APRIL 13-19, 2026
RWIYO 52 Kuzvitsaurira kwechiKristu
Kubhabhatidzwa Kunomiririrei Uye Nei Kuchikosha?
‘Itai kuti vanhu vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.’—MAT. 28:19.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti nei tichifanira kubhabhatidzwa, kubhabhatidzwa kunomiririrei, uye kuti kunoitwa sei.
1. Tinozviziva sei kuti dzidziso yerubhabhatidzo inokosha chaizvo?
TINOFARA chaizvo patinoona vadzidzi vatsva vachibhabhatidzwa! Waizviziva here kuti manzwiro iwayo ndiwo akaitawo vaKristu vekutanga pavakaona vanhu vakawanda vachibhabhatidzwa paPendekosti yegore ra33 C.E.? Musi iwoyo muapostora Petro akapa hurukuro yaitsanangura kuti zvinokosha chaizvo kuti munhu abhabhatidzwe. (Mab. 2:38, 40, 41) Pave paya, muapostora Pauro akanyora kuti “dzidziso yekutanga pamusoro paKristu” inosanganisira “kudzidzisa nezverubhabhatidzo.” (VaH. 6:1, 2) Kunyange zvazvo nyaya yekubhabhatidzwa iri imwe yedzidziso dziri nyore dzatinodzidza nezvadzo, tinofanira kunyatsoinzwisisa. Nei?
2. Nei tichifanira kunyatsonzwisisa dzidziso yerubhabhatidzo?
2 Kuti imba imire yakasimba zvinobva pakuti ine faundesheni yakasimba here. Saka kunyatsonzwisisa dzidziso yerubhabhatidzo kunoita kuti tive nekutenda kwakasimba. Tinofanira kunyatsonzwisisa nyaya iyi pasinei nekuti tiri kutora matanho ekuti tibhabhatidzwe here kana kuti tava nemakore tabhabhatidzwa. Saka munyaya ino tichapindura mibvunzo iyi: Nei tichifanira kubhabhatidzwa? VaKristu vanofanira kubhabhatidzwa sei? Uye tinobhabhatidzwa sei muzita raBaba, reMwanakomana, uye remweya mutsvene?
NEI TICHIFANIRA KUBHABHATIDZWA?
3. Kubhabhatidzwa kunoratidzei?
3 Kubhabhatidzwa kunoratidza vanhu vanenge vachiona kuti wakabvuma chokwadi chawakadzidza nezvaJehovha Mwari naJesu Kristu, wakapfidza zvivi zvako, wakachinja mararamiro ako kuti ushumire Jehovha, wakanzwisisa kuti Jesu ndiye anoshandiswa naMwari kuti tiponeswe, uye kuti wakanyengetera kuna Mwari uchimuudza kuti unonyatsoda kuita kuda kwake wakabatana nesangano rake. Kana wangoita vimbiso iyoyo kana kuti wazvitsaurira saizvozvo, wobhabhatidzwa unenge watotanga kufamba mumugwagwa unokusvitsa kuupenyu husingaperi.
4. Panobhabhatidzwa munhu, kunyudzwa kunoitwa muviri wese mumvura uye kubudiswa kwaunoitwa zvinomiririrei? (Onawo mufananidzo.)
4 Paunobhabhatidzwa, muviri wako wese unonyudzwa mumvura wobudiswa,a zvichiita sekuti wanga wavigwa muguva ukabva wamutswa. (Enzanisa naVaKorose 2:12.) Kubhabhatidzwa kunoratidza kuchinja kwawakaita mararamiro ako. Nei tichidaro? Nekuti paunonyudzwa mumvura, unenge uchiratidza kuti wakasiya mararamiro awaimboita kare. Paunozobuda mumvura, unenge watotanga upenyu hutsva hwekurarama uchiita kuda kwaMwari.
Paunobhabhatidzwa, unosiya mararamiro awaimboita wotanga upenyu hutsva hwekurarama uchiita zvinodiwa naMwari (Ona ndima 4)
5. Matanho aunotora kuti uzokwanisa kubhabhatidzwa akafanana papi nebasa rakaitwa naNoa rekuvaka areka? (1 Petro 3:18-21)
5 Verenga 1 Petro 3:18-21. Tinogona kufananidza matanho aunotora kuti uzokwanisa kubhabhatidzwa nebasa rakaitwa naNoa pakuvaka areka. Kana uchangotanga kudzidza nezvaJehovha, zvaunenge uchifanira kuita kuti uzokwanisa kubhabhatidzwa zvinogona kuita sebasa rakakura chaizvo rekuvaka areka. Asi unenge uchishandira zviripo here? Ehe. Nei tichidaro? Chimbofunga nezvaNoa. Mwari ndiye akataura zvaizofanira kunge zvakaita areka yacho, uye kana ari Noa chake kwaingova kunyatsotevedzera izvozvo zvaakaudzwa naMwari kuti aponese vanhu nemhuka paizouya Mafashamo. Noa akaita zvaakaudzwa naMwari ndokuvaka areka yacho nekuti aiva nekutenda uye aibatsirwa naMwari. Kungofanana naNoa, newewo unokwanisa kuita ‘zvese zvakarayirwa naMwari.’—Gen. 6:22.
