MAY 18-24, 2026
RWIYO 35 ‘Zvinhu Zvinokosha Kupfuura Zvimwe’
Zvaungaita Kuti Usatsauswa
“Rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha ndekupi.”—VAEF. 5:17.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvatingaita kuti tirambe tichiisa zvinhu zvekunamata pekutanga pasinei nezvinhu zvinogona kutitsausa.
1-2. Zvinoita here kuti munhu atsauswe nechinhu chinokosha? Nei wadaro?
MUUPENYU pane zvinhu zvakawanda zvatinosangana nazvo zvekuti tinenge tichifanira kusarudza kuti chinonyanya kukosha panguva iyoyo kupfuura chimwe ndechipi. Semuenzaniso, ngatitii uri kutyaira mota, foni yako yobva yarira. Unoziva kuti zvinokosha kuti udaire foni nekuti pamwe panogona kunge paine mumwe munhu ari kuda kubatsirwa. Asiwo unoziva kuti zvinotonyanya kukosha kuti urambe wakaisa pfungwa pakutyaira kwauri kuita nekuti unogona kupinda mutsaona.
2 Tese tine zvinhu zvakawanda zvinokosha zvatinofanira kuita. Asi tinoziva kuti zvinhu zvine chekuita nekunamataa ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvimwe zvese. (Mat. 6:33) Ndokusaka tichingwarira zvinhu zvinogona kutitadzisa kuisa Jehovha pekutanga muupenyu hwedu.—Zvir. 4:25; Mat. 6:22.
3. Nyaya ino ichatibatsira sei?
3 Hapana munhu anoita zvekuronga kuti anoda kutsauswa pakunamata kwaanoita Jehovha. Kunyange zvakadaro, tinosangana nezvinhu zvinogona kutitsausa pakunamata kwedu Jehovha. (Ruka 21:34-36) Saka kuitira kuti tirambe takaisa pfungwa pakushumira Jehovha, nyaya ino ichakurukura kuti (1) ndezvipi zvinhu zvinogona kutitsausa, (2) zvii zvakaitwa naJesu kuti asatsauswa pakushumira Jehovha uye (3) tingatevedzera sei zvakaitwa naJesu.
ZVII ZVINOGONA KUTITSAUSA?
4-6. Zvinhu zvipi zvinogona kutitsausa?
4 Tese tine zvinhu zvakawanda zvinokosha zvatinofanira kuita muupenyu. Semuenzaniso, tinogona kunge tichirwara uye tiine zvatinotofanira kuita kuti tirambe tichirarama. Tinewo zvatinofanira kuitira mhuri dzedu uye zvatinofanira kuzviitira isusu pachedu. Zvinhu zvese izvozvo zvinokosha uye tinotofanira kuzviita. Asi zvinogona kutitsausa totadza kuitira Jehovha zvakawanda kana tikagara tichingozvifunga uye tichipedza nguva yakawanda tichizviita zvekuti tinosara tisisina simba rekuitawo zvimwe zvinhu.
5 Uyewo vamwe vedu vari kugara munzvimbo dzisina kugadzikana panyaya dzezvematongerwe enyika. Vamwewo vanogara munzvimbo dzekuti zvakaoma kuti vawane mari yakakwana yekurarama nayo. Uye vamwe vari kugara munzvimbo dzine zvirwere zvinopararira. (2 Tim. 3:1) Patinosangana nezvinhu zvakadaro, tinogona kunetseka zvekuti tinenge tava kungogara tichingofunga nezvezvinhu izvozvo.
6 Pamwe unotoziva vamwe vanhu vakasangana nematambudziko akadaro zvekuti upenyu hwavo hwakatochinja. Vanogona kunge vari kugara vachinetseka nemhaka yematambudziko avakasangana nawo. Vanhu havana kusikwa kuti vagare vachingotambura saka pavanosangana nematambudziko akadaro muupenyu hwavo, vanogona kufunga kuti zvinhu hazvisi kuzombofa zvakanaka. Izvi zvinoita kuti vamwe vapedze nguva yakawanda vachizvivaraidza uye vachiita zvemafaro vachiitira kuti vakanganwe nhamo dzavo. Saka chii chinogona kutibatsira kana tikasangana nezvinhu zvakadaro? Ngatikurukurei zvatinodzidza kuna Jesu zvichatibatsira kuti tisatsauswa pakushumira Jehovha.
ZVII ZVAKAITWA NAJESU KUTI ASATSAUSWE?
7. Zvii zvaigona kutsausa Jesu?
7 Jesu aigona kutsauswa nezvinhu zvakawanda zvakadai senyaya dzemagariro evanhu uye dzematongerwe enyika. Panguva yakararama Jesu paiva nevanhu vakawanda vaitambura uye vairwara. (Mat. 14:14; Mako 14:7) Vaibatwa zvisina kunaka nevaRoma uye nevamwe vaJudha, saka pavakaona kuti Jesu aikwanisa kuita zvishamiso, vakanga vava kuda kumuita mambo. (Joh. 6:14, 15) Uye Satani akatomboedza Jesu, achimuti aigona kumugadza semutongi wenyika. Pamwe izvozvo zvaigona kuita kuti Jesu atange kufunga kuti zvaiva nani kuti abva atotanga kutonga nyika pane kuti ambomirira. (Mat. 4:8, 9) Uyewo Jesu paakaudza vadzidzi vake kuti aizotambudzwa muapostora Petro akamuudza kuti asazviomesera paakati: “Musabva mazvidaro Ishe.”—Mat. 16:21, 22.
8. Zvii zvakabatsira Jesu kuti asatsauswe?
8 Zvii zvakabatsira Jesu kuti asatsauswe? Pane zvinhu zvitatu. Chekutanga, aiziva zvaidiwa naJehovha uye ndizvo zvaaiita. (Joh. 8:28; 14:9) Chechipiri, aigara achiita basa rekudzidzisa uye rekuparidza. (Mat. 9:35) Chechitatu, ainyatsonzwisisa kuti zvinokosha ndezvipi. (Joh. 4:34) Izvi zvakabatsira sei Jesu? Zvakaita kuti asatsauswe nemiedzo yaSatani. Uye kunyange zvazvo aiziva kuti Petro aiedza kumubatsira, Jesu aiziva kuti zvakataurwa naPetro zvakanga zvisingaenderani nezvinodiwa naMwari. (Mat. 4:10; 16:23) Jesu haana kurega zvinhu zvaitaurwa nevanhu, zvavaifunga kana kuti zvavaiita, zvichimutadzisa kuti aite zvinodiwa naMwari. Mazuva ano zvinhu zvinogona kutitsausa zvinogona kunge zvakasiyana nezvinhu zvaigona kutsausa Jesu. Asi kana tikaita zvinhu zvitatu zvakaitwa naJesu, zvichatibatsira kuti tirambe tichiisa Jehovha pekutanga muupenyu hwedu.
ZVII ZVATINGAITA KUTI TISATSAUSWA?
9. Munhu anosvika sei pakuona zvinhu sezvinoita Jehovha? (VaEfeso 5:17)
9 Dzidza kuona zvinhu sezvinoita Jehovha. Izvi zvichakubatsira kuti uzive zvaanoda woita zvinomufadza. (Verenga VaEfeso 5:17.) Kuverenga Shoko rake uye kufungisisa zvaunenge waverenga ndiko kuchakubatsira kuti uzive zvinomufadza. Kunyange kana Bhaibheri risina parinonyatsotaura zvinoenderana nemamiriro ako ezvinhu, unogona kunzwisisa kuti Jehovha ari kuda kuti uitei. Unozviita sei? Gara uchidzidza Bhaibheri kuti uwedzere kunzwisisa kuti Jehovha anoona sei zvimwe zvinhu, wobva washandisa zvaunenge wadzidza muupenyu hwako.
10. Zvii zvichatibatsira kuti tione zvinhu semaonero anoita Jehovha?
10 Kuti tidzidze kuona zvinhu sezvinoita Jehovha, tinofanira kuti patinenge tichiverenga Bhaibheri toedza kutsvaga kuti Jehovha airatidza sei kuti anoda kubatsira vanhu. (Jer. 45:5) Patinenge tichiverenga Bhaibheri, tinofanira kuzvibvunza mibvunzo yakadai seyekuti: ‘Zvandiri kuverenga izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha? Ndepapi pandinofanira kugadzirisa kuti maonero angu aenderane neake?’ Tinoziva kuti Jehovha anotipfuura nekure pauchenjeri. (Isa. 55:9) Saka tinotofanira kumukumbira kuti atibatsire kuita kuda kwake uye kuti tione zvinhu sezvaanoita.—Pis. 143:10; 1 Joh. 5:14.
11. Nei Jehovha achitibatsira kuti tisatsauswa?
11 Jehovha haadi kuti tisvikirwe nemugumo tisina kugadzirira. Ndokusaka asingadi kuti titsauswe. (Mat. 24:44) Haadi kuti tinetseke zvekuti tinotadza kumushumira. (Mat. 6:31, 32) Ndokusaka achitipa mazano anotibatsira kuziva zvekuita paya patinenge tichinetseka nezveutano hwedu, nyaya dzemabasa, pekugara kana kuti mhuri dzedu. Uye achatipa uchenjeri nesimba zvekutsungirira matambudziko edu kana tikamukumbira.—Pis. 55:22; Zvir. 3:5-7.
12. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichifara pasinei nezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika? (Mateu 5:3)
12 Gara uine zvakawanda zvekuita pabasa raJehovha. Tese tinonetseka nezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika, asi hatina simba rekuita kuti zvinhu izvozvo zvisaitike. Saka tinofanira kugara tiine zvinhu zvakawanda zvekuita pakushumira Jehovha nekuti izvozvo zvichatibatsira kuti tisanyanya kunetseka nezvinhu zvakaipa zvinenge zvichiitika. Jehovha akatisika kuti tive pedyo naye. Saka kana tikashanda nesimba kuti tiswedere pedyo naye, izvozvo zvichaita kuti tigare tichifara. (Verenga Mateu 5:3.) Kuti tiswedere pedyo naJehovha, tinofanira kudzidza Shoko rake Bhaibheri uye toshanda nesimba kuti tiite chero zvatinenge tichikwanisa pakumushumira. Kana tikadaro, Jehovha achafara nekuti tinenge tichishandisa nguva yedu nekuchenjera.—Zvir. 23:15.
13. Zvii zvatingaita kuti tishandise nguva yedu nekuchenjera?
13 Tinofanira ‘kushandisa nguva yedu nekuchenjera.’ (VaEf. 5:15, 16) Patinonzwa mashoko aya tinogona kufunga kuti ari kungotaura chete nezvekuti tive vanhu vakarongeka. Ehe ndizvozvo kuti tinofanira kuva vanhu vakarongeka. Asi chinhu chikuru chatiri kutokurudzirwa neBhaibheri pano, ndechekuti tinofanira kunyatsongwarira mashandisiro atinoita nguva, nekuti Jehovha ava pedyo kuparadza nyika ino yakaipa. Tinozviita sei izvozvo? Kana tikapedza nguva yakawanda tichiteerera nhau dzinotaura zvinhu zvakaipa zviri kuitika panyika, zvinogona kuita kuti tiore mwoyo, tosara tisina simba rekushumira Jehovha. Saka zviri nani kuti tisapedza nguva yakawanda tichiteerera nhau. Izvi zvichatibatsira kuti tirambe tiine nguva yakawanda uye simba rekuita zvinhu zvekunamata. Tinogonawo kufunga kuti zvii zvatingaita kuti tivandudze maitiro atinoita basa rekuparidza, zvakadai sekudzokera kunoona vanhu vatakambokurukura navo. Tinozivawo kuti zvinokosha kuti tishandise mukana wese watinowana wekubatsira vanhu kuti “vaponeswe uye vasvike pakuva neruzivo rwakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Tim. 2:4.
14. Kugara tiine zvakawanda zvekuita pakushumira Jehovha kunotibatsira sei? (Onawo mufananidzo.)
14 Kana tikagara tiine zvakawanda zvekuita pakushumira Jehovha, zvichatibatsira kuti tigare tichiyeuka chikonzero nei panyika paine matambudziko akawanda kudai. Uyewo hatizonetseki patinoona mhirizhonga iri kuitika munyika, kutambura kuri kuita vanhu kana kuti zvirwere zviri kungopararira nekuti tinoziva kuti zvinhu izvozvo zviri kutozadzisa uprofita hwemuBhaibheri. Tinozivawo kuti Jehovha achabvisa matambudziko ese aya oita kuti panyika pave Paradhiso. Saka patinenge takamirira kuti nguva iyoyo isvike, tinogona kuramba takadzikama nekuti tinoziva kuti Jehovha acharamba achitibatsira kutsungirira.—Pis. 16:8; 112:1, 6-8.
Pasinei nezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika, ramba uchiita zvinhu zvekunamata (Ona ndima 14)b
15. Kuva “nepfungwa dzakanaka” kunotibatsira sei? (1 Petro 4:7)
15 Gara uchiyeuka kuti zvinokosha ndezvipi. Mazuva ano, vanhu vakawanda vanongokoshesa mafaro uye havatombofungi nezvekuti mugumo wava pedyo kusvika. Hazvina kuipa kuti munhu ambowana nguva yekufara. Asi kuti tisava nemafungiro evanhu vari munyika, tinofanira kuva “nepfungwa dzakanaka.” (Verenga 1 Petro 4:7.) Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti tinotanga tanyatsofunga kuti tiite zvisarudzo zvine uchenjeri uye hatizopedzi nguva yedu nesimba redu tichingoita zvemafaro. Kana tikashandisa nguva yedu nekuchenjera, tinenge tichiratidza kuti tinoona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha uye kuti tinoziva kuti zvinonyanya kukosha kupfuura zvimwe ndezvipi.—2 Tim. 1:7.
16. Paakanga ava pedyo nekufa, Jesu akaisa pfungwa dzake pachii?
16 Jesu aigara achifunga kuti zvinonyanya kukosha ndezvipi. Paakanga ava pedyo nekufa, akaisa pfungwa dzake pakuramba akavimbika kuna Jehovha uye kuita kuda kwake. Ndokusaka akaramba achinyengetera nemwoyo wese. Asi vadzidzi vake vakatadza kuramba vakamuka. Vakanga “vapera simba nekutambudzika kwavaiita.”—Ruka 22:39-46; Joh. 19:30.
17. Nei vanhu vakawanda vachishandisa indaneti, uye inogona kuvatsausa sei? (Onawo mufananidzo.)
17 Dzimwe nguva tinogona kupedzwa simba nematambudziko atinosangana nawo sezvakamboitikawo kuvadzidzi vaJesu. Zvinhu zviri kuitika munyika zvinogona kuita kuti titange kunetseka. Saka vanhu vakawanda mazuvano vanobva vasarudza kupedza nguva yakawanda vari paindaneti vachiitira kuti vakanganwe nhamo dzavo. Semuenzaniso, vanenge vachitumirana mapikicha nehama neshamwari dzavo kana kuti vachida kungovaudzawo zviri kuitika muupenyu hwavo. Vanoishandisawo kuona mavhidhiyo kana kuti kutamba magemhu. Asi nemhaka yekuti paindaneti pane zvinhu zvakawanda zvekuverenga uye zvekuona, vanopedza nguva yakawanda vari ipapo zvekuti vanosara vasisina simba rekuitawo zvimwe zvinhu. Saka kuitira kuti tisakanganiswa neindaneti, tinofanira kuzvibvunza mubvunzo uyu wekuti, ‘Zvinhu zvandinoona uye zvandinoita pandinenge ndiri paindaneti zvinonyatsondibatsira here kana kuti zviri kutondikanganisa pakuita zvinhu zvinonyatsokosha muupenyu?’
Kuva nepfungwa dzakanaka kuchatibatsira kuti tisatsauswe neindaneti uye zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo (Ona ndima 17)
18. Nei tichifanira kungwarira mashandisiro atinoita nguva yedu?
18 Hapana chakaipa nekuti munhu ambotandara hake achiita zvinhu zvinomunakidza. Asi dzimwe nguva tinofanira kungwarira pakusarudza magemhu atinotamba kana kuti zvinhu zvatinoona paTV kana kuti paindaneti. Nei tichifanira kungwarira? Nekuti dzimwe nguva unogona kuti wapedza kuona rimwe vhidhiyo panobuda rimwe zvakare uye unogona kunzwa uchida kuriona. Mamwe mavhidhiyo acho anobuda anenge achibudisa zvinhu zvemhirizhonga kana kuti zvinoita kuti munhu apedzisire ava nechishuvo chebonde. Izvi ndizvo zvakaitika kune imwe hama yekuAsia. Akatanga achiona mavhidhiyo mapfupi paindaneti. Asi aiti kana akapedza kuona rimwe paibuda mamwewo aanenge asina kutsvaga, uye aibva atanga kuaona. Mamwe acho akanga asingaite, zvekuti akapedzisira ava kuona zvinonyadzisira. Asi akabatsirwa nevakuru uye shamwari dzake dzepedyo kuti arege zvachose kuita izvi. Semuenzaniso, akabvisa mufoni make mamwe maApp aivamo uye akasarudza kusapedza nguva yakawanda ari pafoni pake. Zvakaitika kuhama iyi zvinotidzidzisa kuti zvinokosha chaizvo kuti tingwarire mashandisiro atinoita nguva yedu.
19. Zvii zvinogona kuitika kana tikapedza nguva yakawanda tichiita zvinhu zvekuti timbofurwa nemhepo kana kuti kuzorora?
19 Tinofanira kungwarira pane zvatinosarudza panyaya yekwatinoshanya tichimbozorora kana kuti zvinhu zvatinoita tichimbofurwa nemhepo. Tese tinoda nguva yekumbozorora uye izvozvo zvinotibatsira kuti tive neutano hwakanaka. Asi tikanyanya kuisa pfungwa pazvinhu izvi zvinogona kutipedzera nguva yekuita zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe. (VaF. 1:10) Mumwe nemumwe anofanira kusarudza ega zvaachaita uye kuti achatora nguva yakareba sei achizviita. Paunenge uchisarudza zvekuita unofanira kuzvibvunza kuti: ‘Nguva yandinopedzera ndichimbozorora kana kuti ndichimbofurwa nemhepo inoratidza here kuti ndine pfungwa dzakanaka? Ndinoisa zvinhu zvinonyanya kukosha kupfuura zvimwe pekutanga here? Ndagadzirira here “kuguma kwezvinhu zvese”?’
20. Tinobatsirwa sei kana tikaita kuti pasava nechimwe chinhu chinotitadzisa kushumira Jehovha?
20 Tinobatsirwa chaizvo kana tikaita kuti pasava nechimwe chinhu chinotitadzisa kushumira Jehovha nekuti kushumira Jehovha ndiko kunonyanya kukosha muupenyu. (Isa. 48:17) Jehovha achatibatsira kuti tigone kutsungirira matambudziko atinosangana nawo muupenyu. Hatizonyanyi kunetseka patinoona zviri kuitika munyika uye hatizopedzi nguva yakawanda tichiita zvinhu zvekuti timbofurwa nemhepo kana kuti kuzorora. Dai tikaramba tichishanda nesimba kuti tione zvinhu sezvazvinoitwa naJehovha, tive nezvakawanda zvekuita pakumushumira uye kuti tive nechokwadi chekuti zvii zvinokosha kupfuura zvimwe. Kana tikadaro, tichaisa Jehovha pekutanga muupenyu hwedu uyewo tichakwanisa ‘kubatisisa upenyu chaihwo.’—1 Tim. 6:19.
RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira
a Zvinhu zvine chekuita nekunamata zvinosanganisira kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano, kuita kunamata kwemhuri uye kuita basa rekuparidza. Zvinosanganisirawo kuvaka nzvimbo dzekunamatira uye kuita kuti dzigare dzakanaka, kubatsira pamabasa ekuyamura vanenge vawirwa nenjodzi, kubatsira pamabasa epamagungano kana kuti kushanda paBheteri.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vari kuramba vachiita basa rekuparidza pane kuti vatsauswe nezvinhu zviri kuitika munyika.