RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 125
  • Kudanana—Chikamu 3: Torambana Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudanana—Chikamu 3: Torambana Here?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana usisina chokwadi nemunhu wauri kudanana naye
  • Kuziva zvekusarudza
  • Kana ukasarudza kurambana nemumwe wako
  • Kudanana—Chikamu 2: Zvii Zvandinofanira Kuziva Kana Ndiri Kudanana Nemumwe Munhu?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndirini Pandinofanira Kutanga Kudanana Nomumwe Munhu?
    Mukai!—2007
  • Kudanana—Chikamu 1: Ndagadzirira Kudanana Nemumwe Munhu Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kufambidzana Nomumwe Munhu Muchivande—Kwakaipei?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 125
Musikana ari kutarisa pikicha yaakatorwa aine mukomana wake pafoni.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kudanana—Chikamu 3: Torambana Here?

Wava nenguva uchidanana nemumwe wako, asi hausisina chokwadi chekuti ndiye munhu waunoda kuroorana naye here. Moramba muchidanana here kana kuti morambana? Nyaya ino ichakubatsira kuti ukwanise kusarudza zvekuita.

Zviri munyaya ino

  • Kana usisina chokwadi nemunhu wauri kudanana naye

  • Kuziva zvekusarudza

  • Kana ukasarudza kurambana nemumwe wako

Kana usisina chokwadi nemunhu wauri kudanana naye

Kana mukomana nemusikana vakaita nguva vachidanana vanogona kuona kuti havanyatsopindirani sezvavaifunga pakutanga. Semuenzaniso:

  • Mumwe anofarira kuenda kumahombekombe egungwa; mumwe anofarira kukwira makomo.

  • Mumwe anoda zvekutaura; mumwe akanyarara.

  • Mumwe akatendeseka; mumwe haana kutendeseka.

Zvinhu zvese zvataurwa izvi zvakasiyana. Pane chekutanga vaviri vacho vakasiyana pazvinhu zvavanofarira kuita; pane chechipiri vakasiyana paunhu; pane chechitatu vakasiyana pazvinhu zvavanokoshesa.

Zvekufunga nezvazvo: Pazvinhu zvitatu izvi ndechipi chingazonyanya kukuomera kana mukazoroorana? Pane here chaunogona kuzongosiyana nacho woedza kugadzirisa mafungiro ako?

Murume nemudzimai vanogona kusiyana pazvinhu zvavanofarira kuita kana kuti paunhu, asi votofara mumba mavo. Kupindirana hakurevi kuti munofanira kufarira zvinhu zvakafanana kana kuti kuva neunhu hwakafanana. Pane dzimwe nguva, murume kana kuti mudzimai anogona kutodzidza kufarira zvinhu zvinofarirwa nemumwe wake kana kutodzidza kubva paunhu hwemumwe wake.a

Asi zvakakosha kuti munhu waucharoorana naye akoshesewo zvinhu zvaunokoshesa panyaya dzekunamata, tsika uye maonero ezvakanaka nezvakaipa. Kana makasiyana pazvinhu zvakadaro zvinoratidza kuti pamwe zvakanaka kuti murambane.

Semuenzaniso chimbofunga kana makasiyana pane zvamunotenda. Bhuku rinonzi Fighting for Your Marriage rinoti: “Vanoita zvekutsvakurudza vakaona kuti murume nemudzimai vasingapindi chechi yakafanana vanowanzorambana.”

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musapinda navanhu vasingatendi mujoko rimwe chete risingakwanirani nemi.”—2 VaKorinde 6:14, BHAIBHERI rine APOKIRIFA.

Kuziva zvekusarudza

Bhaibheri rinoti vaya vanoroora kana kuroorwa “vachasangana namatambudziko mazhinji muupenyu.” (1 VaKorinde 7:28, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi) Saka hazvifaniri kukushamisa kana ukatanga kusangana nematambudziko iwayo pamunenge muchidanana.

Kana mukasawirirana pazvinhu zvidiki diki hazvirevi kuti mava kutofanira kurambana. Unofanira kuzvibvunza kuti, Tinokwanisa kugadzirisa nyaya yacho zvakanaka here? Kana mukazoroorana muchafanira kutaurirana zvakanaka, muchigadzirisana pamunenge matadza kuwirirana.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchiregererana nemwoyo wese.”—VaEfeso 4:32.

Asi kana muchingogara muchinetsana zvinogona kuratidza kuti hamupindirani. Kana zvakadaro, zvakanaka kuti unenge wazviona musati maroorana!

Mapikicha: Musikana watamboona ari kufunga kusawirirana kwavaiita nemukomana wake. 1. Mukomana wacho ari kutarisa foni yake asingatauri nemusikana wake. 2. Anonetsana nemusikana wake pavanenge vachitenga hembe. 3. Musikana ari kunongedza wachi yake mukomana paasvika padhoo.

Kugara muchingonetsana kunogona kuratidza kuti hamupindirani

Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Kana usisina chokwadi nemunhu wauri kudanana naye kana kuti usisina chokwadi chekuti wava kuda zvekuroora kana kuti kuroorwa here, ita chimwe chinhu!

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.”—Zvirevo 22:3.

Rambi.

Zvaungaita: Kana usisina chokwadi nemunhu wauri kudanana naye, taura neshamwari yakura iri muwanano. Munhu iyeye haazokusarudziri zvekuita, asi anogona kukupa mazano anoshanda anobva pane zvakaitika muupenyu hwake.—Zvirevo 11:14.

Kana ukasarudza kurambana nemumwe wako

Kurambana kunorwadza, asi kana mumwe wako kana kuti mese mukaramba muchinetseka nezvekudanana kwenyu, chisarudzo chakanaka chinogona kuva chekurambana.

Kana wasarudza kurambana nemumwe wako ungazviita sei? Hazvina kunaka kurambana pameseji kana kuti paemail kunze kwekutoti paine chikonzero chekuti uite kudaro. Zvakanyanya kunaka ndezvekuti usarudze nguva nenzvimbo yakanaka monyatsotaura nyaya iyi inokosha muchionana.

Musikana uya ari kutaura nemukomana wake panzvimbo inodyira vanhu vakawanda.
Rambi.

Zvaungaita: Pamunenge muchikurukura taura zvakanaka asi uchiratidza kuti uri kurevesa. Haufaniri kudonongodza zvinokanganiswa nemumwe wako, asi chingotaura zviri kuita kuti iwewe uone kuti hamufaniri kuramba muchidanana.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Tauriranai chokwadi.”—Zekariya 8:16.

Kurambana nemunhu kunoreva kuti haubatsiri here? Handizvo. Yeuka kuti paunenge uchidanana nemunhu inguva yekuti uone kuti zvinoita here kuti uroorane naye. Kunyange mukarambana, unenge watodzidza zvimwe zvinhu zvaunogona kuzoshandisa.

Zvibvunze kuti: ‘Ndakadzidzei nezveunhu hwangu panguva yandakadanana nemunhu uyu? Pane zvandakaona here zvandinofanira kugadzirisa ndisati ndapinda muwanano? Kana ndikasarudza kudanana nemumwe munhu zvekare zvii zvandichagadzirisa?’

a Kuti unzwisise kuti matambudziko aya anogona kukanganisa sei murume nemudzimai, ona nyaya dzakanzi, “Help for the Family—Dealing With Differences” uye “Mazano Ekubatsira Mhuri—Ungaitei Kana Mumwe Wako Aine Unhu Hunokusvota.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe