3 Kana murume akabereka kane zana,+ akararama kwemakore mazhinji, zvokuti mazuva emakore ake anova mazhinji kwazvo,+ asi mweya wake usingagutswi nezvinhu zvakanaka+ uyewo asina kuva neguva,+ ndinoti uya akaberekwa nguva isati yakwana ari nani pana iye.+