RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 124
  • Ndingaita Sei Kuti Ndigone Kutaura Nevanhu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndigone Kutaura Nevanhu?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutaura muchionana kwakanakirei?
  • Ungatanga sei kutaura nemunhu?
  • Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kutanga Kutaura Nemunhu Kuti Uparidze Zvisina Kurongwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Kurukurirano Inovaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kufarira Vanhu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 124
Mukomana ari kutaura nevaanodzidza navo kuchikoro panguva yekudya.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndigone Kutaura Nevanhu?

Zviri munyaya ino

  • Kutaura muchionana kwakanakirei?

  • Ungatanga sei kutaura nemunhu?

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Kutaura muchionana kwakanakirei?

Vamwe vanoona sekuti kutaura muchionana kwakaoma uye kunonetsa kana vachienzanisa nekutaura muchiita zvekutumirana mameseji.

“Kana uchitumirana nemunhu mameseji unokwanisa kudzima kana kugadzirisa mashoko ako, asi kana kwava kutaura muchionana zvaunenge watotaura unenge wataura.”—Anna.

“Kutumirana mameseji kwakafanana nekuratidza vanhu vhidhiyo yawakarekodhwa uchiekita, asi kutaura muchionana kwakafanana nekutoekita wakatariswa nevanhu. Pandinenge ndichitaura nevanhu, ndinenge ndichingofunga kuti, ‘Dai ndikasataura zvisirizvo!’”—Jean.

Muupenyu, pane pauchazofanira kutaura nevanhu muchionana. Semuenzaniso, kugona kutanga kutaura nevanhu kuchakubatsira kuti ukwanise kutanga ushamwari, kuwana basa uye kurichengetedza, uye kana wava pazera rekutsvaga munhu wekuroorana naye zvichakubatsirawo kuti ukwanise kutanga kutaura nemunhu wacho.

Haufaniri hako kutya kutaura nevanhu muchionana. Unogona kudzidzira kuzviita, kunyange uri munhu anonyara.

Girobhu.

Zvaungaita: Usanetseka uchifunga kuti unogona kuzokanganisa pakutaura. Kudzidzira kutaura nyaya nevanhu kwakafanana nekudzidzira kuchovha bhasikoro. Unogona kumbodonha asi kana ukaramba uchidzidzira unopedzisira wava kugona, zvekutosvika pakunakidzwa!

“Tese zvedu tinombotaura zvisirizvo zvatinombonyara nazvo. Unofanira kuziva kuti uchatombokanganisa.”—Neal.

Ungatanga sei kutaura nemunhu?

  • Bvunza mibvunzo. Funga nezvenyaya inogona kungofarirwa nevanhu wobva watanga kutaura nezvenyaya yacho. Unogona kubvunza kuti:

    “Waiitei paholiday?”

    “Vhidhiyo iyi inonakidza. Wakamboiona here?”

    “Ko wakanzwa here zvakaitika ku. . . ?”

    Kana kuti, unogona kufunga nezvechimwe chinhu chamunoita mese kana kuti chamunoziva. Semuenzaniso, munodzidza pachikoro chimwe chete kana kuti munoshanda mese here? Chibvunza mibvunzo inoenderana nezvinhu izvozvo.

    Vakomana vaviri vari kutaura vachidya. Mufananidzo uri pakati pavo uri kuratidza kuti vari kutaura nyaya dzebhora.

    “Funga nezvenyaya dzaunofarira dzaunoda kunzwa kuti vamwe vanotii nezvadzo.”—Maritza.

    Girobhu.

    Zvaungaita: Mibvunzo yambotaurwa pamusoro apa inogona kukubatsira kuti utange kutaura nemunhu. Asi kana zvichiita, bvunza mibvunzo inoita kuti vanhu vataure zvakawanda pane kungopindura kuti hongu kana kuti kwete. Semuenzaniso, kubvunza mubvunzo wakadai sewekuti “Wakanakidzwa nei pafirimu riya?” kunogona kuita kuti muwane zvakawanda zvekutaura pane kungobvunza kuti “Wakanakidzwa here nefirimu riya?”

    Zvaunofanira kungwarira: Usazoramba uchingobvunza mibvunzo yakawanda zvekuti munhu wacho anopedzisira ava kutonetseka. Uye usazobvunza mibvunzo inoita kuti munhu wacho anyare kutaura. Mibvunzo yakadai seyekuti “Une munhu wauri kudanana naye here?” kana kuti “Sei uchigara wakangopfeka hembe dzebhuruu?” inogona kuita kuti munhu anetseke kupindura. Mubvunzo wechipiri unogona kuita kuti munhu aone sekuti wava kumushora!

    Kuti usaite seuri kumubvunzurudza, unogona kutaura maonero ako pamubvunzo waunenge wamubvunza. Unogona kuita izvozvo iye asati apindura kana kuti atopindura kare. Itai zvekukurukura, kwete kuti iwe ungobvunza mibvunzo iye achipindura.

    Mukomana akapfeka hembe yakaita seyemapurisa ari kunyora zvinhu zvaari kubvunza papepa raakabata. Mukomana ari pamberi pake ari kuratidza kutya.

    Mibvunzo yako inoita kuti munhu anzwe sekuti ari kubvunzurudzwa here?

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Pfungwa dziri mumwoyo memunhu dzakaita semvura yakadzika, asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.”—Zvirevo 20:5.

  • Nyatsoteerera vamwe pavanenge vachitaura. Kuti ubudirire kutaura nevamwe, chinonyanya kukosha ndechekuti uve munhu anoteerera vamwe pavanenge vachitaura kwete kuti uve munhu anogona kutaura.

    “Ndinoedza kubata chimwe chinhu pandinenge ndichitaura nemunhu zvekuti ndinogona kuzotangira ipapo patinoonana zvakare.”—Tamara.

    Girobhu.

    Zvaungaita: Usanetseka kana ukapererwa nenyaya. Funga nezvenzvimbo yamuri. Muri kuchikoro here, kubasa, kana kuti zvii zviri kuitika panzvimbo yamuri? Unogona kutotanga kutaura nezvezvinhu zviri kuitika panzvimbo yamuri. Semuenzaniso, unogona kubvunza munhu waunoshanda naye kuti, “Zviri kukutorera nguva yakareba sei kuti usvike pabasa?”

    Zvaunofanira kungwarira: Usanetseka kuti uchati kudii kana apedza kutaura. Kana ukanyatsoteerera, uchawana zvekutaura kubva pane zvaanenge ataura.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kurumidza kuteerera, unonoke kutaura.’—Jakobho 1:19.

  • Ratidza kuti unonyatsofarira munhu wacho. Kana uchifarira munhu wauri kutaura naye, uchanakidzwa nenyaya dzamunenge muchitaura.

    Vasikana vaviri vakagara pabhenji vakatarisana. Mumwe wacho ari kunyatsoteerera mumwe wake paari kutaura.

    “Kana ukaratidza munhu wacho kuti uri kuda kunzwa zvaari kutaura, muchanakidzwa, kunyange kana paine dzimwe nguva dzamunombopererwa nenyaya.”—Marie.

    Girobhu.

    Zvaungaita: Rumbidza munhu wacho kana kuti taura chimwe chinhu chakanaka nezvake, wobva wamubvunza mubvunzo. Unogona kuti, “Hembe yako yakanaka. Wakaitenga kupi?”

    Zvaunofanira kungwarira: Usazonyanya kubvunzisisa. Mashoko akadai sekuti “Hembe yako yakanaka. Wakaitenga marii?” anogona kuita kuti munhu anzwe sekuti wava kumubvunza zvinhu zvisinei newe.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Usangofunga zvakakunakira chete, asi zvakanakirawo vamwe.’—VaFiripi 2:4.

Ungapedzisa sei nyaya yamunenge muchitaura? Mumwe mukomana anonzi Jordan anoti: “Edza kupedzisa nyaya nekutaura chinhu chinonakidza. Kutaura mashoko akadai seekuti, ‘ndafara kutaura newe’ kana kuti ‘woswera zvakanaka’ kunogona kuita kuti zvizova nyore kutaura naye pane imwe nguva.”

Zvinotaurwa nevezera rako

  • Bethel.

    “Kudzidza kutaura nevamwe kwakafanana nekudzidzira kutaura mutauro mutsva. Zvinogona kutanga zvichiita sezvakaoma, asi paunoramba uchidzidzira unopedzisira wava kuzvigona.”—Bethel.

  • Isaac.

    “Nyatsoteerera mumwe paanenge achitaura. Taura naye wakamutarisa, uchigutsurira pazvinenge zvakakodzera. Nyemwerera. Vanhu vanofara kana vakaona kuti wanga uchiteerera zvavanga vachitaura.”—Isaac.

  • Kate.

    “Ndaimbotya pandaitaura nevamwe uye nazvino pane pamwe pandinombotya. Asi zvinondibatsira kana ndikaratidza kuti ndinofarira munhu wacho pane kungofunga nezvekutya kwandinenge ndichiita.”—Kate.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe