Photo by Stringer/Getty Images
RAMBAI MAKAMUKA!
Bhaibheri Rinomboti Kudii Nezvehondo Iri Kuitika kuMiddle East?
Pasi rese vanhu vari kunetseka nekurwisana kuri kuitika pakati peUnited States, Israel, neIran kuti zvichaguma nei. Nyika dzakawanda dzichapedzisira dzava kurwisana here? Dzimwe nyika dzinogona kupindira here dzobatsira kuti panyika pave nerugare?
Vanhu vanoziva uprofita hweBhaibheri vanogona kunge vari kuzvibvunza kuti kurwisana uku kuri kuitika kuMiddle East, handiko here kutotanga kweAmagedhoni inotaurwa muBhaibheri muna Zvakazarurwa?
Bhaibheri rinomboti kudii?
Hurumende dzepanyika dzichagona kumisa here hondo iri kuMiddle East?
Bhaibheri rinoti: “Musavimba nemachinda, kana nemwanakomana wemunhu, asingagoni kuunza ruponeso.”—Pisarema 146:3.
Hatizivi kuti pane nyika dzichakwanisa here kuita kuti kuMiddle East kuve nerunyararo. Asi chatinoziva ndechekuti Bhaibheri rinoti hakuna munhu wezvematongerwo enyika, hurumende yevanhu kana rimwe sangano ringaita kuti pasi rese pave nerunyararo. Mwari chete ndiye ‘achagumisa hondo munyika yese.’—Pisarema 46:9.
Kana uchida kunzwa zvakawanda, verenga Nharireyomurindi yakanzi “Hondo Dzichapedzwa Sei?”
Hondo iri kurwiwa kuMiddle East iri kuzadzisa zvakasotaurwa neBhaibheri here?
Bhaibheri rinoti: “Muchanzwa nezvehondo nemashoko pamusoro pehondo. . . . Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.”—Mateu 24:6, 7.
Kurwisana kuri kuitika kuMiddle East ndechimwe chiratidzo chekuti “nyika yava kumagumo kwayo” uye kuti tiri kurarama “mumazuva ekupedzisira.” (Mateu 24:3; 2 Timoti 3:1) Hondo dziri kuitika mazuva ano dzinoratidza kuti Mwari ava pedyo kuita kuti dzipere uye achabvisa matambudziko ese ari kukonzera kuti vanhu vatambure.
Kana uchida kunzwa zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti “Nguva Yekupedzisira” Ndechipi?”
Amagedhoni ichatangira kuMiddle East here?
Bhaibheri rinoti: ‘Madzimambo ese epanyika achaunganidzwa kunzvimbo inonzi Amagedhoni muchiHebheru.’—Zvakazarurwa 16:16.
Hondo yeAmagedhoni hakusi kurwisana kunenge kuchiita hurumende uye hakusi kuzotangira kuMiddle East. Asi kuti ihondo ichaitika pasi rese hurumende dzevanhu dzichirwisana naMwari.
Kana uchida kunzwa zvakawanda verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?”
Chii chichatibatsira kuti tirambe takadzikama zvinhu pazvinenge zvisina kugadzikana?
Bhaibheri rinoti: “Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho, asi panyaya dzese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga.”—VaFiripi 4:6.
Jehovhaa Mwari anotikurudzira kuti tinyengetere kwaari. Anonzwa minyengetero yedu uye achatibatsira kuti tirambe takadzikama nekuti ane hanya nesu. (1 Petro 5:7) Haangogumiri pakutitsanangurira kuti sei kuine hondo, asiwo anotiudza kuti dzichapera sei uye kuti zvii zvaachaita kuti abvise zvinhu zviri kutirwadza.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Kana uchida kuziva zvakawanda nezvekuti Mwari anotibatsira sei, verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rine Mashoko Angandinyaradza Here?”
a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.