KURARAMA KWECHIKRISTU
Unogona Kuparidza Nekudzidzisa!
Mozisi paakatanga kupiwa basa naJehovha akafunga kuti aisazokwanisa kuriita. (Eks 4:10, 13) Wakambonzwawo saizvozvo here? Uri kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha here? Uri kunetseka kuti uchazokwanisa kuparidza paimba neimba here? Kana kuti uri wechidiki anozeza kuparidza kuchikoro. Kana kuti zvimwe unotya kuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vakawanda kana kuti kuparidza nefoni. Nyengetera kuna Jehovha uchimukumbira kuti akupe mweya wake mutsvene. (1Pe 4:11) Iva nechokwadi chekuti anokubatsira kuti uite chero basa raanenge akupa.—Eks 4:11, 12.
ONA VHIDHIYO INONZI IVA NEUSHINGI . . . MUPARIDZI, WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA
Hanzvadzi Aoyama vakasangana nedambudziko ripi?
Chii chakavabatsira kuti vave nesimba uye ushingi? (Jer 20:7-9)
Kuva nezvakawanda zvekuita mubasa raJehovha kwakavabatsira sei?
Jehovha anogona kukubatsira kukurira matambudziko api aunosangana nawo muushumiri?