6. Petro airevei paakati rubhabhatidzo ‘ruri kukuponesai’?
6 Muvhesi 21, muapostora Petro akanyora kuti rubhabhatidzo ‘ruri kukuponesai.’ Asi hazvirevi kuti kungonyudzwa mumvura ndiko kuchaita kuti uponeswe kana kuti uregererwe zvivi zvako. Ropa raJesu chete ndiro rinoita kuti munhu akwanise kuregererwa. (1 Joh. 1:7) Kunyange zvakadaro, kubhabhatidzwa kunokosha chaizvo nekuti ndicho chimwe chezvinhu zvatakarayirwa naMwari kuti tiite uye kunoratidza kuti tinenge ‘tichikumbira hana yakanaka kuna Mwari.’ Jehovha achabva atiregerera zvivi zvedu achishandisa chibayiro chaJesu. Saka rubhabhatidzo rwunenge ‘rwatiponesa’ kana kuti rwaita kuti tikwanise kuzowana upenyu husingaperi.
VAKRISTU VANOBHABHATIDZWA SEI?
7. Munhu anofanira kubhabhatidzwa sei?
7 Bhaibheri rinoratidza kuti munhu anofanira kubhabhatidzwa achiita zvekunyudzwa muviri wese mumvura. Kunze kwaizvozvo, hapana zvimwe zvakawanda zvarinotaura panyaya yekuti tinofanira kubhabhatidzwa sei. Asi rinotibatsira kuziva zvatinotarisirwa naMwari kuti tiite patinobhabhatidzwa. Semuenzaniso, zvinotaurwa neBhaibheri zvinobatsira vanenge vachida kubhabhatidzwa kuti vazive zvekupfeka pavanoenda kunobhabhatidzwa uye kuti vanenge vachiona vazive kuti vanofanira kuzvibata sei. (1 VaK. 14:40; 1 Tim. 2:9) Mazuva ano, vakuru ndivo vanowanzobhabhatidza vanhu, uye hationeri pamusoro vakuru vanenge vapiwa basa iroro. (1 VaK. 1:14, 15) Munhu anogona kubhabhatidzwa paine vanhu vakawanda kana kuti pasina vanhu vakawanda.—Mab. 8:36.
8. Mibvunzo ipi inobvunzwa vanenge vachida kubhabhatidzwa, uye nei vachiibvunzwa? (Mabasa 2:38-42) (Onawo mufananidzo.)
8 Bhaibheri rinoratidza kuti tinofanira ‘kuzivisa pachena nemuromo kuti tiwane ruponeso,’ kureva kuti tinofanira kuudza vamwe zvatinotenda. (VaR. 10:9, 10; ona study note yakanzi “publicly declare.”) Hatingozivisi pachena nemuromo kuti tiwane ruponeso patinoparidza chete asiwo tinozviita musi unokosha watinobhabhatidzwa! Ndokusaka vanoda kubhabhatidzwa vachibvunzwa mibvunzo miviri musi iwoyo. Wekutanga ndewekuti, “Wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha, uye wakabvuma kuti Jesu Kristu ndiye nzira yaMwari yeruponeso here?” Mubvunzo uyu unoratidza zvakaitwa nemunhu kuti akwanise kuzobhabhatidzwa, uye wakada kufanana nezvakataurwa naPetro kuvanhu vainge vakaungana paPendekosti. Wechipiri ndewekuti, “Unonzwisisa here kuti kubhabhatidzwa kunoita kuti uve mumwe weZvapupu zvaJehovha wobatana nesangano raJehovha?” Mubvunzo uyu unotiyeuchidza kuti tinofanira kuita zvinoenderana nekuzvitsaurira kwedu kuburikidza nekutevedzera zvatinoudzwa nesangano raJehovha uye kushumira Mwari tiri pamwe chete nevamwe vaKristu sezvaiitwa nevaKristu vekutanga. (Verenga Mabasa 2:38-42.) Vaya chete vanokwanisa kupindura mibvunzo iyoyo kuti hongu zvichibva pamwoyo vanogona kubhabhatidzwa.
Kubhabhatidzwa kwako kunosanganisira ‘kuzivisa pachena kuti uwane ruponeso’ (Ona ndima 8)d
9. Matanho api anofanira kutorwa nemunhu kuti afarirwe naMwari?
9 Usati watombotanga kudzidza Bhaibheri, pamwe mararamiro ako ainge asina hawo kuipa uye zvimwe hauna kumbobvira waita zvivi zvakakura. Kana kuti pamwe vabereki vako vanogona kunge vaiva vaKristu uye vakakudzidzisa kuti ude Jehovha. Kana zvakadaro, unofanira kupfidza wobhabhatidzwa here kuti uve shamwari yaMwari? Ehe. Pasinei nemararamiro edu kana kuti makuriro atakaita, tinofanira kuziva kuti takaberekwa tiine chivi uye tisiri shamwari dzaMwari. (Pis. 51:5) Asi patinoramba tichidzidza nezvaJehovha tinosvika pakusarudza kurarama tichiita zvaanoda kwete zvatinoda isusu. Izvozvo zvinoita kuti tipfidze zvivi zvedu totendeuka totanga kurarama tichiita zvinofadza Baba vedu vekudenga. Zvadaro, tinenge tava kukwanisa kubhabhatidzwa.—Mab. 3:19.
10. Unofanira kuita sei kana wakambobhabhatidzwa mune chimwe chitendero?
10 Kana wakambobhabhatidzwa mune chimwe chitendero, unenge wava kufanira kubhabhatidzwa zvakare seChapupu chaJehovha. Nemhaka yei? Nekuti panguva iyoyo wakanga usina kunyatsonzwisisa chokwadi nezvaJehovha Mwari naJesu. Kunyange kana wakazvitsaurira kuna Mwari uchinyengetera, zvawakamuvimbisa wakazviita usati wava kunzwisisa kuda kwake. Muapostora Pauro paakasangana nevarume vekuEfeso vakanga vambobhabhatidzwa asi vasati vava kunyatsonzwisisa dzidziso dzechiKristu, akaita kuti vabhabhatidzwe futi.b (Mab. 19:1-5) Mazuva anowo, kubhabhatidzwa kwemunhu kunongogamuchirwa naMwari kana munhu wacho ava nezivo yakarurama yezvinodiwa naMwari.
“MUZITA RABABA NEREMWANAKOMANA NEREMWEYA MUTSVENE”
11. Zvinorevei kuti tinofanira kubhabhatidzwa “muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene”? (Mateu 28:18-20)
11 Jesu akarayira kuti vadzidzi vatsva vanofanira kubhabhatidzwa “muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene.” (Verenga Mateu 28:18-20.) Airevei? MuBhaibheri shoko rekuti “zita” rinowanzoreva mukurumbira wemunhu. Rinogonawo kureva chinzvimbo chake uye chiremera chinomiririrwa nezita racho. Saka patinoita chimwe chinhu “muzita” remumwe munhu kana kuti rechimwe chinhu, tinenge tichiratidza kuti tinonzwisisa chiremera chakatakurwa nezita iroro. (Enzanisa naMateu 10:41; ona study note yakanzi “because he is a prophet.”) Ngationei kuti ungaratidza sei kuti unonzwisisa chinzvimbo uye chiremera china Baba neMwanakomana uyewo mashandiro anoita mweya mutsvene waMwari.
12. Tinobhabhatidzwa sei muzita raBaba? (Zvakazarurwa 4:11) (Onawo mufananidzo.)
12 Muzita raBaba. Tinobvuma kuti Jehovha ndiBaba vedu vekudenga, kana kuti ndiye anotipa upenyu. Ndiye Mwari wemasimbaose, Musiki wezvinhu zvese. (Verenga Zvakazarurwa 4:11.) Tinoziva kuti anonzwa minyengetero, uye kuti tinoshandisa zita rake zvine ruremekedzo uye takasununguka patinonyengetera nepatinoudza vamwe nezvake. (Pis. 65:2) Asi handizvo zvega zvazvinoreva kubhabhatidzwa muzita raBaba. Vanhu vakanzwa Petro achipa hurukuro paPendekosti vakanga vagara vachiziva Jehovha, asi vakanga vava kufanira kumuona saMwari ane rudo aida kuvapa upenyu husingaperi achishandisa Jesu Kristu.—VaR. 5:8.
Paunenge wabhabhatidzwa, ramba uchiratidza kuti unonzwisisa chinzvimbo uye chiremera china Baba neMwanakomana uyewo mashandiro anoita mweya mutsvene waMwari (Ona ndima 12)
13. Tinobhabhatidzwa sei muzita reMwanakomana? (Onawo mufananidzo.)
13 Muzita reMwanakomana. Tinobvuma kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga. Jesu ndiye “nzira,” kureva kuti ndiye ega anoita kuti tikwanise kuva neukama hwakanaka naJehovha. (Joh. 14:6) Jesu ndiye Mudzikinuri wedu, kureva kuti ndiye akatifira kuti tigone kuzowana upenyu. Kuziva izvozvo kunoita kuti tide kumutevedzera mazuva ese, kwete musi watinobhabhatidzwa chete. (1 Joh. 2:6) Saka tinoshanda nesimba pakuparidza sezvaaiita pasinei nekuti zvinhu zvakamira sei. (Ruka 4:43) Tinogara takagadzirira kutambudzwa nekuti tiri vateveri vaJesu uye tinoshumira Mwari takavimbika. (2 Tim. 3:12) Tinoremekedza Jesu “musoro weungano,” saka tinozviisa pasi pevanhu vaanosarudza kuti vatitungamirire uye vatichengetedze sevateveri vake.—VaEf. 4:8, 11, 12; 5:23.
Paunenge wabhabhatidzwa, ramba uchiteerera Mwanakomana (Ona ndima 13)
14. (a) Tinobhabhatidzwa sei muzita remweya mutsvene? (Onawo mufananidzo.) (b) Ndekupi kumwe kubhabhatidzwa kunoitwa vakazodzwa? (Onawo bhokisi rakanzi “Kumwe Kubhabhatidzwa Kunoitwa Vakazodzwa.”)
14 Muzita remweya mutsvene. Tinobvuma chokwadi chinodzidziswa neBhaibheri nezvemweya mutsvene. Mweya mutsvene isimba rinoshandiswa naMwari saka hausi munhu uyewo hausi mwari. Tinoziva kuti Jehovha akashandisa mweya mutsvene kuti ubatsire vaprofita kuti vazive zvekutaura uye kuti ubatsire vanyori veBhaibheri kunyora zvaaida kuti zvinyorwe. Izvi zvinoita kuti tigare tichiverenga Bhaibheri uye tichiita zvarinotidzidzisa. (2 Pet. 1:20, 21) Uye tinorwisa kuti tisaite zvivi zvakakura, nekuti izvozvo zvinogona kuita kuti mweya waMwari utambire kure nesu uye kuti usashande zvakanaka muungano.—VaEf. 4:30.
Paunenge wabhabhatidzwa, ramba uchibvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene (Ona ndima 14)
15. Zvii zvatinofanira kushanda nesimba kuti tiite?
15 Kana wakatobhabhatidzwa semuKristu, ramba uchizviyeuchidza kuti kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kwawakaitwa kunokosha zvakadini woshanda nesimba kuti unzwisise zvese zvine chekuita ‘nedzidziso dzerubhabhatidzo.’c Ko kana usati wabhabhatidzwa? Pane chiri kukumisa here? Nyaya inotevera ichataura zvaungaita kuti urambe uchitora matanho ekuti uzobhabhatidzwa.
RWIYO 161 Ndinofarira Kuita Kuda Kwenyu
a Shoko rechiGiriki rekuti ba’pti-sma, rinoshandurwa kuti “kubhabhatidzwa,” rinoreva “kunyudza.” Saka kuti munhu anzi abhabhatidzwa anofanira kunge anyudzwa muviri wake wese mumvura, kwete kungosaswa mvura sezvinodzidziswa nezvimwe zvitendero.
b Varume ivavo vekuEfeso vainge vakabhabhatidzwa ‘nerubhabhatidzo rwaJohani.’ (Mab. 19:3) Johani Mubhabhatidzi aikurudzira vaJudha kuti vapfidze zvivi zvavakanga vaita vachityora Mutemo waMozisi, uye Johani aibva abhabhatidza vanenge vapfidza. (Mako 1:4, 5) Asi rubhabhatidzo rwaJohani rwakaguma kushanda pakaguma kushanda Mutemo iwoyo. Kubvira ipapo “rubhabhatidzo rumwe chete” rwunoita kuti munhu aponeswe ndirwo rwainge rwava kudiwa naMwari.—VaEf. 4:5.
c Ona nyaya iri pajw.org uye iri paJW Library yakanzi “Chii Chinonzi Kubhabhatidzwa?” inowanika pachikamu chakanzi “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa.”
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pagungano, vanenge vachida kubhabhatidzwa vanosimuka kuti vazivise pachena zvavanotenda.