RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwhf nyaya 9
  • Kutungamirira Kwamungaita Vana Venyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutungamirira Kwamungaita Vana Venyu
  • Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvamunofanira kuziva
  • Zvamungaita
  • Kutungamirirwa Nevanhu Vakuru
    Mukai!—2019
  • Vabereki—Ivai Muenzaniso Wakanaka Kuvana Venyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vade Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Ndinogona Sei Kugonana Nedzvinyiriro Yevezera Rangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mazano Ekubatsira Mhuri
ijwhf nyaya 9
Baba vari kutaura nemwanakomana wavo

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA

Kutungamirira Kwamungaita Vana

  • Zvamunofanira kuziva

  • Zvamungaita

  • Zvinotaurwa nevamwe vabereki

Zvamunofanira kuziva

Mazuva ano mune dzimwe tsika vana vane ushamwari hwakasimba nevabereki vavo uye vanoda kutungamirirwa navo. Mune dzimwe tsika, vana vanowanzoenda kune vezera ravo kuti vatsvage mazano.

Zvataurwa pechipiri zvinoita kuti vabereki vasava nesimba pakutungamirira vana vavo. Tingatoti vana ivavo pavanoyaruka, vabereki vavo vanogona kuona sekuti havasisina zvavanokwanisa kuita kuti vavabatsire. Izvi hazvingashamisi! Vana pavanoita nguva yakawanda vaine vamwe vana zvinoita sekuti vari kurerana panzvimbo pekurerwa nevabereki vavo.

Nei zviri nyore chaizvo kuti vana vave neushamwari hwakasimba nevezera ravo kupfuura vabereki vavo? Onai zvikonzero zvinotevera.

  • Chikoro. Vana pavanoita nguva yakawanda vaine vamwe vana vanoumba ushamwari uye vangatanga kukoshesa zvinofungwa nevezera ravo pamusoro pavo kupfuura zvinofungwa nevabereki vavo. Mafungiro akadaro anogona kutowedzera kusimba vana pavanenge vachiyaruka.

    Mukomana wechidiki ari anosimudzira ruoko shamwari dzekuchikoro achidzioneka

    Vana vanofanira kukoshesa zvinofungwa nevabereki vavo kupfuura vavanodzidza navo

  • Kushaya nguva yekuva pamwe chete. Mumhuri dzakawanda, vana vanowana pamba pasina munhu pavanodzoka kuchikoro, zvimwe nekuti mubereki kana kuti vabereki vese vanenge vari kubasa.

  • Tsika dzevechidiki. Pavanosvika panguva yekuyaruka vechidiki vanenge vanyura mutsika dzevechidiki dzine mitemo yadzo, inosanganisira mapfekero, matauriro, uye maitiro. Zvinofungwa nevezera ravo pamusoro pavo zvinokosha kwavari kupfuura zvinofungwa nevabereki vavo.

  • Kushambadzwa kwezvinhu. Zvinhu zvizhinji zvinogadzirwa nevemabhizinesi zvakanyanya kunangana nevechidiki chete, uye zvinoita kuti vabereki nevana vawedzere kusanzwisisana. “Kudai tsika dzevechidiki dzaizonyangarika,” akanyora kudaro Dr. Robert Epstein, “mabhizinesi akawanda ari kuita mazakwatira emari aizoparara ipapo ipapo.”a

Zvamungaita

  • Rambai muine ushamwari hwakasimba nemwana wenyu.

    Bhaibheri rinoti: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako, uye unofanira kuramba uchiadzokorora kuvanakomana vako, uchitaura nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.”—Dheuteronomi 6:6, 7.

    Vechidiki vanogona kuva shamwari, asi havatombofaniri kutora basa renyu semubereki. Mashoko akanaka ndeekuti: Nyanzvi dzinoti vana vakawanda vanoremekedza vabereki vavo uye vanoda kuvafadza. Kana mukaramba muine ushamwari hwakasimba nevana venyu, muchakwanisa kuvatungamirira.

    Baba vanoita nguva vaine mwanakomana wavo mupaki, pakombiyuta, vachigadzira mota

    “Unofanira kuwana nguva yekuva nevana vako, muchiita pamwe chete zvinhu zvemazuva ese zvakadai sekubika, kuchenesa, uye kunyange kuita homuweki. Itai pamwe chete zvinhu zvinonakidza zvakadai sekuona firimu kana TV. Garai muchiita zvinhu izvi kwete kungozviita pano neapo. Hamukwanisi kuumba ushamwari hwakasimba kana musingawani nguva yakakwana yekuva pamwe!”—Lorraine.

  • Ivai nechokwadi chekuti vana venyu vanewo dzimwe shamwari dzisiri dzezera ravo.

    Bhaibheri rinoti: “Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo memwana.”—Zvirevo 22:15.

    Vamwe vabereki vanogutsikana pavanoona kuti mwana wavo ane shamwari dzakawanda. Asi kunyange zvingaita sekuti mwana ane shamwari dzakawanda, anofanira kushamwaridzana nemazera akasiyana-siyana kuti akure mupfungwa. Uye vechidiki havakwanisi kupa mazano anodiwa newechidiki uye mazano akadaro anongopiwa nevabereki vane rudo.

    “Shamwari dzemwana dzezera rake dzingava neruzivo pane zvimwe zvinhu, asi hadzina ruzivo neupenyu uye hadzina uchenjeri hwekubatsira vamwe vechidiki kuti vaite zvisarudzo zvakanaka. Vechidiki pavanoteerera mazano anobva kuvabereki vavo vanokura zvinonyatsoenderana nezera ravo.”—Nadia.

  • Tungamirirai nenzira yeuchenjeri.

    Bhaibheri rinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”—Zvirevo 13:20.

    Kunyange pavanenge vachikura, vana venyu vanogona kubatsirwa chaizvo nekuita nguva vainemi. Itai zvakanaka zvavanogona kuzotevedzera.

    “Vabereki ndivo mienzaniso inokosha yekuti vana vatevedzere. Kana vana vakadzidziswa kukoshesa uye kuremekedza vabereki vavo, vachada kuzofanana navo.”—Katherine.

Zvinotaurwa nevamwe vabereki

Wendell, nemudzimai wake Susan

“Vechidiki vanowanzoita zvisarudzo zvinobva paruzivo rushoma rwavainarwo, uye izvozvo zvinogona kuvapinza muna taisireva. Asi kana vakatungamirirwa nevabereki, vanogona kuwedzera kunzwisisa zvimwe zvinhu, uye izvozvo zvichavabatsira kuita zvisarudzo zvakanaka.”—Wendell, nemudzimai wake Susan.

Courtney, nemurume wake Erik

“Itai zvinhu zvinofarirwa nevana venyu, kunyange zvikasava zviya zvamunoda kuita. Nakidzwai nekuva pamwe chete navo. Ivai vanhu vavanokwanisa kuvimba navo, kuudza zvakavanzika zvavo uye kutevedzera. Vana vanofanira kuziva kuti munoda kuti zvinhu zvivafambire zvakanaka.”—Courtney, nemurume wake Erik.

Kudzokorora: Kutungamirira Kwamungaita Vana Venyu

  • Rambai muine ushamwari hwakasimba nemwana wenyu. Vechidiki vanogona kushamwaridzana nemwana wenyu, asi havatombofaniri kutora basa renyu semubereki.

  • Ivai nechokwadi chekuti vana venyu vanewo dzimwe shamwari dzisiri dzezera ravo. Asi kunyange zvingaita sekuti mwana ane shamwari dzakawanda, anofanira kushamwaridzanawo nemazera akasiyana-siyana kuti akure mupfungwa. Uye vechidiki havakwanisi kupa mazano nekutungamirira sezvinoitwa nevabereki.

  • Tungamirirai nenzira yeuchenjeri. Kunyange pavanenge vachikura, vana venyu vanogona kubatsirwa chaizvo nekuita nguva vainemi.

a Kubva mubhuku rinonzi Teen 2.0—Saving Our Children and Families From the Torment of Adolescence.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe