PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 34-37
Vimba naJehovha Uite Zvakanaka
“Usaitira shanje vaya vanoita zvisina kururama”
Vanhu vakaipa vanoita sekuti vari kubudirira ngavarege kukukanganisa pakushumira Jehovha. Ramba uchifunga nezvemakomborero anobva kuna Jehovha uye zvaunovavarira kuita pakunamata
“Vimba naJehovha uite zvakanaka”
Vimba kuti Jehovha achakubatsira paunenge uchizvidya mwoyo kana kuti kutenda kwako pakunenge kwava kuderera. Achakubatsira kuti urambe wakatendeka
Gara uchiudza vamwe mashoko akanaka eUmambo hwaMwari
‘Farira Jehovha kwazvo’
Ronga nguva yekuti uverenge nekufungisisa Shoko raMwari nechinangwa chekuti uwedzere kuziva Jehovha
“Isa nzira yako pana Jehovha”
Nyatsovimba kuti Jehovha achakubatsira kukunda chero dambudziko raungasangana naro
Ramba uchiita zvakanaka paunoshorwa, paunotambudzwa, kana kuti vanhu pavanotaura zvisizvo nezvako
“Ramba wakanyarara pamberi paJehovha, umumirire”
Usaita zvinhu usina kufunga, nekuti zvichakukanganisa pakunamata uye zvichaita kuti usafare
“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika”
Iva munhu munyoro, uye mirira kuti Jehovha azobvisa zvakaipa zvose zvauri kusangana nazvo
Batsira vaunonamata navo, uye nyaradza vakaora mwoyo uchivaudza nezvevimbiso yaMwari yenyika itsva yava pedyo
Jehovha anotivimbisa ramangwana rakazonaka