RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ijwyp nyaya 106
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?
  • Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vadzidzisi vane utsinye
  • Zvaungaita kuti muwirirane
  • Matauriro aungaita nemudzidzisi wako
  • Ndinogona Sei Kubatira Pamwe Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndingawirirana Sei Nomudzidzisi Wangu?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Vadzidzisi—Nei Tichivada?
    Mukai!—2002
  • Kuitirei Mudzidzisi?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Vechidiki Vanobvunza Kuti
ijwyp nyaya 106
Mudzidzisi ari kutsiura mumwe musikana wechidiki pamberi pevamwe vana.

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndiwirirane Nemudzidzisi Wangu?

  • Vadzidzisi vane utsinye

  • Zvaungaita kuti muwirirane

  • Matauriro aungaita nemudzidzisi wako

  • Zvinotaurwa nevezera rako

Vadzidzisi vane utsinye

Anenge mwana wese wechikoro achatoti asangane nemudzidzisi anoita seasingabati vana zvakafanana, anonetsa, kana kuti ane utsinye.

  • Luis, ane makore 21, anoti: “Ndaiva nemudzidzisi aigara achituka vana vaaidzidzisa achivabata zvisina kunaka. Pamwe aidaro nekuti akanga ava pedyo nekusiya basa saka aiziva kuti aisazodzingwa basa.”

  • Melanie, ane makore 25, anoyeuka kuti mudzidzisi wake aisamubata semabatiro aaiita vamwe vana. Anoti: “Vaiti vaindibata zvisina kunaka nekuti ndaisaenda kurudzidziso rwaiendwa nevakawanda. Vaiti ndaitofanira kujaira nekuti ndaizoramba ndichibatwa saizvozvo kunyange ndakura.”

Kana uine mudzidzisi akaoma kuwirirana naye, une zvaunogona kuita kuti unakidzwe nekudzidza. Edza kushandisa mazano anotevera.

Zvaungaita kuti muwirirane

  • Ita zvinodiwa nemudzidzisi wako. Zvinodiwa nevadzidzisi zvinowanzosiyana-siyana. Ona kuti ndezvipi zvinodiwa nemudzidzisi wako wobva waedza kuita izvozvo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akachenjera anoteerera uye anoramba achidzidza.”—Zvirevo 1:5.

    “Ndakaona kuti ndaitofanira kuchinja kuti ndiite zvaidiwa nemudzidzisi wangu, saka ndakaita zvandaigona kuti ndiite basa rangu sezvavaida. Zvakabva zvandiitira nyore kuti ndiwirirane navo.”—Christopher.

  • Iva neruremekedzo. Edza kutaura zvakanaka nevadzidzisi vako. Taura navo uchiratidza kuti unovaremekedza, kunyange uchifunga kuti havafaniri kuremekedzwa. Yeuka kuti vanokuona semwana wavanodzidzisa, kwete seshamwari yavo.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Nguva dzese mashoko enyu ngaaratidze mutsa, akarungwa nemunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita munhu mumwe nemumwe.”—VaKorose 4:6.

    “Vadzidzisi havawanzoremekedzwi nevadzidzi sezvavanofanira kuitwa, saka kuedza kuremekedza vadzidzisi vako kunogona kuita kuti vakufarire.”—Ciara.

  • Iva munhu anonzwisisa. Vadzidzisi vanhuwo. Saka vanewo zvinhu zvinovadya mwoyo uye zvinovanetsa kungofanana nemunhu wese. Saka usabva wakurumidza kuti, ‘Mudzidzisi wangu ane utsinye’ kana kuti ‘Mudzidzisi wangu akandivenga.’

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Tese tinokanganisa.”—Jakobho 3:2.

    “Vadzidzisi vane basa rakaoma. Handingambofungidziri ndichifanira kuita kuti vana vese vaya vateerere uye kuvadzidzisa. Ndainzwa sekuti ndaifanira kurerutsira mudzidzisi wangu pane kuwedzera kumuomesera.”—Alexis.

  • Taura nevabereki vako. Vabereki vako ndivo vanhu vanokutsigira. Vanoda kuti ugone chikoro uye mazano avanokupa anogona kukubatsira kuti uwirirane nemudzidzisi wako.

    Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe.”—Zvirevo 15:22.

    “Vabereki vanoziva zvakawanda nezvekugadzirisa matambudziko kupfuura zvinoitwa nevechidiki. Saka teerera mazano avanokupa. Anogona kukubatsira kuti ubudirire.”—Olivia.

Matauriro aungaita nemudzidzisi wako

Dzimwe nguva ungatofanira kutaura nemudzidzisi wako nezvekusawirirana kwamunoita. Kana uchitya, yeuka kuti chinangwa chekutaura naye hachisi chekuti mupopotedzane. Muri kungokurukura, uye unogona kuzoona kuti zviri nyore uye zvinoshanda.

Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ngatirambei tichiita zvinhu zvinoita kuti pave nerugare.”—VaRoma 14:19.

“Kana mudzidzisi wako achiita seasingafarire iwewe chete, mubvunze kana uine chimwe chinhu chawakaita chisina kumufadza. Zvaachakuudza zvinogona kukubatsira kuti uzive zvaunofanira kugadzirisa.”—Juliana.

“Zvinogona kunge zvakanaka kuti utsanangure manzwiro ako nezvenyaya yacho kumudzidzisi wako, muri penyu mega, musati matanga kana kuti mapedza kudzidza. Pamwe anogona kunzwisisa uye kuremekedza magadzirisiro awaita nyaya yacho.”—Benjamin.

NYAYA YAKAITIKA

“Ndakanga ndichifoira kuchikoro, uye mudzidzisi wangu akanga asiri kutombobatsira. Ndaida kusiya chikoro nekuti mudzidzisi wangu aiita kuti ndisanakidzwe neupenyu.

“Ndakaenda kunotaura nemumwe mudzidzisi kuti andipe mazano. Akandiudza kuti: ‘Havanyatsokuzivi uye iwe haunyatsovaziviwo. Unofanira kuvaudza kuti uri kuomerwa. Unogona kutozobatsirawo vamwe vana vanenge vachitya kutaura navo.’

“Ndaisatomboda kutaura navo! Asi ndakafunga nezvazvo ndikaona kuti vaitaura chokwadi. Kana ndaida kuti zvichinje ndaitofanira kuita chimwe chinhu.

“Saka mangwana acho, ndakataura nemudzidzisi wangu neruremekedzo ndichimuudza kuti ndaida chaizvo kudzidziswa naye uye ndaida kuita zvese zvandaigona kuti ndipase. Asi zvakanga zvakandiomera uye ndaisaziva kuti ndoita sei. Vakandipa mazano uye vakatoti vaigona kundibatsira paipera chidzidzo chavo kana kuti vachishandisa e-mail.

“Ndakashamisika! Kubva patakakurukura ndakanga ndava kuwirirana nemudzidzisi wangu uye ndakatanga kunakidzwa nechikoro.”—Maria.

Maria achitaura nemudzidzisi wake vapedza kudzidza.

Zano: Kana usiri kuwirirana nemumwe mudzidzisi, zvione sekuti uri kutodzidziswa zvinogona kuzoitika wakura. Katie ane makore 22, anoti: “Kunyange paunenge wapedza chikoro, uchasangana nevanhu vanenge vasingakufarire asi vanenge vaine zvinzvimbo zvepamusoro. Kana ukakwanisa kuwirirana nemudzidzisi akaoma kuwirirana naye, uchakwanisawo kuwirirana nevanhu vakadaro.”

Zvinotaurwa nevezera rako

Jayza.

“Pane dzimwe nguva dzandaitsamwiswa nemudzidzisi, asi amai vangu vaindibatsira kuti ndifunge nezvemaonero anga achiita mudzidzisi wacho. Izvozvo zvakandibatsira kuti ndisanyanya kutarisira zvakawanda kubva kuvadzidzisi vangu.”—Jayza.

Victor.

“Haufaniri hako kufarira munhu kuti umuremekedze nechinzvimbo chaanenge ainacho. Vadzidzisi vanofanira kuremekedzwa. Saka kunyange mudzidzisi achikuitira utsinye, kumuremekedza kunogona kuita kuti achinje mabatiro aanokuita. Zvinogona kuita kuti mudzidzisi wacho atange afunga asati aita chimwe chinhu.”—Victor.

Julia.

“Kana uine mutsa uye uchitaura zvakanaka nemudzidzisi anenge achikubata zvisina kunaka, unenge uchiratidza kuti unozvininipisa uye une ruremekedzo. Ukadaro, mudzidzisi wako anogona kukuremekedza uye kukubata zvakanaka.”—Julia.

Kudzokorora: Ndingaita sei kuti ndiwirirane nemudzidzisi wangu?

  • Ita zvinodiwa nemudzidzisi wako. Ona kuti ndezvipi zvinodiwa nemudzidzisi wako uye ita zvese zvaunogona kuti uzviite.

  • Iva neruremekedzo. Yeuka kuti ndiwe mwana wechikoro, saka taura zvakanaka uye usapindura mudzidzisi wako zvisina ruremekedzo.

  • Iva munhu anonzwisisa. Vadzidzisi vane basa rakaoma. Iva nemwoyo murefu navo.

  • Taura nevabereki vako. Vanoziva zvakawanda nezvekuti ungagadzirisa sei kusawirirana nevanhu.

  • Taura nemudzidzisi wako. Kumbira kubatsirwa nemudzidzisi wako, uchitaura wakadzikama uye usingaiti zvekuvapomera mhosva. Ita kuti azvione kuti uri kuda kushanda naye.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe