kutaura kwake, uye akanga arega kunwa zvakapfuuridza sezvaaiita kare. Unhu hwake hwaifadza kwazvo! Zvino akanga ava rudzi chairwo rwomurume wandaida kuti ave nguva dzose. Zvaivhiringidza kufunga kuti ndakanga ndisisina kuroorwa naye uye kuti zvimwe rimwe zuva mumwe mukadzi aizoroorwa naye!
Saka ndakaronga “kurwisa” pachivande. Pane imwe nguva apo Jonas akanga achigara nababa vake, ndakaronga kuenda kunoona Jonas naLars pamwe chete navanin’ina vangu vaviri ndichingoitira kuti vanaamainini vacho vave nomukana wokunoona mwana wavo. Takasangana mupaki yokuzvivaraidza. Vanaamainini pavaitarisira mukomana, ini naLars takawana bhenji ndokugara pasi.
Ndakashamisika kuti, pandakangotaura nhau yeramangwana redu, Lars akatora bhuku muhomwe yake. Rainzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze.a Akanditambidza bhuku racho ndokutaura kuti ndirave zvitsauko zvinotaura basa romurume neromudzimai mumhuri. Akanyatsondiudza kuti ndirave magwaro acho.
Zvadaro, ini naLars patakasimuka pabhenji, ndaida kubata ruoko rwake, asi akaramba izvozvo nomutsa. Lars akanga asina pfungwa yokuti titange kuwirirana zvakare asati aziva pfungwa yangu pamusoro pechitendero chake chitsva. Zvakanditigumburei, asi ipapo ndakaziva kuti maitiro ake akanga asina kuipa uye kuti zvaizondibatsira pachangu kana aizova murume wangu zvakare.
Zvose izvi zvakaita kuti ndinyanye kuda kuziva pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Zuva rakatevera racho, ndakaonana nomumwe mukadzi wandaiziva kuti aiva Chapupu, uye takaronga kuti iye nomurume wake vandiudze mashoko andaida pamusoro pechitendero chavo. Vaiva nemhinduro dzinobva muBhaibheri kumibvunzo yangu yose yakawanda. Ndakakwanisa kuona kuti zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha zvinonyatsowanika muBhaibheri. Ndaifanira kubvuma chokwadi pachinhu chimwe nechimwe chataikurukura.
Munguva iyoyo ndakasiya Evangelical Lutheran Church ndokusiya mabasa angu ezvamatongerwe enyika. Ndakatorega kusvuta. Rakanga riri danho rakaoma kupfuura ose. Fundo yangu yeBhaibheri yakatanga muna August 1990, uye muna April 1991, ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha.
Muchato Wavo Wechipiri
Judith: Zvino tose takanga tava Zvapupu zvakabhabhatidzwa. Kunyange zvazvo takanga taenda uyu kwake uyu kwake, tose takanga tadzidza Bhaibheri. Nemhaka yezvarinodzidzisa zvakanakisisa, takanga tasiyana nezvataiva kare. Mumwe nomumwe akanga achine hanya nomumwe, zvimwe zvakatonyanya kupfuura kare. Saka zvino takanga tasununguka kuti tirooranezve—uye ndizvo zvatakaita. Takaita mhiko dzedu kechipiri, asi iye zvino muHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.
Lars: Chinhu chisingadaviriki chakanga chaitika—mhuri yedu yakanga yabatanidzwazve! Takanzwa tichifara zvakadini zvino!
Judith: Pamuchato wacho paiva navanakomana vedu, hama dzedu dzakawanda, uye shamwari dzakawanda itsva nedzakare. Chaiva chiitiko chinoshamisa. Pavashanyi vacho paiva navamwe vakanga vatiziva kubvira pakuroorana kwedu kwokutanga; vakafara kutiona tiri pamwe chete zvakare uye vakashamiswa kuona mufaro wechokwadi une Zvapupu zvaJehovha.
Vana
Lars: Kubvira patakabhabhatidzwa takafara kuona vaviri vevanakomana vedu vachisarudza kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha.
Judith: Jonas ave achikoshesa chokwadi chinobva muBhaibheri kubvira paakatanga kuchiziva achiri mukomana paaishanyira baba vake. Aingova nemakore gumi paakandiudza kuti aida kunogara nababa vake nokuti, sokutsanangura kwaakaita, “Baba vanotevedzera Bhaibheri.” Jonas akabhabhatidzwa paaiva nemakore 14. Akapedza chikoro, uye zvino ava mushumiri wenguva yakazara.
Lars: Mwanakomana wedu mukuru, Martin, ava nemakore 27. Kuchinja kwaakaona tichiita kwakamuita kuti ave nezvakawanda zvokufungisisa pamusoro pazvo. Akabva pamusha ndokundogara kune rimwe divi renyika. Makore maviri apfuura akatanga kudzidza Bhaibheri neungano yeZvapupu zvaJehovha yomunharaunda yaikoko. Papera mwedzi mishanu yoga, akanga agadzirira kubhabhatidzwa. Ari kupfuurira nezvirongwa zvake zvakanakisisa zvoupenyu hweramangwana rake somuKristu.
Mwanakomana wedu wapakati, Thomas, haasi mumwe weZvapupu zvaJehovha panguva ino. Zvechokwadi tichiri kumuda, uye tine ukama hwakanaka naye. Ari kufara nokuchinja kwakaitika mumhuri yedu. Uye tose tinobvumirana kuti nemhaka yenheyo dzatakadzidza muBhaibheri isu vabereki, mhuri yedu yakabatanidzwazve. Chikomborero chakadii kwatiri kuti zvino tinogona kuunganidza mhuri yedu pamwe chete kakawanda, vanakomana vatatu vose navabereki vose vari pamwe chete!
Upenyu Hwedu Nhasi
Lars: Hatisi kuti tava vanhu vasingakanganisi. Asi tadzidza chimwe chinhu—kuti rudo nokuremekedzana ndizvo zvinhu zvinokosha mukuroorana kunobudirira. Pakavakirwa kuroorana kwedu zvino pakasiyana zvachose nepekare. Zvino tose zvedu takabvuma kutungamirirwa nomunhu ane chiremera chikuru kupfuura chedu, nokuti tose tinoziva kuti tiri kuraramira Jehovha. Ini naJudith tinonzwa takabatanidzwa zvechokwadi tichitarira mberi nechivimbo.
Judith: Ndinofungidzira kuti tiri uchapupu hunogutsa hwokuti Jehovha ndiye mupi akanakisisa wezano rokuroorana nemhuri.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. muna 1978; harichadhindwa zvakare.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Lars naJudith panguva yomuchato wavo wokutanga, muna 1973
[Mufananidzo uri papeji 29]
Vakomana vatatu vakarasikirwa nemhuri yavo yakabatana uye vakaiwanazve
[Mufananidzo uri papeji 31]
Lars naJudith nhasi, vabatanidzwazve nokutevera nheyo dzeBhaibheri