RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 10
  • Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka?
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaunofanira kuziva
  • Zvaunogona kuita
  • Mafoni Anogona Kukanganisa Sei Wanano Yako?
    Mukai!—2021
  • Zvamungaita Kuti Basa Riperere Kubasa
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Zviri Mumagazini Ino
    Mukai!—2021
  • “Kuroorana Ngakukudzwe”
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 10
Murume nemukadzi vari kudya asi mumwe nemumwe ari kushandisa foni yake.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Mungashandisa Sei Mafoni Zvakanaka

Mafoni anogona kubatsira kana kuti kukanganisa wanano. Zvakamira sei muwanano yenyu?

  • Zvaunofanira kuziva

  • Zvaunogona kuita

  • Zvinotaurwa nevamwe vakaroorana

  • Zvamungakurukura nezvazvo

Zvaunofanira kuziva

  • Kana foni ikashandiswa zvakanaka zvinogona kubatsira muwanano. Semuenzaniso vamwe varume nemadzimai vanoashandisa kuti vagare vachitaura vese pavanenge vasiri pamwe chete.

    Murume ari kutumira mudzimai wake meseji yerudo panguva yavasiri pamwe chete.

    “Meseji yekungoti, ‘Ndinokuda’ kana kuti ‘Ndiri kukufunga’ inogona kureva zvakawanda.”—Jonathan.

  • Kana foni ikasashandiswa zvakanaka zvinogona kukanganisa wanano. Semuenzaniso, vamwe vanongogara vari pafoni, izvo zvinoita kuti vashaye nguva newavakaroorana naye.

    “Ndinofunga kuti pamwe pacho murume wangu anotadza kutaura neni nekuti ndinenge ndiri pafoni.”—Julissa.

  • Vamwe vanofunga kuti vanogona kutaura newavakaroorana naye, uku vari pafoni. Sherry Turkle, uyo anoongorora magariro evanhu akati izvozvo “zvinobva pamafungiro ekuti munhu anogona kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete.” Vamwe vanofunga kuti kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete chinhu chinodadisa asi hachisi. Anoti, “kana tikaedza kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete chimwe chacho hachibudi zvakanaka.”a

    “Ndinofarira kutaura nemurume wangu, asi kwete paanenge achiita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete. Zvinobva zvaita sekuti haana kana basa neni.”—Sarah.

Pfungwa inokosha ndeiyi: Mashandisiro aunoita foni anogona kubatsira kana kuparadza wanano yenyu.

Zvaunogona kuita

Ziva zvinhu zvinokosha. Bhaibheri rinoti: ‘Ivai nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.’ (VaFiripi 1:10) Zvibvunze kuti, ‘Foni haisi kutitorera nguva yatiri kufanira kupedza tiri pamwe chete here?’

“Zvinosuwisa kuona murume nemudzimai vakangoti maziso udyu pamafoni, apa vaenda kumbonodyira dyira paresitorendi. Hatifaniri kuitwa varanda vemafoni zvekuti tinobva takanganwa kuti wanano yedu ndiyo inonyanya kukosha.”—Matthew.

Ziva pekugumira. Bhaibheri rinoti: “Rambai makanyatsongwarira kuti musafamba sevanhu vasina kuchenjera asi sevanhu vakachenjera, muchishandisa nguva yenyu nekuchenjera.” (VaEfeso 5:15, 16) Zvibvunze kuti, ‘Pane kuti ndingotarisa meseji yese yese inenge yangopinda, ndinokwanisa here kusarudza nguva yakakodzera yekuzopindura mameseji acho?’

“Ndakaona zvichibatsira kudzima vhoriyumu yefoni yangu kuitira kuti ndizopindura mameseji anenge apinda pane imwe nguva yakakodzera. Kashoma kuti papinde meseji kana kuti email inenge ichida kukurumidzirwa.”—Jonathan.

Kana zvichikwanisika, basa ngariperere kubasa. Bhaibheri rinoti: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho.” (Muparidzi 3:1) Zvibvunze mibvunzo inotevera: ‘Foni yangu iri kuita kuti ndipedzisire ndava kuita zvinhu zvebasa ndiri kumba here? Kana zvakadaro, haisi kukanganisa wanano yangu here? Mumwe wangu anotii nazvo?’

“Mafoni anoita kuti tikwanise kushanda nguva dzese. Ndinotofanira kushanda nesimba kuti ndisarambe ndichitarisa foni yangu uye kutarisa zvinhu zvine chekuita nebasa kana ndiine mudzimai wangu.”—Matthew.

Taura newawakaroorana naye nezvemashandisiro amunoita mafoni. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nemumwe ngaarege kuramba achitsvaga zvinobatsira iye chete, asiwo zvinobatsira mumwe.” (1 VaKorinde 10:24) Tauriranai kuti mumwe nemumwe wenyu anoshandisa sei foni yake uye motaura kuti zvii zvinoda kugadziriswa kana zviripo. Unogona kushandisa chikamu chakanzi zvamungakurukura nezvazvo chiri munyaya ino kuti muwane pekutangira.

“Ini nemurume wangu tinonyatsobudirana pachena, uye tinoudzana kana paine ava kunyanya kushandisa foni. Tinoziva kuti izvi zvinogona kukonzera dambudziko, saka tinokoshesa zvinenge zvataurwa nemumwe.”—Danielle.

Pfungwa inokosha ndeiyi: Iva nechokwadi chekuti hauitwe muranda wefoni.

Zvinotaurwa nevamwe vakaroorana

Trista naGeorgel.

“Nguva yemanheru iyo inogona kushandiswa muchitaura zvaitika muswere wese wezuva inogona kuvhiringidzwa kana vanhu vangova pamafoni. Pane zvinhu zvakawanda muupenyu zvinenge zvichida kuti titaure pane kuti tipedze nguva yedu tingori pamafoni.”—Trista, nemurume wake Georgel.

Jonathan naKatelyn.

“Mumwe wako anofanira kupiwa nguva yake yakakwana. Hapamboshayi meseji, email kana kuti zvimwe zvinhu zvinenge zvichida kuvhurwa. Asi izvozvo zvinogona kumbomira. Kana usingatumire meseji paunenge uchityaira nekuti zvinogona kukonzera tsaona, ungashandisa foni yako here kana ichikanganisa wanano yako?”—Jonathan, nemudzimai wake Katelyn.

Zvamungakurukura nezvazvo

Mumwe nemumwe anofanira kufunga nezvemibvunzo iyi ari ega. Zvadaro chikurukurai mibvunzo yacho mese.

  • Kushandisa kwatinoita mafoni kune zvakuri kubatsira here pakunatsiridza wanano yedu?

  • Unonzwa sekuti kushandisa kunoita mumwe wako foni kuri kukanganisa wanano yenyu here? Kana zvakadaro, ari kuikanganisa sei?

  • Unofunga kuti mumwe wako angati kushandisa kwaunoita foni kuri kukanganisa wanano yenyu here? Kana zvakadaro, zvii zvingaita kuti adaro?

  • Pane here zvikonzero zvinoita kuti ufanire kugara uchipindura mameseji aunenge wagamuchira? Kana zvakadaro, zvinetso zvinogona kuzomuka zvingagadziriswa sei?

  • Zvii zvamungafanira kugadzirisa panyaya yekushandisa mafoni?

Kudzokorora: Ungashandisa sei foni zvakanaka

Ziva zvinokosha. Usakanganwe kuti wanano yenyu ndiyo inonyanya kukosha.

Ziva pekugumira. Unokwanisa kuva nenguva here yekuzotarisa mameseji pane kungopindura meseji yese yese painongopindira?

Kana zvichiita, basa ngariperere kubasa. Foni inoita kuti ubatike kunyange usiri pabasa, asi zvinoreva here kuti wongogara uchishanda zvinhu zvekubasa pafoni?

Taurirana nemumwe wako nezvemashandisiro amuri kuita mafoni. Kushandisa kwamunoita mafoni kuri kukanganisa sei wanano yenyu? Pane zvinoda kugadziriswa here kana zviripo?

a Kubva mubhuku rinonzi Reclaiming Conversation—The Power of Talk in a Digital Age.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe