APRIL 6-12, 2026
RWIYO 82 “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
Zvatingaita Kuti Tiwirirane Nehama Dzedu Dzisiri Zvapupu
“Ngatisarega kuita zvakanaka.”—VAG. 6:9.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza zvatingaita kuti tiwirirane nehama dzedu dzisiri Zvapupu uyewo kuti tingavaudza sei nezvaJehovha.
1-2. Chii chinogona kunge chakaita kuti iwewe nehama dzako mupedzisire musingachawirirane pawakatanga kudzidza chokwadi?
JESU akaudza mumwe murume aida kuva muteveri wake kuti: “Enda kumba kuhama dzako, unovaudza zvese zvawaitirwa naJehovha.” (Mako 5:19) Jesu paakataura mashoko iwayo airatidza kuti kazhinji vanhu pavanonzwa mashoko akanaka vanowanzoda kuaudzawo hama dzavo.
2 Uchiri kuyeuka here kuti wakanzwa sei pawakatanga kudzidza mashoko akanaka? Unofanira kunge waifara chaizvo zvekuti waida kuudza hama dzako dzese zvinhu zvawaidzidza! Asi pamwe hama dzako hadzina kufara nekudzidza kwawaiita Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kana kuti matauriro awakaita pawaivaudza zvawaidzidza anogona kunge akavagumbura, zvikaita kuti mupedzisire musingachawirirane. Kana zviri izvo zvakaitika, ungaitei kuti utangezve kuwirirana nehama dzako asi usingatyori mitemo yaJehovha?
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Munyaya ino tichakurukura kuti: (1) Kunzwira veukama tsitsi kunotibatsira sei kuti tirambe tichivada uye tichivaitira mwoyo murefu kunyange kana vasingade kudzidza nezvaJehovha; (2) zvii zvatingaita kana vakataura kana kuti vakaita zvinhu zvinotirwadza; (3) hama dzedu dzinobatsirwa sei kana tikaramba tiine mwoyo murefu uye tiine tariro yekuti vanogona kuzoshumirawo Jehovha; (4) zvii zvatingaita kuti tiratidze kuti tinovada.
VANZWIRE TSITSI
4. Jesu akaita sei nevanhu vakanga vasingateereri mashoko aaiparidza?
4 Jesu akaramba achiedza kubatsira vanhu vakanga vasingateereri mashoko aaiparidza. Akazvienzanisa nemushandi wemumunda wemizambiringa, uyo akaramba achishanda nesimba pakutimbira uye pakuisa mupfudze pamuonde wakanga usingabereki, kuitira kuti uzova nemichero. (Ruka 13:6-9) Jesu paakataura mufananidzo iwoyo akanga ava nemakore anopfuura matatu achiedza kubatsira vaJudha kuti vatende maari uye kuti vave vadzidzi vake. Nei akaramba achiedza kuvabatsira? Ainzwira vanhu tsitsi uye izvozvo ndizvo zvakaita kuti avaitire mwoyo murefu.
5. Chii chakaita kuti Jesu anzwire tsitsi vanhu verudzi rwake?
5 Jesu ainzwira tsitsi vanhu verudzi rwake, nekuti vanhu vaivatungamirira pakunamata vakanga vakundikana kuvabatsira kuti vave nekutenda muna Mwari. Jesu akaona kuti vanhu verudzi rwake vakanga vakaita “semakwai asina mufudzi.” (Mako 6:34) Nguva pfupi asati afa, Jesu paakatarisa guta reJerusarema akachema nekuti aiziva kuti vanhu vakawanda vaigara muguta iroro vaizorasikirwa neupenyu hwavo nekuti vakanga vasina kutenda. (Ruka 19:41-44) Isuwo kana tikanzwira hama dzedu tsitsi, tofunga kuti dzichabatsirwa sei kana dzikanzwa mashoko akanaka zvichaita kuti tiwedzere kuda kudzibatsira.
6. Nei tichifanira kuratidza mwoyo murefu kuhama dzedu dzisiri Zvapupu? (VaGaratiya 6:9)
6 Verenga VaGaratiya 6:9. Kunyange kana hama dzedu dzisati dzava kuda kuziva nezvaJehovha, tinofanira kuramba tichivaitira mwoyo murefu uyewo kuramba ‘tichiita zvakanaka.’ Tinoziva kuti zvinotora nguva kuti munhu asiye zvinhu zvaanotenda zvakadzika midzi maari, otanga kuva nekutenda muna Jehovha. Pamwe pane imwe nguva newewo wakanga wakaita sevanhu ‘vakanga vasina tariro uye vakanga vasina Mwari panyika.’ (VaEf. 2:12) Asi pane mumwe munhu akakubatsira. Kana ukaitira hama dzako mwoyo murefu pamwe unogona kutozovabatsira kuti vadzidze zvakawanda nezvaJehovha.
EDZA KUVANZWISISA
7. Chii chinogona kunge chaiita kuti vanin’ina vaJesu vatadze kutenda maari?
7 Vanin’ina vaJesu vanofanira kunge vakanzwa nezvezvishamiso zvaakaita muGarireya. (Ruka 4:14, 22-24) Asi pakutanga havana kutenda maari. (Joh. 7:5) Nemhaka yei? Bhaibheri haritiudze. Asi rinoratidza zvinhu zviviri zvaiita kuti vamwe vaJudha vatadze kuva vadzidzi vaJesu. Vamwe vaitya kuti kana vakava vadzidzi vaJesu vaizotambudzwa nevavakidzani vavo. (Joh. 9:18-22) Vamwewo vakanga vaona Jesu achikura, saka zvaivaomera kubvuma kuti Jesu iyeye ndiye aiva mumiririri waMwari. (Mako 6:1-4) Vanin’ina vaJesu vanogona kunge vaivawo nemafungiro iwayo. Pamwe ndizvo zviri kuitikawo kuhama dzako. Vanogona kunge vachitya kuti vakateerera mashoko atinoparidza vachatambudzwa. Kana kuti zvinogona kunge zviri kuvaomera kubvuma kuti iwewe ungavaparidzira.
8. Zvii zvinogona kuita kuti hama dzedu dzisiri Zvapupu dzitaure kana kuita zvinhu zvinotirwadza?
8 Funga kuti chii chiri kuita kuti vataure kana kuita zvavanoita. Vanin’ina vaJesu vanogona kunge vaiva pakati pehama dzake dzakambotaura kuti “arasika pfungwa.” (Mako 3:21) Chii chinogona kunge chakaita kuti vataure mashoko anorwadza kudaro? Mavhesi akapoteredza anoratidza kuti Jesu aiswera achiparidza nekuporesa vanhu zvekuti akanga asina kana nguva yekudya. (Mako 3:20) Pamwe hama dzake dzinogona kunge dzakafunga kuti akanga ava kunyanyisa. Hama dzedu dzinogona kufungawo kuti tinonyanyisa nekuti tinoita nguva yakawanda tichiita zvinhu zvine chekuita nekunamata Jehovha. Kana zvakadaro, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiratidze nezvatinotaura uye nezvatinoita kuti hatingoiti zvekunamata chete asi tinotowana nguva yekuitawo zvimwe zvinhu.
9. Chii chinogona kubatsira hama dzedu kuti dzichinje maonero adzinoita Zvapupu? (1 Petro 3:1, 2) (Onawo mifananidzo.)
9 Taura zvakanaka uye ratidza kuti unonzwisisa. Kana tichitaura zvakanaka nehama dzedu uyewo tichidzibata zvakanaka zvinogona kuita kuti vachinje maonero avanotiita. (Verenga 1 Petro 3:1, 2.) Murume asiri Chapupu paanoona mudzimai wake achienda kumisangano kana kuti kunoparidza, anogona kugumbuka kana kuona sekuti mudzimai wake haana basa naye. Kana mudzimai asingadi kuti murume wake ave nemaonero iwayo, anogona kuchinja zvimwe zvinhu papurogiramu yake yekuenda kunoparidza kuitira kuti ave nenguva nemurume wake. Semuenzaniso, anogona kuenda kunoparidza murume wake paanenge asiri pamba kana kuti paanenge akabatikana nemamwe mabasa. Kuita izvi kunogona kuita kuti murume wake afare, zvobatsira kuti achinje maonero aanoita Zvapupu.
Zvinoitwa nemudzimai kana kuti zvaanotaura zvinogona kuchinja maonero anoita murume wake Zvapupu (Ona ndima 9)f
10. Tingatevedzera sei zvakaitwa naJesu vanhu pavanotaura zvakaipa nezvedu?
10 Hama dzako padzinotaura zvakaipa nezvako, dzimwe nguva unogona kungoramba wakanyarara. Jesu paakapomerwa kuti aidyisa nekunwisa haana kutsamwa kana kuratidza kuti zvaitaurwa nezvake zvaiva zvenhema. Asi akakurudzira vanhu kuti vatarise zvaaiita voona vega kuti zvaitaurwa nezvake zvaiva zvechokwadi here kana kuti kwete. (Mat. 11:19) Akaratidzawo nezvaaiita kuti aisangoita zvekunamata chete asi aitonakidzwawo neupenyu. (Enzanisa naJohani 2:2, 6-10.) Newewo vanhu pavanotaura zvakaipa nezvako, dzimwe nguva unogona kungoramba wakanyarara. Ratidza nezvaunoita kuti haungoiti zvekunamata chete, asi unotonakidzwawo neupenyu. Izvozvo zvinogona kubatsira hama dzako kuti dzione kuti zvinhu zvavakaudzwa nezveZvapupu ndezvenhema.
RAMBA UINE MWOYO MUREFU UYE UINE TARIRO
11. Jesu aibata sei vanin’ina vake kunyange zvazvo vaisatenda maari?
11 Mabhuku eEvhangeri anoratidza kuti Jesu akaramba achiitira vanin’ina vake mwoyo murefu. Semuenzaniso, vanin’ina vake vanofanira kunge vaivapowo paakaita chishamiso chake chekutanga muKana. (Joh. 2:11, 12) Asi sezvatambodzidza, vanin’ina vaJesu havana kutenda maari. Kunyange zvakadaro, Jesu haana kubva agura ukama navo. Pashure pemakore matatu aita chishamiso chake chekutanga muKana, Jesu akanga achiri kutaura zvakanaka navo.—Joh. 7:5-8.
12. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tiine tariro yekuti dzimwe hama dzedu dzinogona kuzodawo kushumira Jehovha?
12 Kana tichinyatsonzwisisa kuti Jehovha ndiMwari ane tsitsi zvinogona kutibatsira kuti tirambe tiine tariro yekuti hama dzedu dzinogona kuzodawo kumushumira. Pachaparadzwa zvitendero zvenhema, hama dzedu dzinogona kuyeuka kuti takambovaudza kuti zvinhu zvakadaro zvaizoitika.a (Zvak. 17:16) Vanogona kubva vabatana nesu pakunamata kwakachena pashure pekunge kutambudzika kukuru kwatanga! Uye hama dzedu padzinosangana nematambudziko iye zvino tinoita zvese zvatinogona kuti tidzibatsire. Pavanoona kuti tinonyatsovada zvechokwadi uye tinovabata zvakanaka, zvinogona kuita kuti vade kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri.
VARATIDZE KUTI UNOVADA
13. Kunyange zvazvo tiine zvakawanda zvekuita pakushumira Jehovha, zvii zvatinofanira kungwarira?
13 Kunyange zvazvo tiine zvekuita zvakawanda pakushumira Jehovha, hatifaniri kuita kuti hama dzedu dzifunge kuti hatina nguva yekuva pamwe chete navo kana kuti hatichavade. (Mat. 7:12) Tingaitei kuti tiratidze kuti tinovada? Ngatimboonai zvimwe zvinhu zvatigona kuita.
14-15. Tingaite sei kuti tiratidze kuti tinoda hama dzedu dzisiri Zvapupu? Taura muenzaniso.
14 Gara uchitaura navo uye varatidze kuti unovada. Tinoratidza kuti tinoda hama dzedu nekugara tichivaudza kuti takadini. Semuenzaniso, tinogona kuvatumira meseji nemapikicha atakatora patakaenda kune imwe nzvimbo kana kuti pataiva neshamwari dzedu. Tinogona kuvanyorerawo tsamba kana kuvapa chipo. Patinoita izvozvo zvinogona kubatsira kuti tiwirirane. Kana tikatanga isu kuita zvinhu izvi tinenge tichitovaratidza kuti tinovada.
15 Chimbofunga zvakaitwa neimwe hanzvadzi inogara kuArmenia inonzi Anna. Vanhu vekumba kwavo vanowanzotandara vari pamwe chete, kunyanya pavanenge vachipemberera mazuva ekuzvarwa uye mazororo. Anna paakava mumwe weZvapupu zvaJehovha, hama dzake dzakanetseka kuti nechechi yaava kupinda iyi, acharamba here achiwana nguva yekutandara nesu? Vainetsekawo kuti chechi iyi yaisatozoita kuti upenyu hwake huome here? Zvii zvakaitwa naAnna kuti hama dzake dzisanyanya kunetseka? Anna anoti: “Pandinoshanyira hama dzangu, ndinovaudza zvinhu zvandinenge ndichiita muupenyu hwangu. Ndinombovakokawo kumba kwangu ndichivaratidza shamwari dzangu. Iye zvino vava kutozivana neshamwari dzangu dzakawanda.” Anowedzera kuti: “Hama dzangu dzakawanda dzinotaura kuti ndiri kufara uye havachatombonetseki nezvangu.”
16. Jesu akaratidza sei kuti aida munin’ina wake Jakobho? (Onawo mashoko emuzasi.)
16 Varatidze kuti une hanya navo. Jesu paakamutswa akaenda kunotaura nemunin’ina wake Jakobho, kuratidza kuti aimuda. (1 VaK. 15:7) Unofunga kuti Jakobho akanzwa sei paakaona kuti Jesu akanga achiri kumuda? Zvakaitwa naJesu zvinogona kunge zvakaita kuti Jakobho abvume kuti Jesu ndiye Mesiya. Uye Jakobho anogona kunge akasara achibatsira vanin’ina vake nehanzvadzi dzake kuti vaonewo kuti Jesu ndiye Mesiya.b—Mab. 1:14.
17. Tingashandisa sei zvinotaurwa pana VaRoma 12:15? (Onawo mufananidzo.)
17 Verenga VaRoma 12:15. Kana tikaratidza kuti tinoda hama dzedu zvinhu pazvinenge zvakavanakira kunyange pazvinenge zvakavaomera, zvinogona kubatsira kuti vachinje maonero avanotiita.c Semuenzaniso, kana tikanzwa kuti hama yedu yava nemwana, tinogonawo kuvapa chipo chekuvakorokotedza, tichiratidza kuti tiri kufarawo navo. Kana kuri kuti vafirwa, tinogona kuvanyaradza, kuvapawo chimwe chinhu, kana kuvabatsira pane zvavanenge vachida. Chimwewo chatinogona kuita kuvanyorera kadhi rine mashoko anonyaradza. Uyewo kana kuri kuti vane dambudziko rakakura ravari kusangana naro tinogona kupota tichivafonera, kuvatumira meseji kana kuvashanyira.
Kana ukaratidza kuti unoda hama dzako kunyanya paya pavanenge vachida kubatsirwa zvinogona kuchinja maonero avanokuita (Ona ndima 17)g
18. Tingatevedzera sei zvakaitwa naAndreya?
18 Ita kuti vazivane nevamwe vatinonamata navo. Andreya paakaziva kuti Jesu ndiye aiva Mesiya, akaenda akanoudza mukoma wake Petro kuti auye kuzoona Jesu. (Joh. 1:40-42) Isuwo tinogona kuita izvozvo. Tinogona kukoka hama dzedu kumisangano kana kuvakokawo kuti vazotandarawo nesu patinenge tiine hama nehanzvadzi dzedu dzatinonamata nadzo. Patinodaro, hama dzedu dzichaona kuti Zvapupu vanhu vakangofananawo nevamwe uye vanhu vakanaka.
19. Kunyange kana hama dzedu dzisinganzwisise zvimwe zvinhu zvatinotenda tinofanira kudzibata sei? (1 Petro 3:15)
19 Verenga 1 Petro 3:15. Hama dzedu dzinogona kutadza kunyatsonzwisisa kuti nei tisingabatani navo pakuita zvimwe zvinhu. Asi havambofi vakakanganwa kuvabata zvakanaka kwatinoita uye kuvaremekedza. Semuenzaniso, hatibatani navo pavanoita mhemberero kana tsika dzisingapindirani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Asi tinogona kuvashanyira pane dzimwe nguva, kudya navo kana kuvapawo zvipo. Vachafara chaizvo patinoita zvese zvatinogona kuti tivewo nenguva yatinova pamwe chete navo.
USAORA MWOYO
20. Nei zvakaitika kuna Jakobho zvichikurudzira?
20 Jakobho haana kubatana naJesu paaiita ushumiri hwake panyika. Asi nekufamba kwakazoita nguva, akazova mudzidzi waJesu. (VaG. 1:18, 19; 2:9) Kunyange zvazvo aisava pakati pevadzidzi vaJesu vekutanga, Jakobho akabatsirwa nezvinhu zvakadzidziswa naJesu. Semuenzaniso, akazonyorera vaKristu tsamba achitaura zvimwe zvinhu zvakanga zvadzidziswa naJesu muMharidzo Yepagomo.d
21. Nei tichifanira kuramba tiine tariro yekuti hama dzedu dzinogona kuzoshumirawo Jehovha?
21 Pasinei nezvese zvatingaedza kuita kuratidza kuti tinoda hama dzedu, dzinogona kuramba dzichingotibata zvisina kunaka kana kuratidza kuti hadzitombodi kudzidza nezvaJehovha. Asi nei tichifanira kuramba tiine tariro? Nekuti patinovabata zvakanaka tinenge tichitotevedzera Mwari wedu ane tsitsi Jehovha neMwanakomana wake Jesu. (Ruka 6:33, 36) Nekufamba kwenguva, kana tikaramba tichiratidza kuti tinovada vanogona kuzochinja maonero avanotiita. Uyewo vanogona kuzoyeuka zvinhu zvatakavaudza nezvaJehovha uyewo zvatinotenda. Kana tikasaora mwoyo, dzimwe hama dzedu dzinogona kuzobatanawo nesu pakunamata kwakachena uye izvozvo zvichaita kuti tifare chaizvo!
RWIYO 60 Kana Vachida Upenyu
a Ona nyaya yakanzi “Zvii Zvatinoziva Nezvematongerwo Achaitwa Vanhu naJehovha Mune Ramangwana?” muNharireyomurindi yaMay 2024, peji 11, ndima 11-13.
b Bhaibheri rinoratidza kuti Jakobho naJudha, vanin’ina vaJesu vakazova vaKristu pashure pekunge Jesu amutswa. Vamwewo vemumba mavo vanogona kunge vakazovawo vaKristu.
c Ona bhokisi rakanzi “Unofanira Kuenda Kumuchato Kana Kumariro Ehama Yako Isiri Chapupu Here?”
e Kuti uwane mamwe mashoko ane chekuita nenyaya idzi, verenga “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaMay 15, 2002, uye yaNovember 15, 2007.
f KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi yatanga yagadzirira murume wayo zvekudya isati yaenda kunoita basa rekuparidza.
g KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iya yaendawo kunoshanyira vamwene vayo vasiri Chapupu.