Vana “Inhaka Inobva Kuna Jehovha”
CHII chinouya mupfungwa dzako ukanzwa kuti “nhaka”? Pamwe unogona kufunga nezvemari, mudziyo, kana kuti chimwe chinhu chinokosha chaunenge wakapiwa nemunhu wemumhuri mako waunoda. Pasinei nekuti chii chaunenge wapiwa, chatinoziva ndechekuti nhaka inokosha uye unoita zvese zvaunogona kuti uichengetedze.
Bhaibheri rinoti vana “inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pis. 127:3) Vabereki vanoda Jehovha vanoona vana vavo sezvipo zvinokosha zvavakapiwa naBaba vavo vekudenga. Vanoita zvese zvavanogona kuti vavachengetedze, vavape zvavanoda pakurarama, vaite kuti vafare, uye vavabatsire kuti vave shamwari dzaJehovha.
Asi zvinosuwisa kuti vamwe vabereki havaoni vana vavo sezvipo zvavakapiwa naMwari. (Isa. 49:15; 2 Tim. 3:1-3) Vamwewo vanotoda kuchengeta vana vavo asi zvinovaomera nemhaka yezvikonzero zvakasiyana-siyana. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvacho? Jehovha anoda kuti vabereki vaitirei vana vavo? Uye vabereki vechiKristu vangaitei kuti vabudirire kurera vana vavo zvakanaka?
ZVII ZVINOITA KUTI ZVIVAOMERE?
Kuda kufadza vanhu vemunharaunda neveukama. Mune dzimwe nyika, vabereki vane vana vakawanda vanoremekedzwa zvikuru. Izvi zvinoita kuti vakaroorana vaite vana vakawanda kudarika vavanokwanisa kuchengeta vachiitira kufadza veukama kana kuti vamwe vanhu.
Kutyira ramangwana. Mune dzimwe nyika vana vakawanda vanofa nemhaka yenzara, kushomeka kwezvipatara, uye zvirwere zvakawanda, saka vabereki vanoita vana vakawanda vachiitira kuti pawane vanorarama. Vamwewo ndivo vanoita vana vakawanda vachiitira kuti vazochengetwa kana vakura. Izvi zvinowanzoitika munyika dzine hurumende dzisingakwanise kubatsira vakwegura.
Kuronga mhuri. Mune dzimwe nzvimbo kuwana zvinhu zvinoita kuti munhu asabate pamuviri kunonetsa. Vamwe havanyatsovimbi nezvinhu zvinodzivirira pamuviri zvinowanikwa munzvimbo dzavanogara saka vanotyira kuti vanogona kuzorwara. Kune vamwewo, zvinhu zvacho zvinovadhurira saka havakwanise kuzvitenga.a
JEHOVHA ANODA KUTI VABEREKI VAITIREI VANA VAVO?
Wanira nguva mwana mumwe nemumwe
Ipa vana vako zvavanoda pakurarama. Jehovha akapa vabereki basa rekupa vana vavo zvekurarama nazvo. Anotarisira kuti vabereki vashande nesimba kuti vape vana vavo zvekudya, zvekupfeka, uye pekugara. Jehovha anodawo kuti vabereki vadzidzise vana vavo. Panyaya yekudzidza kuchikoro chebhodhin’i vabereki vechiKristu vanofanira kutanga vanyatsofunga. Zvakanyanya kunaka ndezvekuti vagare nevana vavo kusvikira vakura kuitira kuti vavadzidzise zvinhu zvinozovabatsira muupenyu. Vanofanirawo kuwana nguva nevana vavo kuitira kuti vanzwe vakachengeteka uye vachidiwa. Kunyange zvakadaro, Jehovha ndiMwari anonzwisisa. Haatarisiri kuti vabereki vave vakapfuma. Vabereki vakasarudzwa naJehovha kuti varere Mwanakomana wake vainge vasina kupfuma asi vaishanda nesimba kuti vamupe zvaaida pakurarama.—Mat. 13:55, 56; Ruka 2:24.
Zvinodzidziswa neBhaibheri: “Chokwadi kana munhu asingachengeti vekwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, anenge aramba kutenda uye akaipa kupfuura munhu asingatendi.”—1 Tim. 5:8.
Jehovha anonzwisisa kuti vabereki vanogona kuda kubatsirwa pavanenge vakwegura. Tingatoti imwe nzira ingaratidza nayo vana kuti vanoremekedza vabereki vavo ndeyekuvabatsira pavanenge vakwegura. (Eks. 20:12; 1 Tim. 5:4) Jehovha anofara kana vabereki vakanyanya kufunga kuti vangachengeta sei vana vavo pane kungofunga kuti ivo vangazochengetwa sei.—2 VaK. 12:14.
Dzidzisa vana vako nezvaJehovha. Vabereki vakapiwawo basa rekuti vadzidzise vana vavo kuda Jehovha uye kumunamata. Kuna Jehovha chinhu chakanyanya kukosha chingaitwa nevabereki pakurera vana vavo kuvadzidzisa nezvake.—Dheut. 6:6, 7.
Zvinodzidziswa neBhaibheri: ‘Rerai vana venyu muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.’—VaEf. 6:4.
JEHOVHA ANODA KUKUBATSIRAI
Kurukurai kuti mungazoda kuva nevana vangani
Fungai zvinodiwa pakuchengeta vana. Kana muri kufunga kuzova nevana, ongororai mamiriro enyu ezvinhu. Semuenzaniso, muchazowana mari yekupa vana vakawanda zvekudya, zvekupfeka, uye kuvaendesa kuchikoro here? Kana mukaona kuti hamuzvikwanise, kurukurai kuti muone kuti vana vangani vamunokwanisa kuzochengeta sezvinodiwa naJehovha. Asi yeukai kuti Jehovha anonzwisisa kana zvinhu zvikasazofamba sekuronga kwamakanga maita. (Mup. 9:11) Saka achakomborera kushanda nesimba kwamunoita kuti muve vabereki vakanaka.
Zvinodzidziswa neBhaibheri: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire, asi vanhu vese vanokurumidzira zvinhu vachava varombo.”—Zvir. 21:5.
“Ndiani wenyu asingatangi agara pasi kana achida kuvaka shongwe, kuti averenge zvaachashandisa, kuti aone kana aine zvinokwana kuzoipedza?”—Ruka 14:28.
Jehovha ngaave pekutanga mumhuri menyu. Itai kuti kunamata Jehovha chive chinhu chinonyanya kukosha mumhuri menyu. Kana muine vana, wanai nguva yekuti mudzidzise mumwe nemumwe wavo kuda Jehovha. Vabatsirei kuti vanyatsoteerera pavanenge vari pamisangano. Ivai nepurogiramu yakarongeka yekunamata kwemhuri vhiki rega rega. Dzidzisai vana venyu kuparidza. Musapa vana vakura mumhuri kana kuti vamwe veukama basa rekurera vana venyu. Zvinoda nguva uye kushanda nesimba kuti mudzidzise vana venyu kuda Jehovha, asi mubayiro wacho wakakura.
Zvinodzidziswa neBhaibheri: “Hapana chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kuramba vachifamba muchokwadi.”—3 Joh. 4.b
Vimbai naJehovha. Kana muri kuronga kuzova nevana kana kuti pamwe mutori navo, ivai nechokwadi chekuti zvinodzidziswa naJehovha ndizvo zvinonyanya kukosha kudarika tsika dzekwamunogara kana kuti zvinotaurwa nevanhu.
Zvinoda nguva uye kushanda nesimba kuti mudzidzise vana venyu kuda Jehovha
Kana mukasarudza kuva nevana vashoma, vimbai naJehovha kuti achakupai zvamunoda pamunenge makwegura. Pasinei nezvinofungwa nevanhu musaona sekuti munofanira kuita vana muchiitira kuti vazokuchengetai. Musatya kuti muchashaya achazokuchengetai. Jehovha anovimbisa kukuchengeta, uye anoita zvaanenge ataura.—Josh. 23:14.
Zvinodzidziswa neBhaibheri: “Vimba naJehovha nemwoyo wako wese, urege kuvimba nekunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzese, uye iye acharuramisa makwara ako.”—Zvir. 3:5, 6.
“Ndaimbova mudiki asi iye zvino ndakwegura. Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa, kana vana vake vachitsvaga zvekudya.”—Pis. 37:25.
“Saka rambai muchitanga kutsvaga Umambo nekururama kwake, uye zvimwe zvinhu zvese izvi zvichawedzerwa kwamuri.”—Mat. 6:33.
Vana zvipo zvinokosha zvakapiwa vabereki naJehovha. Jehovha anofara chaizvo paanoona vabereki vechiKristu vachirera vana vavo maererano nezvaanoda! Vanofanira kuva nechokwadi chekuti vana vavo vawana zvavanoda pakurarama, vari kufara uye vavadzidzisa zvinodiwa naMwari. Vanofanirawo kuronga kuti vanoda kuva nevana vakawanda sei vachifunga zvinotaurwa neBhaibheri kwete kutevedzera tsika kana zvinotaurwa nevanhu. Pavanodaro, vanoratidza kuti vanoda vana vavo chaizvo uye vanovaona ‘senhaka inobva kuna Jehovha.’
a Murume nemudzimai vanofanira kuzvisarudzira vega kana vachida kushandisa zvekudzivirira pamuviri uye kuti zvii zvavangada kushandisa. Vanozvisarudzira kuti vachava nevana vangani, vachavaita riini, uye kuti vangada here kushandisa zvinhu zvekudzivirira pamuviri zvisingasanganisiri zviya zvinobvisa pamuviri panenge patobata. Hapana anofanira kuvatonga pane zvavanenge vasarudza. (VaR. 14:4, 10-13) Asi vaKristu vanofanira kuramba vachiyeuka mashoko ari pana 1 VaKorinde 7:3-5.
b Vana vanotaurwa muvhesi iyi vaKristu vakadzidziswa chokwadi naJohani, asi vabereki vechiKristu ndomanzwiro avanoitawo nezvevana vavo vanoshumira Jehovha.