APRIL 27–MAY 3, 2026
RWIYO 99 Zviuru Zvehama
Gadzirira Matambudziko Anogona Kuzouya Wabhabhatidzwa
“Nhanho dzangu ngadzirambe dziri pamakwara enyu.”—PIS. 17:5.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza kuti vaKristu vachangobva kubhabhatidzwa vangagadzirira sei matambudziko avanogona kuzosangana nawo.
1-2. Zvii zvatingaita kuti tigare takagadzirira matambudziko atinogona kusangana nawo pakushumira Jehovha? Taura muenzaniso.
MUNYIKA yaSatani tichatosangana nematambudziko. Ndosaka Jesu akayambira vateveri vake achiti: “Zvinogumbura hazvingatadzi kuuya.” (Mat. 18:7) Izvi zvinofanira kuita kuti tigare takagadzirira matambudziko atichasangana nawo kusanganisira aya anokonzerwa nevatinonamata navo.
2 Semuenzaniso, vanhu vaJehovha vanoudzwa kuti vagare vakagadzirira njodzi dzinongoitika dzega. Tinogadzirira sei? Chekutanga, tinogara tafunga nezvenjodzi dzinogona kuitika munzvimbo yatinogara. Izvi zvakatonyanya kukosha kana kuri kuti tiri vatsva munzvimbo yacho. Kana taziva njodzi dzacho, tinofanira kuronga kuti zvii zvatingaita kuti tigare takagadzirira. (Zvir. 21:5) Ndizvo zvazvakaitawo panyaya yekunamata, tinogona kuziva matambudziko atingasangana nawo togara takagadzirira. Izvi zvichaita kuti matambudziko iwayo asatikanganise pakushumira kwatinoita Jehovha. (Pis. 17:5) Saka tichakurukura matambudziko matatu atinogona kusangana nawo uye kuti tingagadzirira sei dambudziko rimwe nerimwe.a
PAUNOGUMBURWA NEMUMWE MUNHU WEMUUNGANO
3. Nderipi dambudziko ratinogona kusangana naro muungano?
3 Wakanzwa sei pawakapinda misangano kekutanga uchiona rudo ruri pakati pevanhu vaJehovha? Izvi zvakaita kuti ubvume kuti wakanga wawana chokwadi here? (Joh. 13:35; VaK. 3:12) Ndiwo manzwiro akaita Blancab. Asi pashure pekunge abhabhatidzwa pane zvinhu zvakaitika zvaakanga asingatarisiri. Anoti: “Imwe hanzvadzi haina kundibata zvakanaka. Ndakaonawo kuti aiva netsika yekunyeya vamwe. Ndakanga ndisingazvitarisiri nekuti ndakanga ndadzidza kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vanoda rugare uye vane rudo.” Kunyange zvazvo hama nehanzvadzi dzedu dzichishanda nesimba kuti dzive neunhu hwechiKristu, vanhuwo vane chivi. (VaEf. 4:23, 24; 1 Joh. 1:8) Saka dzimwe nguva, mumwe wavo achatotaura kana kuita chimwe chinhu chinotigumbura. (Jak. 3:8) Zvinosuwisa kuti vamwe vakatorega kushumira Jehovha nekuda kweizvozvo.
4. Zvii zvaungaita kuti ugare wakagadzirira kuregerera paunogumburwa nehama kana hanzvadzi yako? (VaEfeso 4:32)
4 Zvii zvaungaita iye zvino kuti ugare wakagadzirira kuitira kana hama yako kana hanzvadzi ikakurwadzisa kana kuti ikakugumbura? Gara uchiedza kuita zvinotaurwa pana VaEfeso 4:32. (Verenga.) Kana ukaedza kugara uchibata vamwe zvakanaka uye uchivanzwira tsitsi, zvichaita kuti usangonetsane nevanhu. Gara wakagadzirira kukanganwira vamwe nemwoyo wese. Chii chingakubatsira kuita izvozvo? Funga kuti unokumbira Jehovha kakawanda sei kuti akuregerere uye kuti anokuregerera sei nemwoyo wese. (Mat. 6:12) Kana ukayeuka kuti Jehovha anokuregerera kakawanda sei, zvichakuitirawo nyore kuti uregerere vamwe.
5. Ipfungwa ipi iri muBhaibheri inogona kutibatsira patinogumburwa nemumwe munhu? (Zvirevo 19:11) (Onawo mifananidzo.)
5 Verenga Zvirevo 19:11. Bhaibheri rinoti patinenge tagumburwa, njerec dzinodzora kutsamwa kwedu. Pfungwa iyi inobatsira imwe hanzvadzi inonzi Rima yakabhabhatidzwa makore mashoma adarika. Rima anoti: “Hama nehanzvadzi padzinoita zvimwe zvinhu zvinondirwadza kana kuti zvinondigumbura, ndinotanga kufunga mashoko ari pana Zvirevo 19:11. Ndinofungawo nezvemamiriro avo ezvinhu uye zvakamboitika muupenyu hwavo, ndobva ndaedza kufunga kuti chii chingangodaro chaita kuti vaite izvozvo. Ndinoedzawo kushanda navo muushumiri. Kuita izvozvo kunoita kuti ndiwedzere kuvaziva.” Iri izano rakanaka. Unogona kutotanga kuzivana nehama nehanzvadzi dzako iye zvino. Paunowedzera kuvaziva, zvinogona kukuitira nyore kuti uvaregerere kana vakazoita chimwe chinhu chinokurwadza.
Kana usiri kuwirirana neimwe hama kana kuti hanzvadzi, edza kushanda naye muushumiri (Ona ndima 5)
6. Chii chingatibatsira kuti tirambe tichiwirirana nehama nehanzvadzi dzedu?
6 Zvii zvaungaita kuti urambe uchiwirirana nehama nehanzvadzi dzako? Paunenge uchiwedzera kuvaziva, isa pfungwa dzako paunhu hwakanaka hwavainahwo. (Enzanisa naZvirevo 10:12; VaR. 12:10; VaF. 2:2, 3) Ona kuti kuita izvozvo kwakabatsira sei imwe hama inonzi Mark. Achangobva kubhabhatidzwa, Mark akatanga kuita nguva yakawanda nehama nehanzvadzi dzake dzemuungano. Izvi zvakaita kuti atange kuona humwe unhu hwavainahwo hwaasingafarire. Asi chii chakamubatsira kuti izvozvo zvisamugumbura? Anoti: “Ndakazoona kuti zvinhu zvavanokanganisa zvidiki chaizvo kana zvichienzaniswa nezvikanganiso zvakakura zvinoitwa nevanhu vari munyika. Saka ndakasarudza kuti handifaniri kupedza nguva yangu ndichifunga nezvezvikanganiso zvidiki zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzangu. Ndakanga ndava kutarisa zvakanaka zvavanoita.” Kana ukatevedzerawo zvakaitwa naMark, zvichaita kuti uve neushamwari hwakasimba nehama nehanzvadzi dzako.
KUTANGA KUFUNGA ZVINHU ZVATAKASIYA
7. Chii chinogona kuita kuti titange kufunga zvimwe zvinhu zvatakasiya?
7 Pawakatanga kudzidza chokwadi, wakabva wasiya nyika yakaipa yaSatani uye izvi zvakaita kuti unzwe uchifara. Pamwe ungafunga kuti, ‘Ndiani angada kudzokera kwairi?’ Asi paunosangana nematambudziko, unogona kutanga kufunga zvimwe zvinhu zvawakasiya pawakatanga kushumira Jehovha. (Enzanisa naNumeri 11:4-6.) Semuenzaniso, dzimwe hama dzakasarudza kusiya mabasa aibhadhara asi aivatorera nguva yakawanda. Vamwe vaiva neshamwari dzavo dzepedyo dzakavasiya pavakatanga kudzidza Bhaibheri. Vamwewo vakasiya zvinhu zvisina kuchena zvainge zvakavapinda muropa. Chimbofunga kuti Jehovha anorwadziwa zvakadii patinokanganisa ushamwari hwedu naye nekudzokera kune zvinhu zvakashata zvatakanga tambosiya! Saka zvii zvaungaita iye zvino kuitira kuti pauchasangana nematambudziko usazombodzokera kuzvinhu zvawakasiya?
8. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naAbrahamu naSara?
8 Bhaibheri rine mienzaniso yevashumiri vaMwari vakatendeka vaigona kutanga kufunga zvinhu zvavakanga vasiya. Semuenzaniso, Abrahamu naSara vakateerera Jehovha, vakasiya guta reUri ravaigara rainge rakanaka uye rakachengeteka vachinogara mumatende. (VaH. 11:8, 9) Vaiva nezvinhu zvakawanda zvakanaka zvavaiva vasiya muUri. Asi “kudai vakaramba vachifunga,” nezvezvinhu izvozvo vaigona kuzopedzisira vadzokera. Vakasarudza kufunga nezvezvinhu zvakanaka zvavakanga vavimbiswa naJehovha.—VaH. 11:15, 16.
9. Muapostora Pauro aiona sei zvinhu zvaainge asiya? (VaFiripi 3:7, 8, 13)
9 Muapostora Pauro akasiya zvimwe zvinhu kuti ashumire Jehovha. Asati ava muKristu, akadzidziswa mutemo wechiJudha nemudzidzisi airemekedzwa zvikuru ainzi Gamarieri. (Mab. 22:3) Pauro aigona kuzovawo mutungamiriri wechitendero chechiJudha airemekedzwa. (VaG. 1:13, 14) Asi paakadzidza nezvaKristu, akasarudza kurasikirwa nezvese izvozvo. Upenyu hwaPauro semuKristu hwaiva nyore nguva dzese here? Aiwa. Akarohwa, akaiswa mujeri uye akavengwa nevaJudha. (2 VaK. 11:23-26) Kudai akanyanya kufunga nezveupenyu hwaairarama asati ava muKristu, aigona kuzopedzisira ava kufunga kuti kusarudza kwaakaita kutevera Jesu kwaiva kukanganisa. Asi Pauro akaramba achifunga nezveropafadzo yakakura yaaiva nayo yekuva muteveri waJesu Kristu. Uye aiziva kuti aizopiwa mubayiro wakakura mune ramangwana. Pauro aiva nechokwadi chekuti kuva muteveri waJesu kwaikosha kupfuura zvese zvaakanga asiya!—Verenga VaFiripi 3:7, 8, 13.
10. Zvinhu zvipi zvatinofanira kugara tichifunga nezvazvo? (Mako 10:29, 30) (Onawo mifananidzo.)
10 Tinodzidzei? Kana ukatanga kufunga zvinhu zvawakasiya kuti uve muKristu, ibva wayeuka kuti nei wakazvisiya. (Mup. 7:10) Uye funga zvinhu zvese zvakanaka zvawakawana pawakagamuchira chokwadi. Wava shamwari yaJehovha Mwari. (Zvir. 3:32) Une hama nehanzvadzi dzakawanda dzinokuda chaizvo muungano uye munyika dzese. (Verenga Mako 10:29, 30.) Uye une zvinhu zvakanaka zvawakavimbiswa naJehovha zvakakumirira mune ramangwana! (Isa. 65:21-23) Kana ukagara uchifunga nezvemakomborero auri kuwana nekuti uri kushumira Jehovha, hauzotangi kufunga zvinhu zvawakasiya.
Pane kufunga zvinhu zvawakasiya, nakidzwa nebasa rekuparidza rawakapiwa naJehovha kuti uite (Ona ndima 10)e
11. Unodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Rosemary?
11 Imwe hanzvadzi inonzi Rosemary yakabhabhatidzwa yava nemakore anenge 50. Rosemary ane zvaakaita kuti asaramba achifunga zvaakanga asiya. Anoti: “Pandakava Chapupu chaJehovha, ndaisuwa kupemberera Krisimasi nekuti ndiyo nguva yataifara tiri pamwe chete semhuri. Ndainakidzwa nekupa mhuri yangu zvipo uye kuona kufara kwaiita vana vangu nevazukuru pavaivhura zvipo izvozvo.” Chii chakamubatsira kuti arege kuramba achifunga nezvezvinhu izvozvo? Rosemary anoti: “Ndakaronga kutandara nevemumhuri yangu pane mamwe mazuva. Gore rega rega pazuva risiri reKrisimasi, ndinokoka vemumhuri medu kuti tizotandara, uye ndinovaudza chinoita kuti ndivade.” Rosemary akasangana nerimwe dambudziko. Anoti: “Pandakatanga kudzidza chokwadi, shamwari dzangu dzese dzakandisiya. Dzimwe nguva ndaivasuwa uye ndainzwa kusurukirwa.”d Chii chakamubatsira? Akaronga kubuda nehanzvadzi dzakasiyana-siyana muushumiri. Anoti: “Izvi zvakaita kuti ndive neshamwari dzakawanda dzandinoda.” Unodzidzei kubva pane zvakaitwa naRosemary? Unogona kusuwa kuita zvinhu zvawaimbofarira kuita usati wadzidza chokwadi, asi yeuka kuti pane zvimwe zvaunogona kuita zvinotoita kuti ufare. (VaF. 4:8, 9) Yeuka kuti Jehovha anotokupa zvakawanda kudarika zvawakarasikirwa nazvo.
VAMWE PAVANOSIYA JEHOVHA
12. Chii chingaitika muungano chinogona kuita kuti tinetseke?
12 Pawakava Chapupu chaJehovha, wakafara kuti wabva munyika yakaipa uye wava pakati pevanhu vanodzidzisa chokwadi uye vanoedza kuita zvakarurama. (Isa. 65:14) Asi dzimwe nguva, mumwe munhu ari muungano anogona kuita chivi chakakura. Mumwe anogona kutosvika pakubviswa muungano. (1 VaK. 5:13) Inzwa kuti imwe hanzvadzi inonzi Samar yakanzwa sei izvozvo pazvakaitika. Anoti: “Ndichangobva kubhabhatidzwa, mumwe mukuru akaita chivi chakakura achibva abviswa muungano. Ndakapotsa ndarega kushumira Jehovha nekuti handina kumbobvira ndafungira kuti mukuru muungano angaita chivi chakakura achitadzira Jehovha neungano.” Tinofanira kuvimba nehama nehanzvadzi dzedu kuti dzinoda Jehovha uye kuti dzinoda kuramba dzakatendeka kwaari. (1 VaK. 13:4, 7) Kunyange zvakadaro, chokwadi chiripo ndechekuti gore rega rega kune vamwe vanobviswa muungano. Asi zvinogona kutonyanya kuoma kana munhu wacho ari munhu waunoda uye waunoremekedza.
13. Tingasimbisa sei kutenda kwedu kuitira kuti tisarega kunamata Jehovha kana mumwe munhu watinoda akamusiya?
13 Zvii zvaungaita kuti urambe wakatendeka kuna Jehovha kana mumwe munhu waunoda akarega kumushumira? Ramba uchisimbisa ukama hwako naJehovha. (Jak. 4:8) Simbisa ukama hwako pachako naJehovha kwete kuzembera pane mumwe munhu. Semuenzaniso, kunyange zvazvo tichiita kunamata kwemhuri uye tichipinda misangano, mumwe nemumwe wedu anofanira kunyengetera uye kudzidza Bhaibheri ari ega.—Pis. 1:2; 62:8.
14. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa nemuapostora Petro? (Johani 6:66-68)
14 Tinogona kuwana chidzidzo pane zvakaitwa nemuapostora Petro, vadzidzi vakawanda pavakarega kutevera Jesu. Petro anogona kunge akatombovhiringidzikawo nezvaakanzwa Jesu achitaura. Asi inzwa zvaakataura pana Johani 6:66-68. (Verenga.) Petro haana kuda kutevedzera vamwe asi akaramba achifunga nezvechokwadi chaakanga adzidziswa naJesu. Izvi zvakaita kuti Petro arambe achishumira Jehovha. Saka kunyange vamwe vakarega kushumira Jehovha, yeuka kuti iri ndiro sangano rakakudzidzisa chokwadi nezvaJehovha. Batisisa chokwadi ichocho! Samar ambotaurwa anoti, “Ndinogara ndichizviudza kuti kana munhu mumwe chete akakanganisa hazvirevi kuti ungano yese kana kuti sangano ndiro rakanganisa uye hazvirevi kuti Jehovha ndizvo zvaariwo.”
15. Unodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Emily?
15 Chimbofunga zvakaitika kuna Emily. Pashure pevhiki abhabhatidzwa, amai vake vakabva pamba vachisiya mhuri uye vakabviswa muungano. Emily anoti: “Handina kumbobvira ndafungidzira kuti zvinhu zvakadaro zvingaitika kwandiri. Handisati ndambosangana nemuedzo wakadaro, ndinosuwa amai vangu chaizvo.” Chii chakabatsira Emily? Anoti: “Handisi ndega. Baba vangu nevanhu vari muungano vanonditsigira chaizvo. Vanhu vari muungano vanotoita sekuti vanhu vemumhuri medu. Munhu mumwe nemumwe ane dambudziko raari kusangana naro. Ndosaka tichifanira kuramba tichidanana uye tichikurudzirana.” (1 Pet. 5:9) Haufaniri kumirira kuti patange paita dambudziko kuti uzotanga kuwirirana nehama nehanzvadzi dzako. Ramba uri pedyo navo. Kana ukadaro, panozouya dambudziko uchaona kuti unenge usiri wega.
16. Tinofanira kuyeukei? (Onawo mufananidzo.)
16 Yeukawo kuti Jehovha anoranga vaanoda. (VaH. 12:6) Anoda kuti vese vakabviswa muungano vadzoke. (2 Pet. 3:9) Saka kana mumwe munhu waunoda akabviswa muungano, unogona kuva nechokwadi chekuti vakuru vachaita zvese zvavanogona kuti vabatsire munhu iyeye kuti adzoke kuna Jehovha.—2 Tim. 2:24, 25.
Kana munhu waunoda akabviswa muungano, yeuka kuti vakuru vanoda kumubatsira kuti adzoke kuna Jehovha (Ona ndima 16)f
17. Chii chatinogona kuva nechokwadi nacho?
17 Tangokurukura matambudziko mashoma atinogona kusangana nawo pashure pekunge tabhabhatidzwa. Mamwe acho angaita seakakurisa, asi haufaniri hako kutya. Pane zvakawanda zvaunogona kuita kuti ugadzirire. Uye usambokanganwa kuti Jehovha Mwari aripo kuti akubatsire. Agara achikubatsira uye anoda kuramba achikubatsira nekusingaperi! (1 Pet. 5:10) Acharamba achikupa simba raunoda kuti utsungirire chero dambudziko rauchasangana naro. Kana ukaramba uchibvuma kubatsirwa naJehovha, hapana dambudziko richazomboita kuti urege kumushumira!—Pis. 119:165; VaR. 8:38, 39.
RWIYO 154 Rudo Rusingachinji
a Tese tinogona kubatsirwa nenyaya iyi, kunyange zvazvo yakanyorerwa Zvapupu zvichangobva kubhabhatidzwa.
b Mazita akachinjwa.
c Kuva nenjere kunosanganisira kuona zvinhu zvisiri pachena. Izvozvo zvinotibatsira kunzwisisa nei mumwe munhu ataura mamwe mashoko kana kuti aita zvinhu neimwe nzira.
d Munhu wese ari muungano anofanira kubatsira vaya vari kudzidza Bhaibheri uye vaya vachangobva kubhabhatidzwa kuti vanzwe vachidiwa. Ona ndima 15 ne16 panyaya yakanzi “Zvingaitwa Neungano Pakubatsira Vadzidzi veBhaibheri Kusvika Pakubhabhatidzwa” muNharireyomurindi yaMarch 2021.
e KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Painenge iri muushumiri, imwe hanzvadzi inoona vakadzi vari kuita zvemitambo, inobva yafunga mazuva ayaiitawo zvemitambo. Pava paya, hanzvadzi yacho inoparidzira mumwe wevakadzi vacho, waanogona kunge akambotamba naye mutimu imwe chete.
f KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vakuru vaviri vashanyira murume akabviswa muungano vachimukurudzira kuti adzoke kuna Jehovha.