RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w25 March pp. 26-31
  • Ruoko rwaJehovha Haruna Kupfupika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ruoko rwaJehovha Haruna Kupfupika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • DZIDZA KUBVA KUNA MOZISI UYE VAISRAERI
  • PATINENGE TICHINETSEKA NENYAYA DZEMARI
  • PATINENGE TICHINETSEKA KUTI TICHARARAMA SEI KANA TAKURA
  • Dzidza Pamashoko Ekupedzisira Akataurwa Nevarume Vakatendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Tingaita Sei Zvisarudzo Zvinoratidza Kuti Tinovimba naJehovha?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2023
  • Zvininipise Uchibvuma Kuti Pane Zvimwe Zvinhu Zvausingazivi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Yeuka Kuti Jehovha Ndiye “Mwari Mupenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
w25 March pp. 26-31

NYAYA YEKUDZIDZA 13

RWIYO 4 “Jehovha Ndiye Mufudzi Wangu”

Ruoko rwaJehovha Haruna Kupfupika

“Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here?”—NUM. 11:23.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvinhu zvichatibatsira kuti tiwedzere kuvimba kuti Jehovha acharamba achitipa zvatinoda pakurarama.

1. Mozisi akaratidza sei kuti aivimba naJehovha paaitungamirira vaIsraeri kubva kuIjipiti?

MUBHUKU raVaHebheru munotaurwa nezvevanhu vakawanda vaiva nekutenda. Mozisi ndemumwe wavo uye aiva nekutenda kunoshamisa. (VaH. 3:​2-5; 11:​23-25) Akaratidza kutenda paakatungamirira vaIsraeri kubva kuIjipiti. Akaramba kutyisidzirwa naFarao nemauto ake. Achivimba naJehovha, Mozisi akatungamirira vanhu vaMwari pavaiyambuka Gungwa Dzvuku uye akazovatungamirirawo murenje. (VaH. 11:​27-29) VaIsraeri vakawanda vakapedzisira vasisavimbe kuti Jehovha aikwanisa kuvachengeta, asi Mozisi akaramba achivimba naMwari wake. Jehovha haana kurasisa Mozisi asi akaita kuti vanhu vake vawane zvekudya nemvura kuti varambe vachirarama murenje mavaiva.a—Eks. 15:​22-25; Pis. 78:​23-25.

2. Nei Mwari akabvunza Mozisi kuti: “Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here”? (Numeri 11:​21-23)

2 Kunyange zvazvo Mozisi aiva nekutenda kwakasimba, pashure perinenge gore Mwari anunura vaIsraeri zvinoshamisa, akatanga kunetseka kuti Jehovha aizokwanisa here kupa vanhu vake nyama sezvaakanga avimbisa. Paiva nemamiriyoni evanhu uye vaiva murenje makanga musina zvekudya zvakawanda, saka Mozisi ainetseka kuti aizowana kupi nyama inokwana vanhu vese ava. Jehovha akapindura Mozisi achiti: “Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here?” (Verenga Numeri 11:​21-23.) Pano mashoko ekuti “ruoko rwaJehovha” ari kureva mweya mutsvene waMwari kana kuti simba raanoshandisa kuita kuda kwake. Saka tinogona kuti Jehovha aibvunza Mozisi kuti, ‘Unofunga kuti ndingatadza here kuita zvandakavimbisa kuti ndichaita?’

3. Nei zvichikosha kuti tiongorore zvakaitika kuna Mozisi nevaIsraeri?

3 Wakambonetseka here kuti Jehovha achapa iwe nemhuri yako zvamunoda pakurarama? Pasinei nekuti wakambonetseka nazvo here kana kuti kwete, ngationgororei zvakaitika kuna Mozisi nevaIsraeri avo vakatadza kuvimba kuti Mwari aizovapa zvavaida pakurarama. Magwaro atichakurukura achatibatsira kuti tiwedzere kuvimba kwatinoita kuti ruoko rwaJehovha haruna kupfupika.

