SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI | WEDZERA MUFARO WAKO MUUSHUMIRI
Bvunza Mibvunzo
Jehovha, “Mwari anofara,” anoda kuti tinakidzwe neushumiri. (1Ti 1:11) Mufaro wedu unowedzera patinovandudza unyanzvi hwedu. Kubvunza mibvunzo kunoita kuti munhu afarire uye kazhinji kacho ndizvo zvinoitwa nemunhu wese paanotanga kutaura nemumwe. Mibvunzo inobatsira munhu kuti afunge. (Mt 22:41-45) Patinobvunza mubvunzo toteerera, tinenge tichiratidza munhu wacho kuti anokosha kwatiri. (Jak 1:19) Mhinduro dzemunhu wacho dzinogona kutibatsira kuona kuti tokurukura takananga kupi.
ONA VHIDHIYO INONZI WANA MUFARO PAKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI—VANDUDZA UNYANZVI HWAKO—KUBVUNZA MIBVUNZO, WOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Jade akaratidza unhu hupi hwakanaka?
Neeta akashandisa sei mibvunzo kuratidza kuti aiva nehanya naJade?
Neeta akashandisa sei mibvunzo kuita kuti Jade afarire mashoko akanaka?
Neeta akashandisa sei mibvunzo kuita kuti Jade afunge?