RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwbv nyaya 29
  • Johani 14:27—“Ndinokusiyirai Rugare”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Johani 14:27—“Ndinokusiyirai Rugare”
  • Kutsanangurwa Kwemavhesi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinorehwa naJohani 14:27
  • Mashoko akapoteredza Johani 14:27
  • “Rugare rwaMwari” Ngarurinde Mwoyo Wenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Tevedzera Jesu Urambe Uine Rugare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Unogona Here Kuwana Rugare Munyika Ino Ine Zvinetso?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Rugare—Ungaruwana Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
Ona Zvimwe
Kutsanangurwa Kwemavhesi
ijwbv nyaya 29

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Johani 14:27—“Ndinokusiyirai Rugare”

“Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupii rugare semapiro anoita nyika. Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuti ichitya.”—Johani 14:27, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu: handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika, uye musatya.”—Johani 14:27, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naJohani 14:27

Paakataura mashoko aya, Jesu aisimbisa vaapostora vake kuti vasazonyanya kunetseka pavaizosangana nematambudziko. Vaigona kuramba vakadzikama sezvaakaita, vachibatsirwa naMwari.

Jesu akasiyira vaapostora vake rugare rwakaita sei? Jesu akavapa rugare rwake, kureva rugare rwaaiva narwo. Rugare urwu rwaisareva kuti akanga asina matambudziko. (Johani 15:20; 16:33) Kunyange zvazvo Jesu akabatwa zvisina kunaka uye akazourayiwa, aiva nerugare mupfungwa uye mumwoyo. (Ruka 23:27, 28, 32-34; 1 Petro 2:23) Aiva nerugare nekuti aiziva kuti aidiwa uye aiita zvinofarirwa naBaba vake, Jehovha.a—Mateu 3:16, 17.

Jesu akapa vaapostora vake rugare nekuita kuti vave nechokwadi chekuti iye naBaba vake vaivada uye vaifarira zvavaiita. (Johani 14:23; 15:9, 10; VaRoma 5:1) Rugare urwu, rwaibva pakutenda kwavaiita kuti Jesu Mwanakomana waMwari, uye rwakavabatsira kuti vasatya. (Johani 14:1) Kunyange zvazvo Jesu aizovasiya, akavavimbisa kuti mweya mutsvene waMwari waizovabatsira kuti vasatya uye vave nerugare. (Johani 14:25-27) Vateveri vaJesu vaigona kuva neushingi pavaisangana nematambudziko, nekuti vaiziva kuti Jehovha aivafarira uye aivatsigira.—VaHebheru 13:6.

Jesu paaiva pasi pano, vanhu vaiva netsika yekumhoresana vachishuvirana rugare. (Mateu 10:12) Asi, Jesu haana kungoshuvira vaapostora vake rugare; akatovapa rugare rwacho. Uyewo, rugare rwavakapiwa naJesu rwakasiyana nerugare runopiwa nenyika.b Nyika inogona kuita kuti munhu ave nerugare runobva paukama hwake nevamwe, pfuma, kana kuti chinzvimbo. Asi rugare runobva kuna Jesu harunei nekuti zvinhu zvakatimirira sei. Runongoramba ruripo.

Mashoko akapoteredza Johani 14:27

Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka mashoko aya usiku hwake hwekupedzisira asati afa. Usiku ihwohwo akavaudza kuti aizovasiya. (Johani 13:33, 36) Izvi zvakaita kuti vaapostora vake varwadziwe chaizvo. (Johani 16:6) Saka Jesu akavasimbisa, nekuvatsanangurira kuti nei vaisafanira kunetseka kuti zvii zvaizoitika paaizovasiya.

Mashoko aJesu anogonawo kukurudzira vaKristu mazuva ano. Isuwo tinogona kuva nerugare. (2 VaTesaronika 3:16) Patinova vadzidzi vaJesu, tinodzidza kuti tinodiwa uye tinofarirwa naye uye naBaba vake, Jehovha. (VaKorose 3:15; 1 Johani 4:16) Izvi, zvinoita kuti tisanyanya kunetseka. Nei? Nekuti Mwari anesu.—Pisarema 118:6; VaFiripi 4:6, 7; 2 Petro 1:2.

Verenga Johani chitsauko 14 muBhaibheri rekudzidza reChirungu reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Bhaibheri iri riri nyore kuverenga rine zvakarekodhwa, manotsi anotsanangura mavhesi, mamwe mavhesi anoenderana nearimo, mapikicha, mavhidhiyo uye mamepu.

Ona vhidhiyo pfupi iyi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raJohani.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?”

b MuBhaibheri, shoko rekuti “nyika” rinogona kureva vanhu vasiri shamwari dzaMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe