APRIL 20-26, 2026
RWIYO 49 Kufadza Mwoyo Jehovha
Ramba Uchishanda Kuti Ubhabhatidzwe
“Ino ndiyo nguva yakanyatsokodzera.”—2 VAK. 6:2.
ZVATICHADZIDZA
Ino ndiyo nguva yekuti tive neushamwari hwakasimba naJehovha tobhabhatidzwa.
1. (a) Kubhabhatidzwa kwakanakirei? (b) Tichakurukurei munyaya ino?
WAKATOZVITSAURIRA kuna Jehovha here ukatozviratidza nekubhabhatidzwa? Kana zviri izvo zvawakaita, zvinoreva kuti wakakumbira Jehovha kuti akuregerere zvivi zvako uye iye zvino wava kukwanisa kumushumira uine hana yakachena. (1 Pet. 3:21) Uye kubhabhatidzwa kwawakaitwa muenzaniso wekuti vamwe vasati vabhabhatidzwa vatevedzere. Wakagona nechisarudzo chawakaita! Ko kana usati wabhabhatidzwa? Chokwadi ndechekuti Jehovha unomuda uye unoda kuita zvinomufadza. Uye unoziva kuti kana uchida kuti Jehovha akuregerere zvivi zvako, uye kuti uve neushamwari naye, zvinokosha kuti ubhabhatidzwe. (Mab. 2:38-40) Asi unogona kuramba uchinzwa zvichikuomera kuti utore danho iri rinokosha. Chii chinogona kukubatsira? Munyaya ino tichakurukura kuti (1) nei vamwe vachizeza kubhabhatidzwa, (2) nei zvakakosha kuti urambe uchifunga nezvemugumo uye (3) zvakanakirei kuti usanonoka kubhabhatidzwa.
NEI VAMWE VACHIZEZA KUBHABHATIDZWA?
2. Nei vamwe vachizeza kubhabhatidzwa?
2 Vamwe vanozeza kubhabhatidzwa nekuti vane zvavanenge vachitya. Vamwe vanenge vachida Jehovha asi vanotyira kuti vangazotadza kuita zvinomufadza. Kana zviri izvowo zvaunotya, unogona kuverenga mavhesi anokubatsira kuona kuti Jehovha haatarisiri kuti usakanganisa, chaanongoda ndechekuti uite zvakanaka zvaunogona. (Pis. 103:13, 14; VaK. 3:23) Kana uchitya kupikiswa, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti uve nechivimbo sechaiva nemunyori wepisarema uyo akanyora kuti: “Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi. Munhu angandiitei?”—Pis. 118:6.
3. Chii chimwe chingaita kuti vamwe vazeze kubhabhatidzwa? (Onawo mufananidzo.)
3 Vamwewo vanozeza kubhabhatidzwa nekuti vanenge vachifunga kuti havana zvakawanda zvavanoziva. Asi unofanira kubva watoziva zvese zvinodzidziswa neBhaibheri here? Aiwa. Funga zvakaitika kumurindi wejeri nemhuri yake. Pauro naSirasi pavakanga vari mujeri, pakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru zvekuti faundesheni yejeri yakazunungutswa uye cheni dzakanga dzakavasunga dzakadonha. Murindi uyu nemhuri yake vanofanira kunge vakanzwisisa kuti ichi chaiva chishamiso. Pauro naSirasi vakaona kuti uyu waiva mukana wekudzidzisa murindi uyu wejeri nemhuri yake nezvaJesu. Zvavakadzidza muusiku ihwohwo humwe chete zvainge zvakakwana kuti vabve vatongobhabhatidzwa. (Mab. 16:25-33) Kana wava kuziva Jehovha, uchimuda nemwoyo wako wese, uchinzwisisa dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri, wakapfidza zvivi zvako uye uchida kurarama uchitevedzera zvaanoda, zvinoratidza kuti unogona kubhabhatidzwa.—Mako 12:30.
Pauro naSirasi vakaparidzira murindi wejeri nemhuri yake, vachibva vangobhabhatidzwa (Ona ndima 3)
4. Ndechipi chimwe chikonzero chinoita kuti vamwe vazeze kubhabhatidzwa? (Onawo mufananidzo.)
4 Vamwe vanenge vachida kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo kuitira kuti vafadze Mwari vobhabhatidzwa. Asi vanofunga kuti zvakanyanya kuoma. Ichokwadi kuti pazvinhu zvatinosarudza muupenyu munhu unofanira kutanga wanyatsofunga kuti chisarudzo chauri kuda kuita chichachinja sei upenyu hwako. (Ruka 14:27-30) Asi vamwe vanobva vazonyanya kufunga nezvezvinhu zvavacharasikirwa nazvo kana vakasarudza kushumira Mwari. Ndizvo zvakaitikawo kune mumwe mukadzi anonzi Candace. Paakanga achiri mudiki aiziva zvaaifanira kuita kuti afadze Jehovha asi haana kuzviita. Akazotanga kudzidza Bhaibheri ava munhu mukuru. Anoti, “Jehovha ndaimuda uye ndaiziva zvandaifanira kuita, asi ndainakidzwa neupenyu hwandairarama munyika. Ndaiziva kuti zvaizondiomera kuti ndichinje upenyu hwangu.” Vamwewo ndivo vanotya kuti kana vabhabhatidzwa vachagona here kuramba vachirarama vachiita zvinodiwa naJehovha. Vanotya kuti kana vabhabhatidzwa vanogona kuzoita chivi chakakura vobviswa muungano. Kana zviri izvo zvauri kutyira chii chingakubatsira?
Vamwe vanenge vachida kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwavo kuitira kuti vafadze Mwari vobhabhatidzwa. Asi vanofunga kuti zvakanyanya kuoma (Ona ndima 4)
5. Ndezvipi zvaunofanira kunyanya kufunga nezvazvo kana uchizeza kubhabhatidzwa? (Mateu 13:44-46)
5 Paunenge uchida kutenga chimwe chinhu haungopereri pakufunga kuti chinoita marii, asi unofungawo kuti chakakosherei. Kakawanda hatizezi kutenga chinhu chatinoona kuti chinotibatsira kunyange chichidhura. Ndozvazvakaitawo patinenge tichifunga nezvenyaya yekubhabhatidzwa. Hatifaniri kungofunga nezvekuoma kwazvakaita kuti tichinje upenyu hwedu, asi tinofanira kufungawo kuti upenyu hwedu huchavandudzika zvakadii kana tava neushamwari hwepedyo naJehovha. Jesu akataura mifananidzo miviri paaidzidzisa pfungwa iyi. (Verenga Mateu 13:44-46.) Varume vanotaurwa mumifananidzo yacho havana kuzeza kutengesa zvinhu zvavo zvese kuitira kuti vatenge chinhu chinokosha chavainge vawana. Chokwadi chawava kuziva nezveUmambo hwaMwari ipfuma inokosha yawakawana. Saka kana uri kuzeza kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu kuitira kuti ubhabhatidzwe nyatsofunga nezvemifananidzo yaJesu. Unogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsobvuma here kuti chokwadi chandakawana nezveUmambo hwaMwari ipfuma inokosha? Ndinonyatsokoshesa here ushamwari hwangu naJehovha, tariro yaakandipa uye hama nehanzvadzi dzine rudo dzandiinadzo?’ Mhinduro dzako dzinogona kukubatsira kuti uone zvaunofanira kuita kuti usvike pakuzobhabhatidzwa.
6. Chii chichatibatsira kuti tishandise zvatinodzidza?
6 Mumufananidzo wemudyari, Jesu akataura kuti vamwe vanonzwa mashoko akanaka asi havazoiti zvinoenderana nezvavanenge vadzidza. Asi akataura kuti vamwe vaizonzwa shoko “nemwoyo wakarurama uye wakanaka,” voshandisa zvavanenge vadzidza. (Ruka 8:5-15) Saka kana uri kunetseka kuti uchakwanisa here kushandisa zvauri kudzidza usaora mwoyo. Mwari anogona kukubatsira kuti uve “nemwoyo mutsva” uyo uchaita kuti ude kumuteerera. Nyengetera uchikumbira Jehovha kuti akubatsire kuti uve nemwoyo unoda zvinhu zvauri kudzidza uye kuti ude kuzvishandisa muupenyu hwako.—Ezek. 18:31; 36:26.
7-8. Chii chinotadzisa vamwe vechidiki kuti vabhabhatidzwe? (Onawo mufananidzo.)
7 Vamwe vechidiki vanoda Jehovha, asi vanotadziswa nevamwe vanhu kutora matanho anozovabatsira kuti vabhabhatidzwe. Vamwe vadzidzisi kuchikoro vanoedza kuita kuti vana vaone sekuti mamwe maitiro kana dzimwe tsika dzakanaka kunyange zvazvo dzichivengwa naJehovha. Asi kuteerera mazano akadaro kunokonzera matambudziko akakura muupenyu. (Pis. 1:1, 2; Zvir. 7:1-5) Kuti usakanganiswe nemafungiro aya, tevedzera munyori wepisarema akaudza Jehovha kuti: “Ndinonzwisisa kupfuura vadzidzisi vangu vese, nekuti ndinofungisisa zviyeuchidzo zvenyu.”—Pis. 119:99.
8 Vamwe vabereki vatori Zvapupu vanoita kuti zviomere vana vavo kuti vabhabhatidzwe. Vanenge vachinyanyoisa pfungwa dzavo padzidzo kana mabasa achazoitwa nevana vavo. Vamwewo vanokanganwa kukurudzira vana vavo kuti vave nezvinangwa zvekunamata zvichavabatsira kuswedera pedyo naJehovha. Unofunga kuti vabereki vako vanokwanisa kukubatsira here kuti ukwanise kuzobhabhatidzwa? Kana vachikwanisa, taura navo nezvazvo. Kuva neushamwari hwepedyo naJehovha hakunei nekuti une makore mangani.—Zvir. 20:11.
Taura nevabereki vako nezvenyaya yekubhabhatidzwa (Ona ndima 8)
9. Nei vamwe vachinonoka kubhabhatidzwa?
9 Vamwe vanhu vanorega kubhabhatidzwa kunyange zvazvo vava kukodzera. Vanenge vachida kuzobhabhatidzwa musi mumwe chete neshamwari dzavo kana kuti nemumwe munhu wemumhuri. Hapana chakaipa nekubhabhatidzwa musi mumwe chete nemumwe munhu waunoda. Asi ungabva watononoka kubhabhatidzwa nemhaka yechikonzero ichocho here? Yeuka kuti kuzvitsaurira kwaunoita kuna Jehovha hakunei nemumwe munhu. Zvinoitwa nevamwe vanhu hazvifaniri kukunonotsa kubhabhatidzwa.—VaR. 14:12.
YEUKA KUTI MUGUMO WAVA PEDYO
10. Nei vamwe vachinonoka kutora matanho ekuti vabhabhatidzwe?
10 Kuwedzera pazvikonzero zvataurwa mundima dzapfuura, vamwe vanononoka kutora matanho achaita kuti vabhabhatidzwe nekuti vanofunga kuti mugumo uchiri kure. Asi zvine musoro here? Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai makagadzirira, nekuti Mwanakomana wemunhu ari kuuya panguva yamusingafungiri.”—Ruka 12:40.
11. Patinowedzera kuziva Jehovha tinonzwa tichida kuitei, uye nemhaka yei? (Pisarema 119:60)
11 Chinoita kuti tizvitsaurire kuna Jehovha uye tibhabhatidzwe ndechekuti tinomuda uye tinoda kumuteerera. Patinowedzera kuziva zvakawanda nezvaJehovha tinowedzerawo kuda mitemo yake uye hativerengeri kushandisa zvatinenge tadzidza. (Verenga Pisarema 119:60.) Jakobho akataura chimwe chikonzero chinoita kuti tide kukurumidza kuita zvinotaurwa naJehovha. Hapana anoziva zvichaitika mangwana. Mangwana tinogona kushaya mukana wacho saka ino ndiyo nguva yekuti tiite zvatinoziva kuti ndizvo zvakarurama.—Jak. 4:13-17.
12. Tinodzidzei pamufananidzo waJesu wevashandi vemumunda wemizambiringa?
12 Funga nezvemuenzaniso waJesu wevashandi vemumunda wemizambiringa. Akataura kuti vaya vakanga vashanda kweawa imwe chete vakangobhadharwa zvakafanana nevaya vakanga vashanda kwezuva rese. Asi nei vamwe vakashanda kweawa imwe chete? Vakati “Hapana munhu atitora.” Saka hakusi kuti vakanga vaine husimbe. Asi vakanga vasina kungopinzwa basa chete. Saka pavakangodaidzwa vakabva vatotanga kushanda. (Mat. 20:1-16) Mazuva ano, Jesu akatidaidza kuti tive vadzidzi vake uye kuti tiite basa rekuparidza Umambo. Saka patinongoziva zvatinokumbirwa naJesu kuti tiite tinofanira kubva tatozviita.
13. Tinodzidzei kubva panyaya yemudzimai waRoti?
13 Vamwe vanononoka kutora matanho ekuti vashumire Jehovha vachifunga kuti vachazozviita kana mugumo wava pedyo. Asi kuita izvozvo kunogona kutowedzera kuita kuti zviome kuti vashumire Jehovha. Jesu anoziva kuoma kwazvakaita zvekuti akaudza vadzidzi vake kuti: “Yeukai mudzimai waRoti.” (Ruka 17:31-35) Mudzimai waRoti aiziva kuti Sodhomu neGomora zvakanga zvava kuparadzwa asi mwoyo wake nepfungwa zvakaramba zviri pazvinhu zvakanga zvasara kumashure. (Gen. 19:23-26) Zvakaitika izvi zvinotidzidzisa kuti Jehovha ane nguva yaakatara yekuti kana yasvika, panenge pasisina mukana wekuti munhu achinje mararamiro ake otanga kumushumira.—Ruka 13:24, 25.
14. Kuzadzika kuri kuita uprofita hweBhaibheri kunogona kukubatsira kuti uitei?
14 Zvinhu zviri kuitika panyika zuva rimwe nerimwe zviri kunyatsoratidza kuti zvakataurwa neBhaibheri nezvemugumo ndezvechokwadi. Kunyange zvazvo zvimwe zvinhu zvakataurwa neBhaibheri zvisiri kuitika kwaunogara, kuzviona zvichiitika kune dzimwe nzvimbo kana kuti dzimwe nyika, kunofanira kukubatsira kuti uone kukosha kwekuti ubhabhatidzwe nekukurumidza. Chimbofunga zvakaudzwa vaKristu vepakutanga nemuapostora Petro. Akavaudza kuti ‘vagare vakagadzirira nemhaka yekuti kuguma kwezvinhu zvese kwakanga kwava pedyo.’ (1 Pet. 4:7) Zvinoratidza sekuti kuguma kwaitaurwa naPetro kwaireva kuparadzwa kwakaitwa Jerusarema netemberi. Vanhu vakanyorerwa tsamba iyi naPetro vaigara kure neJerusarema. Saka Jerusarema paraizoparadzwa vaizenge vari kure naro. (1 Pet. 1:1) Asi pavaizoona uprofita uhwu huchizadzika zvaizoita kuti vawedzere kusimbisa kutenda kwavaiita mune zvimwe zvinhu zvinotaurwa naJehovha. Newewo zvakakosha kuti uone kuzadzika kuri kuita uprofita hwakataurwa neBhaibheri. Paunoona kuzadzika kwahwo uye kuti tava pedyo sei nemugumo, izvozvo zvinogona kuita kuti unzwe uchida kutora matanho ekuti ubhabhatidzwe.
15. Tingaita sei kuti tigadzirire kuuya kwezuva raJehovha? (2 Petro 3:10-13)
15 Mutsamba yake yechipiri muapostora Petro akatsanangura kuti zvii zvatingaita kuti tigadzirire kuuya kwezuva raJehovha, kureva mugumo. Panguva yakanyora Petro tsamba iyi, zuva raJehovha rakanga riri kure chaizvo kuvaKristu ivavo vepakutanga. Asi kunyange zvakadaro akavaudza kuti ‘varambe vachifunga’ nezvezuva iroro. (Verenga 2 Petro 3:10-13.) Isuwo tinogona kuramba tichifunga nezvezuva iri kana tikagara takagadzirira kuuya kwaro. Tinoita izvi ‘nemararamiro edu matsvene’ uye nekuita mabasa “ekuzvipira kuna Mwari”! Edza kufungidzira kufara kunoita Jehovha paanokuona uchiita mabasa ekuzvipira kwaari. Achatozowedzera kufara paachakuona uchizvitsaurira kwaari uye uchibhabhatidzwa.
USAVERENGERA KUBHABHATIDZWA
16. Ndiriini paunofanira kutanga kutora matanho ekuti uzobhabhatidzwa? (2 VaKorinde 6:1, 2) (Onawo mifananidzo.)
16 Ino ndiyo nguva yekuti utore matanho ekuti uzobhabhatidzwa. (Verenga 2 VaKorinde 6:1, 2.) Murume uya wekuItiopiya akaparidzirwa naFiripi akanzwisisa kuti aifanira kubhabhatidzwa nekukurumidza. Paakangonzwisisa mashoko akanaka uyewo paakaona kuti pane mvura yekuti abhabhatidzwe haana kumbopedza nguva achifunga kuti: ‘Ndiri kuda imwe nguva yekuti ndiwedzere kudzidza zvimwe. Ndinofunga kuti kumberi uko ndichazoonazve pamwe pane mvura.’ Akangobvunza Firipi kuti, “Chii chinganditadzisa kubhabhatidzwa?” (Mab. 8:26, 27, 35-39) Uyu muenzaniso wakazonaka! Murume uyu paakabhabhatidzwa, “akapfuurira nerwendo rwake achifara.”
Zvakaitwa nemurume wekuItiopiya zvinotidzidzisa kuti iye zvino ndiyo nguva yekuti munhu atore matanho ekuti azobhabhatidzwa (Ona ndima 16)a
17. Jehovha achakubatsira sei?
17 Kana uri kutya kubhabhatidzwa, ziva kuti Jehovha akagadzirira kukubatsira kuti uve neushamwari naye. Anoda kuti uve pedyo naye. (VaR. 2:4) Anogona kukubatsira kana uchitya, kana kuti uchifunga kuti ungazotadza kurarama zvinoendererana nezvaanoda uye kana pasina vanhu vanokukurudzira kuti ubhabhatidzwe. Pauchabhabhatidzwa uchafara zvikuru nekuti unenge uchiziva kuti uri kufadza Jehovha. Uye uchatozoona kuti ‘zvinhu zvawakasiya kumashure’ hazvitombokoshi kupfuura zvawakazowana. (VaF. 3:8, 13) Uchange wava kutarisa “zvinhu zviri mberi,” kureva zvinhu zvinovimbiswa naJehovha kune vanozvitsaurira kwaari vobhabhatidzwa.—Mab. 3:19.
RWIYO 38 Achakusimbisa
a KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume wekuItiopiya ndiye akaudza Firipi kuti anoda kubhabhatidzwa. Musikana ari kudzidza Bhaibheri aenda kuvakuru kunovaudza kuti anoda kubhabhatidzwa.