DZIDZA KUBVA KUNA MOZISI UYE VAISRAERI

4. Chii chinogona kunge chakaita kuti vanhu vakawanda vatange kusava nechokwadi chekuti Jehovha aizovapa zvavaida pakurarama?

4 Chimbofunga zvakaitika. Rudzi rwevaIsraeri uye “boka guru revamwe vanhu vakasiyana-siyana” vakanga vasiri vaIsraeri, vakanga vari kufamba pakati perenje kubva kuIjipiti vachienda kuNyika Yakapikirwa. (Eks. 12:38; Dheut. 8:15) Boka guru revanhu vakasiyana-siyana rakanga raneta nekudya mana uye vaIsraeri vakawanda vakatangawo kugunun’una. (Num. 11:​4-6) Vanhu vakatanga kutaura kuti vakanga vasuwa zvekudya zvaiwanikwa kuIjipiti. Nemhaka yeizvi, Mozisi akatanga kufunga kuti ndiye aifanira kupa vanhu zvekudya.—Num. 11:​13, 14.

5-6. Zvidzidzo zvipi zvatinowana kubva pane zvakaitika kune vamwe vaIsraeri?

5 VaIsraeri vakakanganiswa nevanhu vakanga vasiri vaIsraeri vaiva pakati pavo, avo vakanga vasingatendi zvese zvavakanga vaitirwa naJehovha. Nesuwo tinogona kukanganiswa nevamwe vanoratidza kusaonga zvatinoitirwa naJehovha topedzisira tava kusagutsikana nezvinhu zvaanotipa. Izvi zvinogona kuitika kana tikanyanya kuisa pfungwa dzedu pane zvinhu zvataiva nazvo kana kuti tikatanga kuchiva zvine vamwe. Asi tinowedzera kufara kana tikadzidza kugutsikana pasinei nemamiriro edu ezvinhu.

6 VaIsraeri vaifanira kuyeuka kuti Mwari akanga avavimbisa kuti pavaizosvika munyika yavo aizovapa zvinhu zvakawanda. Vimbiso iyoyo yaizozadziswa vasvika muNyika Yakapikirwa kwete vachiri kufamba murenje. Nesuwo, pane kuti tiise pfungwa pane zvinhu zvatisina munyika ino, zvinokosha kuti tiise pfungwa pane zvinhu zvatakavimbiswa naMwari kuti achatipa kana tava munyika itsva. Tinogona kufungisisawo magwaro anotibatsira kuti tiwedzere kuvimba kwatinoita naJehovha.

7. Nei tiine chivimbo chekuti ruoko rwaJehovha haruna kupfupika?

7 Asi unogona kunetseka kuti nei Mwari akabvunza Mozisi kuti: “Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here?” Jehovha anogona kunge aida kuti Mozisi afunge zvinhu izvi zviviri: (1) Kuti simba rake harina parinogumira, uye (2) anokwanisa kushandisa simba rake chero kwaanenge ada kunyange kunzvimbo dziri kure chaizvo. Mwari aikwanisa kupa vaIsraeri nyama yakawanda pasinei nekuti vakanga vari pakati chaipo perenje. “Neruoko rune simba uye neruoko rwakatambanudzwa,” Mwari akaratidza simba rake. (Pis. 136:​11, 12) Saka patinenge tiri panguva yakaoma, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anokwanisa kubatsira mumwe nemumwe wedu pasinei nekwatinenge tiri.—Pis. 138:​6, 7.

8. Tingaita sei kuti tisaita chikanganiso chakaitwa nevakawanda murenje? (Onawo mufananidzo.)

8 Jehovha akaita zvaakanga avimbisa uye akapa vanhu vake zvihuta zvakawanda chaizvo. Asi vaIsraeri havana kutenda Mwari nekuda kwechishamiso ichi. Vakawanda vavo vakatoratidza makaro. Vakaswera vachiunganidza zvihuta zvakawanda, vakarara vachizviunganidza, ndokumukira kuzviunganidza zvakare. Jehovha akashatiriswa nazvo nekuti “vanhu vakaratidza makaro,” uye akavaranga. (Num. 11:​31-34) Tinogona kudzidza kubva pane zvakaitika kwavari. Tinofanira kungwarira kuti tisava nemakaro. Tingava tiri varombo kana kuti vapfumi, tinofanira kuva nechokwadi chekuti tiri kuzviunganidzira “pfuma kudenga” kuburikidza nekuvaka ushamwari hwakasimba naJehovha naJesu. (Mat. 6:​19, 20; Ruka 16:9) Kana tikadaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatipa zvatinoda.

VaIsraeri vachiunganidza zvihuta zvakawanda usiku vari murenje.

Vanhu vakawanda vakaita sei Jehovha paakavapa zvihuta, uye tinodzidzei kubva pane zvakaitika? (Ona ndima 8)


9. Tinogona kuva nechokwadi chei?

9 Jehovha anoshandisa ruoko rwake kuti abatsire vanhu vake mazuva ano. Izvi hazvirevi hazvo kuti hatizomboshayi zvekurarama nazvo kana kuti hatizomborari nenzara.b Asi tinoziva kuti Jehovha haazombofa akatisiya. Achatitsigira mumatambudziko edu. Saka tingaratidza sei kuti tinovimba kuti Jehovha achatipa zvatinoda? Ngatikurukurei zvinhu zviviri: (1) patinenge tichinetseka nenyaya dzemari uye (2) patinenge tichinetseka kuti tichararama sei kana takura.

PATINENGE TICHINETSEKA NENYAYA DZEMARI

10. Zvinhu zvipi zvinogona kuitika zvinogona kuita kuti tinetseke panyaya dzemari?

10 Nyika ino zvairi kuramba ichiswedera pedyo nekumagumo kwayo, tinogona kutarisira kuti matambudziko eupfumi acharamba achiwedzera. Kusagadzikana mune zvematongerwo enyika, hondo, njodzi dzinongoitika dzega uye zvirwere zvinopararira zvinogona kuita kuti tingoerekana tarasikirwa nebasa redu uye zvinhu zvedu. Tinogona kunge tava kutofanira kutsvaga rimwe basa kunzvimbo yatinenge tava kugara. Kana kuti tinogona kunge tava kufunga nezvekuita kuti mhuri yedu itame iende kunogara kune imwe nzvimbo kuitira kuti tikwanise kuiriritira. Pakadaro, chii chinogona kutibatsira kuti tiite chisarudzo chinoratidza kuti tiri kuvimba kuti Jehovha achatitsigira neruoko rwake?

11. Zvii zvingakubatsira kana uchinetseka nenyaya dzemari? (Ruka 12:​29-31)

11 Zvinokosha kuti uudze Jehovha zvinhu zvinenge zvichikunetsa. Izvi zvichakubatsira zvikuru. (Zvir. 16:3) Mukumbire kuti akupe uchenjeri hwekuti usarudze zvakanaka uye mwoyo wakadzikama unoita kuti usarambe ‘uchizvidya mwoyo’ nezvemamiriro ako ezvinhu. (Verenga Ruka 12:​29-31.) Teterera kwaari kuti akubatsire kugutsikana nezvinhu chaizvo zvaunoda muupenyu. (1 Tim. 6:​7, 8) Tsvakurudza mumabhuku edu kuti uone kuti zvii zvaungaita paunenge uchisangana nematambudziko emari. Vanhu vakawanda vakabatsirwa nenyaya dziri pajw.org dzinopa mazano anobatsira panyaya dzemari.

12. Mibvunzo ipi inogona kubatsira muKristu kuti asarudze zvichabatsira mhuri yake?

12 Vamwe vakasarudza mabasa aizoita kuti vave kure nemhuri dzavo, asi vazhinji vakazodemba zvavakanga vasarudza. Kana uchida kusarudza kuti wobvuma rimwe basa here, haufaniri kungofunga kuti uchawana mari yakawanda sei, asi unofanira kuzvibvunza kuti: ‘Basa iri harinditadzise here nemhuri yangu kuti tirambe tiri pedyo naJehovha?’ (Ruka 14:28) Zvibvunzewo kuti: ‘Chii chinogona kuitika kuwanano yangu kana ndikava kure nemumwe wangu? Ndinozokwanisa here kuramba ndichipinda misangano yese, kuita ushumiri uye kuva nenguva nehama nehanzvadzi?’ Kana uine vana, unofanirawo kuzvibvunza mubvunzo uyu unokosha wekuti: ‘Kana ndikava kure nevana vangu ndinozokwanisa here kuvarera “ndichivaranga nekuvarayira sezvinodiwa naJehovha”?’ (VaEf. 6:4) Tungamirirwa nemafungiro aMwari kwete zvinotaurwa nehama kana shamwari dzako dzisingaremekedzi zvinotaurwa neBhaibheri.c Tony, uyo anogara kumadokero kweAsia, akanzwa kuti kune imwe nyika kwakanga kwamuka mabasa akawanda aizoita kuti atambire mari yakawanda. Asi pashure pekunge anyengetera nezvazvo uye akurukura nemudzimai wake, akasarudza kusabvuma mabasa aya asi akafunga nezvekuti zvii zvavangachinja muupenyu hwavo kuti vakwanise kurarama nemari shoma. Achifunga pamusoro pezvaakasarudza, Tony anoti: “Ndakava neropafadzo yekubatsira vanhu vakawanda kuti vasvike pakuziva Jehovha, uye vana vedu vari kunakidzwa nekuva muchokwadi. Semhuri takadzidza kuti chero bedzi tichirarama tichitevedzera mashoko ari pana Mateu 6:​33, Jehovha achatipa zvatinoda pakurarama.”

PATINENGE TICHINETSEKA KUTI TICHARARAMA SEI KANA TAKURA

13. Ndezvipi zvatinogona kuita iye zvino kuti tizowana zvekurarama nazvo patinenge takura?

13 Tinogona kuratidzawo kuti tinovimba naJehovha zvakadini patinenge tichironga mararamiro atichaita patinenge takura. Bhaibheri rinotikurudzira kuti tishande nesimba kuitira kuti tizova nemari inokwana yekuzviriritira mune ramangwana. (Zvir. 6:​6-11) Kana tichikwanisa, zvakanaka kuti tichengete imwe mari yatinozoshandisa mune ramangwana. Ichokwadi kuti mari ine kakutidzivirira kainoita. (Mup. 7:12) Asi hatifaniri kuzoita kuti kutsvaga mari kuve pekutanga muupenyu hwedu.

14. Nei tichifanira kufunga nezvaVaHebheru 13:5 patinenge tichironga nezveupenyu hwedu mune ramangwana?

14 Jesu akataura mufananidzo unoratidza kusachenjera kwekuunganidza pfuma panyika asi tisina “kupfuma kuna Mwari.” (Ruka 12:​16-21) Hakuna munhu anoziva zvichaitika mune ramangwana. (Zvir. 23:​4, 5; Jak. 4:​13-15) Uyewo Jesu akataura kuti vese vaida kumutevera vaifanira kunge vakagadzirira ‘kusiya zvinhu’ zvavo. (Ruka 14:​33, mashoko emuzasi) VaKristu vekutanga vemuJudhiya vakasangana nemamiriro ezvinhu ekuti vaitofanira kusiya zvinhu zvavo, asi vakazviita vachifara. (VaH. 10:34) Mazuva ano hama dzakawanda dzaifanira kubvuma kurasikirwa neupfumi hwavo nemhaka yekuti vairamba kutsigira rimwe bato rezvematongerwo enyika. (Zvak. 13:​16, 17) Chii chakavabatsira kuti vakwanise kuita izvozvo? Vaivimba zvakazara nemashoko aJehovha ekuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” (Verenga VaHebheru 13:5.) Tinoita zvese zvatinogona kuti tironge ramangwana redu. Asi kana zvimwe zvinhu zvatisingatarisiri zvikaitika, tinovimba naJehovha kuti achatitsigira.

15. Vabereki vechiKristu vanofanira kuva nemaonero api panyaya yekuva nevana? (Onawo mufananidzo.)

15 Mune dzimwe nzvimbo, zvinonzi munhu anofanira kuita vana kuitira kuti vazomuchengeta kana achinge akura. Asi Bhaibheri rinoti vabereki ndivo vanofanira kuchengeta vana vavo. (2 VaK. 12:14) Ichokwadi kuti vabereki vanogona kuzoda kubatsirwa nevana vavo kana vachinge vakura uye vana vakawanda havana dambudziko nekubatsira vabereki vavo. (1 Tim. 5:4) Asi vabereki vechiKristu vanofanira kuyeuka kuti mufaro wavo haubvi pakurera vana vachiitira kuti vana ava vazovachengeta kana vakura, asi unobva pakubatsira vana vavo kuti vashumire Jehovha.—3 Joh. 4.

Murume nemudzimai vachitaura nemwanasikana wavo nemurume wake vachionana pavhidhiyo. Mwanasikana wacho nemurume wake vakapfeka hembe dzinoratidza kuti vari kushanda pabasa rekuvaka.

Murume nemudzimai vanovimba naJehovha vanoteerera zvinotaurwa neBhaibheri pakuita zvisarudzo zvine chekuita neramangwana ravo (Ona ndima 15)d


16. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vazokwanisa kuzviraramira? (VaEfeso 4:28)

16 Pamunenge muchibatsira vana venyu kuti vadzidze kuti vangazozviraramira sei, varatidzei kuti munovimba naJehovha. Kubvira vachiri vadiki, varatidzei kukosha kwekushanda nesimba. (Zvir. 29:21; verenga VaEfeso 4:28.) Pavanenge vachikura, vabatsirei kuti vashande nesimba kuchikoro. Vabereki vanogona kutsvakurudza kuti vaone mazano eBhaibheri avanogona kushandisa kuti vabatsire vana vavo kusarudza zvakanaka panyaya yekuti vodzidza kusvika papi. Izvi zvichabatsira vana vavo kuti vakwanise kuzozviraramira uye vakwanisewo kuzova nenguva yekuparidza kana kuti yekupayona.

17. Tinogona kuva nechokwadi chei?

17 Vashumiri vaJehovha vanogona kuvimba kuti Jehovha anokwanisa uye ane chido chekuvapa zvavanoda pakurarama. Mugumo wenyika ino zvaucharamba uchiswedera pedyo tichatofanira kuramba tichiwedzera kuvimba kwatinoita naJehovha. Asi pasinei nezvingaitika, tinoda kunyatsosimbisa kuvimba kwatinoita kuti Jehovha achashandisa simba rake kuti atipe zvatinoda. Tinogona kuva nechokwadi chekuti ruoko rwake rune simba uye rwakatambanudzwa haruzombotadzi kutibatsira pasinei nekwatinenge tiri.

UNGAPINDURA SEI?

  • Tinodzidzei pane zvakaitika kuna Mozisi nevaIsraeri?

  • Tingaratidza sei kuti tinovimba naJehovha patinonetseka nenyaya dzemari?

  • Zvii zvatinofanira kufunga nezvazvo patinenge tichironga kuti tichazorarama sei mune ramangwana?

RWIYO 150 Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe

a Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaOctober 2023.

b Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” iri muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2014.

c Ona nyaya yakanzi “Hapana Munhu Anogona Kushandira Vanatenzi Vaviri” iri muNharireyomurindi yaApril 15, 2014.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai vanogara vachitaura nemwana wavo uyo ari kushumira nemurume wake pamabasa ekuvaka Dzimba dzeUmambo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe