ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA
Shandisa Bhaibheri Segirazi
Mudzidzi Jakobho akafananidza Bhaibheri negirazi rinotibatsira kuona zvatiri nechemukati. (Jak. 1:22-25) Tingashandisa sei Bhaibheri segirazi?
Nyatsoriverenga usingamhanyi. Kana tikangozvitarisa pagirazi tichimhanya-mhanya, tinogona kutadza kuona patinenge tichifanira kugadzirisa. Saizvozvowo, kana tikaverenga Bhaibheri tichimhanya-mhanya, tinotadza kuona patinenge tichifanira kugadzirisa. Kuti tione zvatinofanira kugadzirisa, tinofanira kuriverenga tisingamhanyi.
Isa pfungwa pauri kwete pane vamwe. Kana tisina kunyatsobata girazi zvakanaka tinogona kuona vamwe vanhu, totanga kuisa pfungwa pane zvisina kumira zvakanaka pavari. Saizvozvowo, patinenge tichiverenga Bhaibheri tinogona kutanga kuona pari kufanira kugadziriswa nevamwe. Asi izvozvo zvinoita kuti tisaona patinenge tichifanira kugadzirisa.
Iva munhu anonzwisisa. Kana tikatarisa pagirazi, tongoisa pfungwa pane zvinhu zvisina kunaka zviri patiri, tinogona kuora mwoyo. Saka patinoverenga Shoko raMwari tinofanira kunzwisisa kuti Jehovha haatarisiri kuti tiite zvakawanda kupfuura zvatinokwanisa.—Jak. 3:17.