RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 4/15 pp. 15-20
  • Ita Jehovha Chivimbo Chako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Jehovha Chivimbo Chako
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ruripiko Rudo Rwouhama?
  • Kupukunyuka Kupfurikidza Nokuvimba naJehovha
  • Nguva Yemberi Yakajeka
  • Jehovha Anotsigira Vabatiri Vake
  • Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • ‘Haiwa Jehovha, Ndinovimba Nemi’
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Kuvimbana Kunokosha Kuti Pave Noupenyu Hunofadza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Unogona Kuvimba Nehama Dzako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 4/15 pp. 15-20

Ita Jehovha Chivimbo Chako

“Vimba naJehovha, uite zvakanaka; . . . farikanya kwazvo kuna Jehovha.”—PISAREMA 37:3, 4.

1, 2. (a) Chii chakaitika kuavo vasina kuvimba naJehovha muzana rokutanga ramakore, uye kuavo vakavimba naye? (b) Mibvunzoi ingabvunzwa pamusoro porudzidziso munguva yedu?

MUZANA rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose, vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vaiti vanonamata Mwari. Asi vakanga vasingavimbi naye. Ivo vaipunza mirairo yake ndokutambudza vamiriri vake. (Mateo 15:3; Johane 15:20) Somuuyo, ‘imba yavo yakasiiwa’ naJehovha. (Mateo 23:38) Muna 70 N.V., hondo dzeRoma dzakaparadzanya Jerusarema netembere yaro, nokurasikirwa kukuru noupenyu kuvatungamiriri vorudzidziso navateveri vavo. Asi avo vaivimba naJehovha vakadzivirirwa, nokuti vakanga vateerera nyevero dzavatauriri vake uye vakanga vatizira kukotsekano.—Mateo 24:15-22; Ruka 21:20-24.

2 Mumazuva ano okupedzisira etsika ino yezvinhu, ko marudzidziso enyika ino ari kuvimba naMwari wechokwadi, Jehovha here? Ko iwo ari kuteerera mirairo yake nokuita kuda kwake, kana kuti ari kutevedzera vatungamiriri vorudzidziso vomuzana ramakore rokutanga avo Mwari akasiya here? Ndaapi amarudzidziso anhasi anogona kukarira kudzivirirwa naJehovha nemhaka yokuti ano“vimba naJehovha ndokuita zvakanaka?”—Pisarema 37:3, NW.

Ruripiko Rudo Rwouhama?

3. Neiko nhamburiko dzorudzidziso dzokuunza rugare dzakakundikana?

3 Kasati kari kare, Pope John Paul II akanyevera kuti “vanhu vose vakatarisana netyisidziro dzakakomba kukupukunyuka kwavo.” Iye akasimbisa kuti “tyisidziro idzodzo dzakasanganwa nadzo zvakanakisisa nenhamburiko dzavose pakati pamapoka orudzidziso akasiana-siana.” Kuda kwaMwari, iye akadaro, kuti vatungamiriri vorudzidziso “vashandire pamwe chete” nokuda kwo“rugare neyananiso.” Zvisinei, kana ikoko kuri kuda kwaMwari, ipapo neiko Mwari asina kukomborera mazana amakore enhamburiko muiyi nzira? Iye haana kuita saizvozvo nemhaka yokuti aya marudzidziso haana kuvimba nenzira yaMwari yokuunza nayo rugare kupfurikidza noUmambo hwake hwokudenga. (Mateo 6:9, 10) Panzvimbo pezvo, iwo akatsigira matongerwe enyika nehondo zvamarudzi. Somuuyo, munguva yehondo, vanhu vorudzidziso vorudzi rumwe vakauraya vanhu vorudzidziso vorumwe rudzi, kunyange kuuraya vanhu vorudzidziso rwavo vamene. MuKaturike akauraya muKaturike, muPurotesitendi akauraya muPurotesitendi, uye mamwe marudzidziso akaita zvimwe chetezvo. Asi hama dzomudzimu dzechokwadi dzinourayana dzichitaura kuti dzinobatira Mwari here?

4. Chii chakataura Jesu kuti chaiva mupimo worudzidziso rwechokwadi, uye neiko ichochi chakanga chiri “murairo mutsva”?

4 Jesu akagadza muenzaniso worudzidziso rwechokwadi paakati kuvateveri vake: “Ndinokupai murairo mutsva, kuti mudane; kungofanana neni ndakakudai, kuti imiwo mudane. Vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu kupfurikidza naizvozvi, kana muno rudo pakati penyu mumene.” (Johane 13:34, 35, NW) Naizvozvo avo vanoshandisa rudzidziso rwechokwadi vanofanira kudana. Uyu wakanga uri “murairo mutsva” mukuti Jesu akati: “Kungofanana neni ndakakudai, . . . imiwo mudane.” Iye akanga adisisa kuvanzarika upenyu hwake nokuda kwavateveri vake. Ivo vanofanira kuva vanodisa kuita zvimwe chetezvo—aiwa, kwete kutora upenyu hwavatendi biyavo, asi kuvanzarika upenyu hwavo vamene kana kuri madikanwa. Ikoko kwakanga kuri kutsva, nokuti kwakadaro kwakanga kusina kudikanwa nomutemo waMosesi.

5. Shoko raMwari rinosimbisa nesimba kwazvo sei kudikanwa kworudo nechinzwano pakati pavanamati vake vechokwadi?

5 Shoko raMwari rinoti: “Kana munhu upi noupi achiti, ndinoda Mwari, achivenga hama yake, murevi wenhema; nokuti usingadi hama yake yaakaona, ungada seiko Mwari, waasina kumuona? Iwoyu murairo wakabva kwaari, tinawo, wokuti unoda Mwari ngaadewo hama yake.” (1 Johane 4:20, 21) Kupfurikidza norudo irworwu, avo vanovimba naJehovha vanochengeta chinzwano chechokwadi chamarudzi ose. Muapostora Pauro pana 1 VaKorinte 1:10 anoti: “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.”—Onawo 1 Johane 3:10-12.

6. Neiko Zvapupu zvaJehovha zvichigona kutaura kuti izvo “zvakachena paropa ravanhu vose”?

6 The World Book Encyclopedia inotaura kuti vanhu vane mamirioni 55 vakaurawa muHondo yeNyika II. Ivo vakaurawa navanhu vorudzidziso rukuru rwuri rwose kunze kweZvapupu zvaJehovha. Hapana norumwe rwenzufu idzodzo rwakaparirwa nechapupu chaJehovha, nokuti zvakateerera murairo wokudana ndokuramba kubatanidzwa muhondo dzamarudzi. Nepo zvapupu zvakawanda zvakapondwa nokuda kwechimiro chazvo chokusatora rutivi, izvo zvaigona kutaura sezvakataura muapostora Pauro, kuti: “Ini ndakachena paropa ravanhu vose.”—Mabasa 20:26, NW.

7, 8. Vamwe vanhu vechechi vanobvuma sei kuva kwavo nemhaka yeropa?

7 Mumwe muprista weKaturike wavafambisi vendege vakadonhedza mabhomba eatomiki paJapan muna 1945 akati misi ichangobva kupfuura iyi: “Kwamakore 1 700 apfuura chechi yave ichiita kuti hondo iremekedzwe. Iyo yave ichinyengetedza vanhu kudavira kuti ibasa rechiKristu rinokudzwa. Uku hakusi kwechokwadi. Takatsauswa. . . . Evhangeri yeHondo Yakarurama ievhangeri iyo Jesu asina kutongodzidzisa. . . . Hapana chinhu chiri muupenyu kana kuti dzidziso yaJesu chingakarakadza kuti nepo kusina kururama kupisa vanhu nebhomba renyukireya, kwakarurama kupisa vanhu nenapalm kana kuti muchinokanda marimi.”

8 Catholic Herald yeLondon yakati: “MaKristu okutanga . . . akadavira shoko raJesu ndokuramba kunyorwa muhondo yeRoma kunyange kana chirango chakanga chiri rufu. Ko nhau yose ingadai yakasiana here kudai Chechi yakanga yanamatira kuchimiro chayo chapakuvamba? Kudai chechi dzanhasi dzingagona kubuda neshurikidzo yehondo . . . uko kwaizova kuti mutezo wose waizosungwa muhana kuva, kufanana naKristu, muranda anotungamirirwa nehana, rugare zvamazvirokwazvo rwaizovimbiswa. Asi isu tinoziva kuti ikoku hakusati kuchizotongoitika.”

9. Neiko tichigumisa kuti Jehovha akarega marudzidziso enyika ino?

9 Nokudaro, marudzidziso enyika ino akabvumiranisa pane zvisina kufanira zvakakomba zvikuru mitemo yaMwari. Iwo haavimbi naye sezvakangoitawo vaFarise. “Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ake ose akanaka.” (Tito 1:16) Somuuyo, Mwari akasiya marudzidziso enyika ino sezvo zvirokwazvo akasiya rudzidziso runonyengera rwechiJudha rwomuzana rokutanga ramakore.—Mateo 15:9, 14.

Kupukunyuka Kupfurikidza Nokuvimba naJehovha

10, 11. Chii chakaita Mambo Hezekia apo Asiria yakaraira kutera kweJerusarema, uye mutauriri waSanheribhi akanga achishora ani?

10 Usaisa chivimbo chako mumishonga yavanhu yezvinetso zvenyika ino. Panzvimbo pezvo, vimba noUyo anogona kuzadzika zvipikirwa zvake. (Joshua 23:14) Somuenzaniso, cherechedza chaakaita muzana ramakore rechisere pamberi paKristu, mumazuva aMambo Hezekia waJudha. Bhaibheri rinoti nezvake: “Akaita zvakarurama pamberi paJehovha.” (2 Madzimambo 18:3) Mukati mokutonga kwake, simba renyika guru reAsiria rakarwisana neJerusarema. Mambo weAsiria mutauriri waSanheribhi akaraira kutera kweJerusarema, achiti: “Zvanzi namambo: ‘Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaoko ake; Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha.’”—2 Madzimambo 18:29, 30.

11 Chii chakaita Hezekia? Bhaibheri rinoti: “Ipapo Hezekia akanyengetera pamberi paJehovha, achiti: ‘Haiwa! Jehovha Mwari waIsraeri, iye ugere pamusoro pamakerubhi! Ndimi Mwari, imi moga, woushe hwose hwenyika, ndimi makaita kudenga napasi. Rerekerai nzeve yenyu, Jehovha, munzwe; svinudzai meso enyu, Jehovha, muone; inzwai mashoko aSanheribhi, aakatuma kuzozvidza Mwari mupenyu. . . . Zvino, Jehovha Mwari wedu, chitiponesai henyu paruoko rwake, kuti ushe hwose hwenyika huzive kuti ndimi Jehovha Mwari, imi moga.’”—2 Madzimambo 19:15-19.

12. Jehovha akapindura sei munyengetero waHezekia?

12 Jehovha akanzwa uyu munyengetero ndokutuma muporofita Isaya kunoudza Hezekia kuti: “Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro paMambo weAsiria: ‘Haangapindi muguta rino, kana kuposhera museve imomo, kana kusvika pamberi paro nenhovo, kana kututira gomo revhu pariri.’” Ko Hezekia aifanira kushora Asiria neuto here? Aiwa, aifanira kuvimba naJehovha, kuri kwaakaita. Muuyo wacho? “Mutumwa waJehovha wakabuda, akauraya vanhu vane zviuru zvine zana namakumi masere nezvishanu pamisasa yavaAsiria.” Sanheribhi amene akabhadhara nokuda kwokuzvidza Jehovha navabatiri vaJehovha, nokuti vanakomana vake amene gare gare vakamuuraya. Mukuwirirana neshoko raJehovha, hapana chombo chimwe chakarwisana neJerusarema.—2 Madzimambo 19:32-37.

13, 14. Vanhu vanobva mumarudzi ose vachapukunyuka mugumo wetsika yazvino yezvinhu pahwaroi?

13 Muzuva redu chinhu chakafanana chichaitika. Avo vanovimba naJehovha vachapukunyuka kuzvidza kwenyika ino nomugumo wenyika ino. “Vanoziva zita renyu vachavimba nemi; nokuti imi Jehovha hamuna kurasha vanokutsvakai.” (Pisarema 9:10) Asi Jehovha asati aparadza nyika ino ine mhaka yeropa, anokoka vane mwoyo wakatendeseka kuuya kwaari nokuda kwechengeteko. Ivava vanoumba “boka guru” rinobva mumarudzi ose, avo “vanobuda mudambudziko guru.” Ivo vanopukunyuka mugumo wetsika ino nemhaka yokuti vanovimba naJehovha ndokumubatira “masikati nousiku.”—Zvakazarurwa 7:9-15, NW.

14 Ivava vari kupindura danidzo zvino inobuda nesimba rinowedzera munyika yose, sezvakadeya kutaurwa pana Isaya 2:2, 3, NW, kuti: “Uye kunofanira kuitika murutivi rwokupedzisira rwamazuva kuti gomo reimba yaJehovha [kunamatwa kwake kwechokwadi] richasimbiswa zvakatsiga. Uye marudzi mazhinji achaenda zvomenemene achiti: ‘Uyai, imi vanhu ngatikwire kugomo raJehovha, . . . uye iye uchatiraidza pamusoro penzira dzake, ndizvo tichafamba mumukwara ake.’” Ndima 4 inoti: “Uye vachatopfuura minondo yavo vachiiita miromo yamapadza namapfumo avo vachiaita zvipfuro zvokusanzaurisa. Rudzi harusati ruchizosimudzira rumwe rudzi munondo, uyewo havazati vachizodzidzazve hondo.”

15. Ndivanaani vari kuzadzika uporofita hwaIsaya 2:2-4, uye sei?

15 Ndivanaani, munguva yedu, ‘vanoshandura minondo yavo kuva miromo yamapadza’? Ndivanaani, ‘vasati vachadzidzirazve hondo’? Ndivanaani vane rudo rusingapunziki nokuda kwehama dzavo dzomudzimu nehanzvadzi mupasi rose nechinzwano navo? Ndivanaani vanovimba chaizvoizvo naJehovha ndokukumbira vamwe kuita zvimwe chetezvo? Maidi enguva yedu anoratidza kuti mhinduro inogona bedzi kuva: Zvapupu zvaJehovha. Izvo, kufanana naHezekia, zvinovimba naJehovha nomwoyo wazvo wose ndokukuratidzira kupfurikidza nokuchengeta mirairo yake.

Nguva Yemberi Yakajeka

16, 17. Inguvai yemberi yakajeka inopa Jehovha kuavo vanomuvimba?

16 Kuavo vanovimba naye, Jehovha anopa nguva yemberi yakajeka zvikurusa inofungidzirika apo iye anotsiva chaunga chenyika ino yekare neyake itsva. Munyika itsva pano pasi pano, hamusati muchizova norutyo kana kuti kusavimba, urombo, kusaruramisira, kana kuti utsotsi. Vanhu havasati vachizourawa muhondo kana kuti nokubvisa pamuviri. Zvakazarurwa 21:4 inotopikira kuti “rufu harusati ruchizovapozve, kana kuchema kana kuti kurira kana kuti marwadzo.”

17 Pashure penguva yakati, pasi richava paradhiso sezvakapikira Jesu. (Ruka 23:43) Uye sezvo kunyange rufu ruchaparadzwa, avo vanovimba naJehovha vachakwanisa kurarama nokusingaperi muParadhiso. Achazadzikwa chose chose achava Mika 4:4, inoti: “Asi mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” Fungidzira kugara muchaunga umo munhu ari wose waunosangana naye achava mumwe munhu waunovimba naye! Neiko ikoko kuchava kwakadaro? Nemhaka yokuti, sezvinotaura Isaya 54:13, kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako ruchava rukuru.”

18. Ibetseroi idzo avo vanovimba naJehovha vanowana kunyange zvino?

18 Zvisinei, kunyange zvino mamirioni eZvapupu zvaJehovha munyika yose anokohwa betsero nokuvimba naJehovha. Somuenzaniso, nemhaka yokuteerera mitemo yaJehovha nenheyo, vabatiri vaJehovha havana kenza yamapapu inoparirwa nokusvuta fodya. Nemhaka yokurarama mumhoteredzo yakachena mutsika, izvo hazviwanzopinzwi mungozi nemikondombera yenyika yose yehosha dzinopfuudzwa nevatano, kubatanidzwa AIDS. Kusashandisa zvakashata kwazvo mirimo kunozvidzivirira zvikuru pahosha dzinokuvadza ndangariro nedzinouraya idzo dzine vanopinza mirimo nomutsinga nenzira isakafanira. Uye sezvo zvisingaisirwi ropa, zvinodzivisa hosha dzinouraya dzinopiwa kupfurikidza neropa, kubatanidza kuzvimba chiropa, uko kunouraya kana kuti kunokuvadza zvechigarire vagamuchiri veropa vane zviuru zvine gumi gore rimwe nerimwe muUnited States moga.

19. Jehovha achanunura sei avo vanomubatira kunyange kana vakafa zvino?

19 Kunyange kana vamwe vaavo zvino vanovimba naJehovha vakafanira kufa nemhaka youkweguru, chirwere, kana kuti tsaona, Jehovha achavanunura. Iye achavadzikinura kupfurikidza norumuko. Nokudaro, muapostora Pauro akatikurudzira “kuva nechivimbo chedu, kwete matiri timene, asi muna Mwari anomutsa vakafa.”—2 VaKorinte 1:9, NW.

Jehovha Anotsigira Vabatiri Vake

20, 21. (a) Chishoroi chatinogona kukarira, sezvinopupurirwa nechakaitika kuna Jesu? (b) Jehovha anoreverera sei vanhu vake, sezvaakaita Jesu?

20 Yeuka kuti “nyika yose iri musimba rowakaipa,” Satani Dhiabhorosi. (1 Johane 5:19, NW) Naizvozvo kana iwe uchivimba naMwari, uchashorwa naSatani nenyika yake. Ivo vachaedza kukuvadza chivimbo chako kupfurikidza nenyombo kana kuti chitambudzo, sezvazvakaita naJesu. Pashure pokunge arovererwa padanda rokutambudzira, “vakanga vachipfuura, vakamutuka, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: . . . ‘Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa.’ Saizvozvo vaprista vakuru, navanyori navakuru vakamuseka, vachiti: ‘Wakaponesa vamwe; haagoni kuzviponesa! . . . Waivimba naMwari; ngaachimusunungura zvino pamuchinjikwa.’”—Mateo 27:39-43.

21 Mazuva matatu gare gare, Mwari zvamazvikwazvo akasunungura Jesu kupfurikidza nokumumutsa achibva muna vakafa. Chizvarwa ichocho chavanyombi, zvisinei, chakaurawa kana kuti chakaiswa muuranda nehondo dzeRoma. Sezvo Kristu saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari achatarisira rumuko, kana vanyombi ivavo vakadzokera vachibva muna vakafa, vachafanira kuzviisa pasi poUyo vakanyomba zviuru zvamakore zviviri zvapfuura! Hungu, Jehovha anoreverera vabatiri vake, avo vanoti: “Ndakavimba naMwari, handingatyi; vanhu vangandiiteiko?—Pisarema 56:11.

22. Chii chinozivisa Jehovha pamusoro paavo vanomuvimba, uye avo vasati?

22 Pamusoro pavabatiri vake, Jehovha anozivisa, kuti: “Wakaropafadzwa iye munhu unovimba naJehovha, wakaita Jehovha chivimbo chake. Nokuti uchava somuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usingatyi kana kupisa kuchisvika, asi mashizha awo achava matema; haungarangariri gore rokusanaya kwemvura, kana kurega kubereka zvibereko.” Asi Jehovha anozivisawo, kuti: “Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, uno mwoyo unotsauka kuna Jehovha. Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika.”—Jeremia 17:5-8.

23. Chii chatinofanira kuita kana tichida upenyu husingaperi?

23 Nokudaro, munguva dzino dzinotambudza, “vimba naJehovha, uite zvakanaka; gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikanya kwazvo kuna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.” (Pisarema 37:3, 4) Zvikumbiro zvako zvakazadzikwa ngazvibatanidze chipo choupenyu husingaperi munyika itsva yakarurama, yakapikirwa naMwari watinovimba naye.

Mibvunzo Yehwirudzuro

◻ Mupimoi unofanira kuchengetwa naavo vanovimba naJehovha?

◻ Ko marudzidziso enyika ino anodzidzisa kuvimba naJehovha here?

◻ Chivimbo chaMambo Hezekia muna Jehovha chakarevererwa sei?

◻ Muzuva redu, uporofita hwaIsaya 2:2-4 huri kuzadzikwa sei?

◻ Inguvai yemberi ichawanwa naavo vanovimba naJehovha?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Mutauriri wamambo weAsiria akashora Jehovha ndokuraira kutera kweJerusarema

[Mufananidzo uri papeji 18]

Munyika itsva, avo vanovimba naJehovha vachafarikanya rugare rwakakwana nechengeteko

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe