RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mrt nyaya 134
  • Kurwisana Hakugadzirise Zvinhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwisana Hakugadzirise Zvinhu
  • Dzimwe Nyaya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakataurwa naJesu
  • Zvakaitwa naJesu uye zvaachaita
  • Mashoko Ekuti ‘Idai Vavengi Venyu’ Anorevei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Pasi Rese Pachava Nerunyararo
    Dzimwe Nyaya
  • Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Rambai Muchiita Zvakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Dzimwe Nyaya
mrt nyaya 134
Jesu achidzidzisa vanhu vakawanda.

DZIDZA KUBVA KUNA JESU

Kurwisana Hakugadzirise Zvinhu

Vanhu vakawanda vanofunga kuti kurwisana ndiko kunogadzirisa zvinhu kana paine zvinoda kugadziriswa kana kuti vatadza kuwirirana. Asi mafungiro iwayo akanyatsosiyana nezvakadzidziswa naJesu Kristu uye zvaaiita. Chimbofunga zvimwe zvaakataura uye zvaakaita.

Zvakataurwa naJesu

Jesu paakapa Mharidzo yakakurumbira Yepagomo, akadzidzisa kuti kuita hasha uye kurwisana hazvisi izvo zvinogadzirisa zvinhu kana paine kusawirirana. Ngatimboonai zvimwe zvaakadzidzisa.

  • “Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.” (Mateu 7:12; Ruka 6:31) Murayiro uyu unotikurudzira kuti tibate vamwe semabatirwe atinoda kuitwawo.a Hapana munhu anoda kubatwa zvisina kunaka, saka tinofanira kubatawo vamwe zvakanaka uye tichivaremekedza kunyange patinenge tiine maonero akasiyana.

  • “Munhu wese anokurova mbama padama rako rekurudyi, mupewo rimwe racho.” (Mateu 5:38, 39; Ruka 6:29) Jesu akanga asiri kudzidzisa vanhu kuti vangosiya havo vamwe vachivabata zvisina kunaka. Asi aigadzirisa maonero asina kunaka anogona kunge aidzidziswa nevamwe vatungamiriri vezvitendero ekuti hapana chakaipa nekutsiva. Aiudza vateveri vake kuti havafaniri kutsiva asi vanofanira kuramba vakadzikama kunyange pavanotadzirwa.b

  • “Rambai muchida vavengi venyu.” (Mateu 5:43, 44; Ruka 6:27) Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kuratidza mutsa kuvanhu vanotivenga kana kuti vanotibata zvisina kunaka. Aisareva hake kuti tinofanira kutsigirana navo pazvinhu zvakaipa zvavanoita. cAsi kana tikavabata zvakanaka, zvinogona kuita kuti vasarambe vachitiitira hasha uye zvinogona kutoita kuti vapedzisire vava kutibatawo zvakanaka.

Zvakaitwa naJesu uye zvaachaita

Jesu aidzidzisa kuti kurwisana hakusi iko kunogadzirisa zvinhu, uye aiita zvaienderana nezvaaiparidza. Musi waakasungwa, mumwe wevateveri vake akarwisa achida kuedza kumudzivirira, asi Jesu akati: “Dzorera bakatwa rako parinogara, nekuti vese vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) Jesu akaratidza kuti aida vavengi vake nekuregerera vanhu vaimubata zvisina kunaka, uye kutovanyengeterera!—Ruka 23:33, 34; 1 Petro 2:23.

Bhaibheri rinovimbisa kuti Jesu, seMuchinda weRugare, ava pedyo nekuita kuti vanhu vasarambe vachirwisana. (Isaya 9:6, 7) Kuti udzidze zvakawanda nezveramangwana iroro rakazonaka, verenga nyaya yakanzi “Hondo Uye Kurwisana Zvichapera Sei?”

a Kuti unzwe zvimwe, verenga nyaya yakanzi “Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?”

b Kuti unzwe zvimwe, verenga nyaya yakanzi “Zvinomborevei Kuti ‘Ziso Rinotsiviwa Neziso?’”

c Kuti unzwe zvimwe, verenga nyaya yakanzi “Mashoko Ekuti ‘Idai Vavengi Venyu’ Anorevei?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe