RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 April p. 2
  • Vagamuchire Zvakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vagamuchire Zvakanaka
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Ita Kuti Vanzwe Vachigamuchirwa Nomufaro paChirangaridzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Uchapupu Hwakasimba Huchapiwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Gamuchira Vaenzi Vedu
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Vagamuchirei!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 April p. 2

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vagamuchire Zvakanaka

Vanaani? Munhu wese anouya kumisangano yedu yechiKristu, vangava vatsva kana kuti vaya vanga vava nenguva vasingapindi misangano. (VaR 15:7; VaH 13:2) Anogona kunge ari mumwe watinonamata naye abva kune imwe nyika kana kuti munhu anga ava nemakore asingachaiti mabasa echiKristu. Imbozvifungidzira uriwe. Waizonzwa sei kana ukagamuchirwa zvakanaka? (Mt 7:12) Saka edzawo kufamba uchimhoresa vamwe paImba yeUmambo misangano isati yatanga uye painopera. Kuita izvi kunoita kuti vanhu vanzwe vakasununguka uye zvinoita kuti Jehovha akudzwe. (Mt 5:16) Tinogona kutadza kutaura nemunhu wese, asi kana tese tikaedza kugamuchira vamwe, munhu wese achanzwa akasununguka.a

Tinofanira kugamuchira vamwe zvakanaka nguva dzose, kwete kuzongozviita pamisangano inokosha yakadai seChirangaridzo. Vatsva pavanoona kuti tine rudo, zvinogona kuita kuti varumbidze Mwari uye vadewo kunamata nesu.​—Joh 13:35.

a Bhaibheri rinoti hatifaniri kushamwaridzana nevanhu vakazvibvisa musangano kana kuti vakadzingwa vanenge vauya kumisangano.—1VaK 5:11; 2Jo 10.

Hama iri kugamuchira vamwe paImba yeUmambo

KUBATSIRA KWAUNGAITA VATSVA

  • Vaudze zita rako uye vabvunzewo ravo

  • Vaudze kuti kana vachida, mugare mese

  • Onai mese Bhaibheri uye bhuku renziyo

  • Kana musangano wapera, inzwa kana vaine mibvunzo

  • Kana zvichiita, vabvunze kuti vanoda here kudzidza Bhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe