RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 11
  • Kana Mwana Akaita Zvinhu Zvinoita Kuti Musamuvimba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kana Mwana Akaita Zvinhu Zvinoita Kuti Musamuvimba
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwana wangu apanduka here?
  • Ko kana mwana wangu andinyepera?
  • Ane mhosva ndiani?
  • Ndingabatsira sei mwana wangu kuti aite zvinhu zvinoita kuti ndivimbezve naye?
  • Kupa Mitemo Mwana Wenyu Ari Kuyaruka
    Mukai!—2013
  • Taura Nemwana Ari Kuyaruka—Musingaiti Nharo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kukurukura Nemwana Wenyu Ari Kuyaruka
    Mukai!—2013
  • Kudzidzisa Mwana Kuti Akuteererei
    Mukai!—2013
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 11
Baba naamai vagumbukira mwanakomana wavo.

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kana Mwana Akaita Zvinhu Zvinoita Kuti Musamuvimba

Vamwe vabereki vane nguva yavanoti vana vanofanira kunge vava pamba. Asi kune vamwe vana vasingateereri. Vamwe vanonyepera vabereki vavo kana kuti kusvova votiza pamba vachienda kushamwari dzavo. Mungaita sei kana mwana wenyu ari kuyaruka akaita zvinhu zvinoita kuti mutadze kuvimba naye?

  • Mwana wangu apanduka here?

  • Ko kana mwana wangu andinyepera?

  • Ane mhosva ndiani?

  • Ndingabatsira sei mwana wangu kuti aite zvinhu zvinoita kuti ndivimbezve naye?

  • Zvinotaurwa nevamwe vabereki

Mwana wangu apanduka here?

Zvingasadaro hazvo. Bhaibheri rinoti: “Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo mewechidiki,” uye zvinoitwa nevari kuyaruka zvinowanzoratidza kuti mashoko aya ndeechokwadi. (Zvirevo 22:15, mashoko emuzasi) Dr. Laurence Steinberg vanoti, “Vechidiki vanoita zvimwe zvisarudzo zvisina musoro vasina kufunga, saka zivai kuti pane pavachakanganisa.”a

Ko kana mwana wangu andinyepera?

Musafunga kuti mwana wenyu atori nechinangwa chekusakuteererai. Tsvakurudzo dzinoratidza kuti vari kuyaruka vanonetseka chaizvo kuti vabereki vavo vanofungei nezvavo, kunyange zvichiita sekuti havana basa nazvo. Kunyange zvazvo mwana wenyu angasazviratidza pachena, zvimwe haasi kutofara nezvaari kuita uye ari kunetseka kuti akakurwadzisai.

Mapikicha: 1. X-ray yegumbo rakatyoka. 2. Gumbo rakaiswa purasita. 3. Gumbo ratopora.

Bonzo rakatyoka rikangopora rinobva ratosimba zvakare. Ndizvo zvinogona kuitikawo panyaya yekuvimba nemwana wenyu

Ane mhosva ndiani?

  • Zvinhu zvakamupoteredza here? Bhaibheri rinoti: “Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.” (1 VaKorinde 15:33) Shamwari dzinogona kukanganisa chaizvo vari kuyaruka. Ndizvo zvinoitawo zvimwe zvinhu zvinosanganisira social media uye kushambadzwa kwezvinhu. Kuwedzera pazvinhu izvi, vari kuyaruka havana ruzivo nezvinhu zveupenyu, uye unogona kuona kuti nei vachiita zvisarudzo zveupenzi. Asi vanofanira kudzidza kugamuchira mamiriro ezvinhu anokonzerwa nezvisarudzo zvavo kuti vazova vanhu vakuru vanovimbwa navo.

  • Imhosva yangu here? Zvimwe munogona kufunga kuti mainyanya kuomesa zvinhu zvichibva zvaita kuti mwana wenyu aite misikanzwa. Kana kuti mungafunga kuti mainyanya kurerutsa uye zvakaita kuti mwana wenyu ave nerusununguko rwakanyanyisa. Pane kuisa pfungwa pane zvamungadaro makakanganisa, fungai nezvekuti mungamubatsira sei iye zvino kugadzirisa zvinhu.

Ndingabatsira sei mwana wangu kuti aite zvinhu zvinoita kuti ndivimbezve naye?

  • Zvidzorei. Zvimwe mwana wenyu ari kutotarisira kuti muchaita hasha. Madii kuita zvakasiyana nezvaari kufunga. Kurukurai zvakadzikama nemwana wenyu kuti chii chakonzera kuti azoita zvaaita. Aingodawo kuziva zvimwe zvinhu here? Pane zvaimubhowa here? Ari kusurukirwa here? Haana shamwari here? Mwana haafaniri kuhwanda nezvikonzero izvi, asi kuziva zvikonzero zvake kunogona kukubatsirai mese nemwana wenyu kunzwisisa kuti chii chakonzera kuti azoita zvaaita.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “[Munofanira] kukurumidza kuteerera, kunonoka kutaura, uye kunonoka kutsamwa.”—Jakobho 1:19.

  • Batsirai mwana wenyu kuti afunge. Bvunzai mibvunzo yakadai sekuti, Wadzidzei pane zvaitika izvi? Uchaita sei kana zvakadai zvikaitikazve? Mibvunzo yakadai inogona kuita kuti mubatsire mwana wenyu kufunga oita zvisarudzo zvakanaka.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Tsiura, rayira, kurudzira nemwoyo murefu neunyanzvi hwekudzidzisa.”—2 Timoti 4:2.

  • Vapei chirango. Chirango chinonyanya kushanda kana chichienderana nezvaakanganisa. Semuenzaniso, kana mwana wenyu aita kuti musamuvimba nekutora mota yenyu pasina mvumo, munogona kumbomurambidza kutyaira kwechinguva.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

  • Ratidzai kuti munokwanisa kuvimbazve naye. Ichokwadi kuti izvozvo hazviitiki nezuva rimwe chete. Zvisinei, mwana wenyu ari kuyaruka anofanira kuziva kuti nekufamba kwenguva zvinoita kuti muvimbezve naye. Ivai nechokwadi chekuti anoona kuti muchakwanisa kuvimbazve naye. Kana mwana wenyu akaona sekuti hamuzombofi makamuvimba, anogona kubva arasa tariro.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musashungurudza vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”—VaKorose 3:21.

Girobho.

Zano: Ratidzai muenzaniso kumwana nekukumbira ruregerero kana imi mukakanganisa kana kuita chisarudzo chisina kunaka.

Zvinotaurwa nevamwe vabereki

Joseph naLisa.

“Vabereki vanogona kutaura kuti vanoda munhu anotaura chokwadi, asi kana ivo vasingakwanisi kuvimbwa navo, mashoko avo anenge asina zvaanoreva. Asi kana vana vakaona kuti vabereki vavo vanogona kuvimbwa navo, vachadawo kuita saizvozvo, uye vanonzwa kakudada pavanoita izvozvo.”—Joseph, nemudzimai wake, Lisa.

Karyn naDaniel.

“Kuva neushamwari hwakanaka nevana pavanenge vachiri vadiki kunozobatsira panguva yavanenge vava kuyaruka. Vabereki vanofanirawo kuita vachipa vana rusununguko zvishoma nezvishoma, uye kutaura zvakajeka zvavanovabvumira nezvavasingavabvumiri kuita. Vari kuyaruka pavanoona kuti mubereki ari kuedza kuvanzwisisa uye kuvapa rumwe rusununguko, kashoma kuti pazova nemuedzo wekuita zvinhu zvinoita kuti vatadze kuvimbwa navo.”—Karyn, nemurume wake, Daniel.

Kudzokorora: Kana Mwana Akaita Zvinhu Zvinoita Kuti Musamuvimba

  • Zvidzorei. Kurukurai zvakadzikama nemwana wenyu kuti chii chakonzera kuti azoita zvaaita.

  • Batsirai mwana wenyu kuti afunge. Bvunzai mibvunzo yakadai sekuti, Wadzidzei pane zvaitika izvi? Uchaita sei kana zvakadai zvikaitikazve?

  • Vapei chirango. Chirango chinonyanya kushanda kana chichienderana nezvaakanganisa.

  • Ratidzai kuti munokwanisa kuvimbazve naye. Kana mwana wenyu akaona sekuti hamuzombofi makamuvimba, anogona kubva arasa tariro.

a Kubva mubhuku rinonzi You and Your Adolescent.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe