RAMBAI MAKAMUKA!
Zvaungaita kuti Ufare Pasinei Nekuoma Kweupenyu—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Muupenyu hwatiri kurarama mazuva ano, pane zvimwe zvinhu zvinoitika zvatisingakwanisi kuchinja. Asi kazhinji mufaro wedu unobva pamaonero atinoita zvinhu kwete pakuti tiri kusangana nezvinhu zvakaita sei muupenyu. Bhaibheri rinotaura kuti pasinei nematambudziko avanosangana nawo, “vanhu vanofara vanogara vachinakidzwa neupenyu.” (Zvirevo 15:15, Good News Translation) Tingaitei kuti tiwedzere kufara? Inzwa kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira sei.
Zvaungaita kana uchizvidya mwoyo
Bhaibheri rinoti: “Kunetseka kuri mumwoyo wemunhu kunouremedza, asi shoko rakanaka rinoita kuti unyevenuke.”—Zvirevo 12:25.
Bhaibheri rinogona kukubatsira kuti usanyanya kuzvidya mwoyo. Kuti uone kuti rinokubatsira sei verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekuzvidya Mwoyo?”
Zvaungaita kuti usanyanya kusurukirwa
Bhaibheri rinoti: “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese uye ihama yakaberekerwa kubatsira panguva yekutambudzika.”—Zvirevo 17:17.
Bhaibheri rine mazano anogona kukubatsira kuti usimbise ushamwari hwako nevamwe uye usanyanya kusurukirwa. Verenga nyaya yakanzi “Bhaibheri Ringakubatsira Sei Kuti Usimbise Ushamwari Nevamwe Worega Kusurukirwa?”
Wedzera kuda Mwari uye vamwe
Bhaibheri rinoti: “Ida Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya wako wese nepfungwa dzako dzese. . . . Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”a—Mateu 22:37-39.
Kunyengetera kunotibatsira kuti tiwedzere kuda Mwari. Kana uchida kunzwa zvakawanda verenga nyaya yakanzi “Mwari Anonzwa Minyengetero Yedu Here?”
Tinofanira kuda vamwe semadiro atakanzi naJesu tiite. Kana uchida kunzwa zvakawanda verenga nyaya yakanzi “Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?”
Unoda here kudzidza zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri pamusoro pezvaungaita kuti uwedzere kufara? Kana uchida, tinokukurudzira kuti uite kosi yatinoitisa yekudzidza Bhaibheri.
a Jehovha ndiro zita raMwari.—Pisarema 83:18.