KURARAMA KWECHIKRISTU
Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzekuenzanisira
Mharidzo dzekuenzanisira dzava nenguva dzichibudiswa pakavha yeUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa. Tingashandisa sei mharidzo idzi?
Kana Uine Hurukuro: Unofanira kushandisa mubvunzo, rugwaro uye pekuzotangira zviri pamharidzo yekuenzanisira. Asi izvi hazvirevi kuti unofanira kunyatsotevedzera mashoko ari muvhidhiyo yemharidzo yekuenzanisira. Unogona kupa mharidzo yacho nenzira yakasiyana, kushandisa sumo yakasiyana, kukurukura pfungwa yacho neimwe nzira uye zvimwewo. Unogona kupa chimwe chezviri muBhokisi reMaturusi Edu Ekudzidzisa, kunyange zvazvo mirayiridzo yechikamu chacho isiri kuti udaro.
Kana Uri Muushumiri: Mharidzo dzekuenzanisira dzakagadzirirwa kuti dzitibatsire. Kana munhu akaratidza kuti anonyatsofarira uye achida kuziva zvakawanda, unogona kuenderera mberi nekukurukura naye zvimwe uchishandisa mharidzo yekuenzanisira yepaunodzokera. Unogona kuti chinjei mharidzo dzekuenzanisira kana kuti kutoshandisa dzimwewo mharidzo. Vanhu vari mundima yaunogara vanogona kufarira nyaya yaiva mumharidzo yekuenzanisira yemwedzi wadarika here kana kuti imwewo vhesi? Vanhu vekwaunogara vanonyanya kufarira kutaura nyaya inenge ichangobva kuitika here kana kuti zvakabuda munhau? Pasinei nekuti uchashandisa sei mharidzo dzekuenzanisira, chinangwa chako chinofanira kuva ‘chekuita zvinhu zvese nekuda kwemashoko akanaka, kuti uazivise vamwe.’—1VaK 9:22, 23.