RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 November p. 7
  • Mazano Ekuti Misangano Yebasa Remumunda Ibatsire

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mazano Ekuti Misangano Yebasa Remumunda Ibatsire
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 November p. 7
Mifananidzo: 1. Hama iri kugadzirira kuitisa musangano webasa remumunda. Tumifananidzo tudiki tunoratidza maturakiti akasiyana-siyana, munhu ari kuverenga nhau, uye saimba ari kuramba turakiti. 2. Hama iya ichiitisa musangano webasa zuva rakatevera racho yakabata turakiti neBhaibheri.

KURARAMA KWECHIKRISTU

Mazano Ekuti Misangano Yebasa Remumunda Ibatsire

Misangano yebasa remumunda yakangofanana nemimwe misangano yese pakuti tinoipiwa naJehovha kuti tikwanise kukurudzirana kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka. (VaH 10:24, 25) Inofanira kuitwa mumaminitsi 5 kana kuti 7, kusanganisira kugova vanhu, kuvapa ndima nekunyengetera. (Kana musangano wacho ukaitwa pashure pemumwe musangano, unofanira kunge uri mupfupi kupfuura ipapo.) Muitisi anofanira kugadzirira chimwe chinhu chichabatsira vaya vachaita ushumiri zuva iroro. Semuenzaniso, musi weMugovera, vakawanda vanenge varipo vanenge vakapedzisira kubuda muushumiri kupera kwevhiki rakapfuura, saka zvingabatsira kana muitisi akakurukura zvatingataura nasaimba. Ndedzipi dzimwe nyaya dzinobatsira dzekukurukura nezvadzo?

  • Mharidzo yekuenzanisira inobva muUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa

  • Kushandisa kwatingaita zviri munhau kana zvimwe zvinhu zviri kuitika mazuva ano kuti titange kukurukura nasaimba

  • Kupindura kwatingaita munhu anenge asingadi kuti tikurukure naye

  • Kupindura munhu asingatendi muna Mwari, asingabvumi kuti zvinhu zvakasikwa, anotaura mumwe mutauro, kana kuti wechimwe chitendero chakakurumbira mundima yenyu

  • Mashandisiro atingaita chimwe chinhu chiri pajw.org, paJW Library® app, kana kuti muBhaibheri

  • Mashandisiro atingaita chimwe chinhu chiri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa

  • Zvatingaita pakuparidza nefoni, kunyora tsamba, kuparidza munzvimbo dzinopfuura nevakawanda, kudzokera kunoona vanofarira kana kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri

  • Zviyeuchidzo zvekuti vaparidzi vange vakachengeteka, vaite kuti mharidzo dzavo dzienderane nasaimba, vave netsika dzakanaka, vave nemafungiro akanaka, kana zvimwewo zvakada kudaro

  • Chidzidzo kana kuti vhidhiyo iri mubhurocha raShingairira Kuverenga Nekudzidzisa

  • Kukurudzira uye kubatsira kwatingaita watinenge tabuda naye muushumiri

  • Vhesi ine chekuita neushumiri kana chimwe chinhu chinokurudzira chakaitika muushumiri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe