Uchapupu Hwakasimba Huchapiwa
1. Kunze kwehurukuro, chii chimwezve chingabaya mwoyo yevaenzi vanouya kuChirangaridzo? Tsanangura.
1 Rini? Pausiku hweChirangaridzo. Tave tichishanda zvakasimba pakukoka vanhu kuti vazopinda Chirangaridzo nesu. Zvinonzwikwa nevaenzi hazvisi izvo chete zvingangovabaya mwoyo. Pashure pokupinda Chirangaridzo, mumwe mukadzi akataura zvakanaka nezvezvaakanga aona—ushamwari hwevanhu vose vaivapo uye chivako chakanaka, chakachena chakavakwa uye chinotarisirwa nevanhu vanozvipira. Saka, haasi mukurukuri chete, asi tose zvedu tinoshanda pamwe chete pakupa uchapupu pachiitiko ichi chinokosha zvikuru pagore.—VaEf. 4:16.
2. Mumwe nomumwe wedu angapa sei uchapupu kuvaenzi?
2 Kwazisa Vaenzi Noushamwari: Kunyemwerera kwedu kwoushamwari uye kukwazisa kwatinoita vaenzi tichifara kuchapa uchapupu. (Joh. 13:35) Kunyange kana usingakwanisi kutaura nemunhu wose, unogona kutaura noushamwari nevanhu vanenge vari pedyo newe wovaudza nezvako. (VaH. 13:1, 2) Nyatsotarisa uone vaenzi vanoita sevasina kana wavanoziva. Zvimwe vakawana pepa rokukoka panguva yemushandirapamwe. Ungabvunza kuti, “Ndiko kekutanga kuuya pano here?” Vakoke kuti vazogara newe, uye vaudze kuti ungada kupindura mibvunzo ipi neipi yavangava nayo. Kana ungano yenyu ichifanira kubuda nokukurumidza kuitira kuti imwe ungano ishandisewo chivako chacho, ungati: “Ndingada kuziva zvamunofunga nezvepurogiramu iyi. Ndingazokuonai sei?”
3. Tingagamuchira sei vaya vasingachaiti basa?
3 Gamuchira Vasingachaiti Basa: Hapana mubvunzo kuti vaparidzi vasingachaiti basa vachauya, kusanganisira vamwe vanongowadzana neungano pavanopinda Chirangaridzo chete gore rimwe nerimwe. Vagamuchire, uye vaudze kuti unofara zvechokwadi kuvaona. (VaR. 15:7) Vakuru vanogona kuenda kumba kwavo nguva pfupi pashure pemusangano wacho kuti vanovakurudzira kuti varambe vachiwadzana neungano. Tinonyengeterera kuti vakawanda vachange vari muvateereri vakurudzirwe kurumbidza Mwari kwete bedzi nezvavanonzwa asiwo ‘nokuda kwemabasa edu akanaka avanoona.’—1 Pet. 2:12.