RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb21 May p. 5
  • Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Mashoko Akafanana
  • Mienzaniso Inodzidzisa
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Bvuma Kubatsirwa naJehovha Kuburikidza Nekunyengetera
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Shandisa Shoko raMwari
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
  • Wedzera Mufaro Wako Muushumiri—Bvunza Mibvunzo
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
mwb21 May p. 5
Amai nemwana wavo vari kutarisa shiri nemaruva Jesu paari kupa Mharidzo Yepagomo.

SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI

Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha

Patinodzokera kunoona vanhu kana kuti patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, tinofanira kubatsira vatinodzidza navo kunzwisisa pfungwa dzinokosha. Kana tikashandisa mienzaniso pakusimbisa pfungwa idzi, tichanyatsosvika pamwoyo yavo uye havakurumidzi kudzikanganwa.

Paunenge uchigadzirira kudzokera kunoona mumwe munhu kana chidzidzo chako cheBhaibheri, tsvaga kuti pfungwa dzinokosha ndedzipi wosiyana nezvimwe zvinhu zvisinganyanyi kukosha. Chitsvaga mienzaniso iri nyore kunzwisisa yaunoda kuzoshandisa kujekesa pfungwa dzinokosha dzawawana. (Mt 5:14-16; Mk 2:21; Ru 14:7-11) Unofanira kushandisa mienzaniso inoenderana neupenyu hwake kana kuti zvaanenge achitoita panguva iyoyo. (Ru 5:2-11; Joh 4:7-15) Uchawedzera kufara paunoona kufara kwaanoita kana anzwisisa zvauri kumudzidzisa.

ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—SHANDISA MIENZANISO PAKUSIMBISA PFUNGWA DZINOKOSHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:

  • Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha.’ Jade anobvunza Neeta mubvunzo.

    Nei vadzidzi vangada kubatsirwa kuti vanzwisise mavhesi eBhaibheri?

  • Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha.’ Neeta anopa Jade muenzaniso.

    Neeta akashandisa muenzaniso upi kuti ajekese pfungwa iri pana VaRoma 5:12?

  • Chikamu chiri muvhidhiyo inonzi ‘Wana Mufaro Pakuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi—Vandudza Unyanzvi Hwako—Shandisa Mienzaniso Pakusimbisa Pfungwa Dzinokosha.’ Neeta anoratidza Jade vhidhiyo.

    Mienzaniso yakanaka inonyatsosvika pamwoyo

    Kushandisa mienzaniso yakanaka kunobatsira sei vadzidzi vedu?

  • Patinenge tichiita ushumiri hwedu, nei tichifanira kushandisa mavhidhiyo nemamwe maturusi ekudzidzisa atinopiwa nesangano raJehovha?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe